Ancy Cays Novels
June 8, 2025 at 08:36 AM
[05/02, 09:59] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb
*Our channel link iri pazasi lets all join the link kune vanofarira mabook aKatsande. Uye vanoda maprevious chapters ebook rino iri*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
*Story by Ancillar Katsande*
0778863031
*Chapter 9*
*Virginia*
Me: Mhamha i am sorry if you love him go for him . Handina kukurambidzai kuti mudzokerane navo ini mhamha kundinyararira kwese uku munoda kuti ndiite sei yes i detest him but murume wenyu who am i kuti musiyane .
Her: Ndibaba vako newr Virgie mwanangu ini ndajavaregerera wani ko iwe chinokutadzisa kuvatambira baba vako chii. Baba vako vanokudai vana vangu vapei mukana wekuti vakuratidzei kuti vanokudai . Ndonguva yamunotofana kuvayemera nokuti makakura musinavo kutovanetsa chaiko kuti baba ndoda chakati ndiitireiwo chakati . Ndozviziva kuti unozvishandira ndakakudzidzisai kuzvishandira asi apa vapeiwo nguva vamboitawo madanha .
Me: Its ok mhamha .
Ndakabvumira kuti ivo vafare otherwise kuti ndivati baba ndiitirei chakati handifungi kuti ndaizozviita vakafara mai vangu . Ndipo pavakabva vandiudza kuti vakapihwa phone vakanditambidza kwaiva kuda kuti ndifare navo . Ndakaitora ndikabaya baya ndikada zvangu kutoseka ndaona pic ravo namdara vakambundirana . Ndakangonyenwerera caz vairatidza kuti vaifara chose zuva racho ndakanzwa voti .
Her: Saka unosekei zisoro .
Me: Ndosafara nei zvese zvinokufadzai neni zvinondifadza i am happy for you .
Her: Mabook awakatengerwa anoshanda hre kuchikoro ndakaona usina kumboavhura . Vari kufunga kuti Viola auye aende kuchikoro .
Me: Vanomugona hre mwana wavo nenharo dziya dzaanadzo . Mabook handina kumboavhura ndichanoatarisa kuti anoita hre ndabva kumusika kwandiri kuda kuenda uko .
Her : Wadii kumirira baba vako vakutakudze zvinhu vari kuda kutoenda kumashop ikoko vati vari kuuya nekuno.
Me: Aaah ndingazononoka mhamha ndanonoka ndiri kwaSekuru uko vanondibatira munzira . Ndakabva ndatosenga zvimwe ndikangosiya zvimwe zvandakati vanozotevera nazvo. Ndakafambisa chaiko caz ndaiva ndisati ndave ready kupinda mumota mavo . Ndakasvika ndikarongedza zvinhu zvangu ndikatsvaira pandaishandira ndikabva ndagara pasi ndokuvhura zvangu book rangu ndichiverenga ndipo pakapinda messege ndakatarisa messege ndikaona iri mari yanga yatumwa naViola . Akabva atofona ipapo ipapo ngaatange kutaura hake zvokuda kutowanikwa zera ripi iroro .
Unoshaya kuti Viola aifunga sei chaizvo ndiye achatoita kuti ndide kutaura nababa Vee ndivaudze kuti vatore mwana wavo aende kuchikoro ipapa muna Novembet ndaitoti ndichavaudza paanouya Decembet vamurambidze kudzokera . Zvagara anoporonga Viola aporonga inini ndini ndopinda busy futi kumugadzirisira nyaya dzake zvakaoma its like inini anongonditererawo kana ave mudambudziko. Ndakasiyana naye ndatoona kuti ndingatotadza kuconcentrater pane zvandaiita . Vanhu vaiuya vachitenga uku ndichiverenga ndakazonzwa kutaura ndakaona vari baba vangu vanga vakabatirana crate remadomasi randanga ndasiya vaina mhamha .
Him: Ari kudyika hre mabook munhu achiverenga nhai magumbo wangu .
Me: Yah tatozvijaira
Him: Ayewa mwana wangu ndinoda kuti upase hantica nhasi ndiro zuva rokupedzisira kuti uuye kuno kotengesa unofana kuwana nguva yekuverenga handitika .
Me: Ehoi tichauya tokutora tiri kumboenda uko kuri kuvakwa uko vave kurovera mazen'e tiri kungonokuona chete tiri kunoisa mabed kugarden kwacho
Me: Ok pakanaka
Him: Ndasiya ndabhadhara wonosarudza zvaunoda apo maybe unoda sadza kana kuti machips ndasiya ndabhadhara zvese nedrink mangwana kuverenga handiti .
Me: Ehoi maita basa
Vakabva vaenda namai vangu mamaai anoda mashoko waiona ouya achida kubvunza bvunza vakadzokerana hre ini ndaingovaudza kuti madii kuvabvunza . Ndikatotanga hangu kushanda ndichiverenga . Kwakanongwa nongwa zviri nane zuva rovira vakauya zvechokwadi vese kunditora kuenda kumba takabika tikadya ndara varipo hatingatandari mhamha vaingoshaya kuti votaura sei asi zvaivapo ndakatozvibata . Ndakabva ndasimuka mukitchen ndokuenda kubedroom ndakarongedza machira angu nemabook andaida ndikasenga ndichienda nazvo kukitchen ndakawadza varimo vachitaura ndikazonzwa baba voti .....
Him: Moda kuzororazve vaMagumbo totokuvhiringai kuverenga chiregai tiende zvedu kunorara tomutsana mangwana .
Me: Ehoi .
Vakabva vabuda mhamha vakasara vakagara ndikanzwa vavr kunditi....
Her: Zvino hautyi hre kurara wega muno .
Me:( Ndichiseka) manga muchida kunorara neni hre mhamha . Dont worry about me ndinorara ini .
Her: mukitchen muno hamusi safe ko kana ukapindirwa nhai rega isu tirare muno undorara kubedroom kunokiyiks uko .
Me: Ndopindirwa nani mhamha muno mune chihoriri ndikochekera nemuno mukati chiendai mhamha ndiri bhoo ini.
Her: Ok worara zvakanaka mwanangu tomutsana mangwana
Vakabva vabuda ndikasara ndichitomboita zvekuverenga neMonday tainyora bvunzo dzekupedza gore saka paitoda kuti ndisunge dzisimbe chaiko . Ndakangoverenga mbichsna ndichibva ndarara zvangu ndakaseka zvangu ndafunga zvaitaurwa nana Fungai tichibva kuchikoro hanzi kana usati wamboita mukomana kubva form 1 bata hana yako katatu uti Mwari ndine chinzvi . Ndakaseka zvangu i know aireva ini but zvinodiwa muupenyu zvakasiyana . Ndakazomupindurawo zvakazomurwadza ndamutiwo . Kana usina kumbobudawo nemasubject 5 kubva form 1 bata hana yako katatu uti Mwari ko ndinofireiko nekufamba ndichitonhorwa idzo dzisimo.
Ndakangoseka kamoment kacho atozoenda kumba atsamwa ari iye akuti ko tave kupindana personal hre . Iye ndiye anga aona sepersonal zvinonakidza uchiseka mumwe ka iwe kana zvokuuyira woti mavara angu azara ivhu . Mazuva akafamba ndakanotora mari ndikapa mhamha vana sekuru vakazouya mdara akaripa mhaka dzake . Ndokubva zvatonzi tichinogara kumba kutsva kwaiva pedo nekuchikoro . Ndanga ndisati ndamboendako zvangu . Ndakatoshamiswa zvinhu zvakauya kututwa nana mbuya nambuya chaivo . Nana tete vachifara ini kamufaro kacho handina kukanzwisisa zvangu.
Kaiva kakatosangana nekunyara sekuru vadiki navo vaitotuta zvinhu zvavo vachiuyawo kuzogara pamba pedu isu tichienda . Ndakasvika pamba pacho aaa yaiva hombe mumba macho maiswa matiles panga pachiri neimba imwechete hombe iyoyo . Ndakanoraridzwa room yangu naivo mdara mbune maiva nezibed wena ndakagara ndiri pabed ipapo ndikarumbidza Mwari . Vanhu vakazopararira mdokusara tiri vatatu muroom mangu maiva newardrobe netable ine machairs maviri . Ndakarongedzera mabooks angu ipapo ndipo pandaizoverengera ipapo . Hembe dzangu ndikaisa muwardrobe manga machinatsobuda manje .
Ndakadanwa namhamha ndikanogara mulounge ndokubva ndapihwa bepa raiva nehrmbe itsva neshangu ndakavatenda mdara wangu . Ndanga ndave kuita ndichizvigamuchira kuti ndibaba vangu . Takaenda kugarden wanei hakudanwi anonzwa vanhu vanga varima zvavo ivava ndakatoti pamwe ipapa vaitaura zvekuti mari ikawedzera vari kuda kucheresa nemamota aya ekudriller vaida kuti vadiridze zvirimwa zvavo nemapipe . Ndakafarira idea yacho ndakabika manheru ndikarara ndichiita kushanyarika chaiko . Mangwana kuseni ndikamuka ndichienda kuchikoro . Yaiva closing day ndakapasa semazuva ese . Ndikadzoka vabereki vangu vakafara vachiona kupasa kwandange ndaita ndainatsopinda form 4 ndichiziva kuti ndinoikakata.
Kuenda kunotengesa ndanga ndisingachabvumidzwi ndaingoswera ndiri pamba kana ku kugarden pandinototi ndafamba pacho ndinenge ndatoenda kunotengesa kushop kwavo ayewa vaiita business chairo shop yanga yakazara . Ini ndanga ndatojaira kugara ndakabata mari ndaishaya kuti ndoita chii chingandipa mari. Kuma 15 kwaDecembet rimwe day ndakatorara muroom mangu kwaipisa mdara namhamha vaiva mudinnung vachiona TV . Ndakanzwa noise ndikabuda muroom ndokuona ari Viola ndakafara veduwe ndakamumhanyira tikambundirana .
Her: Hiii askana muri kusimba apa muchienda kuchikoro .
Me: Ndobva ndaita sewe hre uri kuita kupfachikira iii eakasimba mwana wamai vangu.
Her: Ndasiya zvinhu kushop uko hande tinotora Virgie
Dad: Regai tichandotora nemota
Her:Tonosiya zvimwe baba todzoka nokukasira kani.
Vakatarisana namhamha vachibva vatiti tiende ndiri munzira ndakabva ndamubvunza kuti sei ati tiuye uko kwanga kwanzi zvichatorwa nemota . Akanditarisa akaseka achibva at.....
Her: Ko kungonyararawo nhai wozoona tasvika kuti kunei.
Me: Inga unozviziva wani kuti handidi kufambira murima saka taura kuti kunei .
Her: Ok ndiri kuda kuti unoona Viny ndiye wandauya naye ariko uko ati ari kuda kuona Twinny wangu ndosaka ndati hande after all ukunoona bamukuru ndipo panobva pocket money ipapo .
Me: Ndirege zvangu zvekukumbira izvi hazviko kwandiri regai tinomuona moyo wako ufare .
Takabva taenda tikasvika ndokuenda pane imwe mota yewhite Viola akasvika akavhura ndikabva ndapinda kumashure iye ndokunogara kumberi . Viny wacho akatarisa Viola akatarisa ini achibva ati ...m
Him: You guys makafanana zvisingaiti aaaa kuzoti mukapfeka zvakafanana ndototadza kuziva kuti wangu chaiye ndeupi.
Me: kana manatsogara naye muchazoona kuti pane patakatosiyana munenge mave kugona kuti patsanura . Kuri sei hako kwabviwa .
Him: Kuri boe ndanga ndati Viola ndiende naye anoona kumba but akuramba nhai zviriko hre .
Me: Viola anana tete kana anga asina kukuudzai ikoko ndiko kwamunouya motaurirana moenda navo muri 3 ndizvo zvatinoziva pachishona chaipo haangaende ega munenge muri kumhanya itai slow down.
Vakatarisana vari vaviri yes ndaitorevesa it seems like zvaitaurwa naViola ndizvo chaizvo zvavaida kuita . Takazotaura dzimwe vati vachauya kwatete pazororo ipapa . Ndakapihwa mari tikaparadzana voenda kwavo . Ndakatakura bag ndoratakaenda naro kumba . Kutaura chokwadi anga amira mira grocery rake ranga rakawanda chaiko. Takaenda kumba tichichinjana bag handina zvangu kucommenter nezvemunhu wake but aiva nekakumhanya kaaiva nako so .
Takasvika kumba dad vakazonotora zvimwe anga atengera munhu wese hembe . Dad vakazomuudza kuti haadzokeri kubasa ari kudzoketa kuchikoro akada kuita nharo but munhu anongonzi baba panzvimbo anodzikamisa akadzikama wani audziwa kuti haasi kuenda . Akabhowekana asi panga pasina yekutamba . Pakavhurwa zvikoro takaenda form 4 akaramba kuenda form 3 . Takangoenda first week rimwe day pakudzoka handina kuziva kuti akafamba sei . Ndakati ndatofamba ndipo pandakaona vana Tinei vakandimirira vakandipa bag . Tinei ndiye umwe aaiwirirana naye ndakatomubvunza kuti iye aendepi ndlkubva andipa envlope vachibva vaenda . Ndakavhura envlope iya ndokuona muine tsamba ndakatanga kuiverenga ndakapererwa guys .
*Stay tuned*
.
[05/03, 10:09] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y
*Our channel link iri muzasi umo ngatipindeimo tese ndimo mune zvinyorwa zvaAncillar Katsande . Kune vaya vanofarira zvinyorwa zvake . Nemaprevious chapters ebook rino ndimo maanowanikwa kuinbox handipi makawandisa ngatingopinda kuchannel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
🌷🌷🌷🌷
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 10*
*Viola*
Vakanditambidza phone vakarova serious ndokunditi daira iri paloud . Ndakarohwa nehana anga ari Viny zvake . Ndanga ndave kungonamata kuti dai akasataura zvisina basa . Ndakabva ndatora ndokudaira ndikaosa paloud pacho ndakangotanga nokuti ....
📱 hello ndiani wangu uyu
📱 imbofembera kuti ndiani voice hausi kurinzwa hre
📱 oh ndibaba hre ndonumber dzamave kushandisa hre idzi ndidzi saver.
📱 Inini manje kuita baba vako ndiViny ndiri kuda kutonzwa kuti chimai ichocho chiri kukubata zvakanaka hre kana chisingaiti ubvepo ndakuwanira rimwe basa .
📱 oh mukoma Viny iii manga maita basa chose parizvino handina chisvoro hangu vari kundibata zvakanaka .
📱 saver number dzangu kana vakangoita zvisingakufadzi haiwa isarega kundiudza ubvepo mahure anonetsa aya. Zipfambi zimai iroro usatevedzera mabasa aro ndingavengwa kumusha kuti ndinotsvagira munhu basa onosvika opinzwa muchipfambi hazvizobudi uri mwana wekumusha iwe .
📱 ummm hamusi mave kupinda personaly hre nokuti zvamanetsana . Ayewa ndiri right kana njuga dzorema ndichakuudzai mova nezuva rakanaka
Ndakabva ndacutter ndakaona mai vaya vodzungudza musoro ndokufamba zvavo vachirnda . Ndakasara ndikaita kutura mafemo it was so close apa ndatofara kuti Viny akasirawo kubata nyaya yacho . Nhasi zvangu ndanga ndichapisira . Asi vangobvuma zvokungoti maitiro avaita ane question mark no comment juss to walk away kana ndimiwo . Ndakacontinuer nezvandaiita zvaiva zvavo izvo . Ndakapedza basa rangu on time . Ndakasiya sadza riri pa1 richishinyira ndokumboenda kwamai Tadiwa ndikambonogara ikoko ndichiita nyaya navo . Ndakabva ndatofonera Viny panguva idzidzo ndichimuudza kuti anga aita basa alatosela hake achiti haachafoni akumirira inini kuti ndifone .
Izvozvo zvaiita manje ndakataura namai Tadiwa dhiri rangu rekuda kuba zvinhu kumain house ndichivachengetesa ivo tozogovana . Mai Tadiwa chaiva nedhiri manje chakabva chatoti masmall small . Ndakazodzokera ndokuenda mumba ndikanodisher tikadya . Havana kunyanya kudya i am sure istress yaViny . Takarara zuva raitevera vakaenda kubasa ndakaenda mupantry imi munopera mweya asi kuita semuchitoro kai ndakakweva macase maviri erice aiva pasi chaipo . Erice iriko mazuvaano iyi inodhura iyi yataibika pamba ipapo ndikabudisa ne10kg yerice iroro . Takasenga naJacob ndokunoisa kumba kwake
Ndakadzoka ndikapakira masphaghet nemacaroni mubepa ndokunotsveta ikoko ndikati for today zvakwana . Hanzi mbudzi inodya payakasungirirwa ko ndoyachozve tiri pabasa. Ndipo patinotowanawo day iroro ndakaita thorough cleaning ndikachinja order mumba ndichibva ndawachwa zvaida kuwachwa . Vakauya madam zuva rovira vakafara chose vaona ndaita zvinogara zvakadaro mumba mavo . Vakabva vatonditi....
Her: Hiii i must comment vasikana vese vandagara navo iwewe uri different Viola vaingotsvaira pavakatarisa panoonekwa . But iwewe kubva zvawakauya ndiri kuona mamoves ako ayewa i am pleased mari yako inofana kuwedzerwa caz uri kushsnda basa rako nemazvo kusvoora hwatova ihwo huroi .
Ndakafara veduwe kudai vaiziva kuti ndatotanga katsika kekutora zvandisina kupihwa vaisambowedzera mari sezvavari kutaura izvi . Ndakagara rimwe day ndikabva zvimwe . Ndakazofonera Viny ndichimuti auye atore nekuchigate chekuseri chekucottage . Ndakavapawo zvimwe vana mai Tadiwa zvizhinji ndikarongedzera mumota . Mota kuenda yakaremerwa achienda kumba kwake . Ndakadzokera kumba manheru pabakauya ndipo pandakavaudza kuti ndaida kuenda kunotambira xmass kumba kwedu vakanditi vaizondipa 2 weweeks off sezvo ivo vana vavo vaiuya . Ndaitonzwa vachifonera mumwe mukadzi aiva shamwari yavo vachiti Dee akapenga pakabiwa mari akati ari kuuya kuita take over company yababa vake saka mazuva anotevera ayo ndinenge ndava full time pamba ndave kungomanager zviboutique. Ivo vaitofara nekuuya kwemwana wacho nokuti kurunner company vanga vatadza .
Ndaida kutomboona vana vavo vacho but zvaisaita caz Viny anga ati December uchipera muna January ondiroora kumba kwavo mai ava handaizodzokera . Aitoda zvokuroora December iwoyo but ndakatoramba caz ndaida kunoona kumba nekuona vamwe . Ndakapihwa off yangu musi wa16 vana vacho vachinzi vaiuya musi wa18 . Ndakabva ndatopihwa mari yangu vakatondipa imwe yexmass box . Ndakabva ndatobuda gate ndikatumirwa tax na Viny kuti iuye kunditora . Mdakatakura zvinhu zvangu kuisa mumota ndokuenda . Hapana kana chandanga ndasiya tax yakanatsonosvika pamba pake chaipo. Paitova nevamwe vakadzi vaivapo umwe wacho akabva auya nemakey akati ndanzi ndikupei makey aya marooms avo ndeaya emberi aya ari 3 . Ndakavatenda ndikavhura door ndokuisa zvinhu zvangu mukati . Ndikaenda mubedroom make ndikacleaner ndichirongedza zvandakaona zvakandipedza mongo ndakaona pasi pepillow yake paine pfuti ndakamboti pamwe itoy gun but achiridii. Ndakamira ndichizama kufunga kuti anoita basa rei munhu anogara nepfuti . Ndakagadzira bed ndikangoidzosera payanga iri . Ndakavhura zvimadrawer ndokuona muine chigaba ndikachivhura ndakarohwa nehana nokuti zvinhu zviya zvakadonha pakaputsiwa sefa zvanga zvakafanana nezvaiva mugaba iri . Hana yangu yakarova asi ndakangozidzikama ndaona kuti pamwe zvinongowanikwa nevanhu vese vane mari dzavo.
Mumba macho maigara bhachura zvechokwadi maitovawo neproperty but svina yaivamo yaisaita ndakavhura mawindow ndikamucleaner maroom mamwe chete kungoti ndaisaziva kuti taienda nguvai ingadai ndakatowacha . Ndakarongedza zvinhu zvangu kuti zvimirewo zvakanaka . Akazouya zvake kuma3pm achiti ari kubva kubasa ndakamutarisa achibva auya ndokundikisa ndokugara paside neni .
Him: Zvinongoonekwa kuti mai vemumba muno vasvika mumba macho machena eish ndiri kuita kufema mweya mutsva . Saka ukuita sei bby toenda kumba after 3 days kubasa kwangu ndasiya zvinhu zviri muorder
Me: Saka unondikwidza hako mabus emanheru aya ndofanotungamira hangu .
Him: Aaa unopenga toenda tese unenge uri pano for 3 days dzacho tozobuda tese pane chinonetsa hre ipapo . Plus ndiri kutokudawo rough bby .
Ndakanyarara ndatoona kuti nyaya yacho koyoenda kwakaoma ndakamuti aende kunogeza . Akabva aenda zvechokwadi ndikanotarisa hembe muwardrobe ndikaisa pabed ndikatanga kubika akatozouya kukitchen ndave kubika . Akandimbundira akatanga kundikisa muhuro, munzeve ndikanzwa kuti pano hszvichasi izvo . Waunatsonzwa sekuti nyika yave kutenderera sekuti ndiwe wega uri kuraramamo . One thing led to the other kusvika taita rudo mukitchen imomo ndakagadzikwa pakitchen counter . And huye dont unonatsoona kuti rudo rwunonaka regai mai vangu vade kudzokera kumurume wavo . Yoh vaiva vakarasikirwa kwemakore ese aya .
Takaenda kunogeza tese ndokuzodzoka ndopedzisa kubika . 3 days dzakapera ndichipihwa love chaiyo yekuti wega unokanganwa kuenda kumba . Apa hapana aiprotector hana yangu yakatorova tave mumota kuenda kumba ndichimuudzs kuti ko zvataisadzivirira ko ndikaita nhumbu . Aingoramba aine rake rekuti ndiri kukuroora muna January . Ndakanyevenuka moyo takaenda kumba mufaro wakazara . Ndakasvika ndikanopihwa madirection ekumba kutsva ndokuenda ikoko vanhu vaitova zvavo mumba ndakangoerekana ndapinda zvangu mdara vanga vakasenga mhamha mhamha vachipuruzira mudhara kumeso kwavo pavakandiona vakangosimuka kuyya kunditambira ndipo pakabudawo Virgie . Ndikakumbira baba kuenda kuna Viny aida kuona Virgie zvakanoonana but atumwa kunotenga madrink Viny akati .....
Her: Mainini vanototaurawo hre sezvaunoita iwewe havajairiki zvekudaro nyangwe chiramu hautambi navo ava
Me: Ndichiseka ndizvo zvaatori and ukamuita zvaasingadi anogona kukurova . Ini ndotaura iye ari cool ndizvo zvandingatsanangura paari Virgie .
Him: But makanyanya kufanana yoh.
Me: Yah
Akasvika Virgie akatooneka ari iye akapihwa mari ndokunondimirira kushop ndikasara ndichimbopihwa zvsngu muromo . Ndokuzobuda toenda kumba ndakanonzw mashura chaiwi ekuti ndidzokere kuchikoro aaa ndaisada ini asi vanga vatotonga zvavo baba vemusha . Ndakagara ndatofonera Viny ndichimuudza akanditi enda ndichauya kukuba kuchikoro ikoko . Ndakabvuma tikaita madays pakavhurwa zvikoro zvacho January ave pakati ndipo paakauya Viny ndichibva ndasiya ndanyora katsamba kekupa Virgie ndokupa vana Tinei nesatchel rangu kuti vagomupa tichibva taenda .
Viny ainatsondida zvandaiona ipapo takaenda kumba kwavo takasvika manheru ndokumuka tikaswra manheru acho achibva atooneka akati ari kuenda neni ndakafara caz ndaisatodawo kusara ini . Ndakanogara aitoti kutanga kwaJanuary ari kuda kunoroora kumba kwedu ndakafara pawakaperawo January i noticed kuti handina kugeza ndikamuudza akatoti ainge azviona kare kuti ndine nhumbu hanzi wange wave kushara shara chikafu . Takabva taenda kumusha aida kunotora bamunini vake neumwe mukoma wake kuti tiende . Vamwene vangu vairatidza kundida chose. Sezvo date range ravapob hazvina kumbonetsa takaenda kumba tikanonzi tisvike pamba panga pava nekitchen yeround yakaofurirwa nemazen'e ndimo mavakanopinda imomo ini ndikatonotsvaga Virgie aivapo achimira mira kumapoto .
Her: ummm asi unepamuviri kai mazamu akura kudai kana kuti ndiko kuroorwa kwacho
Me: Iwe usataurisa ndave napo ndimi ka muri kudai kuverenga hah iwewe ndokutemba unopasa unemanjere mupengo ka iwe .
Her: Ndirege hangu ndezvaMwari izvi iri sei marriage .
Me: ummm ndingati kudiiko marriage iri sweet shaar kungogara wakarohwa nenasurprise ega ega plus murume wangu une bag .
Ndakataura zvakawanda akateerera zvake haana zvaakataura ndikadanwa namhamha vaingokdibvunza izvozvo kuti ndigere sei . Maroora akaitwa murume wangu akabvisa zvakashamusa family yose wainzws nyangwe vana tete vaya vachiti mainini madadisa . Ndaida kusara ini pavaienda but akarambisa Viny hanzi todzokera tese . Takaenda kumba ndokunorara mangwana tikamuka tichidzokera . After 2 days tabva kumusha rimwe day zuva rovira ndakanzwa knock ndiri mukati ndikabuda ndokuona vamwe mai vechikuri neumwe musikana vaine mabag ndikabva ndavati .....
Me: Makadii zvenyu .
Her: (vechikuru) tosimba makadiiwo ndimi mukadzi waViny handiti .
Me: Ehe ndini kwakanaka hre .
Her: Kwakanaka ndakuvigirai mukadzinyina wenyu uyu akatsika mwedzi saka isu hatingagari namai iye ane nhumbu ine muridzi motongoita vaviri mhai .
Munoziva ndakaita kubayiwa pamoyo nemashoko avo . Kunzwa kuzarirwa chaiko kushaya kuziva kuti vaida kuzama kudiiko mai ava . Ndakabva ndaseka ndichibva ndavati ....
Me: Heya muchagara henyu panze ipapo kusvika Viny wacho auya . Handingakuisii mumba .
Her: Haisi nyaya maiguru tinogara hedu .
Ndakapinda mumba ndikavhara door ndikatanga kuchema ndirimo yoh Viny why kundidai nhai ndakagara kanguvana ndikazonzwa yava mhere mhere panze ipapo anga auya Viny airatidza kuti airamba nhumbu yacho zvakakweshana panze ipapo ndikazonzwa kuti zii ndikadongorera ndikaona Viny achipinda mugate ndakagara pasofa ndamirira kusvika kwake akabva apinda mumba aine kagift bag ndikaziva kuda kundinzwa uku akasvika akati ....
*Stay tuned*
[05/03, 18:08] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y
*Our channel link riri muzasi umo ndimo munowanikwa mabooks aKatsande nemaprevious ebook rino iri ngatipindei tese*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
🌷🌷🌷🌷🌷
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 11*
*Mai Vee*
Pane pamwe paunotoona kuti uri busy kurwa nemoyo wako iwo uchida asi iwe uchirwisana naeo kuti urambe chete . Ndakazviona pana baba Vee murume wangu ndaimuda infact we loved each other vakangopinda pakati pedu ndivo vakatirambanisa . Pandakangoona kuti tese tanha takachena ndakabva ndazviudza kuti zviri nane ndigare nemunhu wandaiziva pane kuti ndifunge kuti ndicharoorwa neumwe munhu worse pakuzoita maboyfriends ndiwo anozokupa chirwere iwe wanga wambozvichengeta plus zvaisaita hazvo vana vangu vanga vakura chikomba cho chaisazorohwa zvacho . Ndanga ndave kuda murume wangu ini but Virgie akandipa hard time zvokuti kuto ndiite zvemusoro wangu andiudza kuti endai kumurume wenyu ini ndosara pano nyika igoti chii . Vakaenda kwabamunini ivo baba Vee paakadanwako ndipo paakauya achinha . Asi zvakatora nguva kuti agamuchirr baba vake . Day ravakauya kumba vatondiudza kuti ndikurarako ndakashaya kuti ndoudza Virgie sei takatandara kusvika iye ega angozoonera akabva atouya nemachira mukitchen ndokubva taenda kunorara .
Day iri rakave day remufaro muupenyu hwangu unotoona kuti pane chaishota muviri mangu hubby akatosvuuka naye caz ndanga ndadzoka chaiko nyama dzanga dzadzoka . Aiimba manhanga kutapira mwana wavamwene same same neni wacho nguva yanga yareba . Takaita usiku hwese tichingoti tikati gare gare tomutsana basa robatwa . Takamuka hedu ndokuenda kustand kwedu takamhanyidzana nekupedzisa zvanga zvasara . Uku tichirima vana tete vaiuya vachiramba vachikumbira ruregerero asi ndanga ndakatovaregerera kare zvangu .
Pakapera imba hubby akaripa kune hanzvadzi dzangu ndipo paunoona kuti hama inokuda pamari hanzvadzi dzangu dzaiita sedzichandibereka vatete one oga asara vana maiguru ungazoti ndivo hre vaindituka kuti vana venyu ngavasauya kutamba nevana vedu vanovapomera nhamo . Upenyu ivhiri uhu vanga vongoti tete chakati tete chakati . Zvakaoma takaenda kumba maiguru vekuoedzisira nablaz ndivo vakauya kuzogara pandaigara . Rudo mumba mangu rwaiwedzera asi kutoita serwejaya nemhandara Virgie anga atonzi haachatengesi ave kuita zvemabook . Iko Virgie aigona zvake mateacher ake aingoto tinawo maA edu kubva kuna Virgie vaimutemba . Takagara zvinhu zvedu zvaifamba munaDecember ndipo pakauya Viola .
Baba vacho vakamurambidza kudzoketa akadzokera kuchikoro rimwe day Virgie akauya netsamba yaitaura kuti aroorwa . Ndipo paunoona kusiyana kwevana ipapo . Virgie ndanga ndisati ndambomumzwira zvevakomana asi Viola yoh anga amhanya mwana wangu . Mdaitorwadziwa moyo zuva nezuva kuti zvino anozvigona hre zvemba svava iyoyo . Ndakatomboonda chaiko nepfungwa hubby ndiye akatozoti unofunga zvisina basa unoti kana achitambura chaiko angatadza kutaura hre . Zera rake izera rekuti nyangwe akatukwa anotaura . Chaiva chokwadi zvacho ndakazozvirasira kure ndokugara vakauya vakaroora muna February aaa airatidza kuti ugere zvakanaka . Plus murume wake nemota yaaiva nayo airatidza sekuti anoshanda basa riri nane chose . Vakaroorawo chaiko zvokuti aigona kutoita wekutanga akabvisirwa zvine mutsindo kwaVheremu .
Takasara zvedu ndakambowana day randakataura naVirgie tiri 2 baba vacho vaenda kuorder . Ndakanogara muroom make ndikabva ndamuti .....
Me; ko nhai Virgie utomboriwo nemukomana hre rega nditi vakomana vanotombouya vachikupfimba hre .
Her: (Achiseka) zvaita seiko mhamha mukati mwana wangu ane chinzvi hre . Mhamha vakomana vanouya chose kunyangwe mamwe mateachers chaiwo but inini ndakazviudza kuti ndichazoita mukomana pava paya . Tarisai mwana wenyu paakangoita mukomana zvakabva zvatomudisturber mafungiro chaiwo nekutoramba chikoro you see inini ndine magoals andiri kuda kuzadzisa before ndaita zvevanhurume izvi . Handidi kuita a liability to someone no ndinoda kuzvishandira ndoroorwa maibata hameno zviri munzira dzangu hazvo pamwe zvichachinja asi ndizvo zvandiri kushuvira .
Me: Taura hako mwanangu .
Her: Iye murume wemwana wenyu ane meso meso uya muchamunzwira henyu ndikakuratudzai mamessege anondisendera munotoona mega kuti Viola akawira . Ndakamutukisa zvokuti paanondiona anopfira chero tsoka dzangu .
Me: Hezvo kukunyenga hre .
Her: Kunyenga kwega zviri nane ko kunditumira hake nude rake . At first ndakati pamwe aresva kuona ari kuona seari kutumira mukadzi wake ndaingodeleter ndonyarara asi paakazoti mainini Virgie hamuzvidi hre zvamuri kuona ndokuchengetai mese ndokuitirai zvese zvamunoda infact ndaitoda iwewe Viola akandirova nemusoro . Kwakuti munhu uyoyo hre mhamha ndakamushura handidi kukunyeperai .
Akavhura vhura phone yake ndokundiratidza mamessege acho yowe ndakapererwa ini zvino zvazvadai achangotanga zvichagumira ipapa hre nhai veduwe . Ndakamubvunza kuti akamuudza hre Viola akatoseka zvake Virgie achiti ....
Me: Mhamha ndisiyei zvangu Viola handitauri naye ini handina kuziva kuti kuroorwa ndiko kuchatiparadzanisa . Ndakatomuudzawo zviri kuita murume wake akandishura shura hanzi ndiwe ukutoda murume wangu . Hanzi akatondiudza kuti wamuti ini naye tiri matwins hatisiyane saka uchatotiroora tese . Mhamha upenyu uhu handitauri naye mwana wenyu muregei amboita zvemurume wake .
Eish hapana chinorwadza sekuti vana vako vakakura vachiwirirana vozovengana vakura . Ndaida kuti nditotaura naye Viola chii ichocho kutuka mumwe wako . Vanana havazivi kuti varume vanokutamba game mumusoro mako ukarasa hama uchiona sekuti iye ari right chete . Ndakatarisa Virgie ndikati ...
Me: Siyana nazvo mwana wangu usazviisa mumusoro zvingakufoirisa . Ndichataura naye Viola .
Me: Hah mhamha handinei nazvo ini mhamha ndiri kutoita zvechikoro kuzama kugadzira upenyu hwangu .
Ndakabvumira iko vaiva paholiday yaApril saka aiverenga chaiko . Baba vacho vakauya ndikavapirawo nyaya yacho navo vakapererwa vakangoti.....
Him: Chimbotaura naye Viola wacho umuonese .
Ndakabva ndamutanga akatobva aita zvekufona ariye ndikamuudza zvese zvanga zvataurwa naVirgie akaseka zvake achiti ....
📱 oh azokuudzai mhamha Virgie anonyepesa ngaatsvage wake murume asiyane newangu mhamha . Pana Viny tinonetsana kusvika murufu ndokuudzai . Mutomuudza henyu mwana wenyu kuti ngaatsvage wake murume .
📱 iwe wakazvitarisa unoona sekuti ichokwadi nemadiro anokuita Virgie okudaro .
📱 mhamha murume wangu une mari anogona kuchiva mari yake zvino muyambirei kuti asiyane zvake naViny . Iyoyo ngaisiye matambo mhamha kana achida tiwirirane zvataiita kare ngaarase pfungwa iyoyo kure . Mhamha ndikuuya kumasungiro muna August murume wangu akuda kundisungira .
📱 hapana chakaipa wova nezuva rakanaka mugadzirisane pamunouya kuno handidi madrama .
Akaseka achibva acutter and Viola ndiye aitoita kudzora zvjno kana iye achidaro Virgie ndomutanga sei caz uyo kutori kumakata chaiko . Anotoratidza kuti chinonzi Viola muupenyu hwake hachicha exist . Ndakatarisa baba vacho vakatopererwawo nazvo vakangoti vachataura navo vese vari pamwechete kana auya Viola wacho.
Takagara Virgie aienda kumaextra lessons saka nguva zhinji aisvika late kumba . Holiday yese haana kumbozorora aienda kuchikoro . Pazvakavhurwa ndipo pakabva patoiswa due date raipera kudiwa mari yekuregister . Vakabhadhara baba vacho 10 Subject dzaaiita . Ini mari dzavo dzavaindipa ndaiva nadzo ndaida kutozomutsvagira zvokuita ari palong holiday yeform 4 . Awane kutengawo zvaanoda semusikana zvimwe haazotauri . Vakavhura chikoro kugarden tanga takarima zvakaipa ipapa vanhu vaitouya vachiorder madomasi . Mari yacho ndaichengeta and baba Vee aisambobvunza nezvayo ndakatenga midziyo yangu yemumba makitchen unit iwaya nezvimwe . Murume wangu aindikurudzira pamuchengeta mari . Pamari yakaroora Viola takatenga stand yedu yeshop tanga totovaka shop yedu nemari iyoyo .
Danga raiva rakazara mombe mbudzi hatichatauri ndizvo zvinoita Mwari kana voropafadza pakazvidzika. Mazuva akafamba vakauyawo muna August sekuvimbisa kwavo kuzosungira Viola anga atova nemimba yanga yatokura mwedzi 7 . Vanhu vakafara chose . Nyama tikamgoita yekutarisa akabva asiiwa pamba taizonoperela azvara ndiro raiva basa rana tete . Virgie akatozodzoka manheru vakwasha vatoenda . Zvagara Virgie anotonetsa aisataura neumwe wake kana mhoro zvayo . Akangouya kubika ndokudya achibva atoenda kuroom kwake . Akazoteverawo kunorara Viola mangwana takamutswa naiye Virgie achiti kuna baba vake ari kuda mari yekunobhadhara kuma lesson vakamupa ndokutoenda .
Vatumbwa vakazomuka pava paya zvavo ndokuuya kugara pamushana ndikanzwa ave kuti ....
Her: Iiii kuno kunotobhowa ko Virgie haadi zvekutaura neni neiko ichiri iya nyaya hre kana kuti pave nezvimwe . Kutadza kana kundikwazisawo mumba ndakangopinda ari serious nemabook ake ndikangobatirwawo nehope aripo .
Me: Iwe unonatsomuziva Virgie kuti haadi kuvhiringwa iwe wotozvidzora iwe wotaura naye tione kuti anonyarar hre .
Her: Inga zvakaoma ok mhamha .
Takaswera zvakanaka vanenge vakazotaurirana caz takaona votaudzana votoseka vese ndizvo zvsndaichemera zve izvi . Takagara naye mwedzi miviri murume wacho aimbopota achiuya achiona mhuri yake achienda . Akazovatsirwa muna October mwedzi wotopera musi wa28 akabatsirwa nematwins mukomana nemusikana . Uyu Virgie anga ave kutonyora takagara naye mwedzi wese nevana akzopererwa kupera kwaNovember Virgie akaendawo nana tete nokuti anga apedza kunyora . Takasara nahubby wangu akabva anditi ....
Him: Ndiri kuda kudzidzisa Virgie kudriver akagoenda kudriving school atore licence .
Ndakafara nazvo aizowana zvokuita to keep herself busy mari yavo yavaishanda ndakafunga kuti atore passport imwe ndaizongoona kuti ndodii zvechokwadiwo vachibva kunopereka Viola akauya akatanga kudzidziswa kudriver aisatana kubata anga otoibata chose mota akanonyora provision ndokupasa akabva achibva aenda kumalesson hepanoi pakupinda pamadrums pekutanga akabondera pepiri akabva apinda zvakanaka akadzoka nelicence yake .
Baba vacho vakafara kunyangwe neni ipapo vaitoti ndawana wekutuma kuorder . Zvanga zvave nani anga otonoorder mukunoorder imomo ndakamupa mari yekuti anotora passport akatono applier kwanga kwasara kuti anocollecter chete . Vakamirira maresults kudaro vamwe Mrs vake vakamudana akadzoka achiseka kuti vari kumuti aite malessons emaform 5 vaakuenda form 6 . Baba vacho vakati enda unogona kutozobata . Akaenda nevamwe akadzoka achiti ari kuita malesson eBussiness studies , maths, economics neAccounts . Ndizvo zvaaiita zvinenge zvairema nokuti anga ave kudzira weight baba vacho vakatomubvunza kuti chii akati kuverenga caz akabata work yese yeform 5 within a preriod of 2 months .
Pakabuda maresults she never dissappoint aiva nema A ake 8 nema B maviri . Zvichivhurwa haana kuenda muform 4 akanzi aende form 6 since anga acover zvakawanda paholiday . Anga atova mutack chaimo . Form 6 inenge yanga yakaoma akasara ari slender mwana wangu iko aisarara waingomuka uchiona light remuroom make riri on achiverenga . Akachovha zvokusvika pakutondonyora A level yacho akazorora apedza ipapo akatozvisekawo achiti ndapera . Akatanga kupicker muviri akapedzisira atove nemuviri wake wemazuva ese . Tanga tave neshop yedu yanga yapera tanga tototengesamo plus yatairenter dziri 2 . Rimwe day akabva kushop akauya achiratidza kuda kuchema zvakatondishamisa kuti mhare yangu yada kuchemedzwa nei akasvika akagara pasi tikatarisana nababa vacho achibva ati .....
*stay tuned*
[05/04, 11:15] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y
*Our channel link iri muzasi umo ndimo munowanikwa mabook ese aKatsande nemaprevious ebook rino inbox handipi book ngatipindei muchannel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
🌷🌷🌷🌷
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 12*
Viola
Ndaingonzwa vanhu vachitaura kuti mimba inoirwadza ndakadana amai chaiko . Ndakaziva kukosha kwaamai ipapo ndakabatsirwa mapatya angu mukomana nemusikana . Ndakatozoperekwa vana vatova nemwedzi . Ikoko kumba kwavo ndanga ndakagadzirirwa hembe dzevana idzi kuitaa dutu dzaibva kunana tete nekuvazukuru . Iye muridzi anga akatenga akatowedzera dzimwe anzwa kuti kune mapatya . Ndiye akatanga kuuya kuona vana Viny . Ndakagara kumba ikoko mwedzi wese asina kuuya tichingotaura pafoni. Handina kutoona kupera kwemwedzi nokuti ndaibatwa zvakanaka pamba paigara pane mufaro . Ndakanzw mhamha rimwe zuva vamuka vakandidana tikagara pamumvuri vakabva vati .....
Her: Nhai iwe makoti pane tsanangudzo dzandakanzwa kuchurch uko dziri kundinetsa nazvino ndiudze kuti murume wako snomboita nezvei zvisiri zvekucompany nokuti kutaura kwake iye nasisi vake vari kuti kucompany hakuna masales akawanda asi iye ari kuita kuchinjanis mota ndakanzwa izvozvi kuchinzi ane imba yakakurisa yaari kuvaka nemota imwezve yaakatenga . Sisi vacho vanoti vakamubvunza anongoti side hustle wobva washaya kuziva kuti anoita nezvei .
Me: Ummm mhamha inini kutaura chokwadi handizivi vanongobuda vachiti vari kuenda kubasa sak ndindnge ndichitoti ndikoko kucompany . Sometimes vanodzoka kwakachena sometimes usiku chaiho . Kan kudzok kotoedza vanongoti kwanga kune basa rakawandiss day irorowo vanenge vaine mari .
Her: Umm hoo ndakasopihwa tsanangudzi dzegomba kuchingonzi udzai mwanakomana wenyu asiye zvaari kuita nokuti taona gomba . Rufu zve urwu ndikamubvunza anongoti mhamhawo nemasowe . Ndiri worried hako ndosaka ndatokubvunza . Ndinopihwa munamato wacho ndowuita asi unozonzwa zve zvimwe chetezvo .
Me: Umm pakaipa saka mhamha
Her: Eee nofunga ukamuudza uriwe anogona kuteerera vanenge vamuka vana 2 avo vave kuchema .
Me: Eee nhai regai ndinovatora mukaka wavo ndagadzira .
Ndakanotora vana vangu ndikapa mhamha umwe ndokuvapa chimwe chigubhu vakatanga kumuyamwisa ini ndichiyamwisa chisikana ichi . Ndakada kuudza mhamha zvepfuti yaanogara nayo asi ndakatya kuti iye aizondituka . Plus anga andiudza kuti semunhu ane company anofanirwa kugara nayo hanzi ine licence saka paiva pasina chekutya ndakazvirasira kure uko hameno kuti dzairevei tsanangudzo dzacho .
Asi zvekumasowe ndanga ndave kuzvibvuma caz mhamha pavaimboendako vaiudziwa kuti baba vachauya ivo vakauyawo zvechokwadi kunyangwe zvakatora nguva kuti vauye . Zvanga zvotondidyawo moyo ndakazviudza kuti ndaizonomuudza paaiyira . Ndakasimuka ndogadzira kubika zvemasikati mai vagara nevazukuru vavo . Mukomana ainzi Mollard musikana achinzi Melyn. Ndave kutobika muriwo ndipi pandakanzwa zvanana kufara vachiti Sekuru sekuru . Ndakadingorera wanei ndibaba Melly . Ndakafara veduwe ndanga ndamusuwa murume wangu .
Ndakapedzisa kubika ndikazobuda panze ndikawana atogara namhamha akabata umwe mwana . Ndakaenda ndikanomumhorosa ndikaona aramba akanditarisa ndokuti .....
Him: Ummm wakusviba neruzevha bby ndikudzokera newe hausari ikozvino hantie waakuziva zvevana 3 months dzese idzi vanganokunetsa hre vana 2 ava kana kuti tibve neachakubatsira kuno tiende nemuzaya 1 uyo .
Mhamha: munotoenda naMunashe uyo caz vana vacho vakada vanombopenga chaiko
Him: Toenda naye saka kuno kuri sei ko mhai mukagoita kunge muri kuonda pane chiri kushota hre .
Her: Ummm ndingashotei zvangu kungoti pane zvinhu zvandiri kusangana nazvo zviri kundinetsa handidi kurasikirwa nemi vana vangu
Him: Oh mhai matanga ndezvema sowe so hayas mhamha matove addicted nemasowe ndosaka pandasvika pano mamhanyira kuti bata mwana . Mazvionaka kuti ndakachena mwana haana kuchena .
Her: Mota itsva neimba yauri kuzendemura mari yacho uri kuiwanepi .
Him; Bby oo makeys emota aya mubatsirane nevapfanha ava kutakura zvinhu zviri mumota imomo uise mumba .
Kwaiva kuda kundidzinga uku kuti ndisanzwe conversation yevaizotaura namai . Takanokiinura kuboot kwanga kwakazara kuti paaa nemagrocery . Takatutunura tichinoisa mumba tapedza ndakapakura tikadya . Ndakasiya vasikana vave kusuka ndiro dzatange tadyira ndichienda kunobvisa Mollard pamper anga aita pupu . Ndakanomuchinja baba vacho vakabva vatopinda vachindimbundira ndokubva vati.....
Him: Ndakusuwa mukadzi wangu hope wasimba caz ndikutokuda zvakaipa .
Ndakangoseka ko ndaigoti kudii ndakaona anditarisa kumeso hameno chaaiona pamwe ndiko kusviba kwacho kwaaiona . Ndakanzwa ave kuti ..
Him: Saka ukudzivirira nechii caz vana vachiri vadiki ava neuturu hwandinahwo ndinokuzadza dumbu iroro ndokuudza. .
Me: Ndakabayiwa ini saka hapana zvinoitika kwandiri neni ndanga ndakusuwa ..
Him: Ndikuzviona bby nguva yanga yareba ndaona mainini Virgie pamashops eish ko vanoshaina kudaro varamba nyangwe kutaura neni zvavo . Kutovadana vakanditarisa kudai vakafamba zvavo vachienda
Me: Ummm Virgie anonoka kusungura chigumbu kumunhu unenge wakamunyeperawo paya pawaiti akati umuroore nekuti hatisiyani . Nyaya iyoyo ndakanetsana naye ndikamuudza ndosaka akunyararira wakamunyepera iwe usazviita futi handidi kuparadzaniswa neumwe wangu .
Him: Aaa vanopenga mainini ndizvo zvavachiri vari kufunga nanhasi .
Akatanga kundibata bata kusvika tatove kuita zverudo . Takazobuda mumba mangwana acho takabva taoneka kuenda naMunashe wedu . Takanogara kumba kwedu kutsva amai imba yanga yakanaka iyoyo yakakura . Asi kuita sendava kuparadise ndakatora mapic emba ndikatumira Virgie ndichimuudza kuti imba yedu itsva . Ndakatombomuti auye kumba kwangu akaramba achiti ari kudriving school . Akazondiudza kuti atora licence . Gare gare ndave nepassport . Ini ndaitozvidawo but wangu murume aingoti uchaenda uchaenda .
Pamba pacho paiva nezidurahall zihombe rine ellectric fence kumusiro nezigate . Paigara paine mazimbwa 2 akakura chaiko change chave kundibhowa isudden change yehunhu hwaViny anga akubuda tosiiwa takiirwa gate kuchinzi kunze hakusi safe . Unotoita semusungwa zvanga zve kundibhowa ini ndaida kutombozotaura naye adzoka aaah hatingararami upenyu hwakadaro vana vangu vange vatokura vatove negore apa ndisina kumboenda kumba kana kuona vana mai vangu chaiko . Ikozvino ndanga ndasara ndega nevana vangu Munashe aenda kumba kwavo .
Ndanga ndava nemusikana webasa sometimes aidzoka akakuvara zvokuti waitya neronda racho but kuchipatara airamba kuenda airapirwa pamba ipapo . Company yavo yanga yavhurwa ndaingonzw mukufonerana kwaaiita natete mai Munashe . Mazuva iwayo aanenge akakuvara aisaenda kubasa aimbogarawo pamba achiona vana . Paakapora ndipo paakamboita mazuva achienda kubasa achidzoka nenguva kwadzo . Mazuva apera zvaiva serioua waiti ukamubvunza kyti richimbova basa rei rekuti munouya mausiku . Aikuudza kuti ita ziva zvekudya uchienda kutoilet . Wega waipererwa naipala ndaipererwa ndaitoda munhu wekuti ndingataure naye . Ndakamukumbira kuti ndimboenda kumba kwedu chaiko akarambisa .
Hameno aifunga kuti handaizodzoka hre ndakagara nevana vangu . Kutaura chokwadi hapana chandaishata zvese ndaizviwana asi yekugara semusungwa iyi ndiyo yaindirwadza . Mutown chaimo imomu ndakaguma kumuona kare . Ndakambofonera Virgie ndichiti ndimuudzewo zvaindinetsa . Akadaira zvake achitonditi ....
📱 eeh vemakore tikasatokutangai hamufonizve nhasi inonaya ndosaka kune makore .
📱 Iii ndiregei zvangu nenhamo yandinayo pakaipa mwana wamai vangu chido chinenge chiripo asi pfungwa dzinenge dzisiri pamwe . Dai usingaendi kuchikoro ndaimboti umbouya kuno uonewo mararamiro andiri kuita nyangwe ari Muchawagona hapana anosara pasi
📱 hahaha ndimi muchatambura hre imi otherwise vari sei vana vangu vakura hantie . Kuchikoro ndakapedza ini ndamirira maresults e A level hantie ndakakuudza kuti ndakajamba form 5 ndikaenda kuform 6
📱 Saka imbouya ka kuno unongoti kuna bamukuru vako ndikuda kuuyako .
📱 hah shaar ini handitauri nemurume wako nyangwe numbet dzake ndakadeleter kare . I hate munhu anonyepa saka uchiona ndisingatauri naye nyangwe ndikauya tingagarisana seiko nokuti iwewe ipapo pfungwa dzako dzave kungokuudza kuti pamwe ndinoda murume wako . Kuuya handiuyi mwana wamai vangu nditori kushop kwamdara ini hakuna musikana mazuvaano ndini ndiri kutotengesa . Munhu aitengesa akaenda kuoff.
📱 Pakaipa wena hameno kuti ndichauya riini ikoko handisi kutombobvumidzwa kuuya shaar . Ndinotoshuvirawo kuvawo nasomeone wandinoturira mutoro wangu .
📱 mutoro weiko mai Mollard chingotaura zvacho zviri kukunetsa titaure ipapa ko zvinombonetsa hre kana usina airtime ndofona ini
📱 handingataure pafoni ko kana yakahackewa zvinoda face to face zvino zvaukuramba hamenowo .
Ndakabva ndatocutter ndikambobuda panze kunogara pamushana ndichifurwa nemhepo . Ndakazodzoka mumba pava paya ndichidzingirirana nana 2 zvanga zvanditevera panze . Ndakanogara mumba ndikavaisira macartoon zvichiona ini ndokutorara zvangu pasofa ipapo . Ndakaenda kunogeza hubby akakasira kuuya anga akasuruwara hamebo chaiva chii . Handina kuda kumubvunza zvangu nokuti ini ndaitova nezvangu zvaindinetsawo .
Me: Ndanga ndichikumbirawo kumboenda kumusha baba Mollard handicharevi kwangu ndave kubvira kwenyu .
Him: Mai 2 imbondimira i am trying to think here iwe wotondiudza hako zvisina basa . Kumba kwacho unoda kuenda kunodii . Unoda ndisuwe mukadzi hre ini ndakaroora wakavinga ini saka uchagara pano neni . Kana toenda kumusha ndichakuudza imbogara . Nhasi ndiri kumbobuda nebasa ndinodzoka mangwana .
Me: Ok pari boe .
Akabva agadzirira kumazuva rovira ndokuenda mangwana makuseni . Takamuka tikabetserana kucleaner ziimba rese ndaitovawo nesimba . Masikati ndipo pakapinda baba Mollard mota yacho yaisava yavo asi . Ndakadongorera vanhu vacho ndaisavaziva vakangopinda aunt vari kuroom kwavo vakangosvika nekubvunza kuti ndiwe mukadzi waVincent ndakangofira kuti ehe ndakabva ndatendekerwa pfuti ndikazoona ndave pasi ndanga ndarohwa pabendekete apa vakabuda vachimhanya varume vaya ndikasara ndega zvino . Vana vachingochema aunt vakauya vanhu vaenda ndakavati vatore phone yangu vanyorere munhu anonzi Virgie kuti ndaakufa vakaita sekudaro ndakatanga kuona zvinhu 2 2 .
*Stay tuned*
❤️
👍
🙏
4