Ancy Cays Novels
June 8, 2025 at 08:36 AM
[05/02, 09:59] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Our channel link iri pazasi lets all join the link kune vanofarira mabook aKatsande. Uye vanoda maprevious chapters ebook rino iri* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN  MOTHER* *Story  by  Ancillar  Katsande* 0778863031 *Chapter  9* *Virginia* Me: Mhamha  i am  sorry  if  you  love  him  go  for  him .  Handina  kukurambidzai  kuti mudzokerane navo  ini mhamha    kundinyararira  kwese  uku munoda  kuti ndiite  sei  yes  i  detest  him  but murume  wenyu  who am  i  kuti musiyane . Her: Ndibaba  vako  newr  Virgie mwanangu  ini ndajavaregerera wani  ko iwe chinokutadzisa kuvatambira  baba  vako chii.  Baba  vako vanokudai  vana vangu  vapei  mukana  wekuti  vakuratidzei  kuti  vanokudai  . Ndonguva  yamunotofana  kuvayemera nokuti makakura  musinavo  kutovanetsa  chaiko kuti  baba  ndoda  chakati ndiitireiwo chakati . Ndozviziva kuti  unozvishandira ndakakudzidzisai  kuzvishandira   asi  apa  vapeiwo nguva  vamboitawo madanha . Me: Its ok  mhamha . Ndakabvumira  kuti  ivo vafare  otherwise  kuti ndivati  baba  ndiitirei  chakati  handifungi  kuti ndaizozviita  vakafara  mai  vangu .  Ndipo  pavakabva  vandiudza kuti  vakapihwa  phone   vakanditambidza kwaiva kuda kuti ndifare navo . Ndakaitora ndikabaya  baya ndikada zvangu kutoseka  ndaona  pic  ravo  namdara  vakambundirana  . Ndakangonyenwerera caz  vairatidza kuti vaifara  chose zuva  racho ndakanzwa voti . Her:  Saka  unosekei  zisoro . Me: Ndosafara nei  zvese zvinokufadzai neni  zvinondifadza  i  am  happy  for  you . Her: Mabook  awakatengerwa  anoshanda hre  kuchikoro  ndakaona  usina  kumboavhura . Vari  kufunga  kuti  Viola auye    aende  kuchikoro . Me: Vanomugona  hre  mwana  wavo nenharo  dziya  dzaanadzo . Mabook  handina  kumboavhura  ndichanoatarisa  kuti  anoita  hre ndabva  kumusika  kwandiri  kuda kuenda  uko . Her : Wadii kumirira baba vako  vakutakudze  zvinhu  vari kuda  kutoenda  kumashop  ikoko vati  vari  kuuya  nekuno. Me: Aaah  ndingazononoka mhamha ndanonoka ndiri  kwaSekuru  uko vanondibatira munzira . Ndakabva ndatosenga zvimwe ndikangosiya zvimwe zvandakati  vanozotevera nazvo.  Ndakafambisa chaiko caz ndaiva ndisati ndave  ready  kupinda mumota mavo .  Ndakasvika ndikarongedza zvinhu zvangu  ndikatsvaira  pandaishandira ndikabva  ndagara  pasi  ndokuvhura zvangu  book  rangu ndichiverenga ndipo  pakapinda  messege  ndakatarisa messege ndikaona  iri mari  yanga  yatumwa naViola .  Akabva  atofona  ipapo  ipapo  ngaatange  kutaura  hake  zvokuda kutowanikwa  zera  ripi  iroro . Unoshaya kuti  Viola  aifunga sei  chaizvo ndiye  achatoita kuti ndide  kutaura nababa  Vee ndivaudze  kuti vatore mwana  wavo  aende kuchikoro  ipapa  muna  Novembet  ndaitoti ndichavaudza  paanouya  Decembet  vamurambidze  kudzokera . Zvagara  anoporonga  Viola  aporonga  inini ndini ndopinda busy  futi  kumugadzirisira  nyaya  dzake  zvakaoma  its  like  inini  anongonditererawo  kana  ave  mudambudziko.    Ndakasiyana  naye  ndatoona  kuti  ndingatotadza kuconcentrater  pane  zvandaiita .   Vanhu vaiuya vachitenga  uku ndichiverenga    ndakazonzwa  kutaura ndakaona vari  baba  vangu vanga vakabatirana   crate  remadomasi  randanga ndasiya  vaina mhamha . Him: Ari  kudyika hre mabook munhu  achiverenga nhai  magumbo  wangu . Me: Yah  tatozvijaira Him: Ayewa  mwana  wangu ndinoda kuti  upase  hantica nhasi  ndiro  zuva  rokupedzisira kuti  uuye  kuno kotengesa   unofana  kuwana  nguva  yekuverenga   handitika . Me: Ehoi   tichauya  tokutora  tiri  kumboenda   uko  kuri kuvakwa  uko  vave  kurovera mazen'e  tiri  kungonokuona  chete   tiri  kunoisa  mabed   kugarden   kwacho  Me: Ok   pakanaka  Him: Ndasiya  ndabhadhara   wonosarudza  zvaunoda  apo  maybe  unoda  sadza   kana  kuti  machips ndasiya ndabhadhara  zvese nedrink  mangwana  kuverenga  handiti .  Me: Ehoi maita basa Vakabva  vaenda  namai  vangu  mamaai  anoda  mashoko  waiona   ouya  achida  kubvunza  bvunza  vakadzokerana  hre  ini  ndaingovaudza kuti  madii  kuvabvunza .  Ndikatotanga  hangu kushanda ndichiverenga .  Kwakanongwa nongwa  zviri  nane  zuva  rovira  vakauya  zvechokwadi  vese kunditora kuenda  kumba  takabika  tikadya ndara  varipo  hatingatandari   mhamha  vaingoshaya  kuti votaura  sei  asi  zvaivapo  ndakatozvibata .  Ndakabva  ndasimuka  mukitchen  ndokuenda  kubedroom  ndakarongedza machira  angu  nemabook  andaida  ndikasenga  ndichienda  nazvo kukitchen  ndakawadza varimo  vachitaura ndikazonzwa  baba  voti ..... Him: Moda  kuzororazve  vaMagumbo  totokuvhiringai  kuverenga  chiregai  tiende  zvedu   kunorara  tomutsana  mangwana  . Me: Ehoi . Vakabva  vabuda mhamha vakasara  vakagara  ndikanzwa  vavr  kunditi.... Her:  Zvino  hautyi  hre  kurara  wega  muno . Me:( Ndichiseka)  manga muchida kunorara neni  hre  mhamha .  Dont  worry  about  me  ndinorara  ini . Her:   mukitchen muno hamusi  safe  ko   kana  ukapindirwa nhai  rega  isu  tirare muno undorara kubedroom  kunokiyiks  uko . Me: Ndopindirwa nani mhamha  muno mune  chihoriri ndikochekera nemuno  mukati   chiendai  mhamha  ndiri  bhoo ini. Her: Ok  worara  zvakanaka  mwanangu   tomutsana mangwana  Vakabva  vabuda ndikasara  ndichitomboita  zvekuverenga  neMonday  tainyora   bvunzo  dzekupedza  gore   saka  paitoda  kuti  ndisunge  dzisimbe  chaiko .    Ndakangoverenga  mbichsna  ndichibva  ndarara  zvangu ndakaseka  zvangu ndafunga  zvaitaurwa nana  Fungai  tichibva  kuchikoro    hanzi  kana  usati  wamboita  mukomana  kubva  form  1  bata  hana  yako  katatu  uti  Mwari  ndine  chinzvi .  Ndakaseka  zvangu  i know  aireva  ini  but   zvinodiwa muupenyu  zvakasiyana . Ndakazomupindurawo   zvakazomurwadza ndamutiwo .  Kana  usina  kumbobudawo  nemasubject  5  kubva  form  1  bata  hana  yako  katatu  uti  Mwari    ko  ndinofireiko  nekufamba  ndichitonhorwa  idzo  dzisimo. Ndakangoseka  kamoment  kacho   atozoenda kumba  atsamwa  ari  iye  akuti  ko  tave  kupindana  personal   hre .  Iye  ndiye  anga  aona  sepersonal  zvinonakidza uchiseka mumwe ka  iwe  kana  zvokuuyira  woti  mavara  angu azara  ivhu .  Mazuva  akafamba  ndakanotora mari  ndikapa mhamha   vana  sekuru  vakazouya  mdara  akaripa mhaka  dzake .    Ndokubva  zvatonzi  tichinogara  kumba  kutsva  kwaiva  pedo  nekuchikoro  .  Ndanga ndisati  ndamboendako  zvangu .    Ndakatoshamiswa  zvinhu zvakauya  kututwa nana  mbuya  nambuya  chaivo . Nana  tete vachifara  ini  kamufaro  kacho  handina   kukanzwisisa  zvangu. Kaiva  kakatosangana nekunyara  sekuru  vadiki navo  vaitotuta  zvinhu zvavo  vachiuyawo kuzogara  pamba  pedu  isu  tichienda .   Ndakasvika  pamba  pacho aaa yaiva  hombe   mumba macho maiswa  matiles  panga  pachiri neimba  imwechete  hombe  iyoyo .  Ndakanoraridzwa  room  yangu naivo mdara mbune  maiva nezibed  wena  ndakagara ndiri  pabed  ipapo ndikarumbidza  Mwari .  Vanhu vakazopararira mdokusara  tiri vatatu  muroom mangu maiva newardrobe  netable  ine machairs  maviri  .  Ndakarongedzera mabooks  angu  ipapo ndipo  pandaizoverengera ipapo .  Hembe  dzangu ndikaisa muwardrobe  manga  machinatsobuda  manje . Ndakadanwa namhamha ndikanogara mulounge  ndokubva  ndapihwa  bepa raiva nehrmbe  itsva neshangu ndakavatenda  mdara  wangu .  Ndanga ndave  kuita ndichizvigamuchira  kuti  ndibaba  vangu .   Takaenda  kugarden  wanei  hakudanwi  anonzwa   vanhu vanga  varima  zvavo  ivava   ndakatoti  pamwe  ipapa  vaitaura  zvekuti  mari  ikawedzera  vari  kuda  kucheresa   nemamota  aya   ekudriller  vaida  kuti  vadiridze  zvirimwa  zvavo  nemapipe .   Ndakafarira idea  yacho   ndakabika manheru  ndikarara   ndichiita  kushanyarika  chaiko .  Mangwana  kuseni  ndikamuka ndichienda  kuchikoro .    Yaiva  closing  day  ndakapasa  semazuva  ese .  Ndikadzoka  vabereki  vangu  vakafara  vachiona  kupasa  kwandange ndaita  ndainatsopinda    form  4  ndichiziva  kuti  ndinoikakata. Kuenda  kunotengesa ndanga ndisingachabvumidzwi   ndaingoswera ndiri  pamba  kana  ku kugarden  pandinototi  ndafamba  pacho   ndinenge   ndatoenda  kunotengesa   kushop  kwavo  ayewa  vaiita  business chairo shop  yanga  yakazara .  Ini   ndanga  ndatojaira  kugara  ndakabata mari ndaishaya  kuti  ndoita  chii chingandipa mari.     Kuma  15  kwaDecembet  rimwe  day  ndakatorara muroom  mangu  kwaipisa  mdara  namhamha  vaiva  mudinnung  vachiona  TV .  Ndakanzwa  noise  ndikabuda muroom  ndokuona  ari  Viola  ndakafara veduwe  ndakamumhanyira  tikambundirana . Her: Hiii  askana  muri  kusimba   apa muchienda  kuchikoro . Me: Ndobva  ndaita  sewe  hre  uri  kuita  kupfachikira  iii eakasimba  mwana  wamai  vangu. Her: Ndasiya  zvinhu  kushop   uko  hande  tinotora   Virgie Dad:   Regai  tichandotora  nemota Her:Tonosiya   zvimwe baba  todzoka nokukasira kani. Vakatarisana namhamha vachibva vatiti tiende ndiri munzira ndakabva ndamubvunza kuti sei ati tiuye uko kwanga kwanzi zvichatorwa nemota . Akanditarisa akaseka achibva at..... Her: Ko kungonyararawo nhai wozoona tasvika kuti kunei. Me: Inga unozviziva wani kuti handidi kufambira murima saka taura kuti kunei . Her: Ok ndiri kuda kuti unoona Viny ndiye wandauya naye ariko uko ati ari kuda kuona Twinny wangu ndosaka ndati hande after all ukunoona bamukuru ndipo panobva pocket money ipapo . Me: Ndirege zvangu zvekukumbira izvi hazviko kwandiri regai tinomuona moyo wako ufare . Takabva taenda tikasvika ndokuenda pane imwe mota yewhite Viola akasvika akavhura ndikabva ndapinda kumashure iye ndokunogara kumberi . Viny wacho akatarisa Viola akatarisa ini achibva ati ...m Him: You guys makafanana zvisingaiti aaaa kuzoti mukapfeka zvakafanana ndototadza kuziva kuti wangu chaiye ndeupi. Me: kana manatsogara naye muchazoona kuti pane patakatosiyana munenge mave kugona kuti patsanura . Kuri sei hako kwabviwa . Him: Kuri boe ndanga ndati Viola ndiende naye anoona kumba but akuramba nhai zviriko hre . Me: Viola anana tete kana anga asina kukuudzai ikoko ndiko kwamunouya motaurirana moenda navo muri 3 ndizvo zvatinoziva pachishona chaipo haangaende ega munenge muri kumhanya itai slow down. Vakatarisana vari vaviri yes ndaitorevesa it seems like zvaitaurwa naViola ndizvo chaizvo zvavaida kuita . Takazotaura dzimwe vati vachauya kwatete pazororo ipapa . Ndakapihwa mari tikaparadzana voenda kwavo . Ndakatakura bag ndoratakaenda naro kumba . Kutaura chokwadi anga amira mira grocery rake ranga rakawanda chaiko. Takaenda kumba tichichinjana bag handina zvangu kucommenter nezvemunhu wake but aiva nekakumhanya kaaiva nako so . Takasvika kumba dad vakazonotora zvimwe anga atengera munhu wese hembe . Dad vakazomuudza kuti haadzokeri kubasa ari kudzoketa kuchikoro akada kuita nharo but munhu anongonzi baba panzvimbo anodzikamisa akadzikama wani audziwa kuti haasi kuenda . Akabhowekana asi panga pasina yekutamba . Pakavhurwa zvikoro takaenda form 4 akaramba kuenda form 3 . Takangoenda first week rimwe day pakudzoka handina kuziva kuti akafamba sei . Ndakati ndatofamba ndipo pandakaona vana Tinei vakandimirira vakandipa bag . Tinei ndiye umwe aaiwirirana naye ndakatomubvunza kuti iye aendepi ndlkubva andipa envlope vachibva vaenda . Ndakavhura envlope iya ndokuona muine tsamba ndakatanga kuiverenga ndakapererwa guys . *Stay tuned* . [05/03, 10:09] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *Our channel link iri muzasi umo ngatipindeimo tese ndimo mune zvinyorwa zvaAncillar Katsande . Kune vaya vanofarira zvinyorwa zvake . Nemaprevious chapters ebook rino ndimo maanowanikwa kuinbox handipi makawandisa ngatingopinda kuchannel* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN  MOTHER* 🌷🌷🌷🌷 *Story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  10* *Viola* Vakanditambidza phone  vakarova  serious  ndokunditi  daira  iri  paloud . Ndakarohwa nehana  anga  ari  Viny  zvake .  Ndanga  ndave  kungonamata  kuti  dai  akasataura   zvisina  basa  .  Ndakabva  ndatora ndokudaira ndikaosa  paloud  pacho ndakangotanga nokuti .... 📱  hello  ndiani  wangu  uyu 📱 imbofembera kuti  ndiani  voice  hausi  kurinzwa  hre   📱 oh  ndibaba  hre ndonumber  dzamave  kushandisa  hre   idzi  ndidzi saver. 📱  Inini  manje  kuita  baba  vako ndiViny  ndiri  kuda kutonzwa  kuti  chimai  ichocho  chiri  kukubata  zvakanaka  hre  kana  chisingaiti   ubvepo  ndakuwanira  rimwe  basa . 📱  oh  mukoma  Viny  iii manga  maita  basa  chose  parizvino  handina  chisvoro  hangu   vari kundibata zvakanaka .     📱  saver  number  dzangu  kana  vakangoita  zvisingakufadzi  haiwa  isarega  kundiudza  ubvepo  mahure  anonetsa  aya.  Zipfambi  zimai  iroro  usatevedzera mabasa  aro  ndingavengwa  kumusha  kuti  ndinotsvagira  munhu basa  onosvika  opinzwa muchipfambi    hazvizobudi uri  mwana  wekumusha  iwe . 📱 ummm  hamusi  mave  kupinda  personaly  hre  nokuti  zvamanetsana . Ayewa ndiri   right  kana  njuga  dzorema  ndichakuudzai  mova  nezuva  rakanaka  Ndakabva  ndacutter  ndakaona  mai  vaya  vodzungudza musoro  ndokufamba  zvavo vachirnda .  Ndakasara ndikaita  kutura mafemo  it  was  so  close  apa  ndatofara  kuti  Viny  akasirawo  kubata  nyaya  yacho . Nhasi  zvangu  ndanga ndichapisira  .  Asi  vangobvuma  zvokungoti  maitiro  avaita  ane  question  mark no comment  juss  to  walk  away  kana  ndimiwo  .  Ndakacontinuer  nezvandaiita  zvaiva  zvavo  izvo . Ndakapedza  basa  rangu  on  time .  Ndakasiya  sadza  riri  pa1  richishinyira  ndokumboenda  kwamai  Tadiwa ndikambonogara  ikoko  ndichiita  nyaya   navo .  Ndakabva ndatofonera Viny  panguva  idzidzo ndichimuudza kuti   anga  aita basa  alatosela  hake  achiti haachafoni  akumirira  inini  kuti ndifone . Izvozvo  zvaiita  manje  ndakataura namai  Tadiwa  dhiri  rangu  rekuda kuba  zvinhu kumain  house ndichivachengetesa  ivo  tozogovana .  Mai  Tadiwa  chaiva nedhiri manje  chakabva  chatoti  masmall  small . Ndakazodzokera ndokuenda  mumba ndikanodisher   tikadya .  Havana  kunyanya kudya  i am  sure  istress  yaViny .  Takarara zuva  raitevera vakaenda kubasa  ndakaenda  mupantry  imi  munopera  mweya  asi  kuita  semuchitoro kai ndakakweva  macase  maviri  erice  aiva  pasi  chaipo .  Erice  iriko  mazuvaano  iyi   inodhura  iyi  yataibika  pamba  ipapo ndikabudisa ne10kg  yerice  iroro .    Takasenga  naJacob  ndokunoisa kumba  kwake   Ndakadzoka ndikapakira  masphaghet nemacaroni mubepa  ndokunotsveta  ikoko ndikati  for  today  zvakwana .  Hanzi  mbudzi  inodya  payakasungirirwa  ko ndoyachozve  tiri  pabasa.  Ndipo  patinotowanawo    day  iroro ndakaita  thorough  cleaning  ndikachinja  order   mumba  ndichibva  ndawachwa  zvaida  kuwachwa  . Vakauya madam  zuva  rovira  vakafara  chose  vaona  ndaita  zvinogara  zvakadaro mumba  mavo .  Vakabva  vatonditi.... Her: Hiii  i must  comment  vasikana  vese vandagara  navo  iwewe  uri  different   Viola  vaingotsvaira  pavakatarisa  panoonekwa  .  But  iwewe kubva  zvawakauya ndiri  kuona  mamoves  ako ayewa  i  am  pleased   mari  yako  inofana  kuwedzerwa  caz  uri  kushsnda  basa  rako  nemazvo  kusvoora  hwatova  ihwo  huroi . Ndakafara  veduwe  kudai  vaiziva  kuti ndatotanga   katsika  kekutora  zvandisina  kupihwa  vaisambowedzera  mari  sezvavari  kutaura  izvi . Ndakagara rimwe day ndikabva zvimwe . Ndakazofonera Viny ndichimuti auye atore nekuchigate chekuseri chekucottage . Ndakavapawo zvimwe vana mai Tadiwa zvizhinji ndikarongedzera mumota . Mota kuenda yakaremerwa achienda kumba kwake . Ndakadzokera kumba manheru pabakauya ndipo pandakavaudza kuti ndaida kuenda kunotambira xmass kumba kwedu vakanditi vaizondipa 2 weweeks off sezvo ivo vana vavo vaiuya . Ndaitonzwa vachifonera mumwe mukadzi aiva shamwari yavo vachiti Dee akapenga pakabiwa mari akati ari kuuya kuita take over company yababa vake saka mazuva anotevera ayo ndinenge ndava full time pamba ndave kungomanager zviboutique. Ivo vaitofara nekuuya kwemwana wacho nokuti kurunner company vanga vatadza . Ndaida kutomboona vana vavo vacho but zvaisaita caz Viny anga ati December uchipera muna January ondiroora kumba kwavo mai ava handaizodzokera . Aitoda zvokuroora December iwoyo but ndakatoramba caz ndaida kunoona kumba nekuona vamwe . Ndakapihwa off yangu musi wa16 vana vacho vachinzi vaiuya musi wa18 . Ndakabva ndatopihwa mari yangu vakatondipa imwe yexmass box . Ndakabva ndatobuda gate ndikatumirwa tax na Viny kuti iuye kunditora . Mdakatakura zvinhu zvangu kuisa mumota ndokuenda . Hapana kana chandanga ndasiya tax yakanatsonosvika pamba pake chaipo. Paitova nevamwe vakadzi vaivapo umwe wacho akabva auya nemakey akati ndanzi ndikupei makey aya marooms avo ndeaya emberi aya ari 3 . Ndakavatenda ndikavhura door ndokuisa zvinhu zvangu mukati . Ndikaenda mubedroom make ndikacleaner ndichirongedza zvandakaona zvakandipedza mongo ndakaona pasi pepillow yake paine pfuti ndakamboti pamwe itoy gun but achiridii. Ndakamira ndichizama kufunga kuti anoita basa rei munhu anogara nepfuti . Ndakagadzira bed ndikangoidzosera payanga iri . Ndakavhura zvimadrawer ndokuona muine chigaba ndikachivhura ndakarohwa nehana nokuti zvinhu zviya zvakadonha pakaputsiwa sefa zvanga zvakafanana nezvaiva mugaba iri . Hana yangu yakarova asi ndakangozidzikama ndaona kuti pamwe zvinongowanikwa nevanhu vese vane mari dzavo. Mumba macho maigara bhachura zvechokwadi maitovawo neproperty but svina yaivamo yaisaita ndakavhura mawindow ndikamucleaner maroom mamwe chete kungoti ndaisaziva kuti taienda nguvai ingadai ndakatowacha . Ndakarongedza zvinhu zvangu kuti zvimirewo zvakanaka . Akazouya zvake kuma3pm achiti ari kubva kubasa ndakamutarisa achibva auya ndokundikisa ndokugara paside neni . Him: Zvinongoonekwa kuti mai vemumba muno vasvika mumba macho machena eish ndiri kuita kufema mweya mutsva . Saka ukuita sei bby toenda kumba after 3 days kubasa kwangu ndasiya zvinhu zviri muorder Me: Saka unondikwidza hako mabus emanheru aya ndofanotungamira hangu . Him: Aaa unopenga toenda tese unenge uri pano for 3 days dzacho tozobuda tese pane chinonetsa hre ipapo . Plus ndiri kutokudawo rough bby . Ndakanyarara ndatoona kuti nyaya yacho koyoenda kwakaoma ndakamuti aende kunogeza . Akabva aenda zvechokwadi ndikanotarisa hembe muwardrobe ndikaisa pabed ndikatanga kubika akatozouya kukitchen ndave kubika . Akandimbundira akatanga kundikisa muhuro, munzeve ndikanzwa kuti pano hszvichasi izvo . Waunatsonzwa sekuti nyika yave kutenderera sekuti ndiwe wega uri kuraramamo . One thing led to the other kusvika taita rudo mukitchen imomo ndakagadzikwa pakitchen counter . And huye dont unonatsoona kuti rudo rwunonaka regai mai vangu vade kudzokera kumurume wavo . Yoh vaiva vakarasikirwa kwemakore ese aya . Takaenda kunogeza tese ndokuzodzoka ndopedzisa kubika . 3 days dzakapera ndichipihwa love chaiyo yekuti wega unokanganwa kuenda kumba . Apa hapana aiprotector hana yangu yakatorova tave mumota kuenda kumba ndichimuudzs kuti ko zvataisadzivirira ko ndikaita nhumbu . Aingoramba aine rake rekuti ndiri kukuroora muna January . Ndakanyevenuka moyo takaenda kumba mufaro wakazara . Ndakasvika ndikanopihwa madirection ekumba kutsva ndokuenda ikoko vanhu vaitova zvavo mumba ndakangoerekana ndapinda zvangu mdara vanga vakasenga mhamha mhamha vachipuruzira mudhara kumeso kwavo pavakandiona vakangosimuka kuyya kunditambira ndipo pakabudawo Virgie . Ndikakumbira baba kuenda kuna Viny aida kuona Virgie zvakanoonana but atumwa kunotenga madrink Viny akati ..... Her: Mainini vanototaurawo hre sezvaunoita iwewe havajairiki zvekudaro nyangwe chiramu hautambi navo ava Me: Ndichiseka ndizvo zvaatori and ukamuita zvaasingadi anogona kukurova . Ini ndotaura iye ari cool ndizvo zvandingatsanangura paari Virgie . Him: But makanyanya kufanana yoh. Me: Yah Akasvika Virgie akatooneka ari iye akapihwa mari ndokunondimirira kushop ndikasara ndichimbopihwa zvsngu muromo . Ndokuzobuda toenda kumba ndakanonzw mashura chaiwi ekuti ndidzokere kuchikoro aaa ndaisada ini asi vanga vatotonga zvavo baba vemusha . Ndakagara ndatofonera Viny ndichimuudza akanditi enda ndichauya kukuba kuchikoro ikoko . Ndakabvuma tikaita madays pakavhurwa zvikoro zvacho January ave pakati ndipo paakauya Viny ndichibva ndasiya ndanyora katsamba kekupa Virgie ndokupa vana Tinei nesatchel rangu kuti vagomupa tichibva taenda . Viny ainatsondida zvandaiona ipapo takaenda kumba kwavo takasvika manheru ndokumuka tikaswra manheru acho achibva atooneka akati ari kuenda neni ndakafara caz ndaisatodawo kusara ini . Ndakanogara aitoti kutanga kwaJanuary ari kuda kunoroora kumba kwedu ndakafara pawakaperawo January i noticed kuti handina kugeza ndikamuudza akatoti ainge azviona kare kuti ndine nhumbu hanzi wange wave kushara shara chikafu . Takabva taenda kumusha aida kunotora bamunini vake neumwe mukoma wake kuti tiende . Vamwene vangu vairatidza kundida chose. Sezvo date range ravapob hazvina kumbonetsa takaenda kumba tikanonzi tisvike pamba panga pava nekitchen yeround yakaofurirwa nemazen'e ndimo mavakanopinda imomo ini ndikatonotsvaga Virgie aivapo achimira mira kumapoto . Her: ummm asi unepamuviri kai mazamu akura kudai kana kuti ndiko kuroorwa kwacho Me: Iwe usataurisa ndave napo ndimi ka muri kudai kuverenga hah iwewe ndokutemba unopasa unemanjere mupengo ka iwe . Her: Ndirege hangu ndezvaMwari izvi iri sei marriage . Me: ummm ndingati kudiiko marriage iri sweet shaar kungogara wakarohwa nenasurprise ega ega plus murume wangu une bag . Ndakataura zvakawanda akateerera zvake haana zvaakataura ndikadanwa namhamha vaingokdibvunza izvozvo kuti ndigere sei . Maroora akaitwa murume wangu akabvisa zvakashamusa family yose wainzws nyangwe vana tete vaya vachiti mainini madadisa . Ndaida kusara ini pavaienda but akarambisa Viny hanzi todzokera tese . Takaenda kumba ndokunorara mangwana tikamuka tichidzokera . After 2 days tabva kumusha rimwe day zuva rovira ndakanzwa knock ndiri mukati ndikabuda ndokuona vamwe mai vechikuri neumwe musikana vaine mabag ndikabva ndavati ..... Me: Makadii zvenyu . Her: (vechikuru) tosimba makadiiwo ndimi mukadzi waViny handiti . Me: Ehe ndini kwakanaka hre . Her: Kwakanaka ndakuvigirai mukadzinyina wenyu uyu akatsika mwedzi saka isu hatingagari namai iye ane nhumbu ine muridzi motongoita vaviri mhai . Munoziva ndakaita kubayiwa pamoyo nemashoko avo . Kunzwa kuzarirwa chaiko kushaya kuziva kuti vaida kuzama kudiiko mai ava . Ndakabva ndaseka ndichibva ndavati .... Me: Heya muchagara henyu panze ipapo kusvika Viny wacho auya . Handingakuisii mumba . Her: Haisi nyaya maiguru tinogara hedu . Ndakapinda mumba ndikavhara door ndikatanga kuchema ndirimo yoh Viny why kundidai nhai ndakagara kanguvana ndikazonzwa yava mhere mhere panze ipapo anga auya Viny airatidza kuti airamba nhumbu yacho zvakakweshana panze ipapo ndikazonzwa kuti zii ndikadongorera ndikaona Viny achipinda mugate ndakagara pasofa ndamirira kusvika kwake akabva apinda mumba aine kagift bag ndikaziva kuda kundinzwa uku akasvika akati .... *Stay tuned* [05/03, 18:08] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *Our channel link riri muzasi umo ndimo munowanikwa mabooks aKatsande nemaprevious ebook rino iri ngatipindei tese* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* 🌷🌷🌷🌷🌷 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 11* *Mai Vee* Pane pamwe paunotoona kuti uri busy kurwa nemoyo wako iwo uchida asi iwe uchirwisana naeo kuti urambe chete . Ndakazviona pana baba Vee murume wangu ndaimuda infact we loved each other vakangopinda pakati pedu ndivo vakatirambanisa . Pandakangoona kuti tese tanha takachena ndakabva ndazviudza kuti zviri nane ndigare nemunhu wandaiziva pane kuti ndifunge kuti ndicharoorwa neumwe munhu worse pakuzoita maboyfriends ndiwo anozokupa chirwere iwe wanga wambozvichengeta plus zvaisaita hazvo vana vangu vanga vakura chikomba cho chaisazorohwa zvacho . Ndanga ndave kuda murume wangu ini but Virgie akandipa hard time zvokuti kuto ndiite zvemusoro wangu andiudza kuti endai kumurume wenyu ini ndosara pano nyika igoti chii . Vakaenda kwabamunini ivo baba Vee paakadanwako ndipo paakauya achinha . Asi zvakatora nguva kuti agamuchirr baba vake . Day ravakauya kumba vatondiudza kuti ndikurarako ndakashaya kuti ndoudza Virgie sei takatandara kusvika iye ega angozoonera akabva atouya nemachira mukitchen ndokubva taenda kunorara . Day iri rakave day remufaro muupenyu hwangu unotoona kuti pane chaishota muviri mangu hubby akatosvuuka naye caz ndanga ndadzoka chaiko nyama dzanga dzadzoka . Aiimba manhanga kutapira mwana wavamwene same same neni wacho nguva yanga yareba . Takaita usiku hwese tichingoti tikati gare gare tomutsana basa robatwa . Takamuka hedu ndokuenda kustand kwedu takamhanyidzana nekupedzisa zvanga zvasara . Uku tichirima vana tete vaiuya vachiramba vachikumbira ruregerero asi ndanga ndakatovaregerera kare zvangu . Pakapera imba hubby akaripa kune hanzvadzi dzangu ndipo paunoona kuti hama inokuda pamari hanzvadzi dzangu dzaiita sedzichandibereka vatete one oga asara vana maiguru ungazoti ndivo hre vaindituka kuti vana venyu ngavasauya kutamba nevana vedu vanovapomera nhamo . Upenyu ivhiri uhu vanga vongoti tete chakati tete chakati . Zvakaoma takaenda kumba maiguru vekuoedzisira nablaz ndivo vakauya kuzogara pandaigara . Rudo mumba mangu rwaiwedzera asi kutoita serwejaya nemhandara Virgie anga atonzi haachatengesi ave kuita zvemabook . Iko Virgie aigona zvake mateacher ake aingoto tinawo maA edu kubva kuna Virgie vaimutemba . Takagara zvinhu zvedu zvaifamba munaDecember ndipo pakauya Viola . Baba vacho vakamurambidza kudzoketa akadzokera kuchikoro rimwe day Virgie akauya netsamba yaitaura kuti aroorwa . Ndipo paunoona kusiyana kwevana ipapo . Virgie ndanga ndisati ndambomumzwira zvevakomana asi Viola yoh anga amhanya mwana wangu . Mdaitorwadziwa moyo zuva nezuva kuti zvino anozvigona hre zvemba svava iyoyo . Ndakatomboonda chaiko nepfungwa hubby ndiye akatozoti unofunga zvisina basa unoti kana achitambura chaiko angatadza kutaura hre . Zera rake izera rekuti nyangwe akatukwa anotaura . Chaiva chokwadi zvacho ndakazozvirasira kure ndokugara vakauya vakaroora muna February aaa airatidza kuti ugere zvakanaka . Plus murume wake nemota yaaiva nayo airatidza sekuti anoshanda basa riri nane chose . Vakaroorawo chaiko zvokuti aigona kutoita wekutanga akabvisirwa zvine mutsindo kwaVheremu . Takasara zvedu ndakambowana day randakataura naVirgie tiri 2 baba vacho vaenda kuorder . Ndakanogara muroom make ndikabva ndamuti ..... Me; ko nhai Virgie utomboriwo nemukomana hre rega nditi vakomana vanotombouya vachikupfimba hre . Her: (Achiseka) zvaita seiko mhamha mukati mwana wangu ane chinzvi hre . Mhamha vakomana vanouya chose kunyangwe mamwe mateachers chaiwo but inini ndakazviudza kuti ndichazoita mukomana pava paya . Tarisai mwana wenyu paakangoita mukomana zvakabva zvatomudisturber mafungiro chaiwo nekutoramba chikoro you see inini ndine magoals andiri kuda kuzadzisa before ndaita zvevanhurume izvi . Handidi kuita a liability to someone no ndinoda kuzvishandira ndoroorwa maibata hameno zviri munzira dzangu hazvo pamwe zvichachinja asi ndizvo zvandiri kushuvira . Me: Taura hako mwanangu . Her: Iye murume wemwana wenyu ane meso meso uya muchamunzwira henyu ndikakuratudzai mamessege anondisendera munotoona mega kuti Viola akawira . Ndakamutukisa zvokuti paanondiona anopfira chero tsoka dzangu . Me: Hezvo kukunyenga hre . Her: Kunyenga kwega zviri nane ko kunditumira hake nude rake . At first ndakati pamwe aresva kuona ari kuona seari kutumira mukadzi wake ndaingodeleter ndonyarara asi paakazoti mainini Virgie hamuzvidi hre zvamuri kuona ndokuchengetai mese ndokuitirai zvese zvamunoda infact ndaitoda iwewe Viola akandirova nemusoro . Kwakuti munhu uyoyo hre mhamha ndakamushura handidi kukunyeperai . Akavhura vhura phone yake ndokundiratidza mamessege acho yowe ndakapererwa ini zvino zvazvadai achangotanga zvichagumira ipapa hre nhai veduwe . Ndakamubvunza kuti akamuudza hre Viola akatoseka zvake Virgie achiti .... Me: Mhamha ndisiyei zvangu Viola handitauri naye ini handina kuziva kuti kuroorwa ndiko kuchatiparadzanisa . Ndakatomuudzawo zviri kuita murume wake akandishura shura hanzi ndiwe ukutoda murume wangu . Hanzi akatondiudza kuti wamuti ini naye tiri matwins hatisiyane saka uchatotiroora tese . Mhamha upenyu uhu handitauri naye mwana wenyu muregei amboita zvemurume wake . Eish hapana chinorwadza sekuti vana vako vakakura vachiwirirana vozovengana vakura . Ndaida kuti nditotaura naye Viola chii ichocho kutuka mumwe wako . Vanana havazivi kuti varume vanokutamba game mumusoro mako ukarasa hama uchiona sekuti iye ari right chete . Ndakatarisa Virgie ndikati ... Me: Siyana nazvo mwana wangu usazviisa mumusoro zvingakufoirisa . Ndichataura naye Viola . Me: Hah mhamha handinei nazvo ini mhamha ndiri kutoita zvechikoro kuzama kugadzira upenyu hwangu . Ndakabvumira iko vaiva paholiday yaApril saka aiverenga chaiko . Baba vacho vakauya ndikavapirawo nyaya yacho navo vakapererwa vakangoti..... Him: Chimbotaura naye Viola wacho umuonese . Ndakabva ndamutanga akatobva aita zvekufona ariye ndikamuudza zvese zvanga zvataurwa naVirgie akaseka zvake achiti .... 📱 oh azokuudzai mhamha Virgie anonyepesa ngaatsvage wake murume asiyane newangu mhamha . Pana Viny tinonetsana kusvika murufu ndokuudzai . Mutomuudza henyu mwana wenyu kuti ngaatsvage wake murume . 📱 iwe wakazvitarisa unoona sekuti ichokwadi nemadiro anokuita Virgie okudaro . 📱 mhamha murume wangu une mari anogona kuchiva mari yake zvino muyambirei kuti asiyane zvake naViny . Iyoyo ngaisiye matambo mhamha kana achida tiwirirane zvataiita kare ngaarase pfungwa iyoyo kure . Mhamha ndikuuya kumasungiro muna August murume wangu akuda kundisungira . 📱 hapana chakaipa wova nezuva rakanaka mugadzirisane pamunouya kuno handidi madrama . Akaseka achibva acutter and Viola ndiye aitoita kudzora zvjno kana iye achidaro Virgie ndomutanga sei caz uyo kutori kumakata chaiko . Anotoratidza kuti chinonzi Viola muupenyu hwake hachicha exist . Ndakatarisa baba vacho vakatopererwawo nazvo vakangoti vachataura navo vese vari pamwechete kana auya Viola wacho. Takagara Virgie aienda kumaextra lessons saka nguva zhinji aisvika late kumba . Holiday yese haana kumbozorora aienda kuchikoro . Pazvakavhurwa ndipo pakabva patoiswa due date raipera kudiwa mari yekuregister . Vakabhadhara baba vacho 10 Subject dzaaiita . Ini mari dzavo dzavaindipa ndaiva nadzo ndaida kutozomutsvagira zvokuita ari palong holiday yeform 4 . Awane kutengawo zvaanoda semusikana zvimwe haazotauri . Vakavhura chikoro kugarden tanga takarima zvakaipa ipapa vanhu vaitouya vachiorder madomasi . Mari yacho ndaichengeta and baba Vee aisambobvunza nezvayo ndakatenga midziyo yangu yemumba makitchen unit iwaya nezvimwe . Murume wangu aindikurudzira pamuchengeta mari . Pamari yakaroora Viola takatenga stand yedu yeshop tanga totovaka shop yedu nemari iyoyo . Danga raiva rakazara mombe mbudzi hatichatauri ndizvo zvinoita Mwari kana voropafadza pakazvidzika. Mazuva akafamba vakauyawo muna August sekuvimbisa kwavo kuzosungira Viola anga atova nemimba yanga yatokura mwedzi 7 . Vanhu vakafara chose . Nyama tikamgoita yekutarisa akabva asiiwa pamba taizonoperela azvara ndiro raiva basa rana tete . Virgie akatozodzoka manheru vakwasha vatoenda . Zvagara Virgie anotonetsa aisataura neumwe wake kana mhoro zvayo . Akangouya kubika ndokudya achibva atoenda kuroom kwake . Akazoteverawo kunorara Viola mangwana takamutswa naiye Virgie achiti kuna baba vake ari kuda mari yekunobhadhara kuma lesson vakamupa ndokutoenda . Vatumbwa vakazomuka pava paya zvavo ndokuuya kugara pamushana ndikanzwa ave kuti .... Her: Iiii kuno kunotobhowa ko Virgie haadi zvekutaura neni neiko ichiri iya nyaya hre kana kuti pave nezvimwe . Kutadza kana kundikwazisawo mumba ndakangopinda ari serious nemabook ake ndikangobatirwawo nehope aripo . Me: Iwe unonatsomuziva Virgie kuti haadi kuvhiringwa iwe wotozvidzora iwe wotaura naye tione kuti anonyarar hre . Her: Inga zvakaoma ok mhamha . Takaswera zvakanaka vanenge vakazotaurirana caz takaona votaudzana votoseka vese ndizvo zvsndaichemera zve izvi . Takagara naye mwedzi miviri murume wacho aimbopota achiuya achiona mhuri yake achienda . Akazovatsirwa muna October mwedzi wotopera musi wa28 akabatsirwa nematwins mukomana nemusikana . Uyu Virgie anga ave kutonyora takagara naye mwedzi wese nevana akzopererwa kupera kwaNovember Virgie akaendawo nana tete nokuti anga apedza kunyora . Takasara nahubby wangu akabva anditi .... Him: Ndiri kuda kudzidzisa Virgie kudriver akagoenda kudriving school atore licence . Ndakafara nazvo aizowana zvokuita to keep herself busy mari yavo yavaishanda ndakafunga kuti atore passport imwe ndaizongoona kuti ndodii zvechokwadiwo vachibva kunopereka Viola akauya akatanga kudzidziswa kudriver aisatana kubata anga otoibata chose mota akanonyora provision ndokupasa akabva achibva aenda kumalesson hepanoi pakupinda pamadrums pekutanga akabondera pepiri akabva apinda zvakanaka akadzoka nelicence yake . Baba vacho vakafara kunyangwe neni ipapo vaitoti ndawana wekutuma kuorder . Zvanga zvave nani anga otonoorder mukunoorder imomo ndakamupa mari yekuti anotora passport akatono applier kwanga kwasara kuti anocollecter chete . Vakamirira maresults kudaro vamwe Mrs vake vakamudana akadzoka achiseka kuti vari kumuti aite malessons emaform 5 vaakuenda form 6 . Baba vacho vakati enda unogona kutozobata . Akaenda nevamwe akadzoka achiti ari kuita malesson eBussiness studies , maths, economics neAccounts . Ndizvo zvaaiita zvinenge zvairema nokuti anga ave kudzira weight baba vacho vakatomubvunza kuti chii akati kuverenga caz akabata work yese yeform 5 within a preriod of 2 months . Pakabuda maresults she never dissappoint aiva nema A ake 8 nema B maviri . Zvichivhurwa haana kuenda muform 4 akanzi aende form 6 since anga acover zvakawanda paholiday . Anga atova mutack chaimo . Form 6 inenge yanga yakaoma akasara ari slender mwana wangu iko aisarara waingomuka uchiona light remuroom make riri on achiverenga . Akachovha zvokusvika pakutondonyora A level yacho akazorora apedza ipapo akatozvisekawo achiti ndapera . Akatanga kupicker muviri akapedzisira atove nemuviri wake wemazuva ese . Tanga tave neshop yedu yanga yapera tanga tototengesamo plus yatairenter dziri 2 . Rimwe day akabva kushop akauya achiratidza kuda kuchema zvakatondishamisa kuti mhare yangu yada kuchemedzwa nei akasvika akagara pasi tikatarisana nababa vacho achibva ati ..... *stay tuned* [05/04, 11:15] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *Our channel link iri muzasi umo ndimo munowanikwa mabook ese aKatsande nemaprevious ebook rino inbox handipi book ngatipindei muchannel* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* 🌷🌷🌷🌷 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 12* Viola Ndaingonzwa vanhu vachitaura kuti mimba inoirwadza ndakadana amai chaiko . Ndakaziva kukosha kwaamai ipapo ndakabatsirwa mapatya angu mukomana nemusikana . Ndakatozoperekwa vana vatova nemwedzi . Ikoko kumba kwavo ndanga ndakagadzirirwa hembe dzevana idzi kuitaa dutu dzaibva kunana tete nekuvazukuru . Iye muridzi anga akatenga akatowedzera dzimwe anzwa kuti kune mapatya . Ndiye akatanga kuuya kuona vana Viny . Ndakagara kumba ikoko mwedzi wese asina kuuya tichingotaura pafoni. Handina kutoona kupera kwemwedzi nokuti ndaibatwa zvakanaka pamba paigara pane mufaro . Ndakanzw mhamha rimwe zuva vamuka vakandidana tikagara pamumvuri vakabva vati ..... Her: Nhai iwe makoti pane tsanangudzo dzandakanzwa kuchurch uko dziri kundinetsa nazvino ndiudze kuti murume wako snomboita nezvei zvisiri zvekucompany nokuti kutaura kwake iye nasisi vake vari kuti kucompany hakuna masales akawanda asi iye ari kuita kuchinjanis mota ndakanzwa izvozvi kuchinzi ane imba yakakurisa yaari kuvaka nemota imwezve yaakatenga . Sisi vacho vanoti vakamubvunza anongoti side hustle wobva washaya kuziva kuti anoita nezvei . Me: Ummm mhamha inini kutaura chokwadi handizivi vanongobuda vachiti vari kuenda kubasa sak ndindnge ndichitoti ndikoko kucompany . Sometimes vanodzoka kwakachena sometimes usiku chaiho . Kan kudzok kotoedza vanongoti kwanga kune basa rakawandiss day irorowo vanenge vaine mari . Her: Umm hoo ndakasopihwa tsanangudzi dzegomba kuchingonzi udzai mwanakomana wenyu asiye zvaari kuita nokuti taona gomba . Rufu zve urwu ndikamubvunza anongoti mhamhawo nemasowe . Ndiri worried hako ndosaka ndatokubvunza . Ndinopihwa munamato wacho ndowuita asi unozonzwa zve zvimwe chetezvo . Me: Umm pakaipa saka mhamha Her: Eee nofunga ukamuudza uriwe anogona kuteerera vanenge vamuka vana 2 avo vave kuchema . Me: Eee nhai regai ndinovatora mukaka wavo ndagadzira . Ndakanotora vana vangu ndikapa mhamha umwe ndokuvapa chimwe chigubhu vakatanga kumuyamwisa ini ndichiyamwisa chisikana ichi . Ndakada kuudza mhamha zvepfuti yaanogara nayo asi ndakatya kuti iye aizondituka . Plus anga andiudza kuti semunhu ane company anofanirwa kugara nayo hanzi ine licence saka paiva pasina chekutya ndakazvirasira kure uko hameno kuti dzairevei tsanangudzo dzacho . Asi zvekumasowe ndanga ndave kuzvibvuma caz mhamha pavaimboendako vaiudziwa kuti baba vachauya ivo vakauyawo zvechokwadi kunyangwe zvakatora nguva kuti vauye . Zvanga zvotondidyawo moyo ndakazviudza kuti ndaizonomuudza paaiyira . Ndakasimuka ndogadzira kubika zvemasikati mai vagara nevazukuru vavo . Mukomana ainzi Mollard musikana achinzi Melyn. Ndave kutobika muriwo ndipi pandakanzwa zvanana kufara vachiti Sekuru sekuru . Ndakadingorera wanei ndibaba Melly . Ndakafara veduwe ndanga ndamusuwa murume wangu . Ndakapedzisa kubika ndikazobuda panze ndikawana atogara namhamha akabata umwe mwana . Ndakaenda ndikanomumhorosa ndikaona aramba akanditarisa ndokuti ..... Him: Ummm wakusviba neruzevha bby ndikudzokera newe hausari ikozvino hantie waakuziva zvevana 3 months dzese idzi vanganokunetsa hre vana 2 ava kana kuti tibve neachakubatsira kuno tiende nemuzaya 1 uyo . Mhamha: munotoenda naMunashe uyo caz vana vacho vakada vanombopenga chaiko Him: Toenda naye saka kuno kuri sei ko mhai mukagoita kunge muri kuonda pane chiri kushota hre . Her: Ummm ndingashotei zvangu kungoti pane zvinhu zvandiri kusangana nazvo zviri kundinetsa handidi kurasikirwa nemi vana vangu Him: Oh mhai matanga ndezvema sowe so hayas mhamha matove addicted nemasowe ndosaka pandasvika pano mamhanyira kuti bata mwana . Mazvionaka kuti ndakachena mwana haana kuchena . Her: Mota itsva neimba yauri kuzendemura mari yacho uri kuiwanepi . Him; Bby oo makeys emota aya mubatsirane nevapfanha ava kutakura zvinhu zviri mumota imomo uise mumba . Kwaiva kuda kundidzinga uku kuti ndisanzwe conversation yevaizotaura namai . Takanokiinura kuboot kwanga kwakazara kuti paaa nemagrocery . Takatutunura tichinoisa mumba tapedza ndakapakura tikadya . Ndakasiya vasikana vave kusuka ndiro dzatange tadyira ndichienda kunobvisa Mollard pamper anga aita pupu . Ndakanomuchinja baba vacho vakabva vatopinda vachindimbundira ndokubva vati..... Him: Ndakusuwa mukadzi wangu hope wasimba caz ndikutokuda zvakaipa . Ndakangoseka ko ndaigoti kudii ndakaona anditarisa kumeso hameno chaaiona pamwe ndiko kusviba kwacho kwaaiona . Ndakanzwa ave kuti .. Him: Saka ukudzivirira nechii caz vana vachiri vadiki ava neuturu hwandinahwo ndinokuzadza dumbu iroro ndokuudza. . Me: Ndakabayiwa ini saka hapana zvinoitika kwandiri neni ndanga ndakusuwa .. Him: Ndikuzviona bby nguva yanga yareba ndaona mainini Virgie pamashops eish ko vanoshaina kudaro varamba nyangwe kutaura neni zvavo . Kutovadana vakanditarisa kudai vakafamba zvavo vachienda Me: Ummm Virgie anonoka kusungura chigumbu kumunhu unenge wakamunyeperawo paya pawaiti akati umuroore nekuti hatisiyani . Nyaya iyoyo ndakanetsana naye ndikamuudza ndosaka akunyararira wakamunyepera iwe usazviita futi handidi kuparadzaniswa neumwe wangu . Him: Aaa vanopenga mainini ndizvo zvavachiri vari kufunga nanhasi . Akatanga kundibata bata kusvika tatove kuita zverudo . Takazobuda mumba mangwana acho takabva taoneka kuenda naMunashe wedu . Takanogara kumba kwedu kutsva amai imba yanga yakanaka iyoyo yakakura . Asi kuita sendava kuparadise ndakatora mapic emba ndikatumira Virgie ndichimuudza kuti imba yedu itsva . Ndakatombomuti auye kumba kwangu akaramba achiti ari kudriving school . Akazondiudza kuti atora licence . Gare gare ndave nepassport . Ini ndaitozvidawo but wangu murume aingoti uchaenda uchaenda . Pamba pacho paiva nezidurahall zihombe rine ellectric fence kumusiro nezigate . Paigara paine mazimbwa 2 akakura chaiko change chave kundibhowa isudden change yehunhu hwaViny anga akubuda tosiiwa takiirwa gate kuchinzi kunze hakusi safe . Unotoita semusungwa zvanga zve kundibhowa ini ndaida kutombozotaura naye adzoka aaah hatingararami upenyu hwakadaro vana vangu vange vatokura vatove negore apa ndisina kumboenda kumba kana kuona vana mai vangu chaiko . Ikozvino ndanga ndasara ndega nevana vangu Munashe aenda kumba kwavo . Ndanga ndava nemusikana webasa sometimes aidzoka akakuvara zvokuti waitya neronda racho but kuchipatara airamba kuenda airapirwa pamba ipapo . Company yavo yanga yavhurwa ndaingonzw mukufonerana kwaaiita natete mai Munashe . Mazuva iwayo aanenge akakuvara aisaenda kubasa aimbogarawo pamba achiona vana . Paakapora ndipo paakamboita mazuva achienda kubasa achidzoka nenguva kwadzo . Mazuva apera zvaiva serioua waiti ukamubvunza kyti richimbova basa rei rekuti munouya mausiku . Aikuudza kuti ita ziva zvekudya uchienda kutoilet . Wega waipererwa naipala ndaipererwa ndaitoda munhu wekuti ndingataure naye . Ndakamukumbira kuti ndimboenda kumba kwedu chaiko akarambisa . Hameno aifunga kuti handaizodzoka hre ndakagara nevana vangu . Kutaura chokwadi hapana chandaishata zvese ndaizviwana asi yekugara semusungwa iyi ndiyo yaindirwadza . Mutown chaimo imomu ndakaguma kumuona kare . Ndakambofonera Virgie ndichiti ndimuudzewo zvaindinetsa . Akadaira zvake achitonditi .... 📱 eeh vemakore tikasatokutangai hamufonizve nhasi inonaya ndosaka kune makore . 📱 Iii ndiregei zvangu nenhamo yandinayo pakaipa mwana wamai vangu chido chinenge chiripo asi pfungwa dzinenge dzisiri pamwe . Dai usingaendi kuchikoro ndaimboti umbouya kuno uonewo mararamiro andiri kuita nyangwe ari Muchawagona hapana anosara pasi 📱 hahaha ndimi muchatambura hre imi otherwise vari sei vana vangu vakura hantie . Kuchikoro ndakapedza ini ndamirira maresults e A level hantie ndakakuudza kuti ndakajamba form 5 ndikaenda kuform 6 📱 Saka imbouya ka kuno unongoti kuna bamukuru vako ndikuda kuuyako . 📱 hah shaar ini handitauri nemurume wako nyangwe numbet dzake ndakadeleter kare . I hate munhu anonyepa saka uchiona ndisingatauri naye nyangwe ndikauya tingagarisana seiko nokuti iwewe ipapo pfungwa dzako dzave kungokuudza kuti pamwe ndinoda murume wako . Kuuya handiuyi mwana wamai vangu nditori kushop kwamdara ini hakuna musikana mazuvaano ndini ndiri kutotengesa . Munhu aitengesa akaenda kuoff. 📱 Pakaipa wena hameno kuti ndichauya riini ikoko handisi kutombobvumidzwa kuuya shaar . Ndinotoshuvirawo kuvawo nasomeone wandinoturira mutoro wangu . 📱 mutoro weiko mai Mollard chingotaura zvacho zviri kukunetsa titaure ipapa ko zvinombonetsa hre kana usina airtime ndofona ini 📱 handingataure pafoni ko kana yakahackewa zvinoda face to face zvino zvaukuramba hamenowo . Ndakabva ndatocutter ndikambobuda panze kunogara pamushana ndichifurwa nemhepo . Ndakazodzoka mumba pava paya ndichidzingirirana nana 2 zvanga zvanditevera panze . Ndakanogara mumba ndikavaisira macartoon zvichiona ini ndokutorara zvangu pasofa ipapo . Ndakaenda kunogeza hubby akakasira kuuya anga akasuruwara hamebo chaiva chii . Handina kuda kumubvunza zvangu nokuti ini ndaitova nezvangu zvaindinetsawo . Me: Ndanga ndichikumbirawo kumboenda kumusha baba Mollard handicharevi kwangu ndave kubvira kwenyu . Him: Mai 2 imbondimira i am trying to think here iwe wotondiudza hako zvisina basa . Kumba kwacho unoda kuenda kunodii . Unoda ndisuwe mukadzi hre ini ndakaroora wakavinga ini saka uchagara pano neni . Kana toenda kumusha ndichakuudza imbogara . Nhasi ndiri kumbobuda nebasa ndinodzoka mangwana . Me: Ok pari boe . Akabva agadzirira kumazuva rovira ndokuenda mangwana makuseni . Takamuka tikabetserana kucleaner ziimba rese ndaitovawo nesimba . Masikati ndipo pakapinda baba Mollard mota yacho yaisava yavo asi . Ndakadongorera vanhu vacho ndaisavaziva vakangopinda aunt vari kuroom kwavo vakangosvika nekubvunza kuti ndiwe mukadzi waVincent ndakangofira kuti ehe ndakabva ndatendekerwa pfuti ndikazoona ndave pasi ndanga ndarohwa pabendekete apa vakabuda vachimhanya varume vaya ndikasara ndega zvino . Vana vachingochema aunt vakauya vanhu vaenda ndakavati vatore phone yangu vanyorere munhu anonzi Virgie kuti ndaakufa vakaita sekudaro ndakatanga kuona zvinhu 2 2 . *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 4

Comments