Ancy Cays Novels
June 8, 2025 at 08:37 AM
[05/04, 17:49] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/FkTF3Lo9eCaJOxa4b35EW5
*Vanofarira zvinyorwa zvaAncy ngatipindei tese muchannel ndimo mamuchawana mabooks ake aakanyora . Channel link yedu iri muzasi ngatipindei pasawana anosaririra*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
🌷🌷🌷🌷🌷
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 13*
*Drake*
Kufa kwadady vangu kwakaita kuti ndione kuti kwaisava kwega . Caz thats the time my mother vati tiende kuVar outside the country ini ndaidzidzira kuzo runner company iyi whist my sister aiita accounting . Inini and my sister we were so close zvokuti we are inseperable . Vanhu vakatombofunga kuti tinoita makuna kuna yet pasina kana chaivapo . Zve IT kwandiri ndakangoitira course yacho for security measures . Tisati taenda takaisa maspy cameras the whole house even kumaoffices ese . Zvese zvaiitika pamba taizviona tiri overseas . Zvokuti wainzwa seunotsva uchiona a person you call mother aine hunhu hwakadai rimwe day takatogara naDelphy akabva ati .....
Her: I am beggining to suspect that our mother killed our father kuti vanatsojola chaiko . Bros we are not make sure every stone in this case . See this girl ari kuita kuvabira whilst vari kuita zvevarume .
Me: Lets zoom these goons maybe one of them might be her ben ten . Ndoita sei ndivati company imbovharwa hre kana kuti tinowana pasisina chinhu
Her: Dont worry hatisi kuda kuti vanhu vafunge kuti pane yatii kuona as long tiine mapapers ecompany atakasiya mafake ega ega let them fool her isu tozopindira hedu
Ndakazvibvuma hangu ndikatombo ignore kuona zvaiitika ndichiconcentrater nezvechikoro . Vakazotaura havo kuti vanga varobbewa ndikangoti tave kuuya ndikangopopota nhema. Patakangigraduater ndakabva ndaenda ndakatombosiya Dee ikoko caz aida kuendeswa kuma intro nemukomana wake kumba ozouya zvake kumba . Ndini ndakatanga kusvika kumba ndakafamuchirwa naivo mhamha kuairport takaenda kumba ndikaenda straight to my room ndokunoisa zvinhu zvangu mukati ndichibva ndaenda downstaires vaitofara zvavo asi ini mabasa avo aitonyangadza pachiso changu
Neniwo ndaiva very bad when it comes to my assets akasiiwa nababa vangu kuti vamwe vana punha vangotora zvavo pavasina kurima i am back and with a bang . Vakabvunza mwana wavo ndikavaudza kuti ndanga ndamusiya kustates aizitevera ndaisada zvangu kuti vazive . Ndakaswera ndiri paden ndiri low low zvangu zuva raitevera ndakaenda navo kubasa as she handover everything to me . Vaingobirwa mai vangu caz she is inexprienced for the CEO position . Ndakabva swera ndichigadzira macctv footage pese pakabiwa neteam yaishanda apa . Ndakabva ndadana board meeting yeevery worker wepacompany apa even macleaners ndakadana my friend ari 2 vaiva kuCID department ndanga ndavatipira nyaya yaivapo ndaisada kusunga vanhu ndaingoda kuti vadzose even kobo raakatora pacompany ndadaro ndofire ndorecruiter new staffs . Vakauya vakaungana mukati door richibva ralockewa .
Vaishaya kuti zviri kufamba sei vanhu vanga vongozevezera aisetter TV akapedza ndakatanga kumupa madisc ema cleaners nemacook ndichibva ndati .....
Me: As you know i am the only son of the late Saunyama and i am back to run this company ava vamuri kuona vari paside pangu vanonzi Detective Murozvi avo vari kudoor vanonzi detective Zvarova . Munongoziva tsumo iy yokuti kure kwemeso nzeve dzinonzw but ndave kuishonyorora ndichiti kure kwenzeve meso anoona . Ndichikuona some of you ndaikuonai semaloyal workers on not knowing you were ploting to bring this compamy down . Every premisise iri pano chete pane macameras hope maisazviziva vaitora mari dzemucompamy vaiba mastafs epacompany zivai kuti you are going to face the law ndosaka tadana madetectives aya ndosaka muchiona vaine macuffs akawanda .
Vanhu vakabuda ziya akaplayer macleaners achiba madetergents , macooks vachiba some food staff and vaionekwa zviso vaitonyara vaibva vatorwa wese aonekwa dzichitochena . Kuzoti kumagogodera vamwe vaibuda vachiba mari vamwe vachiplotter kuwisa company vachipihwa mari vondoconvincer mai kuti vaise signature vaisaziva havo kuti zvese zvaiva fake . Vanhu vakashama muromo vakatanga kukumbira ruregerero vanga vasina mhosva neushoma hwavo ndakavatenda ndikavavimbisa kuwedzera salary yavo . Ava ndivo vandakasara navo ndakabva ndavati .....
Me: Handisi kuda kumusungisai but if you prove to be stuborn nxi nxi nxi you will rot in jail . Muchava nevanokutarirai ndiri kuda every cent ramakatora imiwo macleaner handichadi maitems ndiri kuda mari inoenderana neyamastaffs enyu my account ari kuuya achakuudzai kuti zvinoita marii mastaff ese amakatora muchaudziwa mangwana by Friday munenge mauyisa mari idzodzo or motoenda zvenyu kujere failing to do so . Vane maplot avaiita i want every detail yamaironga nevaikutumai though maiita henyu zvinhu zvefake mari vanhu venyu dzavakapa mai vangu muchivavhara ndine urombo kuti dzakatoendera mahara .
Vakabuda Delphy akauya akaita auditing nekupa macleaners mari dzavaifana kubvisa . Ndipo pandakaudziwa zve this guy anonzi Viny . Ndiye umwe aida kutora company neugevha zvino akairasa ndanga ndave in charge . Ndakaita kuti maPI vamuone vachindiudza informstion about him . Ndipo pandakatozonzo naDelphy . Cant you see this guy ndiye aiva ben 10 wamhamha who was dating the maid also . Ndakatozoona kuti she is right .
Ndakati zvese taisiira kumaoko emaPI team rangu ndaiziva kuti ndiko kubasa and vaiita basa ravo nemazvo. Ndakagara kubasa tichiuya tikambowana zuva ratakaenda kumine kwedu ndipo patakaona some minerals akatobiwa zvawo hah mhamha ka she destroyed a lot anyway taizotangira ipapo . By Friday sekutaura kwedu vanhu vanga vadzosa mari in full nokutya kuenda kujere hakuna aida jere vese ndakabva ndavati ......
Me: I am here by to pronounce that you are all fired with immediate effect anoda kuenda kunomhan'ara you can go . Vakabva vaenda vese ndikausa maposters ekuda vanhu vebasa . Vanhu vaiuya kuinterview there is this girl akauya achida post yepareceptinist asina maqualifications achingori necertificate reform 4 . Hameno sei ndakamunzwira tsitsi i juss gave hee basa . Handina kuda kuziva a lot about her but there is something about her akataura chokwadi kuti ari kuda kushandira mari yekuti azoenda kuVar her face looks so familiar .
Panga pava neweek boys rangu rasaver mukadzi waVincent tikamucrosesa abroad kuti anorapwa ikoko . Ndaida kuti Vincent ambosuffer chaiko ndaizoti adzoswe kuno shure kwave kwedanha . Team raizoita kuti aloose memory uko ndiko kubasa kwavo . Ndakagara zvangu ndiri low low ndaida kuti mukomana ambosuffer ndozoita kuti asungwe zvangu ndanatsounganidza umboo hwandaiva naho . Its unfortunate kuti magooms akapfura mukadzi wa Viny akashooter gateman mabullets 3 akafira paspot .
Kumba ndakaemda zvangu ndikasvika mhamha variko vakandibvunza mubvunzo wakaita kuti ndidurure ukasha hwandaiva naho ini ndaizama chose kuvanza hasha dzangu .
Her: Ko iwe sei uri kungoita zvaunoda pacompany yangu without informing me mave kutotonga pano pamba hantie .
Delphy : Poinr of correctiom mama our fathers' company not yours incase you forget company yakasiirwa Drake nadad itai go through will ravo kana makanganwa . Mhamha do you think we are happy nezvamaiita hre .
Her: Aaa zvandaiita zvei vana imi munoda kutonditonga right manje hamundizivi mushe .
Delphy : You will kill us zvamakaita dad .
Vakataratidza kuvhunduka ndakabva ndakwenya Dee ndichimuudza kuti calm down ndakatarisa mhamha ndichibva ndavati .....
Me: If you knew you were about to sell the company to your ben 10 Vincent mainyarara kuti zii izvozvi i am furious i am trying very hard not to do something i will regret . Baba vasina kana mwedzi yakawanda vafa manga motoita zvevanhurume mama makabisa mari yecompany nemaboyfriends enyu . Your luxiourious lifestlys yakaita kuti itore more than 25% of the company money muchiita kusqander mari semushonga muchitengera maboyfriends mota imwe vachikubirai vachivaka mamansion imi muchiruza chete for your own information its my company i am back for it .
Vakange voshaya kuti vobata papi nenyadzi Delphy akabva avati .....
Her: We are going to bring those culprit to book ndine urombo kana mukatendekwa kuti munechekuita nekufa kwadad munoenda kujeri straight
Vakangonyarara and taifana kutove carefull we dont trust her also . We have to monitor her moves too . I juss make one call and it was done . Vanga vave kutofambira nyaya dzacho vakomana .
Takagara hedu pamba sometimes waitoshaya kuti chii chaizvo namhamha ipapa vaivatevera vaitiudza kuti vane vana vavari kuenda navo kuma lodge ndiko kwavave kuitira mabasa avo ikoko . Pane pamwe paunozvibvunza kuti mubereki wangu hre kana kuti .
Delphy anga andibetsera kuti company yangu ive in shape zvese nekumine . Akauya kugara paarm rest ini ndakagara pasofa akabva ati.....
Her: Bros i am going to miss you eish i think its high time muchitsvaga bby a serious relationship ndaakuda maiguru now . Inini ndave kuendawo kwangu vakuwasha vari kuda kuuya so vari kuda date ndangomhanya zvangu kutaura but tete mai Romeo vachauya please my brother isai date repedo .
Me: Aaa asi wava nemimba kai whats the rush . As per bby i am eying someone lets hope she is going to accept me paari ndaperera wena and i am going to do whatever it takes kuti andidewo .
Her: Waaaal thats my bros are you going to show me the girl in question .
Me: Not now but you know her .
She giggled akazama kuda kuti nditaure but ndakaramba zvangu . Mhamha vakasvika tichiita nyaya . Pavakapinda vaiva natete mai Romeo . Takasimuka tese tichivamhanyira she is our favourite aunt the one who was close to our dad.
Her: Yowe yowe Drake ko zvawava mutumba werume ayewa chiitai muchiroora Samanyanga . Matova baba zvamadai so .
Momy: Zvatonaka mauya mombovaudzawo ndaitonetseka even naiye Delphy kuti achatowanikwa mwana wangu . Vamwe vaitofunga kuti vana ivava vanotorana ndikamboedza kunyangira even baba vacho vakatomboita means hameno dzei vakazongoti havatorani kuwirirana bedzi .
Her: ZvaDelphy zviri covered ndosaka ndauya pano ndiyo nyaya yandatofambira . Delphy ari kuda kubvisirwa and mukomana wacho anoda zuva ndakasvitsa nyaya kuna mukoma baba Sandy so vati izvo mukomana ngaape date ivo vangori free always ndosaka ndauya kwamuri Samanyanga ndichatombogara kuno ndichiona kuti musalad wangu zvemba zvaada anondozvigona hre .
Me: Ok i think this coming weekend neMugovera regai zviende kwazvakaroorewa tiwane kufurwa nemhepo . Ndakaseka pakabva pafonewa neone of my PI vachinditi vaida kundiona as soon as possible vaiva nevital information . Ndakabva ndavapa location yekuti tisangane . Ndakaoneka team ndichibva ndapinda mumota mangu ndakasvika pavenue vatovepo ndikagara pasi ndokuorder masoft drinks takagara mucorner vachibva vati .......
*Stay tuned*
*Please note this book book is going to be onsale from chapter 15*
*Vamwe vakatobatira nzvimbo kare nzira dzokufana kubhadhara nadzo ndedzinotevera*
*Zim side*
$1,50 Eccocash
30 Zig eccocash
*Airtime*
$2 buddie
34 Zig
*SA side*
30 Rand easy load airtime
Number dzinoiswa mari 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ zita rinobuda A Katsande
Ndidzo zvekare dzamunotumira mapic emaeasy load airtime yenyu vari SA . Vaya vanoda kutumira nebank munouya inbox kwemunyori panumber idzodzo zvekare .
Book rinouya neboom only.
*One free chapter left inouya mangwana mova nezuva rakanaka*
*Ancy loves you all*
[05/06, 06:53] null: https://chat.whatsapp.com/FkTF3Lo9eCaJOxa4b35EW5
*Vanofarira zvinyorwa zvaKatsande ngatipindei muchannel medu ndimo mubouyira mabook ake ese nemaprevious chapters ebook rino ndimo mamunoawana. Link yedu iri muzasi*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*VIRGIN MOTHER*
🌷🌷🌷🌷
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*chapter 14*
*Virginia*
Kushop kwaitobhowa kuswera uku vanhu vaingouya kuzama lucky nevarume vevanhu vakomana zvichingodaro . Unonstsoona kuti umwewo muedzo unokuwira wakavarairwa zvako . Hapana chinhu chinobhowa sekunyengwa nemurume wemunhu uchinatsokuziva kuti uyu murume wemunhu achikukangira nhema zvokuti vaya vasikana vasingatani kunyengereka vanowira . Ndakagara zvangu day iri kwaitobhowa plus ndanga ndakaneta neta ndiro day raiuya musikana wemushop ndimbozorora zvangu ndiri kumba ndichimbogainer weight . ZvaViola zvekuti ndiuye kuHarare ndaisada iko vanhu vaida kuti ndivashanyire veduwe . Tete Nancy vaingonetsawo kuti ndiuye kumba kwavo kuHarare ikoko vachitonditi muwane zvekuita mugozvitengerawo hembe . Vaiva nepfungwa yakanaka asi ini ndaisada kusiya mai vangu ndichienda kure navo .
Ndipo pandakaisirwa messegewo masikati Viola achinditi ndave kufa Virgie . Ndakapererwa ndakaiverenga ruviri rutatu ndichibva ndatryer kufona number yake yairamba . Ndipo pakarova hana yangu . Ndakakiya madoors eshop ndokuenda kumba ndakasvika ndichichema ndichivaratidza messege iya . Ndikanzwa mhamha vave kuti .....
Her: Munhu mupenyu haachemewi mwanangu pamwe kutaura kudai ari kurwara iwe wochema rega tizame number dzake tinzwe kuti chii . Mai vachiedza nedzavo baba phone yavo yakabva yaringer vakangotitarisa tese ndokudavira madaviriro avakaita acho ndiwo akatipedza pfungwa . Vakatura mafemo vapedza kufona chavakangoita kugara pasi zviya zvekupererwa zviya vakabva vati .....
Him: Eish zvakaoma hanzi Viola hakuchina ari kunzi.....
Kungodaro chete ndakaikwetsura mhere ndakademba chandainge ndarambira kuenda kumba kwake pamwe ingadai asina kumbofa mwana wamai vangu . Asi akafa nei ndizvo zvakandinetsa ndakabva ndabvunza baba kuti ainzi afa nei
Him: Murume wacho ari kuti atsikwa musoro hanzi hazvitarisiki so zvatove pano ini ndotoenda ikoko ndonobetserana nemukwasha kuuya nemutumbi be stong mai Vee iwe ukadai ko mwana oita sei . Regai ndiudze vana mai mufanokuenda kumusha kwake sezvo anga aroorwa anochengeterwa kumusha kwake . Rakavira zuva atove mariro takarongedza kuti tiende kumusha kwana kwacho nana mbuya , vana tete nevanwe veukama anga takaenda kana ndiri senu handizivi kuti ndakafenda rungani . Ndainzwa ndichizvipa mhosva chaiko .
Ndaito ndikafunga kuti chokwadi anga atombotaura neni . Ndaiona sekuti ndakaregerera mumwe wangu . Kutsikwa kwacho anga otsikwa achiendepi ini Viny handimutembi zvangu ini . After all ndiye honzeri yezvese izvi ndinotori nemubvunzo yandaida kumubvunza kuti amdiudze . How come akatsikwa iye aiti ndinogara ndakakiirwz gate . Takanosvika vamwene vacho vaichema vaimuda muroora wavo veduwe . Takagara zuva iroto havana kuuya nebody vakazouya zuva rechi 2 . Ndipo pavakasvika natete Nancy vaivawo mumota yemutumbi . Iye anga akaisa bandage paruoko apa nemusoro ndakaramba ndakamutarisa achiratidza kunzwisa tsitsi zvenhema ini ndaisamunzwira tsitsi kana tsee .
Ndakachema zvangu sure hre Viol kutonzi hakuchina zvachose kutoti handichamuoni zvachose zvinhu zvaindibaya pamoyo . Semunhu ainzi akuvara zvisingaiti haatarisiki ndizvo zvakataura baba kuti musodo wakaparara chaiko hautombooni kuti ndiani vakati kuti arare agivigwa mangwana hszviiti kwaipisa saka aizoshata . Vanhu vanga votochera musha wake . Vana ndivo vandaimzwira tsitsi vaitondichemera vaitondiona samai vavo ko tanga takafanana zvee . Ndini ndaingova navo kusvika patanochengeta Viola ko box kuramba kudzira haro konzi gomba idiki . Airatidza kuti ane shungu dzakawandisa . Vakachera vacherazve richiramba kudzira kusvika vanhu vatukirira kuti zvino zvaunoramba kuchengetwa dai waregwa hako uchingotsikwa nedzimwe nyika kusvika watsakatika muroad hre . Ndipo paakavigwa ndakachema ndichimuona achienda mwana wamai vangu .
Takubva kumakuva vanhu vakanodya ini ndaitadza kana kudya chaiko . Vakauya bamukuru vachida kutora vana vakarambira kwandiri ndakabva ndavati .....
Me: Imi bamukuru ndiudzei kuti akatsikwa sei ko akazobuda gate hre nokuti ndakanzwa achiti munogara makamukiira gate . Akazobuda sei achindotsikwa . And mubvunzo wangu uri pakuti why aigara akakiirwa gate chii chiri kuitika
Him: Mainini twiny wenyu hapana chaaishaiwa ndinotozviblamer neruchengera rwangu pamwe dai pasina chaitika so . Ndakamukiira gate after ndaona achifamba nevamwe baba ndikafunga kuti ndave kutorerwa mukadzi. Zvino apa ari kunzi akanetsa gateman kusvika abuda achiti aienda kusaloon ndiko kwaakazonotsikwa ikoko . Zvakaoma henyu .
Me: Hoo lets hope hamuna ruoko pakufa kwake caz nxi nxi nxi you will suffer . Oh ndizvo zvandanga ndichida kunzwa regai tiende uko kuri kudaidzwa vanhu ..
Takabva taenda ndokunogara pasi kwaitaurwa zvenhumbi dzemufi kuti dzaizouya plus vaida kuziva kuti vana vacho vaizogara nani ivo vaiva vachiri vadiki . Vatete vakasimuka vakati .....
Her: Vana vanavo vamwe mao hantie munoziva kuti vanga vari mapatya . Izvozvi havasi kutoziva kuti havasi mai vavo caz maidenticak twins . Vana tinochengeta as long muchiziva kuti kune vana .
Vakabvumira nesu tikapihwa zvimwe zvinhu zvevana takararapo ndokumuka tichienda kumakuva . Takabva taenda kumba haana kuitwa body view ndakati tave munzira kuenda kumba tiri mumota ndakabvunza mdara kuti ....
Me: Baba makanatsoona kuti ndiye hre Viola ndimi makamuona .
Him: Colour , height zvoratidza ndiye but kumeso hakuoneki ka mwanangu iye ndiye aiziva zvaakabva akapfeka ndosaka ndakati ndiye .
Me: Its ok . akachema Mollard ana mbuya vake achiti mhamha . Ndakamutora ndokumusenga vanga vasingachayamwi akabva atonyarara zvake . Ndaiyerekana ndadonhesa misodzi ndinavo . Mbuya vakatozonditsiura kuti ....
Her: Hona zviri kuita vana vachikutarisa unofana kutova strong pavana ivava ndiwe watova mai vavo.
Tete: Mainini tikuenda tese kutown mumbowana zvokuita to keep yourself busy musanyanye kufunga manhingi .
Me::Ko vana vangu tete ndivasiye kuno zvingaita hre ndinoda kubonder navo vana vangu look at them vachiri vadiki ava 1 year 6 months .
Baba: Vana vanotorumurirwa wani mbuya saka usatya tinosara navo vatete vako vari right unoenda Magumbo wangu
Ndakabvuma zvangu takasvika kumba ari masikati musikana akauya kutora makeys ekushop ndokuenda nawo tikasara tega pamba pedu . Mai vaisads kuti ndiende ndaivaona zvsngu caz zvese zvaitaurwa ivo vanga vakangonyarara . Ndakazonzwa votaurirana naivo mdara . Vari muroom mavo ndakanzwa vachiti .....
Hm: I know nancy munhu kwaye dai anga ari Tendai ndairamba . Plus Nancy murume wake anonzwisisa ari welm connected zvinogona kutozofambira mwana wedu chero akazoenda kuVar anowana basa nekukasika . Plus hantie makavaregerera hre kana kuti makangoita zvokuti zvikubvei deep down your heart usina kuregerera .
Her: Ndichadii imi makatoronga mukapedza ndaida kuti ambogara pano she is all i have now . Handidi kuti anything chimuwire mwana wangu.
Him; Ndokunzwisisa mukadzi wangu but mwana anofana kumbofambawo achiona nzvimbo achidzidza ikoko akanobaya baya macomputer anopedzisira ave neexperience akazoenda kuVar haaiti mutsva wayo .
Her: horight anoenda hake m
Vakazouya vave vese vakauya vakagara pandanga ndiri mhamha vakabvunza vazukuru vavo ndikavaudza kuti vanga varara mubedroom mangu ndakanzwa voti .....
Her: kana woenda uko Virgie mwanangu wondoziva zvawafambira ikoko handidi kuti dhorobha rikuchinje hunhu . Wonoita chaizvo zvawaiita kuno tanzwanana
Me: Musandityire amai .
Takagara 2 days tisati taenda ndokuzoenda zvedu ndakasvika kumba kwacho bamukuru vakauya kutitora kurank kuenda kumba . Vaitoseka zvavo vachiti ndavigirwa mukadzi wechidiki tete vakavaudza zvebasa vakatoti pane imwe company pari kudiwa vanhu vakatoti ndovaperekedza vonozama lucky mangwana ndakarara ndichingofunga kuti ndinondoriwana hre . Manheru takabika tikadya ndomumuka kuseni ndichotomutswa natere kuti ndigeze . Ndakageza ndikapfeka formal nekabhutsu kangu kari nane tichibva taenda nabamukuru .
Tiri panze ndichiona madegree holder aripowo vane maworking experience neni zvangu svari ndaiva ndisati ndambodii . Takagarawo kusvika turn yangu yasvika . Ndakanovapa chitupa cheform 4 akachitarisa akabva anditarisa murume aivamo achibva azoti ...
Him: Uri post ipi iwe usina kana course kana diploma zvaro talkmore of a degree .
Me: Ndikuda pareceptionst ndinokasira kubata zvangu ndikadzidziswa.
Him: Ok wakaregerei kuenderera mberi nechikoro zvawakapasa kudai .
Me: Ndakanyora form 6 so apa ndikuda kutsvaga mari yekutenga hembe dzangu dzandichaenda nadzo kuVar .
Him: Aaa i like that utori neconfidence dzekuti unopasa hantie . Wave kutoronga zvemberi .
Me: yah zvaunotaura nemuromo ndizvo zvaunoita mashoko ane simba
Him: Its ok iwewe you are hired mangwana uuye kubasa wodzidziswa nearipo mozoita zvokuchinjana kuuya kubasa muchiita mashift muwane mukana wekuwanawo maoff days . Ndakavatenda ndikabuda ndichifara ndokuenda kumota ndakavaudza bamukuru vakafara neni . Zvokuti ndaizohora marii handina kumbozvitsvaga aslong ndichishandira a big company . Takaenda kumba tete vakafara neni day iri takatonodyira out ndakaita sendaona Viny asi handina kuona kufamba kwake . Tave kumba ndipo pakaringer phone yangu ndakadaira ndinzwe ....
📱 mai Mollard uri sei
📱 ndiri boe ndiani uyu
📱 ndibaba Mollard vari sei vana ndokumbirawo usandiblocker ka tiwane kutaurirana pamusoro pevana vedu . Ipapa ndatokumbira phone yemunhu kuti ndikufonere .
📱 Its ok vana vari boe vakasara nambuya vavo so ndivo vamunobata for the mean time ndivo vane vana .
📱 Ndiri muno mutown.
📱 Aaa saka wakaita sarapavana pakudii iwe uchivasiya vega shaar enda unotora vana kana paunogara pasingaite ndokulodgera ugere nevana vangu kana uchida nnany ndokutsvagira .
Ndakada kuseka zvangu vaindiziva mushe hre baba ava kana kuti vanongoita kunzwa . Vanotombozivawo hre kuti neni wacho nditoriwo sheet chaiyo handiitirwi mashura iwayo kana aindiona saViola waaita chukuku vatavata kusvika muguva anozviudza nhema ndakabva ndasunga kumeso zvokuti tete vakaramba vakanditarisa ndakabva ndamuti .......
*stay tuned*
Nganonyorwa yedu iri kuenderera mberi asi yondoperera kuSubgrp huya muzvinzwire kuti zviri kuenda nepi. Vachada kupfuurira mberi nenganonyorwa iyi hedzinoi nzira dzekubhadhara book redu
*Zim side*
$1, 50 eccocash
30 Zig eccocash
*Airtime*
$2 buddie
32 Zig
Unosarudza nzira yakakurerukira yekubhadhara nayo mari dzenyu munoisa pa0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ zita rinobuda ipapo A . Katsande . Vane mairtime munongoisa panumber idzodzo zvekare .
Vari SA 30 Rand easy load airtime munotumira maslip acho panumber idzi zvekare iZim number . Vaya vanoda kutumira nebank munouya inbox totaura . Zvichemo kuinbox not mugrp .
Book redu rinouya neBoom only uye richatanga kuuya neChishanu . Maproof of payment munouya nawo panumber dzemunyori kuwhatsapp 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Ancy loves you all*
❤️
👍
😂
🙏
👩👩👦
😢
😮
😻
26