Ancy Cays Novels
June 9, 2025 at 08:28 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chimwe chizimbe mhanya kuchannel ufambire pamwe nevamwe urege kusara* *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 1* "Kutidzira mutakura iwoyo Tary uuye ugare pano ndine zvandinoda kutaura newe" vakadaro mai vangu vakagara pamumvuri ndakabva ndapinda mukitchen ndikanokutidzira hari yemutakura vana Tino naTatenda vakapinda mumba vachidzingirirana apa ndanga ndichangobva kumudzudzura ndakasvibirirwa zvokuti ndikabva ndavati .... Me: Mukwane vana imi mumba mandiri kubva kudzudzura musati matombooma ndimo mamuri kuuya muchitsika nemahwanda enyu ndokudii ikoko ndomarova makotsi segokovonho rehuni . Zvakabuda mumba zvichibwibwinyika kuseka ndakabva ndabudawo ndokuvhara door ndokubairira chihoriri mukato ndikatanga kufamba ndichienda kwanga kuna mhamha ndakatarisa kumumvuri waMachuma ndikaona baba vangu vakagara vakaisa nguwani yehat yavo pamabvi avo vagere pachigaro chavo chavanofarira apa VaMachuma vachibuda mumba netray yaiva neteapot nedheka ndakanzwa mai vave kuti..... Her: Zvino iwe munhu mukuru zvowomisa huro setwiza ko vana Tatenda voita sei ndakakuudza kuti gutsikana nezvaunazvo . Me: Muchiti ndingachiveiko mhai pana mai vakamama moyo vachiti ipupu . Ndosaka Mwari akavanyima mwana nokuti moyo wavo mukukutu mai ava . Vatete vanoshungurudza mwana wehanzvadzi kudaro iko chiiko chakamboitika kuti muzouya pamurume wavatete eee sorry nevermind mati chii zviya nhai mai Tary . Her: Hayas kutaurisa mwanangu hazvichinji kuti ndimai vako . Me: Mhamha musandipa jambwa havasi mai vangu avo ndivatete vamai. Manga matii nhai Machuma wee . Her: Moyo wangu wakarwadza mwanangu kuti ugare pano nemapasiro awakaita zvino ndakataura naSekuru Abiner kuti uyende navo kuguta unogara nemukadzi wavo uchienda kuchikoro sezvo ivo vachigara vachifamba negonyeti ravo . Zvino ndine maviri matatu mwanangu uko kwandiri kuda kuti uyende uko maiguru vangu ndakavaona ndikatoona kuti munhu anotsvinya and munhu ari rough asi iwe ziva kuti uri kuda kudzidza chete saka hasha dzako dziye wondodzi controller nyangwe vakakuita sei iwe ingoziva chinangwa chako mwanangu. Usandoita drama ikoko ndapota zvangu Tariro mwanangu . Me: Ummm mhai ini zvokuzoitiswa nemunhu handiwanzi kuzvifarira zvangu asi ndichaita sezvamareva . Ko ivo sekuru vacho vanouya kunditora riini ? Avo vakatozoramba kubudisa mari yavakatengesa cotton yatakarima tese ndichibereka gubhu ini ndichifirita mari yabuda voramba nayo apa havana kana mwana wavanaye chinondirwadza zibaba rangu rinenge rakangodumata muromo richiona zvese izvozvo but one day is one day . Mama: Izvozvo chirega kuzvitsvaga mwana wangu hantie wave kutonodzidza kudhorobheni chaiko. Kutaundi kwekuti unodzoka kuno wachinja . Wondodzidza nesimba munhu ndewekuziva nhamo yake tariro yedu iri pauri saka usandinyadzisa Tariro . Sekuru vanotouya mangwana chaiwo unotonogarira gonyeti ravo kutara uko kuseni ndichatoti uyende nechimbudzi changu wopota uchifona kwamai Attah uko ndichinzwa kuti uri sei Mwari vakandipa simba ndicharuvirira chimwe . Me: Umm mhamha kwete phone ndinosiya ndongoenda nenumber dzenyu chete handizishaiwi wandinowirirana nayewo ane phone ndigopota ndichikufonerai . Her: Zvakanaka madhuve wangu unofana kurara warongedza Me: Ok mama regai ndimbonooneka Attah my very good friend acharwadziwa hake aifunga kuti ndichauya kuchikoro zvino ndotoenda kumwe . Hope nzvimbo ndinondoiwana ikoko kudhorobheni kwacho. Her: Zvakanaka mutobva nehuni usiye wawedzera dziripo idzi. Ndakabvumira ndichibva ndasimuka road yekwana Attah ndaitopfuura neikoko kwaiva namaiguru Machuma uko kumba kwavo taingova nechivanze chimwe nzira yaidarika nemujinga mehozi yavo . Ndakafamba zvangu ndichiimbirira kuvatsvaga hangu ndikadarika ndisina kumbotaura ndikanzwa voti..... Her: Kwakanaka hre iwe mwana wetsikidzi iwe zvounoita sewatumwa zvee enda unovaudza vakutuma kuti kwamatituma kumakata . Uchingomisa kushure kwakamira sengongoni . Me: kana ndiri mwana wetsikidzi imi ndimi zitsikidzi racho caz ndimi makarizvara zitsikidzi racho . Plus ndimi zitsikidzi racho imi munosveta vamwe ropa ravo. (Ndichiseka) idzo tsikidzi dzozivana regai zvangu ndiende ini ndotumwa kwamuri kuti munei zvatakangofanana izvo zvimukaka zvamuri kukama kumombe dzinofudzwa nehanzvadzi dzangu ndizvo zvamungatovhaira nazvo hre muchitotinyima dai ndirini mainorisa mega mukadzi nemurume . Mai vakandidana ndikaseka zvangu ndichienda ndaiziva kuti vaindidanira kuti usataura . Ndakafamba ndikanzwa Adrian chihanzvadzi chaAttah chave kunditi..... Him: Tariro uyo Attah ari kubva kugarden uyo akabereka kadatya bag kake mumirire mugoenda mese . Me: Ok watogona hako ndanga ndisina kumuona ko iwe uri kuitei mugwenzi imomo hausi uri kusiya gamba rako imomo hre bvaa tingabaiwa nekorera . Chakabwibwinyika kuseka chirimo unoshaya changa chandiona sei chiripo pakati pekuradzika national hero racho muheroes acre mumova mugwenzi . Attah wacho wandanga ndakamirira akabva asvikawo smile iri kugotsi hameno kwaiva kufarira ini hre kana kuti . Kungoti Attah ndizvo zvaaive agara munhu anongonyemwerera ndaitomuti Manyemwe nenhau yekusekerera iyoyi . Me: Taura tinzwe ukusekererei kudaro . Her: ndingasaseka hre ndakunzwa uchitaurisa ndikaziva kuti zvako zvauya . Anyway uri sei hako ugoona ndanga ndichitoti ndikanosiya zvihembe zviri umu kumba ndouya kumba kwenyu tiende kuhuni kumba kwedu hakuna kana soso chaidzo . Me: Ok chihande unosiya tibve taenda mugomo rekwaWacho iro tinotema huni dzacho neni ndikuda kutosiira mai vangu huni . Her: Kusiira mai vako uchiendepiko dont tell me ukuda kuenda kubasa kwawaireva kuya uchirega kuenda kuchikoro Tary nemupasiro awakaita Me; Hah iwe kuchikoro kwacho ndocheka madhaidhengi angu hre aya kuti ndinobhadhara mari yacho. Vane mari dzavo vakaramba nadzo zvino kana vanga vakaronga kuti gore rino ndinosenga zigubhu ravo ndichifirita cotton yavakaita kurimira nharo vanozvinyepera Her: Saka ukuda kuenda kupi . Handina kuzomupindura tanga tasvika pamba pavo ndakanomhorosa mai vake iye achinopinda mumba . Ndakagara paso ndikanzwa mai vave kuti.... Her: Tariro hauzorori mwana wangu dai uchidzidzisawo shamwari yako iyoyi basa hantie ingadai ndigere . Attah wakanyara chaiko kutonamatira kuti awanikwe nemunhu ane mari dzake ndinganyarirepi nhai Mwari . Akabuda achiseka Attah achitoti "mama matotanga ndichamboenda kuhuni" . Takabva tatovaoneka ndokuenda hedu kugomo rekwaWacho tichitoita nyaya . Her: Saka wati ukuda kuenda kupi hauna kuzopindura ka iwe . Me: Ndikuda kumboenda kwasekuru vangu mangwana kuBeitbridge uko zvichida Monday ndinenge ndototanga kuenda kuchikoro inorwadza hre form 5 . Her: Ah pamwe achimavambo zvawo isu hantie tiri vema Arts vazhinji vanoti haagozhi hamenoka imi maiita maSciences kuti munondoasimudza hre. Me: hameno ndinoona ndasvika . Takakwira gomo pamusoro chaipo ndipo paitowanikwa miti inenge yaoma iya . Ndakatema huni dzangu ndokuronga mutanhurirwa. Uyu Attah anga asungirawo dzake nechemberi . Takabva tatoburuka gomo tichitaura hedu nyaya ndakudarika pamba paMachuma akasekerera kupi aiona huni dzangu kujaira kuda kushandirwa . Her: Maita Madhuve chishongo . Me: heya mozouya modziya uko pano handisii kana tsotso . Kandiro kanopfumba kunobva kamwe musada kusvetasimba revanhu imi . Ndakangovasiya vakati kanha ndichienda kumba ndakasvika ndikaritura svinga rangu mudumbu ndimo manga mocomplainer nzara ndakaenda ndakapinda mumba ndikanopakura mutakura wangu ndokutora mvura ndikanogara panze chaipo ndichidya uku ndichimwa mvura ko wairondazve mutakura wenyimo . Ndapedza ndakaenda mumba ndikanotora satchel yangu ndokurongedza hembe dzangu dzaionekera dzacho ko mangwana ndaimborikwira gonyeti ka rataingonzwa kuti rine mubhedha mukati .mhamha vakazodzoka ndave kutogadzira sadza remanheru ivo vakauya nemuriwo . Ndakatanga kubika zvangu ndakabva ndatarisa gumbo raTino naTatenda aitova zvawo neshena . Me: Mageza hre imi Tino newe Tatenda . Vakaitirana vese kuti tageza apa makumbo avo achiita kunge huni yaburwa pachoto ndakabva ndatovati Me: Munoti munorara mumachira ani neshena iyoyo . Randiri kubika haridyiwi nezvigure better kunogadzirisa chivanhu vakomana kubata garwe nguva ichipo otherwise muri kukushta nenzara Vakarembedza miromo nokuti vaitoziva kuti zvandataura ndotozviita . Ko ndaitobetsera mama ka kuraira vana vavo ivo haiwa vaiva too soft and zvikomana zvacho ukasazviudza wakagwinya zvaitokudheerera . Vakabuda vakanogeza zvikadzoka zvopenya penya manje . Ndakabura sadza ndikavapa tikadya zvedu tichifara . Mai vakauya tikarara tese mukitchen nofunga zimudhara ravo rainorara kwatete vavo . Vakatanga kundiraira kudzokorora nezvavanga vambotaura masikati . Vakatoti havangandiperekedzo vaida kutoti vatete vavo vasaziva kwandaienda ndakangoti boe . Ndakarara ndikamuka ndichiita zvibasa sekuru vanga vachiri chinhambo . Ndakazogeza nokuchinja vave pedo ndakaoneka mai vangu ndave kuda kuenda kunogarira sekuru . Ndakanzwa mai voti .... Her: Hameno kuti uchavaudza kuti kudii avo ini ndongosara ndoti waenda kubasa . Ndakati boe ndakabva ndatora bag rangu ndokubereka ndikatanga kufamba ndakanzwa konzi namaiguru ... Her: Ko zvowosenga mikwende wafungepiko asi wave kunoroorwa nezvifudzamombe zvako hre . Me: Aaa ndingatizira masikati hre kana ndafunga zvipfudzamombe zvacho . Ndoendaka manheru . Her: Unoti iwe wakambokwana hre unozviita iwe . Me: Bva ndizvozvo eee baba regai ndimbopinda mumasango pamwe ndingawana yekuzviendesa kuchikoro since yenyu muri kudya mafete nayo . Her: Munomunzwaka Samaita uyu haana kana mukanwa zvake . Ipapa anotienderepi achiona sakuro rakadai . Me: Hezvo kuti ndini badza hre ini kana zvirizvo zvamakasungira mari muchiti ndirege chikoro ndikushandirei pano makawacha chasara kuti muyanike mungatondisiisa nebus ndaenda ini . Handina kuda kumirira zvakataura baba ndakabva ndapinda munzira ndikasvika ndikamira pastation kumirira gonyeti rakule ndanga ndatovaudza kuti vanosvika ndakamira . Ndakambogara ndikarinzwa richiiita kukuma richikwidzira mukwidza wepaSandipedo uya ndika hohohodo come ini nhasi rinondiguta ndirimo *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 🍓 💃 🤚 196

Comments