Ancy Cays Novels
June 9, 2025 at 03:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*Chauya chimwe chizimbe mhanya kuchannem ufambire pamwe nevamwe urege kusara*
*SMILE IN PAIN*
🥲🥲🥲
*STORY BY ANCILLAR KATSANDE*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣6️⃣3️⃣1️⃣
*CHAPTER 2*
*Tariro*
Ndakange zvino ndamira meso atarisa ikoko kwaraibva . Rakusvika rakadzora speed rikasviks kumira ndakaona avo sekuru voburuka nyemwerero iri pachiso chavo ndakavamhanyira ndikasvika ndichivambundira ndikanzwa dzave kuti.. .
Him: Kuonekera hre mukadzi uku nhasi ndiri kufamba namadam . Watokura kudai Tariro
Me: Ndakura sekuru ko makadiiko .
Him: Tofara mzaya asi hauna kuuya namama kai .
Me: Havana kuuya caz President vanga varipo pastatehouse .
Sekuru vakaseka vakatonditi kwira tiende ndakapinda mukati ndikasvika zvechokwadi chaivamo chimubhedha ndakaenda ikoko ndikambonogara sekuru vaingosekerera zvavo vanga vasina kumbokura sekuru vanga vachangoroora asi gore ranga rakwana vawana vasina kana mwana kana mimba zvayo nemudzimai wavo . .
Ndakazobvapo ndonogara pasear ndikanzwa sekuru vave kuti ...
Him: Wagutsikana nekuona ndazviona kuti ifirst time yako kupinda mugonyeti ..
Me:Ini kani hah ifirst time kule .
Him:Ndichatofamba ndichikwidza vanhu madam vangu vazowana pocket money .
Ndakasekerera zvangu ko ini madzisekuru angu anga akasununguka zvisingabviri vese zvavo vari vatatu ava sekuru Abiner ndivo vaiva mudiki ndivozve zvekare vaitova breadwinner kumba kwambuya . Vamwe vana sekuru vaiita zvekurima vaisashaiwa zvavo zvavanoda zvakavaringana zvaivapo
Takafamba tichikwidza vanhu zvechokwadi ndini ndaiva conductor nemari yacho ndini ndaibata takasvika kuborder kwacho ndatove ne$20 ne400 Rands vakaparker truck ravo sekuru vakambobuda vachitaura nemamwe magonyeti man avo vakazouya vave kuti ....
Him: Hande kumba zale tatosvika .
Ndakaburuka vakarikiya tichibva tapinda mutax tave kuenda kumba kwavo ndakada kuvapa mari iya vakati ndeyako yepocket money . Ndakafara chose ndikavatenda takaburutswa pamwe pavakati mundisiye pamazondo .
Ndokufamba toenda kumba kwacho takati tichipinda mugate ndakaona umwe mukomana aisuka ndirk akataura nakule vachiratidza kuzivana chaiko ainzi Jamela .
Jamela: Ko uyu ndiani wenyu big mafunga kutsvaga maid hre .
Him: Haasi maid uyu mzaya wangu wandiri kuda kunotsvagira nzvimbo kust Marry's uko .
Him: Hoo vachiri kudya mabook hah ndizvo zale ini ndonzi kule Jamela.
Me: Tafara kukuzivai .
Handina kuda kumuudza zita rangu anga atondibhowa pakutanga kuda kundiona samaid ini . Plus kutaurisa chaiko aiva nekakutaurisa so . Takazofamba topinda mumba vaivamo mbuya vakasekerera asi nyemwerero yavo yakakasira kupera vaona ini ndichipinda nebag ndakanzwa kule vave kuti ....
Him: Ko hamutambiri vaenzi hre .
Her: Aaa ko imi hamutauri wani kuti mave kuuya munongokaruka manyuka semvura .
Him: watotanga do i have to inform you kuti ndaakuuya pamba pangu hre . Nxaa Tariro burusa bag ugare apo .
Ndakada kuvamhorosa vakangobata kuzvikumwe uko ndakatoona ndega kuti pakandishatira panogarika hre pano kusvika makore maviri apera kuti ndakagara pasofa ziso randakapihwa naivo mbuya ndakatoti regai ndiite sendisina kuzviona .
Sekuru vakabva vati , " unomuziva hre uyu " vakadaro vachitendeka ini vakabva vati....
Her: Haasi mwana wavatete vaya venhamo yavo hre uyu .
Sekuru: Ndokuti kudii ikoko ukwane iwe Manyoni handifariri munhu anongotaura seari pabere .
Her: Aaa ko ndonyepa hre saka mauya naye kuno kuzodii.
Maitiro acho zvaitooneka kuti sekuru vanga vasina kubvira vataura nemunhu wavo kuti pane ari kuuya vakabva vavati vaende kuroom kwav mbuya vaya ngavati chava kuramba ....
Her: Shaar wauya nemunhu pano usina kundiudza now waakuti tiende mumba umo kuhodii nyaya yacho ngaingotaurirwa pano zvipere izvo .
Sekuru ;Ok fine auya kuzoenda kuchikoro kuSt Mary's uko achigara pano .
Her: (Vakaseka vachirovanidza maoko) izvozvo zvokututana nevanhu tisina kutenderana tombozvida hre bvaa iri boe .
Vakabva vasimuka vakaenda kune imwe room .ndakanzi naSekuru hande ndokuratidza maunorara ndakanoona room yacho vaishandisa 4 rooms sekuru vakandiudza kuti mukomana wataona achisuka seri uko neumwe wake ndivo vaishandisawo dzimwe 4 rooms dzaiva kuseri zvinoreva kuti paiva nemalodger 2 chete pamba apa sekuru naiye uya wataona . Sekuru vakabva vaenda kuroom kwavo ndikasara ndichiisa bag rangu pasi mumba macho maiva muchingori nekawardrobe ka2 door nechistool chaivamo ndozvega zvaivamo .
Ndakagara ipapo zvangu ndave kufunga kuti ndoita sei pano pamba pachagarika hre sekuru vaenda . Ndakatoona kuti dhorobheni racho rinogona kundivava. Ndakazobuda ndikawana sekuru vatove mudinning vachiona bhora ndakanzwa ndodanwa kukitchen madanirwo acho hanzi muzukuru iwe . Ndakaenda muya ummm mai vaiva neufende zvavo ivavo sink yanga yakati paa nendiro . Apa chiona mukitchen macho mvura yakazara zara pasi ndakanzwa vave kuti....
Him: Gara zviya unonzi ani zviya
Me: Ndonzi Tariro .
Her: Wauyaka pano hapadyiwi munhu avete pano uye hapana mushandi wako . Mari iyoyo ichakuendesa chikoro uchaishaindira chemahara mushana nawo unotoufambira haungouyi uvete . Mumba muno ngamuchene ita tione faster faster . One more thing handidi newsnet pano tokuzivai hama dzemurume imi mune dzvene risina basa kutsvaga kudiwa muchitaura zvisinei nemi kumurume . Ini manje ndogurunura
Vakabva vabuda vachienda ndakavhura door mai rekitchen raibuda kunze ndakatanga nekusuka mazindiro anga akazara zara mumba imomo ndikacleaner manga musingaiti kani stove yacho yanga yakaita kununa nemafuta . Ndakapedza manga mava sparkling clean . Ndakabuda ndichinorasa mvura ndave kudzoka ndakambomira pawindow ndaona mbuya varimo apa vachisekerera asi pandakapinda vakabva vatomonya muromo kusunga muromo handina kumbotaura zvakawanda ndakabva ndati...
Me: Ndapedza
Her: Eee gara apo uone zvandiri kuita muno ndichibika ugoziva nekuti pano ndiwe unenge uchitobika handikubikiri ini apa ndaona kuti ungabikira murume wangu masvina ko majaira miboora ka kumusha uko .
Handina kupindura zvangu but one day chete so far vanga vaenderera nguva vamboinsulter mai vangu ndikanyarara . Zvekutoshandisa stove izvi ndaizviziva izvo ko handiti pachikoro pataidzidza paiva nemagetsi hre apa ini ndaiita food and neutrition . Saka zvese ndaitozviziva nyangwe kubika kwacho ndaitovakunda .
Vakabika ndakapakurirwa ivo vakaenda nechavo kuna sekuru ini ndikaramba ndiri mukitchen ndimo mandakadyira . Ndakazosuka ndiro sezvo kwanga kwavira ndakapihwa zvimachira zvakangodaro daro apa kwaitonhora uchirara pasi . Pasina rupasa unotoona kuti kusina mai akuendwi.
Ndakawaridza svacho svaiva sviduvet svanga svapera muto zvasvo . Ndikatota chimudhongi chejira ndikaita mutibwa ndokurara asi hazvina zvazvakabetsera ndainzwa chando ini apa chaibva nemunatiles acho .
Ndakamuka ndikatora juzi rangu ndokupfeka jacket pamusoro . Ndikatora bottom yechikoro ndokuipfeka nemazisokisi angu ndokuzopinda mujira ndipo pandakanzwa kuti zvava nane nehope dzakabata
Ndakamuka kuseni ndichiita zvokutswinywa nzeve ndokuona vari mbuya vaya vachinditi...
Her: Unotorara kusvika this hour unotoona seuri muzumbu renyu hre . Wanzwazve chirungu wave kuvata dzedanda .
Ndakangoti Mwari ndibatsirei ndivhare muromo wangu nokuti ndikauvhura munobuda poison chaiyo chandiri kuda kuenda kuchikoro .
Her: Muka uite basa usati waenda nasekuru vako .
Vakabva vabuda ndakamuka ndichibva ndawaridza ndokubuda basa raisandirwadza ndaitoita mazibasa anodarika ipapa kana vaifunga kuti kugadzira mumba zvingandirwadza . Ndakabuda ndikatanga kugadzira mumba ndakaona uya mukomana Jamela akachena chena achibuda akabereka satchel rake achibva ati ....
Him: Hessy ko Mop hapana hre waita zvokupfugama chaizvo nhaiwe .
Me: Iripo but mastains ari pano paveranda haatodi mop aya .
Him: Ok kana wadaro kai unonzi ani zviya .
Munhu angati zviya kuita sokuti ndakambomuudza akakanganwa ndakabva ndamuti....
Me: Ndonzi Tariro
Him: Ok saka uri kuda kunoita form ani past Marry's apo .
Me: Ndikuda kundoita form 5
Him: Inga muri kudya zvenyu mabook rega ndiende kubasa ndokubata ndadzoka .
Sekuru: (Vachibuda) Jamela pamukadzi wangu apa panorohwa munhu . ....
Him: (Achiseka) hamudi kuita sekuru vangu hre amana . Anyway mwanana uyu ndingasasungwa zvangu kwanga kuri kungoita nyaya semunhu wepaden maona .
Him: Ok Pedzisa ipapo Tary uyende kunochinja tiende kuchikoro kwauri kuda kunopinda tinotsvaga nzvimbo .
Me: Ehoi sekuru ..
Ndakapedzisa vave kutaura naJamela uya ndakabva ndapinda mumba . Ndikanogeza ndokunochinja ndokubuda takabuda tisina kana chatadya apa ini ndanga ndajaira kumukira kamunya kumba mudumbu manga mongorira . Takakwira tax tichibva taenda yakanotisvitsa pachikoro pacho chaipo ndokuenda kuoffice yaheadmaster tikanzi tione Senior master takaenda ikoko vaiva murumu mupamhi murefu chaiye vakapfeka maglass vachitarisa nekumusoro kwavo .
Him: Mati anonzi aniko musikana uyu kana kuti zvidairire shamwari wanga usingafani kunetsa mubereki wanga uchifana kungouya wega munhu akapasa so .
Me: Ndonzi Tariro Makarutsa
Him: Ok hah iwe hapatodi nhongwa apa so far pamastudent akauya ndiwe wakatopasisa pamasciences saka nzvimbo yako iripo pano hope mauya pano muchaita zvechikoro caz vamwe vana vanozorasika asi kwavaiva vaiva vanhu kwabo wotonamatira kuti mweya wenzvimbo usakubata handiti ka .
Ndakagutsurira takabva tapihwa form raiva nezvinhu zvaida kutengwa. Uniform yacho yaitengwa pachikoro ipapo. Uniform yese kureva skirt, shirt , blazer , juzi nesun hat, track suit sports attire . Zvaibva ipapo . Waingozonotenga hako shangu nemasocks kunze . Apa chiona mafugure ezvinhu zvacho wega unozorora .
School fees yacho zvakaoma kai regai mbuya vaya vachename kuti mari iyoyo uchatoishandira chete . Iko yakawanda chaiko sekuru vanenge vanga vakagadzirira nokuti vakatenga zvese vakasiya vabhadhara school fees mangwana ndaitoenda kuchikoro .
Takabvapo pachikoro tichifamba netsoka chikoro chacho chaiva kunze zvokuti matax aisasvika ikoko usina kuhire . Ndakanzwa sekuru vave kuti....
Him: Mwana wehanzvadzi yangu teacher vaya zvavanga vachitaura vanga vasingarevi nhema . Inonzi Bridge ino ukaita zvokutamba unowira ziva chinangwa chako chekuuya kuno misikanzwa ini handidi zvangu . Handigari zvangu ndiripo asi ziva kuti kure kwemeso nzeve dzinonzwa . Tinovaona zvisikana zvepa st Mary's ipapa kuma truck stop kwatinenge tiri uko zvichiita zvinogara zvakadaro vabereki vachiti mwana ayenda kuchikoro . Upenyu mwene wahwo iwe ndiwe unoziva zvaunoda asi ukaresva kuonera unonyura ukazodemba dai ndakaziva . Ndiri sewe ndaidzidza nesimba hantie unoona upenyu hwamairarama kumba unoda hre kuti hurambe hwakadaro ?
Me: Kwete sekuru .
Him: Yah chiva nemuono wekuti ndinoda kuchinja mararamiro ataiita . Mai vako mwanana chaizvo asi vaakuita sekuti mukurusa kudarika age yavo i vasakara varunzwa inyaya yenhamo nokushandiswa chaiko vachisakara saka iwe zviudze kuti ini ndinoda kuti mai vangu vazogarawo zvakanaka ndichivachengeta .
Me: Ndazvinzwa sekuru .
Him: Yah chimwezve ndimbuya vako vari kumba uko hantie wakangozviona kuti havakudi asi ini handingakurasi nokuti uri muzukuru wangu saka iwe uvachenjerere mbuya vako vakada kukuitisa zvisizvo ramba ndomuziva mukadzi wangu anogona kuita utsinye ihoho saka usaitiswe zvausingadi ndochokutanga , stand on your ground ukapusa unokaviswa bhora risina mweya ndosaka ndakakuti utore mari iya caz i know she can be mean sometimes saka ukaona wanyimwa chikafu usazvitsvaga unondotenga wozvodyira ikoko . Ndikakusiira mari usaitambisa ndinenge ndichiitira izvozvo tanzwanana .
Me: Ehoi sekuru .
Him: Yah stay away from her troubles mzaya . Hande apo parestaurant iyo timbonodya ndave kunzwa nzara . Inini mangwana ndiri kuyambuka border ndine goods riri kuenda kuEastern cape ndabvako hameno ndichaendepi ndinogona kuita mazuva akatoti oh usingandioni .
Takafamba ndokunogara pamachairs murestaurant macho akauya musikana aisekerera chose achipa sekuru menu vakamaka zvavaida akabva ayenda . Ndokumboita zvedu nyaya pasina nguva chikafu chakabva chauya ndokutanga kudya tichiita nyaya . Ndipo pandakasimudza musoro ndakaona mumwe mukadzi aiuya akatinanga apa anga ane kakufanana nambuya sekuru vanga vakatsikitsira havana kumuona . Akasvika achindichezura mucheka wembama wokuti ndakabuda muhotwe ipapo ipapo sekuru vakashamawo nazvo vachibva vati......
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😢
😂
❤
😮
🍓
👆
💞
147