Ancy Cays Novels
June 10, 2025 at 08:48 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chimwe chizimbe chiri kupisa gara muchannel ufambire pamwe nevamwe* *Whatsapp Grp link* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 3* *Tariro* Her: Hure pfambi yomunhu basa rekudya mari yemurume wemunin'ina wangu iye achikweshera ari kumba uko . Akapopotazve imi zvakatodrawer attention yevanhu vaivamo vanga vachingotarisa kwatiri . Akada kundirova zvekare sekuru vachibata ruoko rwacho vachibva vati... Him: Maiguru respect yourself munobvunza kwete kusvika nekuita violence muzukuru wangu uyu wamudzemura kudaro tarisai zvamaita mwana hamunyari makaita what kind of a person are you . Mamufonera hre munin'ina wenyu mukanzwa kuti haamuzivi chii chakadaro mukadzi mukuru . Her: Achidyireiko muno murestaurant ini wamai vangu achinzi abike kumba . Vaitopenga mai ava zvino yakabva yatengwa nevamwe baba vaiva panext table ikazenge yatotengwa nevanhu vakawanda vaivamo .... Him: Munopenga hre mai imi ibasa remahure iri ndiwo anofunga kuti zvaanoita ndizvo zvinoita munhu wese . Hamuoni zvaakapfeka kuti ihure guru hre iri . Umwe murume aive kucorner ndokudaidzirawo achiti.... Him: Mother munopenga hre imi nyangwe dai yanga iri girlfriend samaiguru mairova munhu hre zvomoita sokuti munodanana nabamunini. Type yenyu ndeyekutoda bamuniniwo iyi . Iwe ndiwe hure apa kusakwana And hunhu hwavo soo vaidairawo kai apa zvanga zvakapfekwa soo vakatouya kutorwa nesecurity ndokubudiwa navo panze sekuru vakati tiende . Ndakati handimboendi ndisina kuguta . Ndakapukuta ropa riya ndokunatsodya mabuns aiva nenyama pakati nezvidomasi , onion chimuriwo nezvimwe zvandaisaziva asi ndainatsonzwa kuti zviri kunaka . Sekuru chavo vakasiya ndikachitora ndokuchilazz futi ndipo pandakanzwa kuti zvangu zvaita. Mumuromo mangu ndaisada kutodya chimwe chinhu chaizomishatisa . Sekuru: Zvaita hre madhuve tochienda hedu hre. Me: Yah handei hedu . Takabva tafamba kubuda muya pane umwe watakasangana naye paroad vakaratidza kufarirana nasekuru asi aiva mudiki zvake kuna sekuru . Vakaonekana ndakanzwa vave kuti..... Him: Anonzi Irvine uyu anoshanda kuZimra panext pepatinogara ndipo pamba pake . Me: Ok zvakanaka sekuru . Ndakangobvumira zvangu asi ndaisava nebasa nekutoziva vanhu ini especially vechinhurume ava . Takano hire tax kuenda kumba tichisvika kumba mukadzi uya aitoperekedzwa nambuya kubuda gate takangopinda mukati tisina kutaura navo . Takanogara mumba vakauya zvavo mbuya .... Her: Manyadzisa sisi vangu kurestaurant uko nekuda kwei . Wakaguma riini Abiner kundiendesa out but nhasi waendesa muzukuru wako chii ichocho unohura nemuzukuru wako hre . Kule: If i slap you unoita order wanzwa .usaona ndichikunyararira ukaona sekuti wave kutonga pano hantie uvaudzisise sisi vako handina kuroora ivo kana kuvanyenga handina saka ngavasada kundiitira chijoki joki chavo chavajaira . Next time vakazvipamha zvavaita nhasi i will disfigure her face handiitirwi zvechihwai hwai ini . Iwewe mind the way you talk to me caz handisi shamwari yako kana mwana wako . Vakabva vasimuka sekuru kuenda kuroom yavo . Ziso randakasara ndichipihwa nambuya vacho ranga rine munhu pasi Her: (Vachizevezera) murume wangu ari kundikwidzira voice because of you imbwa iwe manje ndichakuratidza chakatadzisa imbwa kuseka kunyenama ichigona hantie ari kuenda hre nhasi . Vakabva vafamba kuenda ndokusara ndikatura mafemo ndakanotsveta satchel yaiva nemauniform aya muroom mangu . Vakabuda sekuru futi ivo vachitevera mumashure ndakazoona vodzoka vaine shangu dzangu dzechikoro nemasocks . Ndakapinda mukitchen maiva netsvina imwe isingaite ndakacleaner . Sekuru vakaenda vasina kana kudya munhu ane mukadzi nhaimi . Kutovaperekedza nhai vakabva vadzoka ndichitoona TV vakasvika vakangoidzima vachibva vati .... Her: Wakagara pasofa rangu uchiona TV yangu akupa mvumo iyoyo ndiani hee . Manje ini unoti tasa wanzwa iwe mwana weshuro Handina kutaura ndakasimuka ndichida kuti ndifambe vachibva vati.... Her: Uri kufamba ndichitaura kuda kuzvikudza mumba mangu hre uku amai mwana inini ndni mai vemuno mumba saka usada kumera muswe ndinougura . Vakapopota ndakanyarara ndichibva ndazoenda vagara zvino ndakaenda kuroom kwangu ndokunogara ndichifungisisa kuti kudzidza ndinoda zvangu asi ndaizozvikunda hre izvi . Mbuya vacho taigona kusiyana nemakore mana kana mashanu zvokuti umwe munhu andiite sekuti hameno hameno iye ari mudiki seizvi ndinonzwa ndichida kutogon'ora munhu ini. Dai ndine foni ndatofonerawo mai vangu . Ndakagaramo nguva ndakazobuda zuva rovira ndichiti ndinobika ndikanzi hapabikwi pano ndokuda kunorara sezvo tanzi hakubikwi vakabva vati..... Her; Amai mungazodziirwa stereki mukazviona sokuti pano pamba pako. Uri kurara panze nhasi thats your punishment yekuenda nemurume wangu kurestaurant next time akada kuenda newe out ucharamba . Ndakatomboti kutamba asi ndakatoona kuti vaitorevesa pavakauya vachindisunda sunda kuti enda panze ndakabuda vakavhara door ndikanatsonzwa key kutamba mukati ndikaziva kuti zvaendwa. Ndakagara paveranda apa ndanga ndangobuda ndisina kana juzi zvaro chando chaizondibvunza mutupo nhasi . Apa chaiita kuvhuvhuta svimhepo svaipinza chando mubhonzo chaimo . Ndakatomboyeverwa nemota yaipinda panext pedu ko paiganhurwa nefence ndinoona wekuseri ikoko nevepataigara vakaita mukarirana wekuvaka durahall rekuganhura pakati . Mota yakapinda mukaburuka musikana nemukomana ndipo pandakaona kuti mukomana ndiye uya anzi Irvine watasangana naye kurestaurant . Hoo ndipo paaigara vakakochekerana vakapinda mumba vachiyemera zvavo . Ndakabva ndanzwa kuti kocho kugate ndakatarisa kuya ndokuona Jamela achipinda ane umwe mukomana nofunga ndiye waaigara naye . Vakandiona ndiri paveranda vakauya pandanga ndiri ndikanzwa vave kuti .... Him: Asi blaz vaenda kani Me: Ehe vaenda . Him: Ndaizviziva hangu kuti zvichadai wanzi rara panze ka. Vanenge vaiziva mbuya ava nokuti vakabva vatotanga kupindurana vega ... Boy: Obvious ndizvo zviripo angadei panze by this time of the night . But asadaro Maggie . By the time yaachaonekwa m.... Jamela: Mike wadii zve iwe ok hande unorara kuseri uko trust us . Ndichatotaura newe ndikupinze mumazhets emari kana wakangwara . Me; ndorara pano ingondipai henyu gumbezi munenge maita basa guru . Vakati hoo vakabva vaenda kuseri ndikasara ndagara paya akauya naro gumbezi umwe wacho ainzi Mike . Ndakavatenda ndakabva ndatoita mutibwa apa raidziya sei. Ndakarara hope dzeumambo panze ipapo ndakanoridzosera kuseni seni ndichingogara pasi ivo vachivhura door . Ndakabva ndapinda ndokunogeza vakati haubiki ndikati boe sekuru vairevesa zvavo . Ndakarongedza zvinhu zvangu uniform yacho ngaindifite ndikabereka satchel yangu kuenda kuroad kunomirira school bus . Ndaiva kuroad pakabuda Jamela akatondomhorosa akabva anomira pagate repanext pakabuda mota vakamboita yakabva yamira akabuda mukomana uya Irvine akangondisimudzira ruoko ndikangosimudzawo . Vanhu kana vachikunyeya vanotoonekwa kuti vari kukunyeya vaiti vakataura taura votarisa ini . Bus rakauya ndikapinda mukati ndikangovasiya varipo ndakabva ndaenda zvangu ndakanosvika kuchikoro ndikanoratidzwa class yedu . Vaiita masciences vacho vaiva vashoma taingova 25 vakomana varivo vakatowanda vasikana taisadarika 9 . Ndakaswera ndiri busy kunyora manotes ndaida kubata vamwe . Chimwe chinhu chandakaona phone yaitongodiwa apa ini ndanga ndisina kana zvangu ndakazviudza kuti ndaizoita zviripo. Ndanga ndatove nefriend ainzi Olivia Banda . Aive nephone saka tairesearcher paphone pake . Ndakazviudza kuti ndaitozombomukumbira zvangu one day ndofonera mai vangu. Ndakaenda kumba ndikasvika kumba kuya mumba muchiridzwa radio zvepamusoro chaizvo ndakatarisa ndakasvika ndikapinda mumba ndisina kugogodza ndakaona mune vakadzi vatatu kusanganisira nevaya sisi vambuya navo neumwe nevarumewo vatatu... Ivo mbuya vanga vachitamba radio neumwe murume ava vakagara in pairs pavakandiona vakabva vamira vakangotarisana ndakangovati maswera sei ndichitodarikira kuenda kuroom kwangu . Ndichinochinja ndakanzwa radio yadzimwa . Ndakasvika ndikanogeza ndokuchinja ndikambogara ndichizviudza kuti sekuru vangu vakaroora nzenza chaiyo chii ichochi chavanotiitira chiona zvakapfekwa zvacho nyangwe navo mbuya vacho . Ndakati regai ndibude zvangu ndinobika nzara ndanga ndanzwa nayo ndanga ndaguma kudya pabreak pandakatenga mabuns nedrink . Ndakamira mupassage ndikanzwa mbuya vachiti..... *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😢 😂 👏 💃 139

Comments