Ancy Cays Novels
June 11, 2025 at 09:38 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chimwe chizimbe chiri kupisa mhanya kuchannel ubatane nevamwe usasara* *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 4* *Tariro* Her: You see zvandaisada totokoneswa kufara nemunhu guys . I will frustrate her kusvika abva pano i dont care kuti anogarepi chandisingadi munhu anonditadzisa kufara ini . Male voice : Saka haaudzi sekuru vake hre guys ndambozvitaura izvi dai taenda kwaMaka uko kusina zvakawanda mukati moda kune space . Mbuya: She will not dare she knows me better ipapa akarara nenzara panze chaipo . Akaenda chikorl nenzara pamwe kugara mumba imomo inzara yamubaya . Female voice: Hiii Magie usazodaro shaar . Utsinye hwaunomuitira ndiho huchaita kuti atozoudza sekuru vake achizviudza kuti zvakafanana . Asi ukamuswededza pedo anonyarara iko madhiri ako maitire kunze she is no longer a kid that girl zvimwe tingataura hedu trade with caution. Handei tinogocha kwacho tibve pano iwe wotoenda kuhotel pano pamba ummm handioni zvichiita unless kana imba yako usingachaidi. Ndakabva ndabudikira zvangu ivo vachisimukawo ndakanzwa mbuya vave kuti.... Her::Tariro bika sadza muno mumba me and my friends tiri kugocha panze . Me: Ok mbuya . Ndakaenda mumba ndikasvika ndikagadza poto . Ndakavhura fridge ndikaona mune zipolony ndikacheka maslice angu 2 ndokutora chingwa chaivamo ndikadiluter mazowe aivamo ndokutanga kuzvilaza chaiko ndaiitira kuti vakazondinyima sadza ravo ndinenge ndakavhira . Ndakabika ndichigwedebudza gwedebudza ndakaona mabiscuits ndikatora mamwe ndikanoisa kuroom kwangu muhembe chaimo ndaiziva aizondibatsira onr day ndapedza kubika ndikarisiya sadza richishinyira riri paone ndikanotora uniform yangu ndokunowacha kuseri kwaiva newaya ndave kutoyanika Jamela akabva asvika achida kutopinda mumba mavo ndakanzwa oti.... Him: Pane party hre Tary . Me: Handizivi ini . Him: Waregerei kubvunza Me: Aaa Him: Tary ndiri kuda kubuda nebasa mangwana ndichidzoka weekend zvino mumba nedu umu newashen irimo pakaipa ndaiti ka kana uchida piece job wozotisoterawo pane kudana munhu wekure unogona uchitoda Me: Kana zvine mari mukati kai . Him: Of cause i will pay . Me: Its ok then . Him: Ndichakusiira naspare keys wozosota . Tamba neni ndikupinze mumadhiri emari pane dhiri rikuda kutodhuuka nemuchinda wepanext apo kana wakati changamu changamu unogona kutoita mari . Me: Madhiri ayiko kana achipinza mari asiri echihure hure i am in. Him: (Achiseka) hah handidaro shaar Me:Regai ndiende ndave kudanwa uko . Ndakafambisa ndikawana mbuya vakamira mukitchen ndakavhara door racho ndikanzwa vaakuti Her: Ko ukubvepi Me; Kunoyanika uniform yangu yandawacha. Her: Ok pakura sadza iro ndouya ndotora nyama iyo wodya nesadza raunosiya rako . Nhasi handisi kurara pano ndikumboenda kwasisi vangu make sure wakiya main door usati warara makeys waakuenda kuchikoro unomasiya pasi vace riri padoor apo hantie . Ndakabvumira vakabva vaenda ndakaseka ndega kuti saka kuva nice uku kuda kutevedzera zvavanzwa hre kuda kunditenga kuti ndisataure hre . Yanga yakazara ndiro nenyama kuti paa . Ndakanatsorigarira sadza ndikarirova nenyama ivo vanga vaenda neravo . Ndaimboziva kuti huku nehove zvinogochwa here zvanga zvagochwa zvino apa nyama yacho yainaka ndakadya kusvika ndanatsonzwa kuti ndava boe Ivo vakabva vaenda ndikasara zvangu ndega ndakanogara mudinning ndikatanga kuona TV ndirimo imomo . Ndakazviudza kuti sekuru vangu hava deserve izvi but my hands are tied ndaizoona plan kuti ndozvifambisa sei chikuru chandaida i phone caz ndaida zvinhu zvine evidence mukati . Ndakanzwa knock padoor ndikashaya ndiani ndakabva ndabuda ndikanoona ari Jamela naIrvine uya mukomana wepanext uya . Ndakazviudza kuti Jamela akada kundipatira ka ndiye umwe aizoudza vanhu kuti ukatanga Tary unokuvara nemaombera . Ndakabva ndanovamhorosa . Handina kuda kupaparika dzangu dzaizoruza kana akuda kutaura zvisizvo ndakaona Jamela osekerera after tamhoresa ndakanzwa ave kuti .... Him: Tary madhiru andambotaura masikati uyu ndiye munhu wacho uyu. Anonzi Irvine ndiye muchinda ane imba iyo iri apo . Irvine uyu ndiye Tary wacho wandakuudza kuti akamgwarira number 9 anogona kuitamba madhiri ako aunoda akatoita boe asi manje ati haashandiri mahara . Irvine: Obvious asi wanga wamuudza basa racho hre . Jamela ndanga ndisina motongotaura ka ipapa mopedza. Akanditarisa Irvine uya anga ati kure chaiko zvokuti kusaroora usimbe kana kutonakirwa zvake nemujolo ndakanzwa ave kuti ... Him: madhiri acho ndeekudai Tary ndine bby rangu but munhu uya wechisalad salad inini ndiri mukaranga muhard mashona chaiye but ndiye wandinoda . Anozviita sokuti hakuna mumwe anodarika iye waona manje i want her to change kuti ndimuroore akadaro kumba kwedu anondoita drama haagoni kana kubika kana kudii ukada kuti umuudze anototi unotsvaga maid haazivi kuti chiroora hachiitwi namaid asi naiye . Ndiri kuda kungomudzidzisa kuti mumarriage hamupindwi nerunako kana magadziko unogona kusiiwa wakatemba . Ipapa anondida chaiko akaperera asi anozviudza kuti handingamusiyi ndichitsvaga mumwe caz she thinks she is special . Me: Ok saka nyaya yenyu iri papi apa . Him: its juss a game we will pretend as if we are in love wondipa number dzako tichitaura dzerudo ipapo ndichasiya phone oona . Ndichitaura zvokuti wakandibikira zvinonaka and stafc ndikuda kuti aite shungu asaona sokuti kuva beautifull is the key yekupinda nayo mumarriage . Me: Ok ko kana akazokuramba manje wadaro . Him: I know my kind of girl she will not do such a thing . Me: Manje inini handina phone yekuti tizotaura yacho. Secondly panotofana kuva nematerms and condition Him: Taura tinzwe i am all ears . Phone haisi nyaya ndine maold phone angu 3 ndogona kukupa one woshandisa iyoyo . Plus iwewe unoita you are young and beautifull as well kana ukanditendera kuti anatsonzwa kurwadziwa ndichakutengera hembe . Ndichinzwa zvehembe ndakatenda Mwari ndikati Mwari mandibvira acting yoga yoita kuti ndipfekewo hembe ndiite phone juss like that . Asi hapana paangambosiya musikana wake uya ndakabva ndamuti .... Me: Ini zvekuzoitwa sehure hure handidi all in the name yekuti uyu agozhoke zvokuti murume wangu azowana maitems ake ave used maya . Vakaseka vese naJamela hameno kana ndanga ndataura zvinosetsa . Him: Hapana kani Tary uchaona . Me: Ok then saka ukandipa phone nehembe ndiwo mubhadharo wacho hre . Him: Ayewa mabenefits ayo mubhadharo tinotaura kana kuti chitotaura kuti unoda marii Me: Unongozoonawo yaunondipa . Him: Ok saka phone yacho ndokupa mangwana unongotenga line rako kucomplex uko wondipa number . Jamela : Sezvo uchienda kuchikoro unongondipa mari yacho nemadetails ako ndipe Mike anoshanda kueconet agouya naro line mangwana . Ini kuya kwapata saka madhiri aya wotozoita paweekend taenda kubasa Me: Its ok . Akapihwa mari ini ndikanotora chitupa changu mumba ndokuuya kuvapa vese vakaitirana kuti zvauri mwana mudiki nhaiwe . Hameno vaiona muviri vakafunga kuti ndakura hre . Ndiri musikana murefu akati simbei . Akatora madetails angu Jamela achibva ayenda nawo ndokuonekana nevaya ini ndopinda mumba ndakabva ndatokiya door chaiko . Ndakanozviwisira pasofa ndave kufunga kuti madhiri aya haazodhiriki hre . Asi mumwe moyo waifara kuti ndazowana phone yekufonera mai vangu nokuno researcher kuchikoro kwaiva newifi . Ndakasimuka ndikanosuka mandiro angu ndikarara ndagadzira mumba mangu Makuseni ndakamuka ndikageza ndichibva ndatora uniform yangu ndikaayina . Ndikapfeka ndikapfeka neblazer pamusoro tuck ini ikamwa mudzipanyota ndakauti ngaa muhuro . Ndakanocheka polony iya ndikatora chingwa ndikaisa mulunchbox ndakati ndoenda nazvo chete nhasi kiti haipo isu makonzo toite chipata pata . Ndakabereka satchel yangu ndokukiya ndikaisa makeys pavanga vareva ndokuenda kunomirira school bus rakauya tichibva taenda kuchikoro ndakatosvika Olivia avepo akatouya kundigamuchira Her: Tary wakanyanya shaar ndanzwa uchitaurwa kustaff room zvokuti unogona kuitwa prefect munhu achangouya une lucky . Me: Hah Olivia ndanga ndichiti une nyaya ini zveuprefect hazviendesi kudenga izvo. Ini handina basa nazvo ini i am here to learn saka izvo ratove drama kundiisa kana kusandiisa zvakafanana . Handisi type yekuti ndinotogwarira kuiswa pauprefect nofunga dai wanga uriwe wataurwa unoita kufambira mudenga . Zvinangwa zvatouyira kuchikoro zvakasiyana woti vamwe muri vana vemabhozida zvechikoro hamunei nazvo izvo. Kungonzi enda asi imi musingatodi Her: Asi ipapo unoreva ini ndaisada kuita masciences ndakamanikidzwa chaiko asi nguva yandatova newe wandichinja mufungire shaar ndaida kungoafoira ndichiti ndiri kuvakaurisa thank you ipapo Tary wandionesa from today onward ndave kuita shungu . Ndakaseka zvangu zvakaoma vabe mari dzacho havana basa nechikoro . Vanotambura vaya vanodambura chikoro mukana wekuenda mberi dololo unotoshaya kuti sei upenyu huchidaro nhai . Takaenda kuclass kwedu takadzidza ndakatoona kuti ndave kubatana nevamwe vanga vasina kunyanya kufamba zvavo . Ndaiita MPC . Patakachaisa ndakaenda kumba ndikati ndichisvika ndakaona mbuya vari paveranda vachitambisa chigumbo chavo . Ndakavaswedza ndikanzwa vave kuti.... *Stay tuned*
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 5️⃣ 🤝 74

Comments