Ancy Cays Novels
June 11, 2025 at 10:09 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chizimbe chiri kupisa mhanya kuchannei ubatane nevamwe usasara* *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 5* *Irvine* Alvina hunhu hwake hwanga hwava kuda kutondibuda ini ndanga ndave kutobhoekana naye ini . Zveku flirter nedifferent types yemabby ndanga ndisingachadi ndanga ndave kuda mukadzi wekuroora apa ndanga ndaka engager naAlvina asi kuti ndimuroore ndaitoona kuti ndaizvitsvagira nhamo . Ungaroora munhu asingambogoni kuita anything and asingadi kuchinja . If she was willing to change ndaiti pamwe kuda zvichaita . Ndaida kumuchinja kana aindida asi kana zvokumuchinja zvairamba ndaitomusiya for good ndotsvaga a girl wekuroora . Alvina is beautifull no doubt about that but zvobetserei kuva beautifull iwe usina njere . Ndakabva kumba kwangu ndichibva ndaenda kumba kwefriend yangu Brandon ndakasvika ariko zvake akagara mai vacho vanga varipo ndakada kudzoka kumashure but panga pasina yekutamba vanga vatondiona ndakaburuka mumota ndokufamba kuenda pavanga vari vachindiona vakatanga kusekerera zvavo ndakatarisa Brandon ndikaona achiita kunditsonya ndakaseka zvangu caz ndaiziva zvaaireva . Her : Hona hona kukanyaira sehoromba yegudo matasvanana evarume asina vakadzi . Hayas imi vana ka imi makaoma iwe uri nane wakato engager ko Bee wangu kana kuitawo serious relationship.. Me: Chii mama tichiri kumbosarudza musatimhanyisa mukatimhanyisa tinopedzisira tatokumba mhengera mumba dzoga dzinogona kuzokurovai chaiko . Bee: Ndizvo zvandiri kuvaudza mama kuti i will take my time handisi kuda zvokuwira . Her: haiwawo hantie izvozvi ingadai ndave kugarawo pasi ndichifundwa nemuroora unofundwa papizve ndinenge ndototi ndibike ipapa . Brandon mwanangu my only son chiroora ndizorore mwanangu chii hauna kana musikana waunouya naye kuzongondiratidza zvako kuti uyu ndiye musikana wangu mama . Ndakatarisa Bee ndikaseka mai vaBee gore ravachaita muroora nofunga vanoita kuuchira nemagadziko chaiwo . Vakabva vasimuka vachiti vave kundobika ndikasara ndikamuti .... Me: Ko varatidze Belinda ka nhai . Him: Hah kuti ndopenga hre Belinda uya ane hunhu hwakafumuka kudaro ndini ndinotomuitira basa iye akagara . You have to see kumba kwake anosiya pant chairo muwashen basket imagine . Ndichiroora ndinoda mubetseri wangu kwete munhu anondipa musengwa Belinda handiroori zvangu . Munhu kuita sechingingiya kunze kwakanaka zvisingaiti kwakaita kununa nemafuta mukati kune rubish handiite iwe roora ka wako Alvina hantie waka engager hre kutondipa pressure hanzi Irvine akaengager ko iwe why usi kuda . Ini handitomuvimbisi kuti ndomuroora ndichiziva kuti handidi . Me: Hah ini ndinomuda Alvina man but zvandiri kumurongera ndikaona zvaramba kushanda ndomusiya ini zvingaswera zvakonana namai vangu nokuti mai Irvine vane pamuromo chaipo ndiaChihoro ivavo zvinopedzisira zvarwa Him: Ukuda kuronga kuita sei undiudze Alvina ari nane ari smart in and out usimbe hwekusada kubika chete otherwise akapasa ipapo anoita bhoo zvino Belinda hapana zvinoziikanwa kunze kwebonde chete saka tingadya bonde hre amana . Takaseka ndakamuudza zvandanga ndaronga zvese ndikanzwa ndakaona asekerera achibva ati... Him: The girl in question anofana ari more beautifull than her anzwe godo chairo . Me: Hah iyeye itambo zvayo haasviki hake pana Alvina but anotevera anozo beater Alvina pastructure apa plus age chifresh manje mwana mudiki zvake form 5 izvozvi . Him: Chingoroora iyeye zve anoigona acting yacho hre . Munozoguma maroorana imi zvokutamba mhedzepedze yacho kuroorana . Me: Hah chibaba Alvina ndomuda plus ichocho chitori well reserved ndakatopihwa materms and condition. Takaseka zvedu ko naAlvina tanga tanetsana nenyaya yekuda kuti titenge chikafu asingadi kubika saka apa anga achingoisa mamessege ndichi blue ticker ndipo pandiri kuda kumupinda neacting yangu anzwe seanotsva . Ndaida kutoti manheru ndinopihwa number dzacho ndichimupa phone titotanga kufambira nyaya dzacho . Him; Hah ipapo ronga shamwari zvinogona kuita . Ko kubasa uri paoff hre zuro ndakaita bag shaar ndikatowana mukoto wemapotatoes ndiwo andatodanira muchembere kuti vasenge ini ndomadii zvangu sendine anondibikira . Me: Ini ndiri kupinda nhasi manheru rega tinoona kuti kunenge kwakamira sei . Apa ndati ndisuduruke pamba caz Alvina anogona kuuyako . Him: Yah ini zvangu ipapo ndakapasa hapana anouya pamba pangu ndisina kumudana . Belinda anotosvika mumba mangu muri smart asi achingouya munobva masangana sangana hah ini ndichatotsvaga wife material manyama kwete zvana Belinda izvo . Mama handingavaratidzi Belinda zvee caz ndingamuroora ndisingamudi caz vari desperate kutoda muroora zvokudaro . Vakabva vatouyawo mai vake vachititi tiuye tidye . Takaenda hedu tichiita nyaya . Takasvika vabika tikadya vainakirwa mai vaBee apa vaimboti vakada kukuparidzirai hah unoti Jehova wadzika pano pasi . Munhu zvake ari boe havatodi munhu ane pamuromo saBelinda ko ndaimuziva ka ishamwari yaAlvina . Ndakaswera kumba kwaBee ndikatozoenda kumba ndave kuda kunogadzirira zvokuti manheru ndigobuda kuenda kubasa . Ndakasvika paden Jamela akatouya pawaya yaiganhura ndikaendapo ndikanzwa ave kuti ... Him: Chibaba number dzake idzi line ave naro chitipai phone yacho tiise mukati momutengera data mobva matotanga kuita madhiri enyu . Me: Ok pari boe momuti azvitore maselfie agonditumira mapic acho mafull pic ndichamada paweekend ndamutengera hembe ndomupa mari yekuphoto shoot . Ndakaenda mumba ndikanotora phone ndikamupa zvese necharger ndokutora number dzacho ndikabva ndatoisa data racho ndokumupa . Iye anenge aiva mumba maingonzwika mukadzi wadziblaz dziya kutaurisa anenge aitaurisawo uyu . Ndakaoneka Jamela ndichibva ndaenda kunogeza ndikapfeka uniform yangu kudya ndaiva boe ndanga ndabva ndadya kwana Bee . Ndakadriver ndikaenda muborder ndakasvika ndikangonanga muoffice mangu . Ndikatanga kushanda ndakabva ndafonerwa pafoni yangu and yaiva new number ndakabva ndatodaira . 📱Hello 📱 hello dady ndiAlvina why are you punishing myself like that hausi kudaira macall angu uri kungondi blue ticker kuapp whats going on . 📱 Stop pretending as if you dont know my friend let me tell you the truth engagement haisi marriage it can break caz handingaiti upenyu hwekuzotenga chikafu ini ndichiti ndine mukadzi . 📱 Hezvo ko ndiyo nyaya yacho hre look at me a girl like me many people are trying very hard to have me iwe watombowana priviledge yacho yekundiwana wave kutoita manyawi . 📱 (Ndichiseka) runako harudyiwi plus hausiwe wega wakanaka ka ukaziva izvozvo haurasiki . Imboita zvorunako rwako tione kana kuenda kune ivavo vari kutryer very hard kuti vave newe . By the time yavachange vanewe vave kuona the real you believe me a man in his right senses is not willing to take that burden . Uri musengwa chaiye iwe . Ndakabva ndacutter call yangu ndakatanga kuita basa rangu . Ndaimuda musikana uyu hunhu chete hwake hwandaimaka . Aida kuzvitorera pamusoro ndakashanda ndikazobata phone yangu kuenda kuapp ndikanowana number dziya dzaTary aisa mapic ake 3 ndakamatarisa kuita kuma zoomer chaiko apa aisekerera rimwe racho ndakatoona kuti Tary zvachitori chiheavy machine zve . Apa ane freehand mumusoro kuzoti pachichamuti atorwe aine mawig nemabraids aiita mublack American chaiye . Ndakatora pic rake one ipapo ndichibva ndarikanda padp pangu . Ndikaisa rimwe pastatus ndikanyora muzasi kuti one and only . Ndakabva ndasiya zvakadaro ndaiziva kuti ndaigona kutowana Alvina ariko kumba ndakabva ndafonera Tary akadaira hake .... 📱Hello 📱Hello uri sei . 📱Boe ngatichitanga ikozvino unofana kutoisa masweet words even pandinofona caz you never know dzimwe nguva anenge aripo . 📱Its ok ndaibata saka totaura paapp pacho . 📱Yah Ndakabva ndacutter ndakaona typing panumber dzaAlvina ndikaseka zvangu kuti zvabata munhu . I am sure zvinotoudzana naBelinda caz Belinda aimuudza kuti Brandon haasi kumuona mushe ndichitomuudzawo kuti hunhu hwaBee hunozonyanya kana dai ndaive ini i cant take it . Ndakabva ndatobva kuapp achingotyper chete ndikati wati wadii unotamba nevanhu vakakurira kumusha vachifudza mombe vachiiya kutserendende tichibvako mabhurukwa ave nemalights kuti vanokugadzirira size yakaita sei . Kana achindida anofana kuchinja kwete zvake zvekuda kuzvikudza zvisina basa . Ndakabva ndatanga kuisira Tary messege ndichimuudza kuti i love you kutaura malovingtons akapindura zvake Tary ndakasekerera ndichiverenga ndega ndakati dai zvaiva real amanaka unonatsonzwa kuti ndaudzwa gudzuramukanwa rinotapira kuti tapi tapi messege yake ikaonekwa naAlvina aindopinda mumagumbeze kufuga nemusoro chaiko. Yanga yakanzi..... *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 😕 🤝 354

Comments