Ancy Cays Novels
June 12, 2025 at 09:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chizimbe chiri kupisa mhanya kuchannek ubatane nevamwe usasara* *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 6* *Tariro* Her: Iwe mwana wembwa iwe adya polony kusvika payaveri ndiani nhaiwe kukara hre vanhu vakabva kusina zvinhu mukazozvizivira pamusoro chii. Ndakavatarisa zvangu kuti mai ava vari right right hre . Ine basa rei polony inongobuda waenda kuma goo ndakabva ndavati.... Me: Polony yamuri kupopotera yakadyiwa nevarume venyu vamai navo zuro akauya umwe wacho pane vakauya mutoilet ndiye wakaizhaka kwete ini. Her: What do you mean varume vangu . Me;Ko ndingati kudii hantie ndimi maiva navo zuro hre nhai mbuya . Her: dai wati mafriends angu pane kuti varume vangu its ok . Ndakaseka zvangu nhema dzandanga ndabura . So vanga vachida zvekutonetsana neni nhai regai ndiite phone ndinoda kuvapinza mugwara vanofunga kuti ndivo vane yese haikona . Woti utsinye woti kunyima zvese pamunhu one manje chikafu pandawanira mukana chete ndochizhaka . Ndakanochinja uniform yangu ndikageza ndikabva ndaenda kukitchen ndakaona pakitchen counter pane bepa rekuchicken inn kunovhura kudai kuwana mune magodo ega ndakaritora ndikanorasa vakabva vatobva kuroom kwavo vakauya vachiti.... Her: Nhasi hatisi kubika tiri pakutsanya . Me: Ok ndakabva ndavasiya vachiona TV ini ndokunotora uniform yangu ndokuenda kusink kuto ndinowacha . Ndave kutopedza ndipo pakauya Jamela achisekerera ndikabva ndatomuti ... Me: Maswera sei apa muri kusekerereiko mukadaro nhai veduwe . Him: Hapana zvangu ndauya nephone yako iyi shaar kune vanhu vane bag ndati phone yacho yainzi old phone yangu ndiyo phone yatiri kutotora mabby nayo . Ndakaseka zvangu Jamela pane basa akandigamuchidza phone yacho askana regai ataure zvake Jamela phone yanga yakanaka zvayo iyoyo. Ndakazvibvunza kuti ndini hre ndave kushandisa bango iri ... Him: Ndaisa number dzake muphone umu ajusa wifi bundle ndikatoisa app zvese . Chamuri kufans kuita kutotanga game yenyu . Ko mbuya vako vakaona phone iyi vachati kudii havangazokutoreri hre. Me: Hah kutorera ini hre hah ipapo havazosviki havo . Ko vanenge vaudziwa nani kuti ndaipihwa sekuti vanoziva zvese zvandakauya nazvo . Him: Saka moita madhiri hantie waoma kuti ndakupinza mumazhets emari . Kuri kufaya hre kuchikoro . Me: Hah kuri kunakidza . Him: Ndakunzwa uchitukirwa polony chaiyo mbuya vako vanozvinyanya wakatogara zvakanaka hre iwe . Ini blaz vakauya ndovaudza atleast dai vakaku rojera caz munhu wavo uyu haaite you are not safe around her. Me: Hupenyu but ini hunenge huchitondipa shungu yekuti ndiite zvangu . Haana kuzogara nokuti mbuya vanga vave kuuya akazongoita seanga achichera mvura . Vakasvika vachibva vati.... Her: ndikuda kuenda somewhers for 2 days saka woona kuti wasiya door riri locked tanzwanana ndikunzwe uchimisa muromo semudhungwe kuudza sekuru vako zvese zvese. Me: Saka handidyi kusvika mauya hre mondiudza zvandinofana kudya nekusadya nokuti munozouya muchipopota ndadya zvamusingadi kuti ndidye . Her: zvirimo hazvina basa unobika ukadya ndave kuenda . Me: Ok . Ndakayanika hembe dzangu ndichibva ndaenda mumba vakabuda ndirimo veduwe regai zvinzi chihure kana chagara munhu anoita mhuka chaiyo . Sekuru vangu vaiti ndine mukadzi pfambi iyoyi . Vakaenda ndikasara zvangu ndikaribika sadza riya randanga ndati hatibiki takatsanya . Ndakabva ndafunga kufonera mai vangu but manga musina mari ndakabuda ndikanotenga airtime ndokudzoka zvangu ndakabva ndaijusa ndikafonera mai vangu number dzavo dzaiva mumusoro mangu Hello Hello makadiiko mama ndiTariro . 📱 Yowe ndiwe mwanangu ugoona ndanga ndichifunga kutokutaura nhasi nana Tino ava uri sei hako 📱 Ummm mama ka kunyengerera kuenda kuchikoro zvako but makwikwi mama maiguru venyu vane utsinye chaiho pamwe ndinombonyimwa chikafu pamwe ndorariswa panze . 📱Zvakaoma udza sekuru vakozve mwanangu . 📱 Ndinoziva zvandiri kuita it wiii make matters worse . Musavaudza zvenyu mama vari sei vana Tatenda lets hope havasi kuita misikanzwa ikoko . 📱Hah avo havasi ndikangovaudza kuti ndinoudza sisi vauya vanobva vatosiya zvavanenge vachiita 📱 Ok hamusi kuitiswa hre ikoko navatete venyu uye havasi kundibvunza hre kana kuti havana kumbokunetsai hre 📱Hah kana mwana wangu dzidza nesimba . Saka phone wazoiwana kupi . 📱 Ndeye shamwari yangu mama . Hantie ndakakuudzai paya kuti handishaiwi shamwari ine phone kana muchifara imimi zvakanaka regai ndipe vanhu phone yavo . Vakabvumira ndichibva ndacutter zvangu kana ndanzwa kuti mai vangu vari boe everything is fine . Ndakabva ndatanga kubaya baya phone yangu ndipo payakabva yaringer phone yangu . Ndakaona dzakanzi Irvine ndakaziva kuti tave kutanga kuchiita nyaya dzacho ndakadaira akataurawo zvandanga ndichifunga . Ndakaona aisa messege yelove love ndikabva ndamuti .... ✉️ I love you too sweetheart you know what i juss thank your ex for failing to do what you like caz i won you . I win your heart because of mere cooking i love you honey and i promise to cook several dishes for you sweetheart . Takataura kanguva ndakaseka zvangu kuti ndini zvangu ndirj kutaura dzelove nemunhu wandisingadanani naye this acting thing i am beginning to like it . Ndakazorara zvangu ndikamuka kuseni kugadzirira kuenda kuchikoro . Ndakabika ndikadyaa ndikasuka ndiro ndakasiya mumba nevanhu makachena makeys ndakaenda nawo sezvo vanga vati havapo kwemazuva maviri . Ummm thats why patakasvika vakati kuna sekuru hamuna kutaura kuti muri kuuya . Ndakanomirira mota moyo waifara nephone yandange ndave nayo . Bus rakauya ndichibva ndaenda kuchikoro Olivia ndakamutangira avo vaitouya nemadrivers avo vanhu vemari . Akasvika ndichitoverenga akasvika achibva anditi..... Her: hah vamwe mave kutoverenga haiwa pagwazh chaiko unotokweverana nana Gidza besty uri chimhamha chaicho . Me : Hapana asingagone newe unogona asi serious chaiyo ndiyo yausina . Zvino vamwe tikatouwana mukana totoubatisisa guess what ndava nephone Her: Waaal i am happy for you huya ka paweekend kumba kwedu besty . Me: Paweekend ndine piece job saka handingauyi shaar Her: Mbuya vangu vakauya izvozvi vari kwasekuru uko hah waifana kuuya mhani ko mbuya vanonakidza zvee . Me: Ndichavaona zvangu mazuva mazhinji . Ndakavhura app pabreak ndikaona pane messege from Irvine achiti bby pane aona mamessege edu please dont mind her usandisiye bby wangu you are like my mother you know what i want . Ndakaseka zvangu vanhukadzi chiiko chirungu hre kuda kubatira chirugu padenga hre . Call yakabva yatopinds from new number ndakadaira ndinzwe aikaka sisi ivavo vatori nemoto ndikati ayewa neni nditori nawowo muzhinji . 📱 Hello 📱 Hello kuita sei kwacho inzwa voice racho kuita semunhu ari pachamber take a good look at yourself ugozviona kuti ungazvi compare neni hre iwe siyana nemukomana wangu zvako. 📱 Mukomana wako upi nhaiwe undikwanire dai waiziva kuti ari kutopenga nevoice irori usingadaro unotonzwa oti bby i like the way you speak . Usade kundinzwa iwe simbe yemunhu unoti aidya kunaka kwako chihure chinokunetsai amai makangoitiswa mukasiiwa anomudii musikana waakanguri achapaza mapera panonaka amai . Angokusiya wani nekunaka kwako stupid . Ndakanzwa phone kuti duu duu ndikaziva kuti acutter ndakabva ndadzima phone yangu ndave kuenda kwanga kuna Olivia anga pabreak akasvika pandanga ndiri ndokundipa chinhu sechatakadya day randazorohwa nechimbuya chiya ndakatozoziva ipapo kuti chinonzi burger . Her: Wanga uchitaura naniko asi your village boyfriend called you . Me: I dont remember ndichikuudza kuti i have a boyfriend . Her: Ummm besty nezvauri izvi wondiudza kuti hauna boyfriend iwe . Me: Zvandiri zvei Olivia ndakatonaka ndakadai ndakanguri ndakuudza kuti matarget edu in life akasiyana . Her: its ok then unopfeka matrouse hre besty ndakatengerwa matatu andisingakwani but iweww netwaa yako neushe hwekunze unonatsoizadza . Me: Ndopfeka huya nawo unenge waita basa zvako . Takazoenda kumba ndichisvika pamba ndakaona Irvine achibuda mumba make . Paakandiona akandipa sign yekubvunza kuti mbuya varipo hre ndikati havapo akafamba achiuya kufence ndakaendapowo achibva ati.... Him: Afona akati chii hausi kudeepisawo kubby rangu hre Tary abva pacall achichema nhasi atosiya asuka ndiro wambomuti kudii. Me: Shaar kana une moyo mutete lets live this game caz inini akanditanga i will retaliate . Ndiye atanga nemusindo and i gave her the overdose of her life . Him:( Achiseka) hah maya game iri kutochinja munhu i juss want to know kuti wamuti chii. Me: Ok rega ndikupe phone yarecorder uzvinzwire . Ndakamugamuchidza akabaya baya ndikanzwa oteerera audio yacho akaseka akabata muromo achibva anditi.... Him: Amanaka uchandinyimisa zvinhu mfana iwe apa wamubaya moyo caz wataura zvaanoita abva aona sekuti zviri real usazonyanyawo Tary amana . Me: iye anditi voice semunhu ari pachamber wanu inini i hate unsults dai angotaura neni zvakanaka ndaingopedzerana naye boe zvino ada kutamba neni asingagoni kuzvimiririra . Iwe chill chete kana ari kutochinja hantir ndizvo zvatinoda . Him: Anozochinja zvese ka nekundisungira madzinhi shaar . Me: umm haunawo kwako sechisidzi iwe chongonhuwira chero achiita . Him: (Achiseka) hayas ndazo dealer nemutycoon chaiye but boe futi rega ndiende kubasa this weekend ndichapa Jamela mari uyende kuphotoshoot nehembe dzandichamupa unopfeka size ani unofana kuenda watorukwa mumusoro uyo . Me: Hah boe zvokuti unenge waspaka . Ndakabva ndafamba kuenda ndakacheuka ndikawana akanditarisa achisekerera ndakabva ndamuti...... *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🌹 🤝 211

Comments