Ancy Cays Novels
June 12, 2025 at 05:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Chauya chizimbe chiri kupisa mhanya kuchannel ubatane nevamwe* *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 7* *TARIRO* Me: Wanakirwa neiko wangomira ipapo sechizizimbori charohwa nechando enda kubasa uko . Akaseka achinopinda mumota make akabva ayenda . Ndakabva ndapindawo mumba ndaitofara kana shasha isipo kudai . Ko vaidhinha zvavo mbuya zvokuti ndikagara navo nguva vakaramba vachindiitira mashura ndinochin'a neni wacho . Ndakasvika ndikakurura ndokubva ndagara mumba ndichimboverenga ndaiva nemazibasa akawanda saka ndakatomboti tsiki tsiki ndiri serious . Ndakapedza kuverenga ndokunotanga kubika ndave kutodya ndipo pakapinda mbuya vakasvika vakadhakwa zvavo ndokurara pasofa kutogorozera ndakangopedza kudya ndichibva ndaenda kunorara ndakavasiyapo ini . Aaa kana varohwa nechando vachaziva nzira yekubedroom kwavo. Ndakarara hope chaidzo ndivo vakatoita alarm yangu vachipopota kuti ndakaregere kuvasenga kuenda navo kuroom kwavo can you imagine aah . Ndakatomuka ndikatanga kuita basa rangu ndakanyarara vachingopaumba . Yanga yava Friday ndaida kutokasira caz bus raikarisawo sezvo raiva zuva rataienda paassembly . Vakaenda kuroom kwavo vakanogara ikoko ini ndichipedzawo ndakangovati ndaakuenda kuchikoro ndichibva ndatobuda . Ndakaenda ndikadzoka day iri musikana waIrvine haana kumbotaura neni . Ndakasvika kumba nguva dziripo Friday taikurumidza kuuya . Ndakasviks mbuya vachiita kusekerera ndikashaya kuti ndeip zvandave kupihwa plastic smile . Her: Mzaya wangu kwanga kuri ssi kuchikoro. Hah musoro uyu waakuda kurukwa uyu. Me : taurai zvenyu mbuya ndanga ndiri kutoronga kukukumbirai ndigoenda kumba kweshamwari yangu ati ndiuye agondiruka Her; Hantie murukwa mabraids ka ndichakutengera mabraids andokuruka iwayo munombogara . Me: munenge maita basa mbuya Ndakabva pavanga vari ndichienda kuroom kwangu mumoyo ndaizvibvunza kuti moyo chena weiko nhasi ndinovaziva ka mbuya ava munhu ane utsinye kungoerekana okusekerera ziva kuti pane zvaari kuronga . Ndakanochinja sezvo mangwana yaiva weekend ndakati handiwachi . Ndanga ndichiri neuniform 1 ndosaka ndaidaro . Ndakabva ndakafonerwa naJamela achindiudza zvekuphoto shoot ndikabva ndatomuti ndikuuya kuseri . Ndakabuda ndokuenda kuseri ndakanogara pastool iye akagara zvake pamukova wavo ndikabva ndatoti... Me: Ini handitombozivi zvekuphotoshoot zvacho . Him: Dont worry mangwana tiri kuendawo ikoko nebby rangu saka toenda tese . Me: Ok kana pakadaro pari boe . Him: Apa ari kuda kukupa hembe dzauchanotorwa mapics nadzo . Ndotokupa makuseni paanosvika . Me: Its ok ko iye musikana wake akamuwanepiko anoda kupingudzwa semombe iyeye . Him: Aaa majita vana vema bhozida ava saka dzinonanzvana dzakakora . Me: Ok bva zvino chapinda busy chomuda but regai tione kwazvinosvika Tichitaura kudaro chakabva chafona ndakatarisa Jamela ndichibva ndamuti... Me: Abva atofona zvekare rega ndimudaire. 📱 hello 📱How much do you like kuti usiyane nemunhu wangu . Panoti mari apa ndakada kutomboti waya asi ndakakasira kufunga kuti ndave kuda kuita mudyakose hazvizobudi regai ndiite madeals angu naIrvine ndikabva ndamuti ... 📱Akuudza kuti ndoda mari yako ndiani kana ndichingoda mari dad Irvine vanongondipa ka ko yako iwe ndoidii. 📱 Ndokuziva kuti wakangomudira mari yake shaar juss take the money and live him to me . 📱Zvava zvako chisikana inini chandoziva ndechekuti ndiri mudenga rechinomwe naye . Stop calling my line please i have a lot to do . Ko kana zvichiramba ingomusiyaka unomanikidzireiko bhonzo muhari inotsemuka ka . 📱 You know what you are such a fool pandokubatira i am going to kill you . 📱 Oh really can i give you my address uuye undiuraye tione ukasabva kuno uchimhanya. Anokudii munhu asingagoni kana kubika zera rako iroro kungogona zveumburu chete kubika usingagoni unonyadzisa iwe musoro wakazara chihure . 📱 nhamo inokunetsa manje hauhwinhe pana Irvine kwandakabva naye kure shaar. 📱iwe wakatomuruza and inini ndatove naye ukutaura seiko iwe do you think ndinomusiira iwe hre . Ndiri kutomubata samambo maweekeness ako iwewe ari ndiwo andiri kucorrecter kwangu zvichiita saka forget it girl. Akacutter Jamela akaseka akati ... Him: Hah pinzanai mugwara nyangwe ukazoita life yakanaka zale ukabata mari dzako dzidzisa mwana basa kwete kumuspoiler sezvozvo hauzivi kwaanoenda mangwana . Hoyo adanana nemunhu anoda zvekubikirwa kuwachirwa and staff iwe usingazivi kana tsee zvino worambirwawo kukonewa kuwacha hre zvakaoma . Me: Pakaipa regai ndiende zvamataura ndazvinzwa . Ndakabva ndaenda ndichingopinda mumba mbuya vaiva kuroom kwavo ndakanogara mudinning ndakamirira go ahead yavo kuti tobika hre kana torega ko havatoenderwi mberi ka avo unogona kuwana zvakakwidza . Vakabva vatouya ndikanzwa vave kuti.... Her: Hatisi kudya hre nhasi nhai Tary . Me: ndanga ndakatomirira kuti mundiudze kuti tiri kubikei . Her: Mune mawings andakauya nawo arimo umo chingobika kavegie nesadza toisa mumicrowave kumadziisa totodya sadza Me: Its ok mbuya Ndakabva ndatosimuka ndikaenda kunobika ndaipota ndichiimba zvangu ndaifana kumukira caz ndaiva neziwashen rana kule Jamela randaida kuwacha . Ndaida kuti zvikafamba ndimbototumirawo mai vangu mari vabatsirike nyangwe ikaita shoma zvayo vaimbo cover zvimwe zvavanenge vasina saka mapiece job ndaitozomaita chaiko . Ndakapedza kubika vakauya vakadziisa mawings aya ndokupakura tikadyira mukitchen tese navo kutoita nyaya ndakati aya mashura chaiwo tapedza kudya vakapinda mumba mavo vakandouya vaine $30 ndokusvika vakandigamuchidza ndakashaya kuti ndeyei saka ndakaramba ndakavatarisa vakasekerera vachibva vati..... Her: Mari iyi zale ka ndikuda kuti tiite madhiri pane vamwe baba vari kukuda zvokutodaro ivavo vane bag manje unodya mari ukavada . Unongovadira kudya mari chete mzaya mari iyi ndivo vatondipa pic ravo iri . Vakataura vachida kundinenekedzera phone yavo mai ava vaitopenga chokwadi . Ndabva ndavadzosera mari yavo ndichibva ndavati.... Me: Ndazviziva kuti mufaro wamunawo uyu mune zvamuri kuda but let me shock you mdara wenyu uyoyo handimudi even kupretender kwacho handidi mari yenyu torai back i am not that kind of a person anoda mari zvakadaro . Her: Saka iwewe uchiramba mari unoda kudya mari yaani hee watomboiwana zvako mari ndipo paunoda kutoshaina zvako chine metre hre yekuti chinoshower kuti chakashanda kangani hee . Usada kundiitira saint wenhema pano iwe uchindorovesa chinhu naJamela kuseri uko usafunga kuti handisi kuzviona . Ndiri kuzviona shaar Ndakaseka zvangu mai ava vaitongoona munhu wese sehure savo ndakangonyarara vachipopota kusvika taenda kunorara iyo mari ndiyo yandakaramba mari ndaiida chose asi yenzira iyo ndakaitadza . Ndakamukira kuseni seni ndikawana vana Jamela vabudisa hembe dzavo nesurf . Ndakangotora nedzangu dzanga dzisina kuwanda zvachose . Ndakawacha dzese ndikapedza ndokuchitanga basa rangu remumba . Ndichipedza ndakabva ndanogeza hembe dzangu dzanga dzauya ndainochinjira ikoko . Ndapedza zvese vanga vakagara panze pamushana ndakavamutsa ndichibva ndavaudza yekushamwari yangu ndikanzwa vave kuti ... Her: Its unogona kumbonotamba zvako muchiverenga wozouya chero kuma 4 . Me: Ok mbuya maita basa Her: Its ok enda uchifunga zviya zvatakataura zuro wafunga zvakanaka unouya uchitora mari sekuru handimbovaudzi. Ndakangoseka kwete kufarira zvavaitaura asi kutoti mai vakapusa ivava . Ndakafamba kuenda ndikanowana ana Jamela mutown ndaitaura navo pafoni ndakatanga kuendeswa kusaloon kurukwa mabraids ndakambotana kupedzwa hre ndairukwa nevanhu 3 . Vakapihwa mari ndokuzoenda kuphotoshoot . Ndaitotu chinhu chinoshamisira kungonotorwa maphoto oiswa mufoni . Ndakabva ndatoaisa pastatus time dzaivapo apa ini ndanga ndanzi chero ukadzoka kuma 4 ndakatoti regai nditi kule Jamela vandipe makeys avo ndinocleaner mumba mavo ndaiitira kamari kacho kauye kakawanda . Vakandipa ndikavasiya vane musikana wavo ainzi Seline . Anga akasununguka chose ndaitonzi mzaya . Ndakabva ndatoenda kumba ndakaona Irvine achinja Dp aisa rimwe pic rekuphoto shoot ndikato zvakaoma nhaka musikana unoita munhikwi . Ndakasiiwa netax pagate chaipo ndakapinda mukati ndikaona munr zibango remota . Ndakatoshaya kuti imota yaani . Ndakafamba zvangu ndikada kunovhura door ranga rakakiiwa ndakati regai ndiende kwana Jamela ndinoita basa rangu ndipo pandakanzwa kusekenyeka mubedroom yambuya apa window ranga rakavhurika . Ndakada kudarika asi pandakanzwa voice rechirume richiita kakugomera ndikati kana mhani ndiwo uno mukana . Kana vana Jamela vakataura nasekuru havazozvibvumi kuti vakaroora bhichocho iyi ndiyo yandaizoita proof yangu . Ndakabva ndatanga kutora video . Ndakapeura curtain zvishoma ndokutanga kutora zvangu . Vaiita zvinonyadzisira asi ndakati handimbonyari ndinototora. Pamwe pacho vakatotarisa kuside kuno asi havana chavakaona . Vakambosimuka pabed vakaenda kunobatisana m chair ndichingotora . Pandakatoona kuti zvaita regau ndichirega ndipo pandakadaidzwa naIrvine apa aiseka . Her: Tariro ukuitei Uyuwo uyi dzungu raanaro ndakamupa sign yekuti nyarara inu ndichitobvapo ndichienda kufence kwaanga ari.... Him: Wanga uchiitei mfana iwe une musikanzwa saka ndakakupa phone kuti uite musikanzwa nayo. Me: idzungu hre bhora pasi i know what i am doing maita basa tachena hah acting iyi yandipinza machena . Ndanga ndisina phone now ndave nayo Him: Yah ndizvo zvazvinoita Voice rakabuda mumba make takacheuka aiva umwe mukomana akangobuda achiti.... Him: Hah Irvine shaar mumba mako mugwenga chaimo huya ubike apo . Paakationa takamira akabva auya pafance paya akandimhorosa ndokuramba akandibata ruoko rwangu ndizvo zvandaisada izvozvo ndakabva ndamuti.... *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 🔥 😮 🤝 🌹 264

Comments