J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
June 10, 2025 at 02:47 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w *⚔️WAKATOKONYA NHENDE YEMAGO NEMBONI⚔️* *[New Book 📚📚]* *Written* By ...... *Author* JT ✍️ 📲 +263 776618351 🪀 +263 717173806 *Kune vanoda kubva pachitsauko 1pindai mu whatsapp channel nokuti inbox 📥 handisi kubatsira munhu uye musakanganwe kubaya pakanzi Follow* *Join Our Comments Group👇👇* https://chat.whatsapp.com/HF293PGUrpL76Bejl43Icm *CHITSAUKO 14* KUPOMERWA KWA GWATIDEMA KUNZI AURAYA MAMBO BVUPAREGWAYI Varwi wamambo Bvuparegwayi vanoita fararira nesango zvakabuda mambo Bvuparegwayi achiti ainge achimema muzinda wake. Mudzvovasango anokwidza mugomo reSorodzinga sezvo mweya wechikara chesango ndovainge vatomupfeka nhambwe iyi ainge achida kuona mafambiro aizoita mambo oenda kunopedzisa. Mudzvovasango zvaainge apfuudza Chomunhenga svikoro ramambo Bvuparegwayi moyo wake wakafara ainge asara ndiye mambo Bvuparegwayi pamwe naiye Hazvinei achipedza zvose izvi ochitevera tsvimbo yake iya kumuzinda kwa Ivhugobvu achibva ikoko ochiita mambo chaikonesa hapana sezvo svikiro raizodura zvose rainge ratungamira ainge asara ndiye Hazvinei naiye mambo Bvuparegwayi. Uye Mudzvovasango ainge apika aizobufura kutaura kwaasina kuswera aiita kafira mberi asi zvose aizvironga chaaikanganwa chezuro nehope ndechekuti madzimambo ose arimashanu aiwe mukombe nechirongo zvokuti mambo Bvuparegwayi kupedza mwaka wese asina kubatika mumizinda yemadzikoma ake waiona patumwa nhume zvinova zvaka kanganikwa naiye Mudzvovasango. Mudzvovasango nyama dzainge dzawavanani kubva pakubaiwa nepfumo kwaainge akaitwa naiye Hazvinei nhambwe iyi painge pangosara vanga chete. Zvino Mudzvovasango akabuda mumuzinda nepfumo rake dati remiseve rainge rakaberekwa kumusana nhambwe iyi. Mudzvovasango anokwira padomboguru imo muSorodzinga apo aiona mambo achimbumura huruva akananga nenzira yokumuzinda kwa Gwenyambira apo anoona Gwatidema achitevera mambo ndokusvika kotasva ndokusimudza mbongoro akaenda nedivi raasina kuzoziwa Mudzvovasango anoridza tsamwa achidzika padomboguru paya achitaura oga. "Saka Gwatidema anoda kunditorera chigaro ndakatarira nhai iye kuda kuswededzwa pedyo namambo wachironga zvatisingazive chiiii chaicho zvino nhasi anodura chete yafemha yanzwa hwema ukapinimidza pamberi peutesvero hwepfumo unobaiwa ndinopika ini " anodaro Mudzvovasango achitaura ega akananga kumuzinda uko akasvika makati n'ono machinda ose ainge apinda mumasango kuda kutarira mambo hapana chaizowapongidza mukufamba kwawo. Mudzvovasango anodzoka pamipinyi yake yaaiurura apo anotanga kupedzisa kusvika apedza uyo anozopedza zuva richinorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika nhambwe iyi machinda ainge abuda kuchengetedza mambo ainge odzoka rumwe rumwe sezvo aifunga mambo adzoka ."Kudzoka henyu asi mambo haasati adzoka dai Gwatidema adzoka ndiye aitiudza mambo afamba sei sezvo ndazowaona wari vese " anodaro Mudzvovasango achibuda mudare muya . "Saka unoreva tidzoke kunotarira mambo nezuva rapota namakomo here iwe Mudzvovasango?" anobvunza Dumbarimwe achiunyanisa chiso chake. "Kwete Dumbarimwe asi ndirikureva hatichimirire Gwatidema ndamuona neangu maviri aya kwete zvokuudzirwa kana aramba tinotangira ipapo uye kana mambo wakasaoneka tobvunza iyeye " anodaro Mudzvovasango. "Ipapo kwete handidaviri uye handitangi kupa mutongo ndisina chokwadi nezvinhu zvisati zvaitika " anodaro Dumbarimwe achienda kwaive na Bakayawu. Nhambwe iyi Mudzvovasango anosimuka ndokuenda kubikiro remukadzi uko anosvika mukadzi wake achipedza kuisa sadza mundiro ndokubva ati haachabude ndokubva ageza maoko ake ndokudya achipedza ndokubuda akananga kudare uko akasvika achinzi mambo ainge asati adzoka ndokupfuurira akananga kusuwo uko akasvika achibvunza Gwatidema uyo anonzi ainge asati adzoka ndonhambwe yaanotanga kupaumba zvakanzikwa naiye Gwatidema ainge asvika nhambwe iyi. " Pamha zvakare zvaunotaura Mudzvovasango ini handitye kukupfuudza sezvawakaitwa na Hazvinei ndinoku ....." haana kuzopedza kutaura Gwatidema apunyutsa museve wake uyo wakasvika koti zete parusvingo. "Saka unoti ndinonyepa here hauna kutevera mambo here ukatasva mbongoro yamambo ndokutanga kurova iwe ?" anobvunza Mudzvovasango akati ndee kuna Gwatidema achiita kupupira nehasha achienda ikoko akabata pfumo rake noruoko rwerudyi urwo rwainge ruchiita kudedera nehasha rombo rakaipa hapana akaziva zvainge zvafungiwa naiye Mudzvovasango nhambwe iyi. "Zvaunotaura handizvizivi nokuti ndezvemugotsi matsuro iwe ndiwe ungatiudza kunamambo " anodaro Gwatidema achidududza kudzoka kumashure sezvo Mudzvovasango ainge achiuya akaita kupetanisa huso nhambwe iyi Mudzvovasango achiona Gwatidema anodududza kumashure anobva aregedzera pfumo rake kuna Gwatidema iro rakasvika kuna Gwatidema richinoti zete pabendekete uyo Gwatidema anokwakukira kwakadaro achibaramadza mhere achidzura pfumo riya ndokupotsera kwakadaro. Gwatidema anovhomora nduni yake yetsvimbo muchiunu ndokuivheya katatu mumhepo achiregedzera neshungu iyo yakaenda ichishinyira kuna Mudzvovasango asi pasina nguva yakanzika kuti kwaaaa mumhepo iyo yainge yavhikwa naiye Mudzvovasango netsvimbo yake ndokuvhunika nepakati kuita zvidimbu zviviri. Gwatidema anoona akaita humbwende pake paipera sezvo aiziva Mudzvovasango akange atanga zvakadai hapachadi humbwende. Yainge yasangana mikono pakurwa uyu Gwatidema aiti handinzwaro uyu Mudzvovasango achiti handinzwaro. Mudzvovasango zvaanovhika tsvimbo ya Gwatidema anoregedzera yake kuna Gwatidema uyo Gwatidema nhambwe doko ainge aumburuka pasi tsvimbo ichinoshinyira yakadarikira ichonovira kwakadaro . Mudzvovasango achiona Gwatidema awira pasi akafunga kutsveedza kana kuvhungwa netsvimbo asi kwete nhambwe iyi ainge atomhukira paiwe naiye Gwatidema ndokusvika achinzi nzveee ndiye ndonye nemuromo achinobaiwa nemuti paaiwe akabaiwa naiye Hazvinei uyu Gwatidema ainge asimuka achinovhomora museve wake mudati ndokuupfekera pauta achiukoka akanongedzera iye Mudzvovasango achida aregedzera anobva anzi dzviiii maoko naiye Bakayawu ainge asvika "Kwete Gwatidema handizvo mambo akasvika muchidai kunonzi ndochiii uye chii chamunoda kutishurira muno mumuzinda?" anodaro Bakayawu akabata Gwatidema uyu Dumbarimwe ainge abatawo Mudzvovasango uyo ainge achigomera akabata dumbu rake . "Mhaka yangu na Mudzvovasango handiizivi kana zvokuti ndapfudza mambo hapana zvandinoziva asi ndinopika nababa wangu izvi ndokuvedzera gumi pazana ini ndaenda ndinodzoka namambo wavareva iyi mhembwe ovhiya napakati opawo mukadzi wangu " anodaro Gwatidema uyo ainge asiiwa naiye Bakayawu nhambwe iyi ndokuenda kumatanga uko anotora mbongoro ndokubva abuda nedivi rekumadokero ndokupoterera muzinda ndokuzonanga kumabudazuva akatewera mambo Bvuparegwayi kumuzinda kwa Gwenyambira. Nhambwe iyi ainge akavhenekerwa nejenaguru raiveko zuva iri. Mbongoro yakarohwa naiye Gwatidema yakapfumbura huruwa . Anotarira kanzira kaienda nokumabudazuva iye ndokutora yaigurisira yakatorwa nana Horeyapota naiye Jambanja wachiuya kumuzinda kwa Bvuparegwayi. Nhambwe iyi ruoko rwainge rwakabata zvino rwainge rwonzika kurwadza pamwe nokupinza chando . Gwatidema anomisa mbongoro ndokutsvaga gashu ndokusunga ruoko achipedza ndokusimudzira nhambwe iyi wainge wavamudzikisirwa zvoti utunga wainge woita kuoneka kutsvuka kumabudazuva nhambwe iyi Gwatidema anonzwa jongwe kuchema ndokuziva ainge ofemera kumuzinda kwa Gwenyambira nhambwe iyi anorova mbongoro zvakare iyo yakabva yabvuma kutiza zvokuti nhambwe doko ainge apinda mumuzinda mamambo Gwenyambira umo anosvika vanhu wakacharara iye ndokubva ananga padare apo akasvika achitambirwa na Jambanja ndokuudzwa mambo Bvuparegwayi ainge abuda naiye mambo Gwenyambira kuenda kuninga. Gwatidema anoti zvaiwe zvirinani kumirira mambo kusvika adzoka ozopira nyaya yake .......... *__________________________________________________________________________________* Yakasara iribatai batai mumuzinda mamambo Bvuparegwayi kubuda kwainge kwaita Gwatidema achitiza nyonga nyonga yainge yaitika . "Mandidzivisa henyu kuna Gwatidema asi aidura chete kuna mambo hezvo honai apoya munoti anodzoka iyeye uye mambo wacho aripi ?"anodaro Mudzvovasango achisimuka ndokugara pasi akabata parutivi apo paimurwadza . "Hazvina chimiro mumuzinda Mudzvovasango tarira ndiwejinda guru ramambo kana wodai zvinopa chimiro chipi?" anobvunza Bakayawu. "Kana uchiziva ndirijindaguru mandidzivisirei ndiite zvandoda kuna Gwatidema hezvo mambo hamuna uyu Hazvinei hamuna mukadzi wamambo hamuna mhosva kana dzouya zvonzi ndi Mudzvovasango?" anobvunza Mudzvovasango . "Yasimudza musoro ichifemha femha yanzwa hwema hapana inodaro isina chayanzwa idzi inyaya dzenyu uye iwe pfumbata muromo wako wekuzasi zvekuti urijinda guru ramambo hazvinei neni wanzwa kana zvichinetsa simuka tirwe kwete kuda kuswera kunetsa wadoko ndabvira kare ndakapfumbata muromo wangu . Ukanyatsa kubatwa zvakanaka unotaura kune mhuri yamambo iwe Hazvinei anodzoka " anodaro Dumbarimwe uyo aiziikanwa chaiwe chikara chesango pakurwa uye pfumo nemuseve ndokwaive kudya kwake. Nhambwe iyi Mudzvovasango anobva ati ziii ainge otaurira mumhino. "Hapana wandinotya mumo mumuzinda uye itai zvose asi rimwezuva dzikuuya nyuchi ndapedza rega ndinotsivama ini " anodaro Dumbarimwe ndokubva kusuwo ramabudazuva iye Mudzvovasango ndokubva ikoko imwe pfungwa yainge yoti ndomukana wekupoya muzinda kana kubva apoya naiye Tsitsidzashe munin'ina waiye Rujeko abude atize naye imwe yakati ndakunorima gura ndosiya zvakadaro asi akazokandira pfungwa iyi kure ndokunanga kumba uko anosvika ndokutsivama kusvika kuchene.Zuva iri akafuma nenyadzi kana mumba make haana kubuda asi kumuzinda rainge rotenderera mambo haasikuonekwa pamwe naiye Gwatidema izvo zvakabva zvapusisa ruzhinji rwevanhu.................... *__________________________________________________________________________________* *KUPINDA KWAMAMBO BVUPAREGWAYI MUMUZINDA MAMAMBO GWENYAMBIRA* Zuva richirova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika mambo Gwenyambira agere pachigaro chake pamwe nejinda rake Jambanja apo waiita hurukuro pamwe nemafungiro aaita zvemuzinda wemunin'ina wake anoona Horeyapota achiuya namambo Bvuparegwayi padare. "Baba wangu mazvimbakupa chiiii chinotiitira wadzimu chaizvo ?" anodaro mambo Gwenyambira achisimuka pachigaro chake misodzi ichioneka kuyerera mumaziso mawo ndokusvika koti mbunde naiye mambo Bvuparegwayi apo wanombopedza chinguva wachichema. "Zvakatoonekwa mukoma kana mudzimu wakupa chironda wati nhunzi kudye asi ndifa here ndakanyenama imi muripo ?" anodaro mambo Bvuparegwayi achitsvetana nemukoma wake . "Kwete rume rimwe harikombi chiru uye kumhanya handiko kusvika nhaurwa yako ndinayo yose "anodaro mambo Gwenyambira achikweva chimwe chigaro ndokupa munun'una wake iwo ndokudzoka pane chawo . Pasina nguva maoko anobva asimudzwa pamwe nokunzana upenyu . Hurukuro dzakarohwa uye mumwe nemumwe ainge aine nyaya yake nechekare uyu akabva atanga kuruvamba ndiye mambo Gwenyambira. " Munin'ina pane nyayadokosa yandazorangarira pano.Ndarangarira kuti pfumo rejengeta muzinda ndini ndinaro uye ririkuninga asi rangarira pane hari yaiwe nenyuchi yawakapihwa nababa yakanzi mukaona yanunira huchi pamwe nokubomha wega tichipe jaya rako rine ravhara ura zvino hauna kumhanya here sezvo zvaida kutangwa zvatarirwa zvochienda kumuridzi nokuti nyonga nyonga iyi handioni iriyoga ? " anobvunza mambo Gwenyambira akati kote chiso pasi. "Mauya nenhaurwa hurusa yandainge ndarivara ndizvozvo zvakatanga kutaurwa nababa kuti mukaona jaya ravhara ura rosvipidza chitarirai hari asi ndainge ndarivara kuti inemi ndaiti ina mukoma Pomhodzwai " anodaro mambo Bvuparegwayi. "Kwete pfumo rejengeta muzinda rineni asi nyaya idzi kana dzoitwa tinoenda kumuzinda kwake saka zviripo iwe wati unoda mumwe mudzimai here mhandara dzizere muno ?" anobvunza mambo Gwenyambira ."Hongu mukoma ndingasvika riini ndichibikirwa nemwana ko kuna mai Hazvinei wakasvika wakaitwa kafiramberi ndinotangira papi ?" anobvunza mambo Bvuparegwayi. " Kungotya kwako asi midzimu yedu inonduudza manje manje panodeuka ropa chete . Mangwana utunga huchitsvuka kumabudazuva toenda kuninga kwangu uko tichanzwa zvizhinji " anodaro mambo Gwenyambira . Hurukuro dzaichinjaniswa mudare hapana kakasara kudya kwakauya ndokudyira mudare umu ndokuzobuda mudare wachienda kunotsivama zuva iri mambo Bvuparegwayi akarara nemukoma wake ndopakazotaurwa naiye mambo Bvuparegwayi zvese zve svikiro kufa kwaro nemashoko arakataura izvo zvakabva zvabuda pachena Mudzvovasango naiye Madzvovera waidyira mundiro imwechete . "Iwewe usapindira yewaviri zvejaya rako ririkuziva zvose siya zvitatsurane ini ndichakupa hondo zvapera nokuti ukamhanya anofa ndiwe sezvo iye Mudzvovasango watove munzwa unobaira mundove unondinzwa here ?" anobvunza mambo Gwenyambira achibvunza munin'ina wake seanobvunza ndumurwa chaiyo . "Ndirikuzvinzwa mukoma " anodaro mambo Bvuparegwayi. "Kana uchindinzwa hatitsvivame utunga huchitsvuka kumabudazuva jongwe retatu rikachema tobuda takananga kuninga wadzimu wanotaura chete uye ndoda kuona hari iya yaibva here " anodaro mambo Gwenyambira wachifuga dahunha rawo. Waviri wakarara hope dzembwa rare rare pepu kusvika jongwe retatu rachema ndokutora mapfumo awo ndokubuda mumuzinda wakananga kuninga............. KUMUZINDA KWA CHAMUTENGURE Muzinda wamambo Chamutengure muzinda waive paka......... Ndokumbirawo ma like enyu kana book ririkushata mobata munyori ogadzirisa #0776618351 or 0717173806 *KUPERA KWECHITSAUKO 14*
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 🔥 👏 🏹 321

Comments