J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
June 12, 2025 at 03:33 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w *⚔️WAKATOKONYA NHENDE YEMAGO NEMBONI⚔️* *[New Book 📚📚]* *Written* By ...... *Author* JT ✍️ 📲 +263 776618351 🪀 +263 717173806 *Kune vanoda kubva pachitsauko 1pindai mu whatsapp channel nokuti inbox 📥 handisi kubatsira munhu uye musakanganwe kubaya pakanzi Follow* *Join Our Comments Group👇👇* https://chat.whatsapp.com/HF293PGUrpL76Bejl43Icm *CHITSAUKO 16* MUZINDA WAMAMBO CHAMUTENGURE Zvino mwaka uyu mvura yainge yanaya zvakaitawo mambo Chamutengure aite goho rakavanda zvokuzadza matura nokuraudzira zvichisanganisira nemimwe miteyo yakaiswa naDzwanda rinova svikiro rawo iro rakangouya ravasina kuziva raibva nokupi iro rakasvika ndokuisa dumba raro kuna Mukwirandazunza rinova gomo iro raive kumaodzanyemba emuzinda wavo . Mambo Chamutengure nhambwe iyi ainge ozvirova chipfuwa pamwe nokurumbidza Dzwanda .Zvino waive wabva mumwaka wekukohwa wopinda muchando . Mambo Chamutengure anotanga kuyeuka mashoko esvikiro iri "Chamutengure sezvo uchiziva ini handisi weropa rako ini ndaingopfuura nomuno mumuzinda ndokuona kutambudzika kwako saka ndoda kukusiya wavanehupfumi uye iko kusunza ndakupedza .Muno uchange usasakohwa goho rinozadza dura rimwe izvo kwete bodo ndaramba. Asi ukayanwira zamhu mumukanwa uchataidzwa nomukaka ukaenda nyikadzimu asi chenjera pauchaenda nyikadzimu ini handizobvi neangu maoko chete ndichabva nemhandara ichandibikira asi ukasayanwira ndichabuda nehakata dzangu ndoenda .Asi ukasaziva pokutsvara ndichakusiya wakabata hupfumi matanga emombe kana iwo matura ako achatadza kufema nezvokudya uye uchange wogwadamwa nemamwe madzimambo sezvo masimba uchange uinawo. Asi mukoma wangu akaenda nyikadzimu sezvandirikuona pfumo ragara pachipfuwa chake ndine hurombo ndoenda kwangu sezvo ropa richida kudeuka ikoko asi ziva kutambudzika kwako kwadzoka zvakare asi ini dzangu tsoka haudzione mumuzinda mako uye mhandara yandareva ndichatora asi ndaona ropa rako radeuka rako nerimwe remadzimambo achadenha nhende yemago nemboni ini ndakuenda handina rekupamha zvakare "rinodaro svikoro iri riri mudare ramambo Chamutengure. "Saka ndoita sei sekuru uye mhandara yamureva ndeipi ?" anodaro mambo Chamutengure. "Ndati zvose zvaunoda ndichaita asi ziva mizinda yokubata nokurongera uye mhandara yako yokutanga ndiyo ichabikira muzinda wangu ini ndirikudumba rangu ndozvoga ini ndichaita zvose zvaunoda asi ndati ziva pokubata" rakadaro svikiro iri. Zvakanaka sekuru shoko rapinda munzeve ndamirara imi muite zvakandirongera " anodaro mambo Chamutengure achiuchira svikoro iri ndokubuda . Mashoko aya mambo akadzoka munzeve dzamambo Chamutengure agere mudare nemachinda ake uyo akaerekana oshama muromo wake. "Ini Gwenyakwenya nhomba ndiyo yandiba yokuda zviropa nemaguru sezvo mhukadzesango ndaneta nadzo muno mumuzinda " anodaro mambo Chamutengure achigara pachigaro chake mudare apedza kurangarira mashoko esvikiro riya zvoti pfumo rake rakazendamiswa nerudziro iro riri nhungagore kuutesvero kwaro richioneka kupinza semunzwa venungu pamwe nokupenya serumbi rwemoto. "Changamire ramandisvipa munzeve dzangu randibaya diti sezvo muchiona muzinda muno wazara majaya asati aziva kukanda mapfumo . Muzinda waani watingaenda kunopamba hongu ndinoziva muno munemaguta sezvo svikiro riya rakaita zvamaida asi pahondo taita watete sezvo kubva zvabva Shambaneimwe muchitora mukadzi wake muchindipa hamunazve kuzobvira mazodzidziswa majaya kurwa muno" anodaro Gwenyakwenya jinda guru ramambo Chamutengure richiti zenda nedare rakati ndee chiso chako kuna mambo. "Ndaida kururamisa hondo yangu yakananga kwa Mafukidze ndoziva anenzara ndoda zvipfuyo zvizadze uno mumuzinda ranagarira mashoko esvikiro riya uye nhomba yekuda zviropa ndoyandibata zvakare uye ndine imwe nyaya ndoda kuratidza Shambaneimwe chaakaita hapana haangaita hwehwiza inoita hasha dzokubvisa makumbo iwo ariwo zvivhikiro pakurwa " anodaro mambo Chamutengure achitsenga chimukuyu chaainge apihwa naiye Gube rimwe rejinda rawo raive mudare umu. "Changamire imwe mizinda ngwarirai kuti haingotokonyewe nokuti makambotokonya muchadenha nedziri pauguzu dzikakurumai uye ini zvokuti ndibude nehondo isina kudzidzira kurwa kwete changamire ini handigoni " anodaro Gwenyakwenya achitaura zvinemutsindo "Chiita zvavafunga asi ini chandinoda zvipfuyo zvekwa Mafukidze mumo mumuzinda kana kubva mauya nemusoro wake pamwe nevaShambaneimwe sezvo tisingazive rudzi urwu rwakabva nekupi kuita kunge chitsuva chakamera pakati pegungwa vanoda kuparadza wese rangarira ndakanzi ndichagwadamwa nemamwe madzimambo uye ngakanzi nzara yatama mumuzinda hezvo matura angu ose akazara kuti shaku"anodaro mambo Chamutengure achitaura nemajinda ake mudare umu ruchiri rungwanani umo anozobuda achiita setsamwa nokuda kwa Gwenyakwenya uyo ainge ati haabude nehondo osina kurwa.......... Muzinda wamambo Chamutengure muzinda waive nechokumaodzanyemba adziva kumavirira kune mimwe mizinda yaiwe nechokuchamhembe kusanganisira muzinda wamambo Mafukidze. Muzinda uyu waive uripakakwirira uye urimuzasi megomo guru rinova raive neninga nechomujingamaro iyo yaivigwa madzimambo ose emumudzinda umu iri gomo ndorave kumabudazuva emuzinda uyu uye rainzi Matengambiri uye ndozvakare maidzidzisirwa kurwa hondo majaya omumuzinda umu . Zvoti divi rokumadokero ndokwaive nezunde ramambo Chamutengure nechokuma odzanyemba emumuzinda umu ndokwaivigwa wagari wemo ndokwaive nerimwe rwizi rwapinzawo mvura muna Nyamzou ruchibva nekumavirira ropotera Matengambiri ropinda muna Nyanzou urwu rwizi ndorwaishandiswa nevagari wemumuzinda umu kunoshamba pamwe nokuvedza uye kunwisa zvipfuyo mvura urwo rwainzi Gezainguwo. Muzinda uyu waive wakapoteredzwa nerusvingo rwemabwe ndokudzudzurwa nendove uine masuvo matatu rekumabudazuva nekuchamhembe nerokumadokero iwo masuvo ayo aigara akachengetedzwa nevarwi gumi newaviri awo waviri wacho waisavaona pawaive sezvo waive wagara mumiri yaiwepo pamasuvo aya ndowaive wachitarira kana kuine muvengi.Suvo rekuChamhembe ndoraishandiswa nemadzimai kuenda kuchitsime pamwe nekuhuni zvoti rekumabudazuva ndoraishandiswa neruzhinji rwevarume wachienda kunovhima rekumadokero raisanyanya kushandiswa raizoshandiswa nguva yomunaya kamwe inova nguva yezhizha asi suvo iri ndorainyanya kugara rakachengetedzwa sezvo ndokwaive nemba yamambo pamwe nemba gumi idzo dzaiswa zvirimwa zvomumuzinda umu.Mumuzinda umu mairimwa zvirimwe zvose muchichengetwa zvipfuyo zvose asi hudyire pamwe ne hutsinye ndohwaive hokura pana mambo Chamutengure. Mambo Chamutengure ainge aine vakadzi waviri wekutanga Zvanyadza uyo asina kubvira azvara kana kuitawo chinopfakanyika mudumbu chichibuda nguva isati yakwana kana chakabudawo nguva yakwana Zvino mambo Chamutengure nehasha ndokuzotora imwe mhandara kumuzinda kwa Mupeti uyu muzinda waive nokumadokero wavo ndopabva patorawo Shambaneimwe mukadzi achibudawo mugota .Mhandara iyi yakabva yasvika nokutsika kumwedzi ndokuita mhandara yawakati Chiedza nhambwe iyi wainge wachingove jinda rawo Shambaneimwe uyo waakazobvisa mushure mekumutorera mukadzi wake .Zvino mambo Chamutengure ruvengo nerusarura rwakatanga kupinda pamoyo pawo nhambwe iyi mukadzi waiye mambo Chamutengure ainge ooneka kuzvitakura asi waiye Shambaneimwe ainge asati uyo panozoti wamambo Chamutengure achibatsirwa mwana wechipiri i . Mukadzi waShambaneimwe ainge atsikawo ndonhambwe yawakabva watora mukadzi waiye Shambaneimwe ndokupa Gwenyakwenya aiwe mutevedzani na Shambaneimwe. Shambaneimwe ndokumubvisa pahujinda.Zvino Shambaneimwe arimushishi yokufunga oita sei ndopaanorumwa nzeve naiye Madzongwe kuti mambo na Gwenyakwenya waive wachironga zano rokuda kumupfuudza Shambaneimwe achinzwa mashoko aya ndokubva apoya muzinda akadzoka kumadzisekuru ake kumuzinda kwamambo Mafukidze. Zvinotiza Shambaneimwe mambo Chamutengure akasara asisina machinda mazhinji sezvo ainge aingove nematatu Shambaneimwe,Gwenyakwenya pozoti naiye Madzongwe. Mambo Chamutengure nhambwe iyi wanovedzera mamwe machinda maviri kuita machinda mana apo wakavedzera Dzapa na Gombedza ndokuita machinda mana . Mazuva akatanga kufamba mumuzinda mamambo Chamutengure urimufaro ainge achigara misodzi iripamatama ndiye mukadzi wa Shambaneimwe asi chokuita painge pasina zvoti kuzvitakura kurema kwainge kooneka uko kwakafungiwa naiye Gwenyakwenya ndekwake izvo zvakabva zvamupa manyavi nesimba rekuenda kuhondo po akanzwa mambo Chamutengure achitaura zvokunoparadza Mafukidze mudare . Gwenyakwenya akatora machinda ose ndokuenda kunodzidzisa kurwa hondo achiti akapedza kudzidzira hondo ochienda kumuzinda kwa Mafukidze. Mazuva akafamba arikugomo reMatengambiri uko wakapedza mavhiki maviri ndokudzika gomo hondo yainge yasimba kana wana Chanyuka nana Mudzvovandimi awo waizivikanwa pakutamba nemapfumo wainge wosheedzera waiendawo kuhondo iyi uye yaisava hondo doko sezvo waida kuita hwepfumo rinoparadza. Gwenyakwenya anobva kunodzidzisa majaya kurwa hondo ndonhambwe yavakasvika mumuzinda ndokunzi namambo Chamutengure waifanira kubaya mombe shanu idzo dzaizotsiwiva nedzichabva kwa mambo Mafukidze. Idzi mombe shanu dzakabaiwa dzaive dzokugadzira usavi munhava dzawo noumwe murivo waizodyiwa mumuzinda sezvo wagari wemo wainge wava nemazuva vasina kunovhima sezvo majaya mazhinji ainge akaenda kuno dzidzira kurwa hondo. Mumuzinda mamambo Chamutengure mufaro waivemo uye ndozuva rauya Shambaneimwe wachizozorora mugomo re Matengambiri rinova raidzidzisirwa kurwa kwemajaya. Zuva richirova nhongonya dzamakomo Chanyuka uyo aiwe mukuru wevarindi wesuvo rekumadokero anotarira kumabudazuva emuzinda kugomo reMatengambiri uko akaona vanhu waviri awo waasina kuzoona vafamba sei . "Mudzvovandimi hakusi kuresva kuona kwangu here asi pane kufamba kwaitika mugomo umu kwevanhu waviri kuti hadzisi tsori here ?" anobvunza Chanyuka achibvunza Mudzvovandimi uyo aiwe mutevedzani wake . Varume awa waiziva kutamba nemapfumo pamwe nekunzvenga dzaive mhare pakurwa chaipo. "Tsori dzingabvepi Chanyuka iye Gwenyakwenya akabva mugomo umo zuro tsori dzodokesa dzawamo zvakamboitikepi dai wati zvimwe majaya akarivara mapfumo kana nhava kwete zvetsori ?" anobvunza Mudzvovandimi. "Ukati majaya akakosheva nhava ndingabvuma sezvo hana yangu yodumbirwa mufaro wainge wati hwaaa kuti tibvunze kwekubvunza hatina kwekubvunza " anodaro Chanyuka." Ukati hatina kwekubvunza unoreveri ko svikiro riya rokuti mambo waite maguta ririkupi ?" anobvunza Mudzvovandimi . "Svikiro riya harisikubatika uye mambo zuro akafuma arikudumba rake anoti akasvika pasina risipo saka zvimwe rakatotama " anodaro Chanyuka. "Kana yadaro yashata nyaya iyi asi iwe chienda hako unondiigira magakava ndimbotwasanudze shaya ini ndichiona ndiripano " anodaro Mudzvovandimi achikwira mumuti waive pasuvo sezvo waive wariwo wanokwira mumiti iyi.Chanyuka raive rume rairatidza rakayanwa rikaguta uye riine mazitsapfu zvoti tsinga dzaro dzaioneka kuti tare tare nomuviri uyu Mudzvovandimi raiwevo rume rakanyangara pachiso riridema dema zvakare sa Chanyuka hasha ndopaiwe pamuzinda uye aisava netsitsi aiti zvaataura ataura. Chanyuka akabva pasuvo remadokero ndokupinda mumuzinda ndokuenda kwaive kuchigocheva uko akapihwa magakava aaida ndokudzoka kwaive na Mudzvovandimi ndokutanga kugocha magakava nevamwe warwi wairinda suvo iri uku ndokwaidyiwa sezvo zvizhinji zvinenge zvabuda mudura hazvaitadza kusvika pasuvo iri. Zvino zuva rakasvika pakuonekedzana nenyika warwi wamambo Chamutengure arimafaro wachiti remangwana richinorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika wochisimuka wakananga kumuzinda kwa Mafukidze.Mumuzinda umu pakazorarwa kunze kwainge kwaenda zvokuti wamwe wakazomuka yave mhere mhere mumuzinda. *___________________________________________________________________________________* HONDO MUMUZINDA MAMAMBO CHAMUTENGURE Zvino utunga huchitsvuka kumabudazuva hondo yana Hazvinei ichipinda nokusuvo ramadokero imwe yaiwe na Shambaneimwe ichipinda nokumabvazuva. Hondo yaive na Tumbude na Hazvinei yakasvika kusuvo uku warindi warikutsi kwehope aiwe pamberi ndiye Tumbude uyo akabva atsika Banya umwe wevarindi wepasuwo iri uyo anosimuka akabata nzeve . "Ndatsakwa varume ndatsikwa kani " anodaro Banya uyu nhambwe iyi Tumbude akabva ajambira mukati mesuvo iri uyu Hazvinei nechimwe chikwata ndokusara kunze . Chanyuka aiwe mumuti anoti pepu ndokuona muzinda wainge wakombwa zvino . Chanyuka anokwenya Mudzvovandimi achinotomhukira pasi achiregedzera museve kana Hazvinei uchinosvika koti zete pabendekete uyo anodzura achirasira kwakadaro . Nhambwe iyi anotomhikira rimwe divi uko akasanganidzana nemumwe museve uyo waive waregerwa naiye Mudzvovandimi achinoti hwata pasi uchinopfurira nomudenga uchinoti zete kune mumwe murwi wavo pahuro ndiye dhiii negotsi ndiye pfaru pfaru ziiii hondo isati yatanga kupisa. Uyu Tumbude ainge atomhukira mukati anocheuka aone Hazvinei arikutevera here sezvo hapana ainge apinda waive wapinda washoma . Anoti achicheuka ndokuona Hazvinei arikuregedzerana miseve nevamwe varwi waviri . Hazvinei paakati hwata pasi museve uchinopfurira nomudenga anoregedzera wake uyo wakasvika koti zete pachipfuwa chomumwe murindi achinoti dhiii negotsi nhambwe iyi Hazvinei ainge akaita kuti zvambarara nedunhu. Hazvinei anosimuka ndokugwesha ndokunodzura museve uko anosanganidzana nemumwe museve uyo waakati hwata nedumbu uchizogara pamurwi uya waaibvisa museve wake. Nhambwe iyi zvainge zvamuremera ruzhinji rwainge reapinda asi iye ainge asati . Hazvinei anosimuka aribara akananga pasuvo paive nemumwe murwi uyo waakasvika achinoti mbaaa huro achiregedzera pakatwa pachipfuwa zvichinoita gumi rakadya waviri wese muvhu ndonye zvakaonekwa naChanyuka anotevera uyo anobva asanganidzana nemuseve waTumbude ainge achiuya nhambwe yaanoti hwata pasi Chanyuka achinzvenga museve ndonhambwe inosomuka Hazvinei achipindawo mumuzinda naiye Tumbude ndokuchitanga kurwa hondo...................... *__________________________________________________________________________________* *KUDZOKA KWAMAMBO BVUPAREGWAYI KUMUZINDA KWAWO.* Mazuva ainge apera mashanu mambo Bvuparegwayi naiye Gwatidema warikumuzinda kwa Gwenyambira uko vanooneka ruchiri rungwanani. "Mukoma ndofunga chisuwo chapera ini muzinda wangu hauna munhu sezvo ndainge ndakataura nhasi izuva rangu rokudzoka kumuzinda ini handichagari zvajinda rangu riripo musandiperekedza izvo kwete musanetseka " anodaro mambo Bvuparegwayi achitaura nomukoma wake . "Uchengetedze runyararo dai wadzimu wabvuma uite umwe mukadzi watosharura mhandara yaurikuda zvino wati kwete kana dai ndiine masvikiro ndakupa rimwe rokuchengetedze paurikutsika nekukupa chenjedzo " anodaro mambo Gwenyambira . "Zvesvikiro kwete mukoma inga ndakati Chomunhenga akati jaya rangu rikatsika muzinda waarikuona iye achienda nyikadzimu pane mucherechedzo wandichaona kuChinyamudzura ndinofanira kusvika ikoko " anodaro mambo Bvuparegwayi uyu Gwatidema achibvumirawo ."Kana zvakadaro handina rokupikisa chibudai Hazvinei azosvike uno muzinda ndoda kumupa hondo yangu irikuna Madzvovera " anodaro mambo Gwenyambira achibuda mudare kutevera munin'ina wake. "Anofanira kusvika zivai tine hari yeduka " anodaro mambo Bvuparegwayi achicheukira kuna mambo Gwenyambira. "Ndirikuzvinzwa asi moziva pokutsika muchifamba ndomashoko " anodaro mambo Gwenyambira ndokumbundirana nemunin'ina wavo Bvuparegwayi uyo anobva atasva mbongoro yake naiye Gwatidema. Mambo Bvuparegwayi anosimudza ruoko kuna mambo Gwenyambira uyu mambo Gwenyambira achiitawo saizvozvo ndokubva wananga nedivi rekumadokero wakadzoka kumuzinda kwawo. Mbongoro dzakarohwa kaguruva kakaoneka kuti mone mudenga mambo nejinda rawo wachifamba apa kazuva kainzika kupisirira panova waizotonhodzwa nemhepo yanyamavhuvhu zvotiwo yaitonhorera. Mbongoro dzakarohwa zuva rakasvika pakurereka wofemera muzinda wekwavo zvokuti zuva richinorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika mambo Bvuparegwayi ainge ofamba kusangodema kuwavarira kupinda kuzunde rawo uko wanobva wasangana nechiitiko chakawashamisa ndokumisa mbongoro.............. *KUPERA KWECHITSAUKO 16*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 🔥 ❤‍🔥 232

Comments