J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
June 13, 2025 at 03:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VacNbjC3wtazlC2Afq1w *⚔️WAKATOKONYA NHENDE YEMAGO NEMBONI⚔️* *[New Book 📚📚]* *Written* By ...... *Author* JT ✍️ 📲 +263 776618351 🪀 +263 717173806 *Kune vanoda kubva pachitsauko 1pindai mu whatsapp channel nokuti inbox 📥 handisi kubatsira munhu uye musakanganwe kubaya pakanzi Follow* *Join Our Comments Group👇👇* https://chat.whatsapp.com/HF293PGUrpL76Bejl43Icm *CHITSAUKO 17* *SHURA MUMUZINDA MAMAMBO BVUPAREGWAYI* Kubva zvinobuda mambo Bvuparegwayi achienda kumuzinda kwa Gwenyambira achizotewerwa naiye Gwatidema mumuzinda mavo rakasara ruri ruzha urwo runozodzikamiswa naiye Dumbarimwe sezvo Mudzvovasango ainge oita sehoromba yebveni inoda kutonga kubva kumukuru kusvika kune chirimudumbu chaimo. Zvino painge papera mazuva matatu kubva zvabudawo mambo naiye Gwatidema muzimda muchitenderera shoko rekuti mambo Bvuparegwayi ainge asikuonekwa naiye Gwatidema wamwe ndovainge woti Gwatidema akaponda mambo Bvuparegwayi achidawo chigaro wamwe wachiti zvose zvaiwe zvomugotsi matsuro mambo ainge akaenda kumadzikoma ake asi aisada kuzivikanwa aifamba sei. Mumuzinda mamambo Bvuparegwayi rakafuma rungwanani muine mhute yainge yakati tsvete nomuzinda wese hapana aiona makomo akataramuka uye mhute iyi yaisava nemvura izvo kwete. Mhute iyi yaingove yakachena semukaka hapana akaona kwayaibva kana kwayaienda sezvo yaisafamba uye chaingooneka masuvo emumuzinda umu uye waizoziva iri isuwo rokubabudazuva kana kumavirira nokuda kwemiti kana nzira . Zuva harina kubvira raoneka zuva iri asi chakatanga kunzika ingoma yairira muna Sorodzinga iyo yainzika ichiita maungira mbira nehosho zvaichema paine manzwi ainzika zvaisanzwisisika zvaitika chiiii uye paiwe pachiratidza pane mhondoro dzaiwepo dzaidzvova pamwe nokukuma chaiko ngoma ichirira. Zvakatanga zvichinzikira kure asi zvainge zvonzikira kunze kwemuzinda zvokuti vanaDumbarimwe nana Bvundejena wainge womisa nzeve kuti kwanga pamwe nokutarira wachifunga vachaona chinhu uye waiti zvimwe ndimambo ainge adzoka wamwe vaifunga ndiye mambo ainge auya nerimwe svikiro sezvo Chomunhenga ainge akapfuudzwa naiye Mudzvovasango. Varimukati mekusukutikana wakanzwa inzwi rakadanidzira pakati paiimbiwa kwaiitwa uko kwainge kotenderera muzinda iro rakangoti *UCHADURA WAKATOKONYA NHENDE YEMAGO NEMBONI UYE YAFEMHA YANZWA HWEMHA ZISO REJINDA HARIPOTSI * nhambwe iyi kunze kwakabva kwangopararira mhute iya nemakomo ndokubuda kwezuva iro rainge rorova nhongonya dzomumusoro zvino. Nhambwe iyi painge pakapisirwa Chomunhenga svikiro ramambo Bvuparegwayi pakasimuka chamupupuri chakapinda mumuzinda ndokunanga nepaiwe nemba ya Mudzvovasango icho chakasvika kodzura denga remba yake richinorasirwa kwakadaro ndokubuda nekusuvo rekumadokero ndovhuvhuta chakananga mugomo reChinyamudzura umo chakabva chasvika koti mhoooo ndokupera chakadaro .lri gomo reChinyamudzira ndogomo riya rokurwa Hazvinei naiye Mudzvovasango pazotorwa tsvimbo naiye Mudzvovasango iyo yazopihwa Madzvovera jinda rekwamambo Gwenyambira.Ruzhinji rwemumuzinda mamambo Bvuparegwayi rwakasara rwakabata muromo pamwe nekutya nechiitiko ichi uyu Bvundejena ndiye aiwe mudare naiye Dumbarimwe . "Iri ndorinonzi nenji kuona humandara hwaamai kana kuona nyoka yakasunga mucheka weretso pakati pomuzinda unochii nazvo izvi Dumbarimwe ?" anobvunza Bvundejenda achidzoka mudare uyo ainge abva kunorasa mvura . "Inga wani wazvinzwa kuti yafemha yanzwa hwema hapana mhanga chena inoenda parere nhema ikanyangadza ruvara asi nhema ngaiende parere chena uone zvinoitika achadura akotonya nhende yemago memboni asi chandinoziva mambo haasi kugara pasi ukaona zvakadai kana iye Gwatidema ndovimba arikuna mambo " anodaro Dumbarimwe. "Kana aina mambo ose machena akasazoita hwezino chete nokuti anovirawo muna taisireva "anodaro Bvundejena. "Hwezino ndohupi ?" anobvunza Dumbarimwe. "Rinongoseka seka iro risingade pasaka paine kanyama katakamwa kasara kupfirwa achiita hwegonye kurumira muvhu tozoona mambo wedu pasisina " anodaro Bvundejena. "Ha kana iri iyi Gwatidema usamutyira ndotemba naye zvikoni zvikoni mimba haibve negosoro zvakaita Mudzvovasango kuvaraidza nguva kuteya nzou nedhibhu asi zvaakuta ndaona afemha rufu " anodaro Dumbarimwe uyo aitaura nhaurwa dzawo mudare umo wakazomiswa naiye Mudzvovasango akauya achitaura ainge apotsa afira mumba. Waviri wakangotswinyana maziso ndokuchinja nyaya kusvika ravira ndokurara mumuzinda maingove nerunyararo asi Dumbarimwe ainge ataura padare kuti remangwana rikarova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika mambo asina kupinda mumuzinda ainge otasva mbongoro yainge naiye Bakayawu wakananga kumuzinda kwa Gwenyambira kotaura mambo ainge asikuonekwa. Mumuzinda umu makararwa hope dzokunge vanhu wakafa vanhu wakazoita zvokupatika wachinzwa kutinhira kwematombo pamwe nemvura yaishinyira ndokubuda panze pomuzinda ndokuona matombo aidzika mugomo kubva padziva ra Chomunhenga dziva riya raisapwa mvura iya yokunwiva na Hazvinei irimuhari yaive mvura yaipirirwa pamasimba etsvimbo yokuenda kumuzinda kwa Ivhugobvu na Madzvovera. Zvose izvi wakazviona nejenaguru raiveko asi utunga pamwe nehwewa zvainge zvatsvukisana kumabudazuva nhambwe iyi. Pakaoneka dombo guru rakadzika kubva kugomo ndokuuya rakananga pasuvo remuzinda ndokupinda rakananga paimba ya Mudzvovasango yairara vana wake ndokusvika korova ndokugara rakadaro vana wake wese ndokubva watsitsirwa hapana akasara parufu urwu . Yakave mhere mhere mumuzinda mukadzi waiye Mudzvovasango oridza mhere vanhu wakada wanunure asi chakashamisa miti yainge yavaka dzimba yakangotanga kunyuka moto ndiye ngandu ndokutsva kusvika riite rota wakatarira ndokubva pangosara dombo rakagara apa . "Mudzvovasango kana uine chavakatadzira vadzimu dai wataura namambo paitwe chivanhu ndoona sezvikiro ravakauraya ini " anodaro Dumbarimwe. "Dai mambo wacho wadzoka ndairipa hona mhuri yangu yaparara ini zvemuzinda ndazvitadza " anodaro Mudzvovasango achitanga kupfikura . Kunze kwainge kooneka kuchema asi zuva risati rabuda kupinda mumuzinda. Vanhu vanoshama kuona Sorodzinga gomo raive nedumba ra Chomunhenga richioneka nyanga dzaro pamwe nokuona zihari raive panhongonya pegomo iri iro ravakatadza kuziva raive rakaumbwa nani iro rakangobva rangovira pasi ndiye mwarara pasina nguva vakanzwa nyuchi kutinhira dzakauya ndokutenderera mumuzinda ndokuenda hapana akaziva dzafamba sei. Pasina nhambwe huru kusuvo ramabudazuva kunopinda chipembere chiwe nenyanga mbiri dzaive nhungagore mudenga dzioneka utesvero kupinza pahuma pacho paiwe nemagomombe matema tema icho chakasvika ndokumira pakati pomuzinda ndokuchema rutatu ndokubva chapfurira nokusuvo rekumadokero ndokubuda hapana akaziva chafamba sei . Nhambwe iyi gomo reChinyamudzura rinooneka kuti tsvete nemhute yakabva yanogara panhongonya paro rainge risasaoneka parakagumira ndokubva zvamira zvakadaro . "Ndofunga mose murikuona zvirikuitika muno mumuzinda iwe Mudzvovasango nhasi zuva richinorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika ini na Bakayawu takutsva mbongoro takananga kumuzinda kwa Gwenyambira hatingagari tisina mambo muzinda muchiita zvakadai kuti iwe ubude kwete sezvo uripakuchema . Kana mambo ashaisiswa tichaita mambo Gwenyambira auye ataure nemamwe madzikoma awo wauye waone chiiii hongu mhosva ini ndofunga unopihwa mhosva yekuuraya svikiro asi mhosva inoripwa hameno unozviona sei randinokusvipa munzeve dzako ?" anobvunza Dumbarimwe. "Handione paine chakaipa Dumbarimwe nokuti kana ini kutasva mbongoro handisviki saka imi moita gadziriro mobuda kana zvichibvira mungadonha navo wese muno " anodaro Mudzvovasango. "Ose machena handione paine dema saka isu rega tigadzirire "anodaro Dumbarimwe. "Asi midzimu irikunyunyuta iwe Mudzvovasango haunawo here chawakaisawo paruoko rwako pakushaikwa kwemhuri yamambo nokuti midzimu ineukasha ichi chiitiko kutanga muno mumuzinda?" anobvunza Nhara imwe harahwa yaiwepo padare apa . "Chipangamazano hapana kana ruoko rwandakatwasanudza handisi kunyepa ruoko ndakatwasanudza pene ziso ramambo rinova svikiro randakauraya " anodaro Mudzvovasango. "Kana zvakadaro haiwa ose machena handione paine dema itai iwe Dumbarimwe moita kachara kachara kufamba kwembongoro mumatombo mukasike masvika chiitai gadziriro " anodaro Nhara uya. Dumbarimwe anobuda mudare naiye Bakayawu ndokuenda kunogadzirira zuva richinorova nhongonya dzamakomo kuonekedzana nenyika ndokutasva mbongoro wakananga kumuzinda kwamambo Gwenyambira . Mbongoro dzakarohwa zvaipa tsitsi sezvo waiti zuva richinorova nhongonya dzamakomo zvokubuda waifanira wakudzoka kumuzinda kwavo . Nhambwe yawakati musangodema rokuti wachipinda kumuzinda wanobva waona mambo Bvuparegwayi akamira pakati penzira naiye Gwatidema. "Gwatidema ndinoresva kuona here kana kuti kwete Sorodzinga haasisina mhute uye mhute yavakuna Chinyamudzura chiiii chinoitika mumuzinda?" anobvunza mambo Bvuparegwayi ainge adzika pambongoro yawo paya . "Changamire yeukai mashoko esvikiro renyu rakatichii kana muchikurangarira ?" anobvunza Gwatidema. "Chomunhenga akati jaya rako rikakasvika mumwe muzinda pane zvamuchaona ikoko kuChinyamudzura uye ini ndizosvikeko nejaya rangu kana radzoka " anodaro mambo Bvuparegwayi. "Saka musashamisika inga Chomunhenga akati ndirikuenda asi arikuuya munyaradzi muchapihwa rimwesvikiro zvimwe ndiro rinorehwa asi.. " anodaro Gwatidema uyo asina kuzopedza kutaura anzwa inzwi ra Dumbarimwe. "Changamire chinguri ndarova maoko ndichiti mazvimbakupa misodzi yoerera here mumuzinda imi muriko mati tochemera ani kana motora muendazvachose munoti tinopukutwa nani misodzi ?" anobvunza Dumbarimwe akamira pamberi pamambo Bvuparegwayi uyo ainge akati chiso kota pasi nhambwe iyi ruoko rwerudyi rwainge rwakabata pfumo rumwe rwakabata muchiunu. "Undiregerere Dumbarimwe pfungwa dzavakumuzinda ndiudze chii chakaitika ?" anodaro mambo Bvuparegwayi ati ndeee kuna Dumbarimwe. "Changamire nyaya inozeiwa kumuzinda vanosvipa zvavanenge wakapfuta mumatama awo wachisvipa kwete pano tasvai mbongoro tiende " anodaro Gwatidema achitasva mbongoro yake ndokutanga kufamba wese ndokuita rumwe rumwe wakananga kumuzinda......................... *____________________________________________________________________________________* HONDO MUMUZINDA MAMAMBO CHANGAMIRE Yakava mheremhere mumuzinda mamambo Chamutengure nhambwe dzorungwanani zuva richinorova nhongonya dzamakomo zvokubuda. Uyu Shambaneimwe ainge ati wana Hazvinei naiye Tumbude wapinde nekusuvo rekumadokero uko aiziva ndokwaive nemhare dzose dzairwa sezvo ainge asina chokwadi chizere chokuti waizokunda hondo iyi here kana kuti kwete. Paripanhaurwa dzohupenyu Shambaneimwe ainge arizino irema rinosekerera pasaka paripatema kuna Hazvinei naiye Tumbude. Mhare dzose dzaiziva kurwa dzaive divi raiye Shambaneimwe zvoti iri divi ravainge wapinda naro waiziva kwaisaiswa mhare pakurwa zhinji dzive kusuvo rekumadokero kwaive nematura ezvokudya nemba yamambo rombo rakaipa divi iri raive naiye Hazvinei hapana aiziva mambo Chamutengure pamwe nemhandara yake aiziva ndiye Shambaneimwe. Zvino Hazvinei atomhukira muchaunga yakati yonaiswa miseve yainzika kushinyira mumhepo nhambwe iyi ainge asina chivhikiro asi kuchishandisa aichigona . Rombo rakaipa varwi wazhinji wekwake waisava nazvo asi wemumuzinda umu waive nazvo izvo waiita mukana pakuvhika miseve nemapfumo iwo warwi wake waingonzi aregedzerwa museve ukaita zvekutamba waimburuka wagarwa nawo . Hazvinei akaregedzera museve wake nemumwe murwi uchinosvika konze ndii nechivhikiro nhambwe iyi anokwakukira mumhepo akaregedzera mumwe achiutevera uyo wakasvika konzi nzveeee iye achivhomora nduni yetsvimbo muchiunu achinoiregedzera pahuma ndiye dheee murwi uya achinoti ziii nhambwe iyi ainge amhara pasi achisvika kotsika pasi nekuzvigunwe ndokuvhomora bakatwa achinoriregedzera pachipfuwa chomurwi uye ndokuvhomora akatora chivhikiro chiya nhambwe mutambo wainge watsvuka ropa zvino . Nhambwe yaanoda asimuke anosanganidzana nemuseve uyo waiuya uchishinyira achinouvhika uchinovira kwakadaro achitepfenyura wake wakasvika konzi nzveeee ndokuona hapana zvaibatsira museve nhambwe iyi anosunga dati remiseve ndokusiya museve mumwechete ainge otevedzera zvaaiudzwa naiye baba wake pamwe na Mudzvovasango nhambwe yavaidzidziswa kurwa. Akaona murwi wekwa Chamutengure achiukoka museve akati senda neimba uyo wakasina kuzopa mukana wekuregedzera ainge akwakukira ikoko uko akasanganidzana nomuseve ndotungamidza chivhikiro mberi iye achivhomora bakatwa raakasvika kuregedzera pachipfuwa achizopedzisa netsvimbo nhambwe iyi amonzwa Tumbude agomera akabata chidya museve waregedzerwa na Chanyuka mukuru wevarindi uyo ainge apinda mumuzinda. "Hazvinei akaregedzera tsvimbo yakasvika ichinzi nzveee naiye Chanyuka uyu Chanyuka achinongedzera kuna Hazvinei museve wakaregedzera asi Hazvinei akakasika auona waakati hwata pasi achiumburuka izvo zvakafungiva naiye Chanyuka kuti abaya apaanoti regai ndipedzise Tumbude anosimuka achitepfenyura wake museve kuna Chanyuka uyo wkabva wasvika koti zete pachipfuwa sezvo Chanyuka ainge acheuka achida kutarira ndiye zeee dhiiii pasi ndiye pfaru zii . "Chanyuka kani afa Mudzvovandimi aripi ?" akadanidzira mumwe murwi vehondo ya Chamutengure achidana wamwe warwi sezvo nyanzvi dzemapfumo dzainge dzopera zvishoma nezvishoma kana iwo vana Hazvinei wainge warikupangurwavo . Mambo Chamutengure anotanga kupaumba arimo mumba make apo akanzwa murwi akadanidzira achiti Chanyuka afa . Nechekuseri kwemba yake kwaive nebikiro ramai Chiedza toenda kuimba yedura yokutanga ndokwaive nesuvo warwi wairwa waripedyo nebikiro iri . "Gwenyakwenya chiiii chaunoita handidi mbwende ini Chanyuka arikunzi afa iwe uripi neve Mudzvovandi ?" anopaumba mambo apo anoganwa nerimwe jinda rehondo. "Gwenyakwenya changamire hakuchina atungamidzwa nevarwi warikusuvo remabudazuva " akadaro murwi uyu mambo Chamutengure achinzwa izvi anomhanya muchaunga nepfumo rake sezvo aida kupoya muzinda rombo rakaipa akamhanya akananga pana Hazvinei uyo waainge ati regai ndiende pane murwi wechidiki apo akabva asanaganidzana nomuseve sezvo Hazvinei ainge ofudza muvengi wake paakanzwa nokuziva ndiye mambo wacho akabva ati ndomukana . Hazvinei achiona mambo Chamutengure achiuya akaregedzera museve wainge ainawo uyo wakasvika koti tsetsu bendekete ramambo Chamutengure sezvo ainge apotsa anoti nduni yake yetsvombo iyo yakasvika konzi nzveeee mamambo Chamutengure iye achigarwa nepfumo pabendekete ndokuasika aridzura ndokuregedzera kuna iye mambo Chamutengure rakasvika koti zete pachidya mambo Chamutengure achinovira pasi nedumbu achibaramadza mhere Hazvinei achikwakukira mumhepo akabata bakatwa ndokugamwa netsvimbo ya Mudzvovandimi iyo yakabva nokusuvo ainge achiuyawo achinoti dhiii negotsi............................ *KUMUZINDA KWA IVHU GOBVU* Mazuva ainge otanga kufamaba asi Madzvovera pfungwa dzainge dzisina kugadzikana sezvo painge pachidiva ropa rainge rataurwa nesvikiro remo . Nyaya yake yainge yomunetsa otanga sei kuna mai Hazvinei rimwe zuva arere muimba make naiye mai Hazvinei umo aipuruzira dumbu rainge rooneka anobva atanga kuruvamba............. *Please read and share please comment and like zvinakidze* *KUPERA KWECHITSAUKO 17*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 🤣 👏 170

Comments