J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
J.T. ZIM 🇿🇼SHONA NOVELS.
June 14, 2025 at 09:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaBbMvBFMqrS4EGdmC0x *ACTION AND ROMANTIC* *Handei tese kwa Makalulue its a free book kusvika rapera i new book zvaro ratova pa chapter 4 vasati vapinda musasarira kuri kufaya uko. Ngatipindei tese ndisati ndabvisa link ndiri kubvisa after 30 minutez saka ngatipindeo nehuhwandu hwedu tinovarairwa ikoko* BOUND LOVE WRITTEN BY MAKALULUE +27734067151 FREE BOOK PLEASE SHARE CHAPTER 1 *Leandro* Ndakamisa mota pa garage ndokudzika ndichipinda mumba me vabereki vangu aiva makuseni, hameno inyaya yandadanirwa kubva kwanzi ndiuye makuseni. Zita rangu ndoitwa Leandro Masimba Shoko. Ini hangu panyaya dzebasa ndiri bhuru rechigeven'a, kwaisada kuda kwangu kuti ndisvike ipapo asi ndaisava neimwe nzira yandingazviita nayo kuti ndiwane raramo kunze kwekumira mira semurume. Okay regai nditi kumba kwedu hapana chisipo asi baba vakandibvisa pavari musi wandakashara kuita zvidzidzo zve law apo munhu wese iye aiita business management apo vaizviita nekuda kwa baba vaivamanikidza kuti vaite zvinodiwa naivo baba, haa ini ndakazviramba ndikaita zvinofadza ini kwete zvinofadza umwe munhu saka kubva ipapo ini na baba hatina zve kuzowirirana. Ndakapedza zvidzidzo zvangu zve Law asi chinyika chedu mochizivawo mabasa anonetsa kuwana ndakazopinda muhu hegeven'a. Ndaiva nemukadzi asi mukadzi wangu akashaika ane nhumbu. Ndichagara ndichizvipa mhosva nekushaika kwemukadzi wangu. Ndaisavapo paainditsvaga, handifungi kuti ndichaita zve umwe munhu wandodanana naye ini muhupenyu hwangu. Nyaradzo kufa kwake kwakandirwadza akandisiya ndichiri kumuda mwana uya.. nhasi ndauya kumba kwete kuti ndanga ndichida asi zvazvisingaite kuramba wadanwa nevabereki, hanzi remekedza vabereki vako mazuva ekurarama agowedzera. Mama ndivo chete vanondinzwisisa vanogara vachindimirira thats why neniwo ndichivateerera. "Mama" "Shoko" Vakadaro vachinyemwerera vachiuya kuzondihaga ndokubva tanogara pasi, ndakashamisika ndichiona baba vakagara pasi, ohh saka ndivo vati mama vandidane. Mama vakanditarisa vachiti "Lea, ndafara kuti wauya mwanangu, ndazviziva kuti haumboregi kuuya wadanwa nemi" " Handaimborega kuuya mama ini nemi hatirwi" Vakanyenwerera vachigara pedo neni, baba vakanditarisa asi havana zvavakataura mama ndivo vakati " Lea mwanangu, ini na baba vako toda kutaura newe mwanangu, unoziva handiti kuti tiri vabereki vako, saka tokumbira kuti usativharira panze" Ndakatura mafemo, ndoziva hangu kuti nyaya yavo iri kuenda kupi. " Shoko" " Baba" " Ndoziva kuti ini newe tosimbonetsana apo neapo asi handiti unoziva kuti ndoshuvira zvakanaka zvega muhupenyu hwako mwanangu" " Baba muri kudei? Ndoziva kuti pane zvamuri kuda" Vakatarisana na mama baba vachibva vati "Mwanangu wakura manje, wakufanirwa kuroora manje, ini na mai vako taona kuti wakufanirwa kuroora wouya nemukadzi kumba" " Ayy baba please mirai nenyaya iyi please, hazvimo mupfungwa dzangu izvo" " Nhai shoko kusvika rinhi shuwa wakabatirira pazvinhu zvisipo, enderera mberi nehupenyu hwako usiyane nezvipoko" Mama vakagutsurura musoro " Nemiwo mama muri kubvumirana nenyaya iyi, makundidaro mama nekukuvimbai kwandoita. Ndizvo zvamandidanira pano? " " Lea" mama vakadaro Ndakasimuka ndokuvatarisa. Moziva ndoshaya kuti neyi vachida kugara vachi controla life yangu. I'm tired now " Lea usaenda mwanangu gara pasi titaure" mama vakadaro Handina kuvapindura ndakangovatarisa ndokubva ndabuda. Life yandiri kurarama inondifadza ini, handidi zvekuudzirwa kuti ndorarama sei *Chengetai* Ndakafamba ndichienda ku office kwa Tonde, ndamuvigira gift bag, moziva Tonde he's my first and last boyfriend and hapana umwe munhu wandichada saiye. Ndakanyemwerera pandakasvika pa door, ndakabata handle kwakuvhura door asi ndakasangana nemashura chaiwo, Tonde aiva busy kuita bonde neumwe musikana, vaiva vakanyarara kuti zi vachingonzwikwa kufemereka chete, Tonde aipinda achibuda paari. Ndakayerekana ndadonhedza bag kwakuisa maoko angu kumeso. Moyo wangu waiita kunge pane munhu ari kuujunga junga nepfumo kakawanda "Tonderai!!!" Akavhunduka achitarisa kwandiri ndokutora mbatya dzake fast. Rutendo akanyemwerera kwakugara patafura. "Aftet zvinhu zvatakasangana nazvo Tonde, zvinhu zvandakakuitira nhasi uri kurara neuyu. Problem yako iri papiko!!!" Rutendo i shamwari hombe ya sisi vangu. Kana neni ndanga ndichimufarira, anga achigara achisvika kumba kwedu uye anga achiratidza kuva ne respect. Tonde akanditarisa akati "Babe hazvisizvo zvauri kuona, ndokumbira kuti titaure " Ndakamutarisa ndikati "Hapana zvauchataura Tonde. Chii chauri kuda kutaura Hazvisirizvo zvandiri kuona saka ndezvipi? Ndazvionera neangu maziso muchinyovana na Rutendo, saka chii chauri kuda kutaura!!!" Akaswedera pandiri, ndakasuduruka ndichidzokera kumashure "Babe ndiri murume, ndine ma feelings ndobatwa nemiedzo handiti iwe haudi kundikwirisa here?" "Ohh saka uri kuti zvese izvi ndini honzeri? Saka neyi wanga usingatauri nguva yese iyi tazvigadzirisa?" "Chenge" Ndakamutarisa, Rutendo akanyemwerera achitarisa Tonde akati "Calm down babe, siyana naye Chenge uyu, shuwa ungatevererana nemunhu anotadza kukugutsa, ndiripo ini" Ndakanzwa moyo wangu uchiita kuchekwa ma pieces nebanga, Tonde akatarisa Rutendo, Rutendo wacho akavhura makumbo, ndakatarisa Tonde ndichigutsurura musoro kwakubuda ndichimhanya uku ndichichema. Handizvi believe zvandabva kuona manje, Noku aigara achinditsiura kuti ndisiyane na Tonde asi ndaisamuteerera nekuti ndomuda Tonde. Ndakajamba road ndisina kana kumbotarisa kana pane mota dziri kuuya, ndakanzwa mota dzichiridza huta asi maziso angu ainge akavharwa nemisodzi yaibuda hapana zvandaiona ndakaramba ndichifamba chero kuti ndiri kuyambuka mugwagwa handina kuzvitora serious kwandiri zvaiita sekuti ndiri kuzvifambira munzira diki nekuda kwema rwadzo aiva pandiri. Ndichifamba kudaro ndakanzwa pane munhu akandisairira kure uko ndikanodonhera kunze kwemugwagwa apo mota dzairidza huta. Ndakasimudza musoro ndichitarisa pandaiva ndasundwa ndikaona umwe mukomana aiva akarara pasi. Ndakamukq ndichienda kwaari ndichiti "Mukoma!!!!" Moziva misodzi yakayerera pandiri ndakatarisa mukomana uyu ainge azvipira kuzviuraya nekuda kwekuponesa ini, ko adii kundisiya ndichifa nhai "Ndokumbira umuke please haungambofi nekuda kwangu!!! Please ndokumbira uvhure maziso!!! " Akavhura maziso ake zvishoma kwakusimudza ruoko achindibata huso kwakufambisa ruoko rwake kumeso kwangu, ndakatsinzina ndakateerera ruoko rwake rwaiva pandiri. Few seconds ndakavhura maziso, akandiregedza ndokubva avhara maziso, ndakavhunduka ndokumubata ndichimudzungudza. Ambulance nemapurisa vakasvika vakauya pandiri vachindibvisa paari, ndakachema ndisingadi kubva,. Vakamutora vachienda naye ku ambulance. Apo ini wacho ndaiva ndakazara ropa. Ambulance payakaenda neniwo ndakaenda kumba, ndichasvika kumba ndogara kwe hour ndozoenda kunomuona kuchipatara. Nzira yese iyi ndaingofunga zvinhu zvakawanda,Tonde andihurira after makore ese aya tiri tese, kozoti Punjabi achararama here. Ehe handiti zita rake handirizivi saka ndichamupa rangu. Ndakasvika kumba apo ndaifamba ndichiita zvekuzvidhonza uku ndichichema, kubva zvandatanga kuchema pandabuda mu office ma Tonde nazvino ndichiri kuchema. Ndakapinda mumba ndikawana mama vari mu kitchen "Maswera sei mama?" Misodzi yakatowedzera kubuda, mama vakauya kwandiri vachindihaga vachiti "Hayi Chenge chii manje? Chirega kuchema ka nhai, zvichapfuura mwanangu" Vakandibata huso hwangu ndakaona vachivhura maziso, ndofunga vari kuvhundutswa neropa riri pandiri "Chenge waitwa sei? Wakuvara? Ndidane baba vakuendese kuchipatara?" Ndakatowedzera kuchema nekuona mama vachindinzwira tsitai. Dai ndakateerera pataitsiurwa nezve vakomana dai zvese izvi zvisipo. "Hayi mama handina kukuvara ini" Ndakaona vachitira mafemo "Mama ndiri kurwadziwa, ndiri kutadza kushingirira" "Hayi mwanangu chiiko, ini na baba vako tiripo tinokuda na sisi vako varipo zve vanokuda" Vakandibata mafudzi kwakundipukuta misodzi ne hembe yavo vachiti "Hande tinogara pasi titaure mwanangu" Vakandibata ruoko vakandidhonza vachinogara pasi kwakundigarisa pamakumbo avo "Mama ini ndaneta nekugara ndichichema, better kufa pane kugara ndichirwadziwa" "Ayy zviuraye Chenge, ifa maan. taneta nekugara tichinyaradzana newe pamusha pano hauneti neyi nekugara uchida attention" Vaiva sisi vangu Mavis ivavo vaipinda mumba, vakauya vachigara pasi, mama vakavatarisa vakati " Hayi Mavis unotaura sei ne munin'ina wako, haisiriyo nzira yekutaura nemunhu anorwadziwa iyi. Iwe unofanirwa kuti dai uchimunyaradza asi iwe uri kutomuwedzera marwadzo". Mavi akaseka akati "Mama mukatevedzera Chenge muchapera sesipo, achabuda kunze onochemedzwa ne vakomana ouya kwatiri achida kunyaradzwa nesu, ayy ini ndibisei ipapo" Mavis akadaro. Ndakasimuka ndichitarisa mama ndichiti " Mama ndoda kunozorora mbichana" " Ndanga ndichida kukugadzirira chikafu my baby" Ndakanyemwerera ndikati " Musanetseka mama ndichadya, parizvino ndoda kuzorodza pfungwa mbichana" Mama vakagutsurura musoro, ndakatarisa Mavis akandiburitsira rurimi achiseka, ndakaenda ku bedroom kwangu kwakusvika ndichizvikandira pa bed kwakurara ndakatarisa mudenga. ndakatanga kufunga kufunga mazuva edu na Tonde taifara tombonetsana asi kunetsana kwacho hakuna kusvika pa stage iyi aewa izvi zvanyanya handingakwanise kuzvimirira. *Tonderai* Yuwii ini baba vachandiuraya chete. Ndofanirwa kuti dai ndichishanda asi ini ndiri busy nevasikana. Ndakabata musoro ndichiukwenya ndichimbeya mbeya panzvimbo imwe chete. "Tonde haungambo zvipi stress kudaro na Chenge, chiiko newe, inga wanu ndinokupa zvinhu zvausingapihwe naye?" "Rutendo pfeka mbatya dzako ubude muno baba vasati vapinda" "Asi nhaiwe Tonde uchakura rinhi ukwanisevo kuzvimirira sevamwe varume?" Ndakamutarisa ndikati "Buda muno Rutendo please" "Asi ini ndaifunga kuti ini newe toda chinhu chimwe chete, Rutendo akuziva manje zviri kuitika pakati pedu tave free manje" "Unopenga here Rue, unopenga chete. Chenge ndomuda uye ndichamuita mukadzi wangu!!!" Akanditarisa akati "Saka ini unongondidira kundishandura uchindipindipigura hapana zvawakambondiitira asi kana wakunzwa Chimbinja wako akusimuka ndipaunofunga nezvangu. And neniwo ndosimukira pamsoro" Ndakasimuka kwakutora mbatya dzake ndichimutema nadzo, akanditarisa achigutsurura musoro ndokudzitora achichinja kwakubuda asina kuoneka. Ndakanogara pachituro changu. Ndofanirwa kukurumidza kuroora Chenge asati avhurika maziso, ndamurwadzisa kakawanda achingondiregerera, achapedzisira angwara otanga kuramba ma sorry angu saka ndofanirwa kuita action fast uye baba vakanzwa kuti ndamurwadzisa zve vangarwa neni, yes havasati vakumuziva asi vanoziva kuti ndine munhu wandinodanana, ivo baba panyaya yekuroora ayy vanogara vachitiparidzira kani, i wish dai ndine moyo wakafanana newa Leandro anoita zvinodiwa nemoyo wake kwete zvinodiwa na baba, manje ini na Robson tiri kutamba iri kurira kozoti Rutendo, aewa ndobvuma ndogara ndichimurwadzisa achingondiregerera asi naiyevo dzimwe dzenguva anomboita kunge mwana mudiki. Zvinhu zvakawanda anenge achingoramba. Ndiri murume guys ndobatwa nemiedzo haidyi sadza ka. Ndakabuda ndichonotenga 1 bhodhoro ndokuuya ndichigara mu office mangu mangu kwakutanga kunwa hangu uku ndichifunga Chenge, ndakazama kumufonera asi haana kudaira, ndakamufonera kakawanda kana hake kumbodaira ndakatanga kuva worried manje, kuto haachandide here Chenge, no Chenge haangambodaro achiri mumarwadzo chete achava right. "Tonde" Aiva Robby, handina kumunzwa chero paapinda hameno apinda nguvai, akauya achigara pedo neni kwakutora beer yangu achinwa, ndakangomutarisa handina zvandakataura "Tonde hausi right, uri kudyiwa neyi bro?" "Handizivi Robby kuti mess yandaita ichagadzirisika here?" "Waitei manje? Iwe unongogara uchi messer chete?" Ndakanyarara "Asi newevo problem yako unobvumira kutongwa na baba too much, vakuitei manje?" "Havasi baba ndini Robby, chenge andiwana ndiri busy na Rue, imagine zvikasvika kuna baba vachandiita sei" Robby akaseka akati " Watanga Tonde, iwe unoda kuraramira baba, baba vanorarama life yavo isu torarama life ye fake" " Ndi baba vedu vanoda zvakanaka zvega patiri usavasvora please" " Manje uri kunzwa sei na Chenge wacho? Uri kumufunga here? " Ndakanyarara " Handiti waona manje, Chenge haumudi uye hauzvisvori nezvawaita problem uri kufungira baba chete" " Ndomuda naiyevo anondida" " Ayy Tonde uri kuzvi stressa nemusikana wausingadi kuti timuone pamwe iye haatorina hanya newe" Ndakaseka ndikati " Haasati ave ready kukuonai" "Unonyara naye pavanhu, haudi timuzive?" Ndakanyarara, kutaura chokwadi Chenge haasi type yangu chero kufamba naye pavanhu ndotonyara kusekwa asi nekuti anondida neniwo ndomuda chero hazvo ndisiro sure kuti ndomuda zvekurevesa here? " " Ndomuda" " Ayy maan Tonde unomuda kupi iwe uchigara uri busy nevamwe vasikana, hauna basa naye iwe" " Chenge ane zvese zvandinoda pamunhukadzi ndichamuroora ondizvarira vana ogara pasi ochengeta vana nekuti haasi munhu uya anoda zvinhu" " Saka zvese izvi uri kuzviitira kuyemurwa na baba, unodanana nemunhu wausingadi nekuti haadi zvinhu unoda baba vakurumbidze. Big bro uri kumushandisa mwana wevanhu uye paachaziva kuti unomushandisa achakusiya" "Yes ndomuda asi kwete kuti ndingafamba naye aonekwe nevanhu no ndichamuroora ogara pamba" " Yoo ayy unopenga iwe, chienda kwacho unokumbira ruregerero kumunhu wausingadi. Unoona ini ndoda kuroora munhu watichange tichidanana sa Nyaradzo na mukoma Leandro ihh vanhu vaidanana vaya, vaiva bhrugwa nebhandi vaisasiyana" Ndakanyarara, Leandro anorarama life yake, as long iye achifara haana basa nemajaji " Hande kumba unozorora, ndokumbira utaure na mama uvaudze kuti uri kutadza iwe kudanana ne type ye musikana wavari kuda, iwe uri kuda ma slay queen chete" Ndakaseka ndokubva tasimuka tichienda kumota, Robby ndiye ari kuchaira *Leandro* Ndainge ndakarara mu ward ndakatarisa mudenga, ndakanzwa kuti aewa apa handisisiri ndega pane apinda chete, ndakaramba ndakarara, moziva ndotoshaya kuti neyi ndiri pano ini nekuti handina kunyanya kukuvara ini . Ndakatsinzina kudaro ndakanzwa neruoko ruchifamba mumuviri mangu. Ndakatsinzina zvikuru nekuda kwemarwadzo paaindibata ndipo pandainge ndakuvara asi not that bad, kungosvuuka chete asi ukapabata ndorwadziwa, akaramba achifambisa ruoko rwake ndakavhura maziso ndichimutarisa aisazvi noticer kuti ndakamutarisa, ndakapedzisira ndati "Hey" Akavhunduka, paaida kubvisa ruoko rwake pandiri ndakamubata, akatarisa pasi akati "Im sorry kuti wakarara pano nekuda kwangu" "It was my first kuona musikana ari selfish sewe, hauna family here? Neyi uchizvifungira wega? zvawanga uchida kuzviuraya , wambofungira vabereki vako here kuti kana ukafa vachanzwa sei. Ko driver wemota iye wambomufungira here kuti naiyeco ane family, kana akakuuraya achasungwa asi uriwe wavinga mota ichifamba pa right direction" Akanyarara, ndakanzwa chipfuva chichitonhora iri misodzi yake, ndakasimudza musoro ndichimutarisa, ainge akaisa ruoko mumuromo achichema. Ndakatura befu ndikati "I'm sorryJellypean i didnt mean kukutuka" Ndakaona achinditarisa i think ari kushamiswa nezita randiri kumudana naro, ndakanyemwerera akagutsurura musoro. Ndakatanga kuona image ye mukadzi wangu, everytime pandoona munhu afa or aita accident ndobva ndatofunga Nyaradzo, munhu uya akava selfish, akashara kufa akandisiya, handimudi ini munhu anotadza kuzvirwira anobvumira kutongwa nehupenyu hwake ofa achisiya vanhu vanomuda "Usapamha zve kuita zvinhu zvawaita chero kukanzi warwadziwa sei" Akandibata ruoko rwangu, takatarisana mutsanga dzemaziso ndakaona akunyara ndokubva atarisa pasi achiti " Ndakuvigira mushonga uyu uchauisa pachironda chako" Ndakanyemwerera, akagara pa bed, ndakasuduruka kuti agare zvakanaka sezvo ainge akagara panzvimbo diki. Akatora mushonga wake akatanga kundizora apo ainditsimbirira zblvairwadza. Ndakatsinzinza ndichiomesa muviri nekuda kwekurwadziwa " Ndoziva kuti uri kurwadziwa asi uchakurumidza kupora trust me" Ndakavhura maziso ndichimutarisa, shuwa munhu akatsvindira kudai anga achida kuzviuraya, i wonder anga achidyiwa neyi. Zvichakadaro ndakanzwa izwi rababa richitaura panze, ndakatsinzina nehasha. Shit maan ini ndanga ndichiri kuyeverwa nerunako rwa Jellypean. Akanditarisa akati "Vabereki vako here?" Ndakagutsurura musoro, akaisa mushonga padivi pangu kwakusimuka achiti "Ndakufanirwa kuenda, thank you so much nezvawandiitira, get well soon " Ndakanyemwerera naiyevo akanyemwerera ndokubva asimudza ruoko achindibhabhayisa, ndakamutarisa paaifamba achienda ku door, paakasvika pamukova akatarisa pasi paaipesana ne vabereki vangu. Ndakabva ndatomuka kwakupfeka jacket rangu, vana mama vakapinda vachiteverana na doctor. Doctor akashamisika paakaona ndichidzika pa bed "Lea uri kuitei iwe?" "Ndiri kuenda mama, ndakagarirei pano?" "Asi Leandro shuwa" Ndakaswedera pavari ndichiti " Mama ndiri right ini musanetseka neni" " Ndokumbira undibvumire Lea ndikutarise kusvika wave right ndokumbira kuti uuye kumba mwanangu" Ndakanyarara "Please my boy" Handina imwe nzira yandingaramba nayo, doctor akasayina mapepa akati kana ndisinganzwe mushe ndidzoke zve, amana handina kunyanya kukuvara ini, vanhu vakuita sekuti ndanga ndichifa. .doctor apedza takateverana ne vabereki vangu tichienda kumota. Baba ndivo vaichaira ini na mama tainge takagara kumashure baba vaingonditarisa vachibirira hameno neyi vachinditarisa kudaro End of chapter *More likes for chapter 2*
❤️ 😂 5

Comments