Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
June 9, 2025 at 05:18 AM
BATA HOPE IDZO
*Ukaona wakurirwa kuhope ziva kuti panyama zvotozadziswa*. Hope idzi ndedzevanorota hope sezvazviri ....zvichizoita sekurota kwavaiita .. Zvisiri. Zvemadimikira
Ukaona uchirota uchitevererwa nemapurisa kana imbwa zviri pachena Kuti mweya wejere unenge wakasundirwa pauri .....Ukazorota uchiiswa njema kuhope ziva kuti wakurirwa ...zvoreva kuti panyama zvakutozadzisa ....Ukatoona zvatodaro geza mhepo mhiko mweya wejere ubve pauri ...
Kurohwa kuhope nevanhu vakawanda ...kubaiwa nemapanga ...Ukaona wazorota uchirohwa nevanhu vakawanda wobva wafa kuhope ikoko ziva kuti wakurirwa ....Panyama zvogona kuzadziswa mweya wekufa uchipondwa unenge wakukurira ......Dzimwe nguva unenge watourawa Mweya unokurwira hondo .kududza kukurirwa.....mweya wehurwere...
Mweya we Tsaona unotanga kuurota kuhope ukaona kuhope .Uchiita Tsaona kana kutsikwa nemota ziva kuti.Panyama zvogona kuzadziswa kumhepo vanenge vapedza newe vanenge voda ukutuke panyama ...
Kurota rota uchida kuwira mugomba ndochiga cherufu chenge chiri mberi kwako ....Ukaona ukawira mugomba kuhope ziva kuti panyama unogona kufa .Asi. Vamwe vanozorota vachifushira Gomo. Chiga cherufu chechazorodzwa
Iko Kurota uchinhongera mumabin ...Kurota uchiteverwa ne benzi ...Ihope dzinenge dziri pachena ...Kuti panyama unogona kuzongo penga ....unenge uchisundirwa mweya wekupenga
Hongu Kurota uchidya kuhope kudyiswa ...Asi neimwe nzira usadya mudzimba dzevanhu ...unenge uchipihwa chenjedzo yedare rekuzodyiswa panyama
Kurota uchipihwa zvipuka zvinotyisa nemunhu nyoka mazizi wobva wagamuchira kuhope ikoko ..unenge watogamuchira huroyi ...Vazhinji vakagamuchira nyoka dzekupihwa nevanhu kuhope nekuda kwekuti vaifunga kuti mudzimu ....Nyoka yemudzimu hauipihwe kuhope kuita sekuti chingwa
Kutorwa nenjuzu chaidzo chaidzo kuhope uchiinda pasi pemvura ....Zvine mukana wekuti panyama utorwe
Zvemanjuzu zvinana Queen mother nemaring mukati ndezvechi satanist ..kuchivanhu njuzu dzinotsvakwa nekuunzwa nemudzimu kwete nemunhu .... vazhinji marombeswa nekusaziva nekuda kwezita rekuti njuzu
Vazhinji mapinda muhusatanist nekuda kwezita rekuti njuzu
Njuzu dzatinoda ndedze chivanhu dzinofamba nemudzimu dzisinei nemaring kana musangano .... Vazhinji vanouya kudare takavarasisa machira Avo nekuda kwekuti vaifunga kuti vane njuzu izvo vava joiniswa nemasahwira akaipa
Kurota muchimwa nekudya muchiinda pasi pemvura muchinosangana nevanhu vakawanda ipapo muchinoudzwa zvekuita ...Ziva kuti chisatanist ... Zvinenge zvangosara kuti zviitike panyama kuhope mweya wako unenge wakato joina kare
Unoroterei mufundisi wako achikupa ring ???
Unoroterei mufundisi wako achiinda newe pasi pemvura ???
Kupfurwa nepfuti kuhope kurwiswa zvakanyanya
Kuposherwa nematombo .kuzorwa mavhu kukushiwa mavhu
Unenge wakandwa nekuiswa zvipotswa
Hope hadzisi uniform asi pane hope dzisina dimikira dzinouya semarotero awadziita ...Kune vanhu vanorota Madimikira ....Koti vanorota sezvazviri ...
Ukakurirwa kuhope ziva kuti panyama wakurirwa ...Hope dzinokutaridza Hupenyu hwako hwese kwahuri kuinda nako ....Hondo ukadzikurira kuhope ziva kuti panyama wakuto budirira
Wakarota watenga mota kuhope ziva kuti zvasarira panyama kuti uitenge zvikunonoka asi uchafamba nayo
Imba kuhope wakavaka zvasarira panyama
Wakorota uchiporofita wakarota uchibudirwa zvasarira kuti zviitike panyama nekuti kuhope wakato kunda kare
Ukurota uchiuraya zvunhu zvavo kuhope zvareva kuti ukuvakurira pahondo dzavo
Asi hondo iyo yekurarwa ukaona uchiri kurarwa kuhope ziva kuti panyama zvakutono vhiringa Hupenyu
Ukaona wakuramba kuita bonde kuhope kana kuti ukaona wakuda kuita bonde kuhope wobva wamuka ziva kuti wakukurira chikwambo chenge chava pedyo nekuoneka
Hongu warota uchirumwa nenyoka zvodudza kuiswa nyora asi zvine mukana wekuti panyama urumiswe nenyoka
Kurota uchitungwa nemombe tsvuku zvizive kuti wakurirwa
Unotamba naye asi kuhope anokurwisa siyana neshamwari yakadaro Ukaona ikakukurira kuhope ziva kuti panyama ..Yakutoku torera murume kana kukudzingisa basa
Zvinotangira kuhope zvekubirwa chipo zvozongo zadziswa panyama asi kuhope unenge watokurirwa ..kuhope .Kubirwa mucheka wako wematare
Kuputsa mazai kuhope
Zvinokutaridza zvega kuhope kuti hupenyu hwako huchaoma ....Iko Kurota rwizi rwusina mvura Panyama hauibate mari
Urikukunda here kuhope kana urikukurirwa ???
Ndoramba ndichidzika ne Gejo here nezve nyaya yetambo dzamoiswa muchiuno ...mumakereke
*Nhuka*
moisawo malike murambe muchiwana dzidziso yehope mangwanani ega ega
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
❤
💃
👏
😊
1.0K