Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
June 9, 2025 at 03:25 PM
1. *Mombe yehuredzwa* kana makachengetwa namai vasiri venyu inoda kubviswa kunyange makunamata.
2. *Muroora akagezesa vaMwene vachirwara* vachibata tsvina nekuvawachira achivapepa anofanirwa kubhadharwa.
3. *Mombe yehumai* hazvina basa kuti mukadzi wacho wakamuwana isiri mhandara kana kuti arinevana vake inoda kubviswa chete.
4. *Makuva anoda kuvakirirwa* kuisa matombo kana cemende uye zvinoda kuitwa ne order yazvo chaiyo chaiyo kwete kuti tete vafa nhasi ndivo vamakutanga kuisira dombo ambuya vakafa kare musati mavaisira izvozvo hazvibude
5. *Mbatya dzevafi* hadzifanire kurega kugovewa kunyange zvodini zvinhu hazvifanire kupararira mumusha zvisina kugovewa uye zvinoda kugovewa nenzira kwayo
6. *Roora rinogoda kubviswa* kuvanhu vese kunyange kumukadzi wawatora aguma kubereka uchiti tavakungochengetana anoda kubvisirwa pfuma
7. *Mushonga weNgozi kuiripa*vamwe munoshandisa vanhu musingava bhadhare vasiri hama dzenyu muchizovadzinga zvechisimba musingazive kuti zvinopa dambudziko mumusha nevanhu vanoshanda kusvikira vafira mumusha menyu mari dzavo musina kuvapa dzakakwana
8. *Vabereki havanongedzwe huroyi*
9. *Vabereki havatukwe uye havarohwe kunyanya baba munzwa urimuropa hautumburike*
10. *Musabate mari dzineropa mukati kana kuti dzemushonga*
Zvinhu izvi zvino kanganisa mhuri dzakawanda vanhu *vachihwanda nekuti tavakunamata
Zvinhu izvi zvinoda kugadziriswa nemi kuti zvirege kuramba zvichikonzeresa muwanano yenyu nevana vevana venyu
*Nhuka*

🙏
❤️
👍
😢
😂
😮
❤
💔
147