MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 5, 2025 at 04:35 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj ZVEMOYO Story by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒 CHAPTER 1 Hezvo nhaiwe Magret ukati haundishure here iwe shuwa ungabva watora dress rangu rakanaka shuwa wopfeka shuwa apa nekundikumbira kwacho hauna futi chii newe Me: am sorry kungoti ndazoda kubuda apa hembe dzangu dzese dzanga dzakasviba Chero dzakasviba mhani hauna kana kodzero yekutora nhumbi dzangu iwe indava wakangwarqngwanduka zvisina nebasa rese Me: ndosaka ndri kutoti sorry kutaridza kuresva manje kana makungoramba makundiudzirira mashoko moda ndichidii aah imi Hezvo iwe mwana waEdson wakajaidziwa zvachose iwe ndiyani waunopindura kudaro Me: kana murimi mukutaura neni makundibvunza futi wandri kupindura saka makutopenga chete Nhasi ndoda kumirira baba vako vabve kubasa ndivaudze zvaunondiita pano pamba uri benzi nhai Me: saka tese topenga Haa ava Mai ava vaisambondiziva mushe zvachose ava ndoitwa Magie ini musikana weparuzevha apa. Ini zita matondinzwa kare kuti ndini ani. Ndakazvarwa namai vangu vachibva vashaya ndokusara ndichigara nagogo Mai vamai nekuda kwekuti ndakanga ndasiiwa ndichiri mudoko . Baba vangu vakanbogarawo kwenguva vasina kuroora zvavo vachibva vazoroora . Hazvina kundirwadza nekuti Mai vangu vakanga vasisipo chingatorwadza kuti Mai vako vorambiwa baba voroora mumwe mukadzi. Baba vangu vaishanda Muzvishavane zvavo ndimo maivaigara nemukadzi wavo ini ndichigara nambuya vangu kwaMataruse kuniva ndiko kwaiva kumusha kwamai vangu. Chikoro baba vangu vakandipinza kusvika ndanyora form 4 yangu ndokupasawo zviri nane vachibva vati ndiyende kumberi but nekuda kwekuti basa ravaishanda rakanga risingavape mari yakati ooh ndakaona zvakangonaka kumbomirawo vambopinza vadiki vangu vakanga vari kumashure kwangu. Mukufamba kwemazuva baba vangu vakambonditi ndiuye kutaundi ndimboionawo hangu so ndiko kwandakabva ndayenda zvangu kuna mainn vangu. Mainn vangu vaisava munhu ari rough zvachose vaitova mumhu ari bho . Vaingondibata mabatiro avanoita vavo vana kusvika this day randakasara nsombofunga kubuda zvangu kuyenda mutown ivo hameno kuti vakanga vayendepiwo ndichibva ndstora dress ravo ndokupfeka zvangu. Ndakabuda ndokutanga kufamba ndichitenderera mumastreet ndichimboonawoka taundi ko ndaiiz8va here ini ndaingoziva kundeya mumamisha kwamtaruse. Ndakafamba vasikana kusvika ndonzwa kuti ndaneta apa ndakanga ndakunzwa nzra ndichibva ndaona rimwe boys rakanga rakagara apa richitova nefood zvaro ndikazvishingisa kukonapo ndokusvika ndakuti Eee team team madii madii zvenyu Vakomana vaye vakatondotarisa zvekupererwa zviye asi ini ndakati handitombokwatiswe neziso ini and ndokaiva kahunhu kangu ikako ndaisavhubduka vhunduka zvekudaro hamheno ndakanga ndakasikwa sei Pandakaona vakomana vaye varamba vakanditqrisa ndakabva ndatonyatsoswedera ndikati Asi mukukwata kundigreeter here nhai boys Mumwe wacho akanditarisa achibvaa anditi Umbori aniko iwe musikana iwe. Kana wakazvitqrisa unoona sekuti pane vanhukadzi here pano paunoramba wakasimbirira Ndakanyatsoswedera pedyo ndichibva ndanhonga katakeaway kaiva kumber kwavo kemachips ndichibva ndanhonga necascade juice ndokuti Matospaka so team ndabaiwa nenzara mufunge Ndakadaro ndakutofamba zvangu kuda kubva paari. Vakomana vaye ndofunga hazvina kuvaitira mushe zvekuti ndakangonzwa ndabatwa zvine hasha mukati nemumwe akanga wacho achibva andipa mbama yakandinzwisa hasha ndichibva ndaita wekunamira machips andanga ndavatorera iwayo kumeso zvese nepahembe . Akanga achitsvuka zvina kuda itomato sauce yaiva mumachips ake iwayo hameno. Pandakapedza kumuzora ndakabva ndati Next time hauzvidzokorore futi. Imhosva here kunzwa nzarq kwangu kwaungatondirovera Mukomana uye akanga akutoda zvekundixhivha nezvibhakera hake asi nenyaya yekuwanda kwavanga vakaita ndakaona kuti kutiza ndiko kutozvibataira kwakasimba saka ndakangoita wekusundidzira achibva adonha nemagaro ini ndokutoivhurira speed yembwa nhatu ndakayenda zvangu. Mukomana akaivhurawo yake akanditevera hamawee. Ndakambotanga ndichiti kuds achadzokera asi aitoiya heavy zvake mwana wemunhu. Haa ini apa ndipo paibuds shave rangu kuti dhu manje. Ndaiita kumhanya ndichicheuka ndichiona ariko kumshure. Panguva iyoyo ndakatoona kuti kuyenda kumba ndiyo yega plan yaigona kundibatsira apa nekuti shuwa kana aizondibata after kuneta kwese kwaaita hapaizomira zvakanaka kana kamwe. Ndakashinga kumhanya kusvika ndanosvika kumba and iyewo akatoguma pagate chaipo mukomana uyu . Pandakapinda mugate dakafema hama dzangu ko zvandanga ndazvipesa nhasi. Pandinopindawo mukati ndipo pondosangana neshura rekupopoterwa nemai iyi. Ndakanyatsoona kuti yaisamboziva rimwe divi rangu rehurough Mai iyi nekuda kwekutokwangwamuka kwayanga yakuita. Ndakaipindura zvayaida kunzwa izvozvo ndikanzwa yakuti nsouya ndichiudza baba vako ndikangoti kure neni uko. Shuwa nemaneto andaitonzwa wkumhanyiswa munhu akutaura zvinwewo haa imi ndiregei zvangu Ndakasiyana navo ndokutang kuita basa rangu ndakanyarara kusvika pakasvika vanikina vangu kubva kuchikoro. Manheru baba vachiuya vakabva vaudziwa zvakanga zvaitwa naMagret vachibva vati havakwanise kundirova asi vakandipa punishment yekuti ndaizovatevera everyday nechikafu chavo kubasa kwavo apa hanzi netsoka futi. Ndakadhinhiwa hangu handimbokuvharii baba yakandisvota iyi. Ndakazonovata ndakaita kutsamwa apa manheru kuzorota ndabatwa nemukomana uye wekundidzingirira zuro uye. Aoa akansibata axhibva atanga kundirova kwete zvekutamba. Panguva yandairota kudaro ndakangoyerekqna ndaridza mhere yakanzwikwa imba yese zvekuti munhu wese akanuka akauya kwandajva ndichibva ndavanyepera kuti ndarota hope dzakashata dzandivhundusa ko zvaitaurika kuti ndarota ndichirohwa here apa nemunhu wandadenha ndirini futi Mangwana makuseni kuchiyedza baba vakabuda vechikoro vakabuda kuyenda ini ndokusara namama avo vakatotanga kugadzira chikafu chababa chebreak hanzi unoyenda pabreak nepalunch nechikafu chavo. Handina marambiro saka ndakatovati gadzirai ndiyende. Musi uyu ndakangopfeka dzangu hembe chero dzaiva sharu ndokutobuda lucky kubasa kwababa ndaikuziva zvangu saka hazvina kundinetsa. Ndakanosvika ndokubva ndsiya food yavo zvakanaka oanguva yandanga ndakubuda ndakabva ndasangana nemukomana uye wekunditandanisa zuro apa anga akapfeka suit yake zvake. Paakandiona akabva amira ini ndokuramba ndichifamba. Ndakazoona akutevera ndikaziva nyaya yazuro yamuka. Kuti ndimhanye mutown zvaisatomboita kana kamwe ko ndikadhumhiwa nemota ndikafa zvangu. Chii chiri nane kurohwa nekudhumhiwa nemota. Mukomana uye akanga akuuya heavy sechipipipi chinomhanya kotsvaka vanhu . Panguva yandanga ndakubuda mutowm akanga ava pedyo neni zvekuti bdakaziva kuti nhasi kungwara kweee kwaizopedziwa nemambama. Panguva yaanga asara about 20 mtres kuti asvike pakanva padarika kombi iyo yaitodaidzira rukesheni rwekwedu ndokubva ndatopinda apa kukangamwa kuti handina mari. Mukomana uye akabva apa windy sign yekuti amire achibva amhanya kuuya achibva atopindawo mukati muye achibva auya kugara paside neni. Ndisina zvandaitwa ndakanga ndakutochema ndega. Iye haana kana kuita basa neni zvake aitoita as if asina zvandakamuita. Patakasvika oandaidzikira ndakabva ndakumbira kusiiwa kombi ichibva yamira zvayo. Ndakadzika ndokibva ndanzi naxonductor ndipei mari yangu sisi. Panguva iyoyo ndipo pandakaziva kuti ndakanga ndakwira kombi ndisina mari. Mukoma vaye vakanga vatodzikawo vakamira pedo neni chaipo zvekuti kana kutiza handina matiziro . Mukomana uye ndofunga akatozviona kuti handina kana nemari achibva abudisa mari yake ndokupa conductor neyangu kombi ichibva yasimudziwa. Mota ichingosimuka mukomana uye akabva andipa bhutsu nemudumbu asina kana zvaataura . Vasikana ndakachizorohwa zvandainge ndisina kana kufungira nemukomana uyu. Ndakatanga ndichingorohwa ndichiwa ndakanyarara ndikapedzisira ndaikwetsura mhere ndakanga andatoona ndaurawa nebenzi iri. Kwakanga kwangova kuchema asi ndskanga ndatorohwa kare . Vanhu vakazomhanya vachiuya vachibva vabata mukomana uye haana kumbomirira kutaura nevanhu akabva atofuratira ndokuyenda. Yaa mukomana uyu akanga andirova hake asi mirai muone zvandichamuita ooo ndonzi Magie ini End of 1 Love you team 🥰🥰🥰🥰🥰
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🤝 141

Comments