
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 7, 2025 at 05:25 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
Don't forget to subscribe ALETA DAUGHTER OF A BLIND WOMAN mukana uchipo huyai kusub team
ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒
Chapter 05
Andrew
Ndakafamba kusvika ndanosvika kuchipatara kuye ndokubva ndananga kuna doc wacho. Ndakasvika ndokubva andipa pekugara achibva ati
Kwakanaka here Andrew mwanangu kwawadzoka munguva shoma muchangobva pano
Me: kwakanaka doc asi ndauyawo ndinoda kutaurawo mashoko ekuyenekana nekusikana wangu sezvo pandauya ndisin kukwanisa kutaura naye nekuda kwevanhu vandanga ndiinavo
Doc: I feel for you Andy mwanangu but hapana zvatingaita . Ukatarisa mari yadyiwa yawandisa apa kudyisa mari muchinyatsoona kuti hapana chichachinja kwakangooma. Nzwira baba vako tsitsi nekuti vangakuvara pamabills. Yes zvorwadza asi hazvina zvimwe zvingaitwa mwanangu. Musikana wako enda hako unomuona pamwe nekutaura naye zviri pamoyo pako mwanangu muchiyenekana
Handina hangu zvandakazotaura zvakawanda vakabva vasimuka ndokundibata ruoko rwangu vachibva vayenda neni kwanga kuina Maggie. Panguva yandakapindamo hana yangu yakatanga kurova zvainongoita all the time kana ndri around her . Doc vakasvika vachibva vandisiy havo ndokuti
Mashoko ako ese taura upedze mwanangu kana wapedza wozouya kuoffice kwangu.
Doc vachibuda ndakabva ndalocker door nemukati since makeys akanga aripo. Vamwe venyu mungashamisika kuti kuchipatara kune makeys here but regai ndikubatsirei. Kune zvimwe zvipatara vanoisa makeys especially kuvanhu vanenge vaine condition yakaita saMaggie nekuti vanenge vachitya kubirwa varwere vavo.
Ndichibva padoor ndakafamba ndokuyenda pabed paMaggie ndokusvika ndakugara ndakamubata ruoko rwake ndisina mashoko andri kutaura . Ndakaita time ndakangomubata kudaro kusvika ndazotanga kutaura manje
Maggie am sorry for being the causer of your death. I don't think I will be able to forgive my self if you die. You have to come back Maggie please. My heart beats for you so why are you letting this happen before I confess my love to you. My heart needs you Maggie . I will not be able to survive with my heart if yours is not there. Our hearts became friends the first day we meet but because our hearts have no mouth to say out a word they didn't communicate. There were about to communicate that day you involve in this accident but the accident go first. Please for the sake of our hearts Maggie you have to wake up. My heart need yours and also yours needs mine so how are we going to fix it if you want to leave the world. I am too young to have a heart break Maggie you have to wake up.I promise to take good care of your heart Maggie if you come back. I will never let it break. I messed up but am sorry. I am here for you to respond me Maggie. If you don't do so I will die with you. I need you Maggie
Panguva yese iyi misodzi yaingobuda hayo isina anopukuta and kutaura chokwadi mashoko aya ndaimataura ndichinzwa achibva pamoyo pangu chaipo. Nekutaura kwese kwandanga ndaita ndakafunga kuti zvimwe mwari vachandinzwira tsitsi vakamudzosa Maggie wacho ndikangoyerekana ndaonawo karuoko kufamba but hapana chakaitika. Ndakabvisa ruoko rwangu pane rwake ndichibva ndabata pahana pake ndikanzwa pachingova nekakurova kekuti kana usina kustudder zvekurapa haumbofe wakazvinzwa kuti iri kurova. Panguva iyoyo ndakazvishingisa ndokubvisa bhutsu dzangu ndokubva ndakwira pakabed kaiva naMaggie ndokubva ndamuisa pakati pemakumbo angu ndokukotama ndakanganisa zvifuva zvedu ndichibva ndazvigumhanisa but ndakanga ndisina zvangu kunyanya kumutsikirira since aive akakuvara zvakanyanya. Panguva yandanga ndadaro ndakanzwa hana yangu ichiwedzera kurova ndichibva ndaita kakutsikirira pachest pake so ndakananganisa hana dzedu ndichibva ndati
4
Feel my heart for the last time Maggie . This is what it do when am around you. Why can't yours respond to me why. Respond my heart
Maggie please.
Panguva iyoyo ndakanzwa kurova kwehana yake kwakangoitika ka1 chete but kwakatondirwadza neniwo nekuti kwakanga kuine simba. Ndakaramba ndakadaro ndichingodemba hangu kusvika pandakazotanga kunzwa kuti hana yake yakanga yakurova zviri normal and zvinotsridza kuti munhu amuka.
Panguva yandanga ndakuzvibvisa paari ndakabva ndasanganidzana nemaziso ake akanga avhurwa but akanga akavhurwa zvishoma. Ndakazvibvisa paari ndokupfeka bhutsu dzangu fast ndokubva ndazoyenda kogara paside naye ndakamubata ruoko rwake. Yes kusvunura akanga asvunura but voice chairo raisabuda plus akanga asingagone kana kushaker ega ndoina kukuvara kwaanga akaita. Chaaingoita kunditarisira kure kure zvake achibusisa tumusodzi nhando. Pandakaona akuds kuvhara maziso ake ndakabva ndati
Don't close your eyes ukavhara maziso ako hauzosvinure zvachose gara wakadaro ko maida ndidii ini ndakanga ndakutonakirwa nekumuona akamuka. Ndakazobuda ndokuyenda kooudza doc about good news vachibva vatoindako vachiita kumhanya chaiko. Ndakatozosara kusvika vatovako kare vakutomutarisa tarisa zvavo. Ndakagara doc vachiita basa ravo kusvika pavakapedza vachibva vati
Yaa shuwa mwari wamunonamata haavate . Kumuka kwemusikana uyu kwakanga kusingachatarisirwe asi maita minana muno muchipatara. Thank God mwanangu uuuum yaa kana mazogarisana nemukadzi wako uyu muudze nzira yekuchurch mwanangu nekuti zvaitika izvi zvishamiso chaizvo zvinoda kugara muchirumbidza mwari nguva dzese.
Ndaiita kunzwa kufara mumoyo mangu. Panguva doc pavakazoti ambosiiwa arare ndipo pandakabuda ndakamhanya kumba kwaRay ndaiziva ndowana ariko zvake. Ndakasvika ndichiita kudanidzira ndri kugate chaiko ndaitoda kuti andinzweka kuti ndauya . Ndakadanidzira kusvika abuda Ray achibva anditi kwakanaka here kuzova nemufaro wakadai iwe uchitsvakwa kumba
Me: kungagoshatei zvako kuri bho hoo ana mudhara vari kunditsvaka ha shuwa ndabuda ndisina kutaura
Ray: vabva kufona manje manje vachikubvunza ndikatovati haana kusvika kuno.asi wanga wayenda kwaCarol here
Me: kkkkk maya ndanga ndamboyenda kuchipatara hangu and gues what mudhara
Ray: iwe handisi babe rako raunoda kuitisa mafunnies ini ingondiudzaka news dzacho
Me: that girl is alive
Ray: are you serious buddie
Me: what do I got from lying am serious she is awake
Ray: hiii at least mwri akunzwawo haa wanga wapinda busy manje mufana wangu
Me: iiii ndanga ndapinda busy wangu but haa zvabva zvanaka hazvo
Ray: I hope wadzidza lesson manje muhupenyu wako. Achingobuda muchipatara chete musiye ayende kumba kwavo wosiya zvekuva take take naye unozvikuvadzisa mufana
Me: aaah iwe obviously achibuda daddy vachatomboti auye kuzogara kumba nekuda kwezvaari vanenge vachiitira kumurapisa kusvika apora
Ray: chero zvakadaro stay away from her wako musikana unaye Carol
Me: hameno shaa tongoona zvinenge zvaitaika zvacho
Ray: asi wava kutomuda here Andrew because mafariro ako aya handichatoone kuti kuchingova kufara kumuka kwake chete here or watova nedzimwe pfungwa
Me: haa maya wangu handidaro ini kutongofarawo kuti ndabuda munyaya dzimwe idzi
Ray: ndikuzviona wangu anyway chihande kumba mudhara vatori worried so
Handina hangu kupikisa zvaanga ataura takabva tatobuda gate netsoka ndokutanga kufamba tichiyenda tichiita nyaya zvedu ko this time ndakanga ndakutonzwawo kurerukirwaka zvekuti kana kutaura ndakanga ndakukwanisawo. Takafamba zvedu kusvika tanosvika kumba ndokubva ndarondedzera daddy kwandanga ndayenda pamwe nekuvaudza kuti akanga amuka Maggie . Daddy vakatomboona sekuti ndonyepa asi vakazobvuma pavakafonera doc vakaudziwa kuti chokwadi akanga amuka. Daddy vakafonera baba vaMaggie kuti tisangane kuchipatara ndokubva tatobuda and patakapinda takawana akatomuka zvake akasvinura asi akanga asina zvaanokwanisa kuita.
Baba vake vakaita kuscreamer nemufaro veduwe pavakaona mwana wavo amuka. Panguva yatanga takamira kudaro daddy vakabva vati kuna baba Maggie
Saka todii manje mwana zvaamuka uyu nhai baba
Him: handina hangu chekuita kusara kwekumirira kubudiswa kwake kana abudiswa ndoyenda naye kumba musazvinetsa zvenyu
Daddy: semuroora wangu zvanga zvakadii hazvo kuti angobuda muno achinanga kumba kwedu munhu anokwanisa kuva responsible kwaari ndiyeyu mukwasha wenyu uyu ndiye anofanirwa kutamburira mumwe wake kusvika apora handi zvakaitika mukudanana kwavo here.
Ndakavhura ziso zvekutopererwa nemashoko adaddy aya ko ndokwazvakanga zvatova here. Ko zviya ndakazokangamwa kuzovaudza chokwadi maringe nemusikana uyu manje hezvi ndayenderwa kumberi ndichadii. Ndakatarisa baba Maggie vacho ndikaona vachitotaridza kuti vane zvavari kufunga ndichibva ndati
Yaa zviri right izvozvo Daddy. Namaggie tanga tichidanana zvedu so I can do anything kuti aonewo kumuda kwangu hazvina mhosva
Daddy: ndokukura mwanangu ikoko kuda mumwe wako kunyange ari panguva yakaoma like this zvokudziwa izvozvo. Saka zvatinenge takuita baba vaMaggie ndezvekutoti muroora wangu anoyenda kogarira kumba kana abudiswa muno . Imi kumba achashanya hake here and there not zvekuuya kuzogara . Marooro acharongwa kana ava kunzwawo zviri nane tongogara tagadzirisa zvinhu zvacho kunyangwe akaita chirema anoita ari kumurume wake sezvo achimuda.
Vakataurirana vakapedza havo pachikuru ndokuzobuda takuyenda kumba ini ndakanga ndati kuna doc ndichazodzoka ndozovata naye kuchipatara kwacho vakandibvumira havo so ndaiyenda kunodya nekungonotorawo kamari just in case pamwe nezvinodziya. Muroad mese Ray aingondipa ziso randaitoziva zvarinoreva asi ndaingonyarara hangu
End of 05
Love you team ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️
🙏
😂
❤
😢
👍
👏
✋
📛
🔥
84