MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 7, 2025 at 05:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️ Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒 Book # 10 Chapter 06 Mai Mona Yaa ndakanga ndachizopusa manje nezvakange zvazoitika izvi. Ndichisvika kumba ndakasvika ndopinzwa court nababa Maggie vasikana zvekuti imwe mibvunzo yavo ndakanga ndakutoikonewa kuipindura ini. Kubvunza kwavo ndoona dzaiva hasha and hasha dzavo dzakatozovatuma kundirova zvavasati vamboita muhupenyu hwawo kubva nakubva. Masikati oakuyends kuchipatara ndakangoyenda zvazvivindi asi ndakanga ndatonzi pack yours and go. Tichibva kuchipatara vakauya voimutsa nyaya yavo kusvika ndarongedza hembe dzangu oamwe nevana vangu tikamusiya musha wacho. Kuyenda yauva nyama asi mweya wakanga usingatombode zvachose. Hongu ndanga ndatadza hangu asi kwete zvekuti murume wangu andidaro soo. Uku ndiko kwakava kubva kwangu oamba pababa Maggie ndoyenda and kwandakanga ndava handina kana munhu aikwanisa kundiudza kuti akadii Maggie Andrew Ndakasvika kumba ndokutora juzi rangu ndokubva ndatozvigadzirira chikafu ndokubuda kuyenda zvangu. Pandanga ndakuyenda ndakatopinda nemutown ndichitenga mvura plus zvinaheu pamwe anogona akuda kudyaka. Ndakangotenga maheu ndokutenga cerevita pamwe netumaplates twacho ndokutebge mvura yangu yaipisa ndokutsvaka neflask ndokuisa ndokukanda musatchel mangu ndakuyenda kuchipatara zvangu. Ndakasvika doc vasati vachaisa but vakanga vakutoda kubva pabasa pane manurse aivatapo doc vainovata kumba kwavo. Ndakambotaura navo hangu ndokubva ndazoyenda kumunhu wangu uyo wandakawana akavata zvake. Ndakasvika ndokuisa zvinhu zvangu pakanaka ndokubva ndambotora foni yangu kumbobaya baya hangu. Munhu wandakatqnga kuvhura chart rake ndiCarol uyo aiva akaisa mamessage 12. Ndakamavhura ndikaona kuti aingova ekutaura zvekundishaya kwake kubva makuseni plus kusabatika pafoni pazasi pakanga paine yakanzi Andrew why wangochinja just like weather. You used to update me everything zvaunenge uchiita but ikozvino hauchandiudze why. Ndokuda Andrew please usandidaro. Yapazasi iyi yakandirangaridza madananirano edu ataiita shuwa nemusikana wangu ndichibva ndaoona kuti regai ndikufonere asava worried angoziva kuti daddy vanomuda Ndakamufonera iichibva yapinda zvayo achibva atodavira Hey babe Me: sweetie wami uri sei Carol: not fine Andrew shaa ko kusabatika indava Me: handi unoziva ndine nyaya dzangu babe ndidzo dzikundipa kuti ndipinde ma1 wena. Anyway urisei hako Carol: ndakusuwa huya undione Me: uuum handisi kumba ini Her: uripi Me: ndri kuchipatara ndiko kwandri kuvata Carol: saka ndiuue here ndizovata ikoko ndakusuwa shaa Me: kkkk babe soo kuno kutori ne mosquito hako ndokuona mangwana Her: aah Andrew aa iwe ndikuda kukuona ini nhasi Me: ndoda mukadzi anonzwisisa Carol ndati ndokuona mangwana chii newe Hee: Andrew wava kuda that girl iwe inhema here Me: nxaa iwewo soo. Ndida musikana akaita seizviya ndichichivei paari ini ndinewe nyeredzi yangu. Handi unkziva kuti ini zbevasikana vanoita like vasina kukwana or vasingageze vachibzwa mvura handitombozvitarise so why wakundifungira kuti ndinoda chipuka chakaita seichi Carol: kkkk sorry ok. Me: xap babe wovata bho hako Her: asi wakutovata here Me: yea ndakutovata ndoku8na mangwana makuseni hanti Carol: ok babe good nyt wovata bho handi Me: cool babe Ndichibva pacall ndakabva ndamuka hangu pakabed kandanga ndakavata ndichibva ndatarisa kuna Maggie ndikana akanditarisa hake zvinova zvakandipa kunzwa kudzikira chaiko nemashoko andanga ndabva mukuudza Carol. Ndakangonyepedzera kugadzirisa pahuro pangu ndokusimuka kufamba kuyenda kwaanga ari ndokusvika ndogara ndakamutarisa kumeso chaiko ndine zvandinzwa zvaitoyendeka ndakadaro. Ndakaita time ndakagara kudaro ndokubva Maggi azotaura nekanzwi kanotaridza kunzwisa tsitsi uye kumunhu adzoka kuvafi kuti Ndokumbirawo mvura kana iripo ndine nyota Ndakanotora mvura mubag mangu ndokuuya nayo ndokubva ndazama kumupa akavata kudaro but ndakatadza kusvika ndatozoita plan yekutanga ndainwa ini then ndozomusvisvinirawo ndomamwire aakaiita mvura yacho kusvika ati zvaita. Ndakatongoona zvakanaka kumugadzirira zviporridge zvitete tete ndimupe. Ndakagadzira ndokubva ndamumanikidza kumupa zvishoma zvishoma achidya hake kusvika aoedza yandanga ndaisa ndokuzomupazve mvura. Panguva iyoyo ndipo pandakatomubvunzawo kuti wakunzwa sei akangoti zvana nane asi kwaingivawo kudaro nekuti akanga amuka zvekuvhura maziso chete marwadzo akanga achakazara hawozve mumuviri make. Ndakambozama.kutaura naye achizvimanikidza hake kutaura kusvika ndazomusiya akuvata ini ndichibva ndavatawo kusvika makuseni. Vana daddy vakauya ndichakatovata zvavo vauna baba Maggie avo vakangosvika vachiti ndinoda kutanga ndaziva chokwadi musati matakura mwana wangu nekuti matauriro amuri kuita nemanzwire andakaita nyaya iyi zvine musiyano. Mukadzi wangu achindirondedzera haana kumbotaura zvekuti vana vaidanana ava akangoti vakanetsana vakarwa saka zvekudanana izvi handizive zvakazobvepi ini . Daddy; zvagara vana hamungavagone. Saka moti kana vaiva vasingafambidzane moti vaiva vese vachiyendepi chero ikoko kuzorwa kwavangarwa musikana nemukomana moti ndekweyi Tezvara: zvino chero vachidanana iko kurwa kwacho kwavangabva vatanga vachiri kufambidzana saka kana vazova mumba vanogarira havozve Daddy: kurwa ndiyo imba baba siyai vana kana vachidanana vagarisane ava . Zvatichaita chiregai timirire iye Maggie wacho amuke tinzwe zvakazara kubva kwaari Tezvara: ndanga ndichiti pamwe mukomana akangoitira kuti asanyanya kunetswa hake pakuti Maggie musikana wangu ndosaka ndanga ndabvunza. Kana zvirizvo zvaakaitira ngaataure hake zvagara hazvina mhozva zvinowanikwa kana pasina iripo mwana wangu ndongotora ndoyenda naye kwete kuti ndikupei basa Daddy: Andrew nyaya urikuinzwa iyi mwanangu zvidavirire wega nekuti oamwe zvichida neni wacho wakatondinyepera. Yaa uku ndiko kuiswa pakati manje uku. Ndakatoona kuti kuchachinja mastatements hakuna zvakunoshanda regai ndingotosimbirira nyaya yangu yandakangotanga nayo Me: taidanana baba naMaggie zvekuzorwa zvakakonzerwa nekuti ndakanga ndamuona aine mumwe mukomana ndikangotadza kuzvidzora ndokurwa naye asi kudanana tinodanana hedu Daddy: handi mazvinzwira mega baba vanodanana vana ava Tezvara; kana zvakadaro hazvina kushata hazvo Panguva yataitaura kudaro ndipo panomukawo Maggie . Anotarisa baba vake osekerera zvake kutaridza kuvafarira. Baba vacho vanoyenda paari vonomubata ruoko vomuti Wamuka mwanangu Her: makadii Daddy ko mama varipi Him: ndinofara mwanangu mama vako varikumba vanouya kukuona masikati handi Maggie : hoo Him: uuum mwanangu ndikuds kumhanya kubasa ndine zvandanga uchida undiudze pamusana pemukomana uyu. Maidanana here mushure usati waita accident iyi Panguva iyoyo hana yangu yakatanga kurova ndichifunga kuti ko kana akdsvira zvisizvo manje ndotii. Panguva iyoyo ndakabva ndafambisa maziso angu kuyenda pane ake ndokusanganidzana maziso ndikaona akushama muromo wake ndokubva ati Ehe taidanana Him: hoo nekuti varikuti uchibuda muno wakuyends kogara kumba kwavo ikoko Ndakaona kuchinja kumeso kwake ndikaziva kuti akanga angotenda kuti zvimubve asi zvinwe zvazouya izvi zvatomukanganisa. Akatora nguva akanyarara achibva azoti Hapana chakaipa asi kuroora ngavambomira havo Him: zvakanakai mwanangu Daddy vakazobuda vakuyenda nababa Maggie ndokusara ndirimo ko ndakanga ndichayendepi hangu ndakarinda mukadzi wekungozvipa uyu . 2 weeks later Maggie kubva zvaanga ari muchipatara haana zvimwe zvaaimbotaura neni zvinova zvaitondinetsa kuti ko hindava. Maggie aingoti kana ukamukwazisa okudavira otonyarara apa ini moyo wangu waitsva sei ndaitoda kuti nditaure naye achindiudzawo more about her life plus kumuudza kuti zvichanofamba sei kana tava kumba Mushure me2 weeks akabudiswa hake ndokubva anzi ayende kumba daddy vanga vati vanobhadhara mari yekuti anozoitwa zvese ari kumba. Daddy ndivo vakauya vakatitora kubva kuchipatara kuyenda kumba uko kwandakatosvikawo Carol ariko kutoshaya kuti akanga abva nepi nhaimi . Kana makambodhinhiwa ndini munhu akadhinhiwa zvokuti bhee. Ndichingoburuka mumota akabva atomhanya kuuya kuzondimbundira zvake ndokubva ndangomu mbundirawo kuti asanyara asi ndainyatsonzwa kuti ndine maziso ari pandri. Ndichimuregedza ndakabva ndsona Daddy vakaita kundipa ziso rinotaura chairo . Ndakatongoshinga semurume ko maida ndidii pakadaro. Daddy vakabuds mumota ndokubva vati Woona kuti wauyisa Maggie mumba Andrew. Maybe uchaita wekusimudza or wekudii handizive. Vakatanga kufamba vachiyenda zvavo ndokusara ndangomirisana naCarol kutoshaya kuti ndobata papi . Panguva iyoyo mama vakabva vafamba kuuya kwataiva vacbibva vasvika vachivhura door remota vachibva vati Hezvo unoti kukuvara kwazonyanya kudiiko nhai zimhandara itobuda hako ufambe kuuya mumba Andrew murume wemunhu uyu haana masimudzire aangakuita buda tione End of 06 Love you team ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 📛 😭 💃 231

Comments