MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 10, 2025 at 05:49 PM
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️ Story by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒 Chapter 07 Andrew Yaa uyu musikana wamunoti Maggie uyuka yaa rakanga riri basa chairo regai ndikuudzei. Kubva pandakamuoa mari akanditi ndisachipinda muroom make so handina hangu kuzoda kuzviswededza paari ndakabva ndatombozama kuzvibvisa . Ndakaita 3 days ndisingamuone nguva yangu zhinji ndaiipedza ndiina Carol nekuti aiuya averyday hake kumba. Iyewo semunhu akanga atsvakirwa madondoro chero aishandisa 1 akanga akuitawo zvimwe ega zvakafanana nekuyenda kutoilet aiyenda hake. Chikafu masikati mama ndivo vaimupa hameno kuti vakanga vakanzi kudii nadaddy. Mazuva haamire zvawo kufamba kusvika day randakapiwa mari nadaddy vakati ndichiyenda komutsvakira hembe dzake. Ndakayenda muroom make ndokumubvunza size yake akandiudza hake achibva azonditambidza 100 us akati ndokumbirawo unonditsvakira foni yekushandisa yakankawo. Ndakamudzosera mari yake nekuti mari ndaiva nayo yandanga ndakapiwa nadaddy yekushandisa pane zvandinoda so ndakangoona zvakanaka kunomutengerawo neyangu. Panguva yandakabuda ndakasiya mama varipo havo . Ndakapindsa mutown ndokutanga kutsvaka hembe dzacho. Ini hangu kubva ndichitenga hembe dzangu handina kumbojaira kutenga hembe muzvimashops zvisina basa basa saka ndakangoyenda mandanga ndakajaira ndokutangs kutenga hembe dzake mwanasikana. Ndaingotengawo ndichisanganisa kubva kumaskirts ,mashorts, matrouse pamwe nadrezi ndakngotenga zvandinofarira ini. Ndakazonotsvaka shangu dzandinonzwawo koyo wangu kuchena kana ndikafamba nemusikana wangu akadzipfeka. Ndichioedxa ndakazonotsvaka mapants nemabra pamwe namapads. Ndaitozviziva zvese zvinodiwa nevanhukadzi nekuti nguva zhinji Carol ndini ndaimutengera so akagara akatondioa list yezvinhu zvinodiwa pavanhukadzi. Pandakapedza ndakabva ndanopinda mumota mangu ndakuyenda kumba zvangu. Ndichisvika kumba ndakatambirwa naCarol namama vakanga vakagara paverondor vachiita zvavo nyaya. Ndakaburuka mumota as usual musikana wangu ndokundimhanyira ndokundimbundira zvake . Paakandisiya ndakasimudza mapapers aiva nezvinhu zvaMaggie ndokubva ndaona Carol anditarisa aine kakushamisika kaaiva nako. Ndakamutarisa ndiine smile kumeso ndokubva ndati What now Her: zvinhu zvani babe Me: kkk mama havana kukuudza kuti ndayenda kupi here Her: vandiudza but zvinhu zvacho zvandikuona izvi hazvingayenderane nethat girl Me: hakuna chinhu chisingayenderane nemunhu Carol. Handinde mukadzi anotarisira mumwe munhu pasi ini. Kana uchids kuva a good wife kwandri wotodzidza kutoda munhu wese sekuzvida kwaunoita handi Her: but kana isiri favour wondiudza Andrew. Ndakapinda newe mushop.last time ndikakumbira kuti nditengerwo short rakaita seiri ukati riri kudhura saka ini naMaggie ndiyani anofanirwa kupfeka zvinodhura Me: mari yezvinhu zvaMaggie handisi ini ndaibvisa ini yabviswa nadaddy saka ndsnga ndichingotenga without checking maprices ndazongonoona patill Her: that short ndorida hako harisi kuzoyenda kuna Maggie ikoko. Kana uchindida wotondipa Me; saka unoda kudiwa nemari isiri yangu here Carol. Zvandiinazvo ndozvatoshanda nazvo. Iyi mari ndakuudza kuti haisi yangu ndeyadaddy saka handina chandri kukupa pazvinhu zvandiinazvo. Kana ndazoiwanawo.mari ndichanokutengera zvaunoda zvacho plus very soon Maggie anenge akuyenda kuchikoro so unoda anopfeka madhende here kuchikoro kwacho Her: hoo hazvina kuipa Andrew bho enda hako unomuoa but the moment yanunotomupa wozova kuti nomore between me and you Me: kana uchida kundisiya siya Carol why are you that jealousy. Ndokunyatsokukuudza zvinhu zvinongonzwisisika asi ukutonditora kundiita benzi ini aaah iwe Her: bho Ndakabata mapapers angu ndokuyenda zvangu mumba ndokusvika ndikawana Maggie ari mukati achigeza pamwe nekucleaber maronda ake mamwe anga asati apora . Ndakaisa zvinhu pabed ndokumbobuda hangu ndaizodzoka hangu ndomuonesa pamwe nekumugadzirira foni yake kuti kana akuita zvekupamhepo asatambura padata ndaida kumugadzirira kuti ashandise wifi yepamba yataishandisa isu. Ndakabuda ndokuyenda paiva nama anaCarol ndokutowana Carol akaradzikwa pamakumbo namama vachimupuruzira vachimunyaradza. Ndakadzokera mukati ndokutora chair yangu ndokubuda panze ndokusvika ndokugara zvangu ndokutobudisa foni yangu ndokutanga kubaya baya . Ndakazonzwa mama vakuti Saka nhai Andrew haugone kuti ukatadzira mumwe wako wokumbirawo sorry here Me: ndakanganisira ani mama Her: muroora wangu uyu Me: mama muroora wenyu wamunoisa pachifuva kudarika kana ini mwana wenyu mangwa ahazvisizvo zvekuzochema here izvi. Hamuna kana kutanga mandibvunzawo side rangu matova busy kuti ndamukanganisira. Saka anga achida ndibvise zvinhu zvemumwe ndichimupa here. Mama: ko zvine basa rei nhai Andrew handi musikana wako here Me: hoo ndakutozviona kuti ndini ndakagara ndakujaidza iwe Carol kukutengera zvese zvese kwandinoita wakutondiona sebenzi rako. Ikozvino kana ukawana chaunoda unoudza vabereki vako wakazvarwa iwe usandinetsa futi. Ini uchazondinetsa kana takugara tese Mama: Andrew mashoko rudzii auri kutaura iwayo hee. Carol musikana wako she have the right to demand chese chaanoda kwauri Me: muchazodanana naye Carol.wenyu iyeye wamunotoda kundiita as if ndakanganisa Mama: kkkkk kupikowo tibvirwe zvedu asi unoti handizive here kuti unomuda nemoyo wese Carol kumusiya hazvife zvakaita Me: kkkkk the day ramuchaona ndichimusiya muchaita mudumbu. Kana manga mutori mumwe wonesanai naye muroora wenyu uyu asiye kunetsera nyaya dzisina basa naye . Iye ngaazive zvake neni kwete kuda kuziva zvangu nemumwe munhu. Ndogara ndichimuudza kuti ndomuda and yes I really do love her but akaramba achiita soo she will loose me for good. Ndakasimuka paye ndatobhoikana nxii munhu wepi shuwa. Ndakafamba ndokuyenda kuroom kwaMaggie uko.kwandakawana apedza kugeza achirorwa nekudresser maronda ake sezvo aingozviita hake zvinhu zvake ega. Ndakasvika ndokukweva chair yaiva padhuze need ndokubva ndagara zvangu ndokubva ndamuti Let me help Haana kudavira akangondoipa mushonga waanga akabata nekacloth kaaitanga amacleanisa handi moziva zvinoita ronda kana rikadirwa mvura soo ndizvo zvaaitanga abvisa izvozvo ozoisa mushonga. Ndakatanga kumucleaner ndichiisa kushonga hangu kusvika ndapedza . Pandakapedza akabva angoti Thanks Ndakangosmiler ndokutanga kubudisa hembe dzandanga ndauya nadzo ndichimutaridza ndichiti unodzifarira here achibvuma hake Pandakapedza ndakazomubudisa foni yake newline randanga ndangotengawo nechitupa changu ndokubva ndamuisira mukati mefoni ndatanga kutoibaya baya zvangu kusvika ndapedza zvandaida kuita ndokuzomupa ndikati Ndotanga ndambonoiisa pachager hanguzve ndozokupa kana yambozara nekuti foni haide kushanda isina kumbochajiswa Her: no problem Akatodaro achinditambidza foni yacho ndokubva ndatobudawo.hangu ko ndaigara ndichiitei iye anga asiri kumood yekutaura munhu wacho Pandakabuda ndakawana Carol achiripo zvake and paanga akuyenda ndakaona achibuda ega ndikangoitawo zvetsika kumutevera ndokubva ndamubata atova kutobuda gate ndikati Asi nhasi hausi kuda kuperekedzewa here zvawakuyenda usina kutaura Her: uchaperekedza Maggie Andrew not ini mashoko angu andanga ndichitaura aye ndanga ndichitorevesa handichada nezvako handikwanise kubatwa rough because of someone no Ndakatoseka zvangu ndichiswedera paari ndokusvika ndokumira nechekumashure kwake ndokubva ndamuti Mukadzi akangwara like you haangotsamwe tsamwe zvisina basa Carol chii newe Her: I said am done Andrew why ukuramba uchindinetsa why Me: because of a short rudo hapachina Her: kana wakundida you will value me zvaizvezvi ngatimbosiya zvekudanana Me: your wish is my command Carol ndasiyana newe good bye wofamba bho Ndakadaro ndakutotendeuka kudzokera mumba zvangu kana anga achida kuti ndimunyengerere zvekutoita sekuti ndiye mwari anyangira yakaona handishande ikoko ini. Ndakapinda ndikagara pasofa zvangu ndichitotamba nefoni yangu while mama cooking. Mama vachipedza kubika vakabva vauya vagara neni vakamboda kundipinza court about Carol but ndakavagura vasati vayenda kure ndanga ndaneta nekutongeserwa munhu aaa. Daddy vakazodzoka zvavo ndokubva chikafu chasavewa ini ndokutora chaMaggie ndichida kuyenda nacho daddy ndokubva vati Andrew mwanangu chiri nane chii kungomubatsira kufamba achiuya hake achidya achidzokera than kumuigira chikafu kuroom kwake zvobva zvaita sekuti haatombogone kana kufamba shuwa. Enda unomudaidza auye Maggie kuno azodya Ndakasiya plate yake ndokuyenda komusheedza ndokutowana akavata zvake . Ndakamuudza kuti handei unodya achibva amuka ini ndokumubatsirawo kudzika pabed zvakanaka ndokumubata ruoko ndokutanga kunanaidzana naye tichiyenda. Ndaifamba naye zvishoma zvishoma and mukufamba kudero hana yangu yakatanga kurova zviye zvekunzwa kurovera munhu chaiko. Hey panguva iyi ndakabva ndamubatirira nemaoko maviri Maggie ndichimufambisa mupassage . Ndakabva ndamuti chimbomira uzorore makumbo achibva ati Haiwa ndosvika let's go ndingazorora ipapa here Me: no Maggie zvoda kufamba zvishoma zvishoma ukanyanya kufambisa zvokurwadza futi chimbomira. Haana kuitawo nharo akabva amira zvake mwana wevanhu apa ini maoko akanga akabatirira rumwe muwaist rumwe kumusana kwake. Panguva iyoyo ndakangoyerekana ndava kumupudzira kumusana zvaiva soft soo zvekuti ndainzwa muviri wake kuti uri kuzvidavirira. Panguva iyoyo ndakabva ndatanga kunzwa kuda kumupa kiss ndikati handingafire mukati sesokisi ini munhu ndichimuona. Ndakangoyerekana ndamuzendamisa kumadziro ndokubva ndananganisa miromo yedu ndokubva ndatanga kumukissa. Akamboda kuita mamovements ekuda kuzvibvisa pandri but nekuda kwekuti anga asiya dondoro rake akatadza ndokungoramba akamira ndichimupa kiss yangu. Ndakazoonawo munhu ruoko rusina kukuvara rwava kundipuruzira soo zviri soft ndikati hekani waro. Ndakamupa kiss yekuita sekuti ndakanga ndisina kumbobvira ndakakissa kana munhu kubva. Panguva yandanga ndakufambisa maoko angu pamuviri wake ndakazongonzwa voice radaddy iro ranga ratova mupassage richiti Regai ndivatarise maybe awana achizviisa mishonga yake. Nekuda kwemalights takanga tatoonekwa kudhara kungopinda kwavakaita mupassage. Maggie ndoona akakangamwa kuti haanzwe mushe nekuti paakangoona kuti daddy vationa akada kutiza achibva adonhera pasi achibva atodzimbirwa futi . Daddy vakanga vatomira asi pavakazonzwa kudonha kwaMaggie vakazobva vauya kwataiva. Ndakamusimudza ndokutodzokera naye kubedroom kwake pamwe nadaddy avo vaingoti am sorry mwanangu but waitoona kuti vari kunzwa kunyara maybe inyaya yekuona ndichipa Maggie kiss kwavanga vaita hameno End of 07 Love you team ❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️ 👍 😂 😢 🙏 🔥 82

Comments