MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 10, 2025 at 05:50 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️ Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒 Chapter 09 Andrew Carol ndakanga ndatomubvisa palist ini. Ndakanga ndakutotanga kukoka zvivindi zvekuti ndisvikire Maggie ko munhu wacho aimbonzwisisika here aitoda zvivindi chaizvo kana usina waigumira kure.. Musi waanga andikumbira kuda kuyendeswa kumba kwavo ndakanga ndatobvuma ndikati ndazvibatira jack pot ndaizomupfimba kusvika andida and kana akasandida handishaye plan chero kumubata chibharo ndingatoziva ndaita hangu. Pandanga ndichitova muroom mangu ndichitsvaka smart rekuimpresser babie kana takuyenda ndakaona foni yangu yorira ndokuona ari carol. Ndakamboda kuignore ini anga akudei futi iye akangondiramba ega vanhukadzi ndozvavanobhowerazvekuti kana akuramba ndiye futi ozotabga kuda kukutsvaka nxaaa. Akandifonera achichema hake achikumbira sorry hanzi ndaida kuona kuti unoita sei manje hauna kana kugara wandikumbirawo sorry saka ndatozoona kuti sezvo ndrini ndakakanganisa regai ndichikumbira rureegerero. Ndakambofunga kuomesa moyo wangu asi ndakazofunga makore atanga tadanana naye ndokubva ndataura naye zvakanaka achibva ati arikusvika kumba manje manje. Handina marambiro andaiita kuti auye so ndakangomuti auye hake akabva atoti ndanga ndafonera namama ndikavaudza kuti ndinouya ko. Ko mama anovaita sekuti ndiye mumwe mukomana wake kuti zvidiikowo. Everything chataita anotoudza mama haaa uyu munhu uyu ka uyu Ndakatozosiya chero kuchinja kwandaida kuita ko ndanga ndichayendepi hangu iko kwanga kwouyiwa nasisi mhepo. Ndakabuda ndoyenda kudinning kuna mama ndikatowana vakagara vachingondiona vakabva vatoti Muroora wangu abva kufona manje manje achiti ari kuuya anga akuudza here Hongu ndataura naye Saka zvino Maggie wako achaita sei anoyenda nani kwaanga achida kuyenda ikoko " " Ndinotaura naye kuti tichazoyenda mangwana hedu anongozvinzwisisa " "Hezvo iye handi akukwanisa kufamba here Andy mwanangu musiye angoyenda ega anosvika . Zvimwe zvinhu zvisiri zvako usanyanya kuzviisa mberi. Musikana wako arikuuya anotoda attention yako pano siya ayende ega" Hoo ndomuudza paanouya kuno Ndakangodavirawo asi sandizvo zvaida moyo wangu ini. Maggie ndaitoda kumuperekedza ndomene manje zvakutaurwa namama izvo zvatova zvengano izvi. Ndakanga ndangogara nyama asi mweya wakanga watova kumota kuti ndiperekedze Maggie kwaaida kuyenda.. Ndakazonyatsopererwa paakabuda pacho . Asi akanga azvironga here kuti andikwidze BP yangu. Mapfekero aanga akaita acho vanhuwe kani ndosara ndikagona kugarisika here ini. Dei ndakaziva kuti short iri raizomufita zvakadaro ndisina hangu kumborotenga or kuripa Carol paairida paye. Regai kana Carol akanga andirambira short iri shuwa rakanga rine munhu pasi especially razopfekwa naMaggie ane celle isiri yekukwereta uyu haa unozvimba bhibho chete.Hembe dzinofita vanhu vasikana . Maggie akanga akaita kunonzi kufitwa nehembe dzaanga akapfek. Zvekukuvara kwake panguva iyi zvakanga zvakutoita as if istyle yekuwedzera kunaka pamuviri pake. Ndakanga ndachingobudisa ziso ndakamutarisa manje. Akataura zvaakataura akadavidzana namama ini ndakazongoita wekumubudisa gate chete uko kwandakasvika ndakumuudza zvazambiya . Iri ndiro raingova godo rakanga randigara musamboti itsitsi bodo godo rakanga randidzipa pahuro rakanga risingamedzeki zvachose. . Ndakamhanya kotora zambiya uko kwandakadzoka munhu atorova pasi hake. Ndakafizuka ndikamufonera fast fast ndaida kutomuudzirira chaiko asi handina kure kwandakazoyenda ndakazodambura hangu nhare ndaona Carol aiuya . Ndakamumhanyira ko ndanga ndichadii ini ndanga ndakamira kugate. Ndakamumhanyira ndokusvikomumbundira achibva ati Wanga wakatondimirira pagate here nhai Andrew Me: yea ndanga ndatononokerwa newe hangu handi wakanga wandiramba here ndakanga ndatova nebp chaiyo Carol; ko zambiya ndeyekudii manje Ndanga ndauya nayo kuzokupa.kuti usunge wakuchifanirwa kudzidzawo tsika iwe semunhu ava pedyo nekuroorwa unoti ikozvino wambondipa another chance ndichatombotamba nayo here wakutouya kuden kuzogarira paside pangu Carol: uuum serious here Me; ndowanei kana ndikanyepa hangu ndotorevesa ndonyaya yanga ichitotaurwa navamwene vako yekuti tichiroorana iyi Akangoseka hake ndokutambira zambiya riya ndokusunga tichibva tafamba kuyenda mumba. Vakasvika vakakwazisana namama zvavo ndokubva tatanga kutaura nyaya mama vachimuudza kuti achigadzirra nekuti vakanga vakumudawo muroora wavo padhuze. Pandakaona nguva dzafamba ndakambubuda panze ndokufonera Maggie ndichida kumuudza kuti andimirire ndaizonomutora ini ndomene uyo akandiudza zvekuti akanga akutodzoka apa kuzondiudza kuti akudzoka nemumhu waanga amboyenda naye futi. Zvimwe zvacho shanje inokunzwisa seunotsva vanhuwe. Ndakanzwa tuziya tuchuyerera soo ndikaziva kuti zvakanga zvandidzimba. Ndakadzokera mumba ndichibva ndati kuna Carol achiyenda afambe kuchakachena ndakanga ndatogaya zvimwe zvinhu. Maggie nhasi aizondiguta hake. Carol haana kurambawo zvake ndakabva ndamubudisa ndikatomunyepera kuti ndinonzwa musoro wangu ukutema so ndakanga ndisingakwanise kumuyendesa kumba kwavo. Ndakamubudisa gate ndokubva ndakuyenekana naye ndipo pandoona mota yevaya vamboyenda naMaggie ichimira . Payakamira pane mumwe mukomana akaburuka uyo akavhurira Maggie door remota uuum mukomana uyu akangoita lucky raCarol avapo chete ndingadai ndakamukwazvambura chete ini handina kana mangwana ini. Iniwo handina kuzosara ndikagarisa ndakabva ndatomhanya mukati ndaitonzwa ndakanonokerwa nekunoona Maggie ndaida andiudze kuti vakazivirana kupi nemukomana waanga anaye uyu. Ndakasvika ndichivhura door zvehasha zviye izvo zvakatomupawo kana iye kumuka paanga akavata achibva anyatsogarisika pabed . Ndakamira ndakabata muchiuno ndichiita kukonewa nehasha. Ndainzwa kuti ndimudire mbama ndidiiko. Pandakaona agara ndakabva ndamuti Saka unoreva ukuda kuyendeswa kuchikoro nababa vangu iwe uchiita zvechihure zvako izvi hee? Maggie: ndaita chihure chipi chaukutaura nezvacho. Ndahura nani wacho wawaona ndichihura naye Me; munhu wawabva naye ndiyani haasiye chikomba chako here ? Her: kkkkkk and uri funny zvako. Uya haasi chikomba changu uye. Chikomba munhu waunodanana naye uri mune imwe relationship ndikubatsire. Ini handina kana imwe relationships yandri so usamuisa ikoko. Kana achitondida he is going to be my husband not zvechikomba izvo zvaunotaura. Ko iwe pandri unorwei chii chinokushungurudza panyaya yangu iwe Me: Maggie usada kufira mumaoko angu wanzwa usatomboda zvako kuzviyedza zvachose. Kana uchida zvevarume uchaita asi kwete kuitira pano. Pano ziva zvawakavinga ukazviwanzwa unochema. Her: kuuya pano kwacho asi ndakaita kwekukumbira here kwaukunditongesera kudaro. Handina kana basa nemusha wenyu Andrew kana uchinditadzisa kuita zviri pamoyo wangu. Ikodzero yangu semusikana kupfimbiwa asi kana musha wenyu wakumbunyikidza kodzero dzangu ndobaya handina kana pamwe panondiitisa bp. Ndotadza kutamba humhandara hwangu nekuti ndri pamba penyu here Uyu mwana uyu kuramba ndichitaura naye kwaitova kupedza nguva. Ndakamuvhazura nembama yekumeso iyo yakamudonhedzera pabed pake. Paakasimuka handina kuona kuti akanhonga sei dondoro rake ndakangonzwa ndaripiwa apa nemumusoro futi achibva anditi Kugara pano haisi mhosva zvekuti ungada kutondiita nhapwa wanzwa. Baba vako vachiuya ndinoda kuvaudza vandiyendese kumba kwedu handigare nemhuka yakaita sewe ini. Ane nhamo kana iye Carol wacho akakuda nxii uri benzi remunhu nhai. Indava uchiona sekuti kuita mari koshamisira . Mari yako kana ichishamisira ziva haishamisire pandriri wanzwa ini ndinktoshamisora nenhamo yangu iyeyi Akasimuka ndokunhonga dondoro rake ndokubuda mumba hameno kwaaiyenda apa misodzi takanga yatojenga mumaziso make . Akabuda akasiya foni yake iyo yandakasara ndichitora ndokuivhura ndikawana anga achitova paap nhai apa akavhura pic rake ranga rakaiswa parofile maybe mukomana uye. Ndakabaikana handivanze vadikani. Ndakatora foni yake ndokuyenda nayo mutoilet ndikasvika ndikaivhurira mvura ndikaidhibhisa kwemaminutes ndokuzobuda nayo pandakanzwa kuti adzoka muroom make. Ndakayenda nayo ichiita kudonha mvura ndokusvika ndichibva ndamukandira handi anga ava pabed here. Akangonhonga ndikaona achindipa ziso rine kupererwa mukati asi wekutaurira izvozvo pakanga pasina . Ndakabva ndatotanga kufamba kubudamo zvangu ndikamusiya akangotarisa kwandanga ndri ikoko imbwa yemunhu ngaadzidze kutaura kwete kumama kwaanoita iko End of 09 Love you team
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🔥 🤣 🦇 160

Comments