
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 11, 2025 at 03:56 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️
BY MAMA NATIE 🍒🍒🍒🍒🍒
0774565330
Chapter 10
Maggie
Yaa kana makamboona vanhu vane hutsinye ndivava bhuti vanozviti Andrew ava. Mwana uyu anenge akabiwa pamba pasatani chete uyu nekuti maitiro ake haasi kwawo. Shuwa munhu angatira foni yangu kunoivhurira mvura shuwa. Ndakarwadziwa kusvika palast point asi chekumuita pakanga pasina hapo..
Ndaida kumirira pandoyenda kunodya ndaida kunoudza baba vake nyaya yangu vachinzwa. ndinoda kuyenda kumba kwedu zvangu I can't stay here anymore.
Ndakanga ndangogara pabed ndakabata iyo foni yakanga ichibuda mvura hayo. Misodzi yakamboda kubuda asi ndakaiudza moyo wangu kuti usachemera chinhu chisiri chesimba rako ndichibva ndatonyarara kuti zii.
Ndakasara ndakumuka zvangu ndokutora dondoro rangu ndokufamba kutevera kudinning uko kwandakawana vakagarisana baba namai nemwana ndokusvikogarawo pasoffa rangu ndega.
Ndakamboita kanguva ndakanyarara kusvika pakasimuka Mai vaAndrew kuyenda kopakura chikafu vachibva vauya nacho. Akagezesa vanhu maoko ndiAndrew . Akandigezesa achibirira kunditarisa asi nekuda kwekutsamwa kwandanga ndakaita ndaingosiyana naye hangu. Ndakatora plate yangu yechikafu ndokubva ndangodya misuva mishoma ndokubva ndatogeza maoko. Baba vaAndrew vakanditarisa zvekupererwa zviye . Vaindiziva ndri sisi zvikafuka saka apa vakatoshamiswa kuti ko hindava ndakanga ndageza maoko so soon. Vakagadzika plate yavo yavanga vakabata patable ndokunditarisa vachibva vati
Maggie mwanangu ndikuona kuti hauna mufaro zvachose chii chanetsa
Me: hapana chanetsa baba ndaguta hangu
Him: no haasiiwo maziviro andinokuita aya Magie asi baba pane zvavanokuita here kumba kwawanga wayenda.
Me: kumba kwanga kwakanaka baba asi kukubudirai pachena ndinods kuyenda kumba kwedu before doing something you will regret keeping me in your house
Kwakatonaka here Maggie mwanangu chii chanetsa
Mukakwanjsa kuudza mwana wenyu kuti handisi mukadzi wake mungabatsira baba. Handina any day randakambomutsamwira ini chero ndimamuona aine musikana wake Carol so iye mhosva yaanosvika pakundirovera ndeyechii. Handibvumirwe kukwira maprivate cars ndakaita sei ini. Kutaura kuno asvika pakunyika foni yangu mumvura kuti zvidii
Maggie mwanangu am really sorry ndinotaura nemwana wangu . Zvefoni don't worry ndokutengera imwe usanetseke zvako .
Foni handichaide I can manage kugara ndisina ikoku chandangoti ndinoda kuyenda kumba kweku thats all I want.
Maggie mwanangu tarisa hausati wapora saka baba vako vachanoti kudii zvoita sekuti taikushandisa pano here
Don't worry about baba vangu ndinotaura navo vanondinzwisisa
"Andrew mwanangu chii newe chii chinokunetsa "
"Am sorry dad it's just a mistake it won't happen again "
"Sorry for your self wanzwa. Evertime ukaita zvawauta you used to say hazvife zvakadzokorodzeka kuti zvidii"
Am really sorry dad. As for phone yake yandauraya ndomupa yangu hangu
" you are pushing me to the extent yandisingade Andrew. Ndokusekerera ndichikuona semwana kwaye but ndoona wava kuzvinyanya mwanangu. Wakuda kutsvaka kundiisa kuna baba vakashata zvachose. Maggie uyu ari pano nekuda kwemisikanzwa yako asi wakutoramba uchiwedzera chii newe
Mom: hezvo shuwa baba Andrew mungatotuka mwana wenyu because of mutorwa here. Iye zvaati anoda kuyenda kumba kwavo why can't you let her go.
Dad: ndimi makaresva kurera mwana wenyu uyu so kana ndakuda kumugadzirisa ndokumbirawo muvhare muromo wenyu nekuti ndingakukangamwai kuti muri ani muno mumba. Andrew ndinoda kusangana newe kustudy room kana tapedza kudya . Maggie mwanangu ndanzwa zvawataira ndichasiya ndakuoa mari mangwana woyenda hako kumba kwenyu. Ndichauya ndichikuona ikoko pamwe nekukuvigira mishonga inenge yapera plus baba vako ndichataura navo kubasa mangwana
Andrew: Daddy ko moti ayende kupi Maggie inga wani takati anogara pano kusvika apora
Daddy havana kumudavira zvavo vakabva vatogeza maoko ndokusimuka vakuyenda vachibva vati
Andrew am waiting for you wondikasirorawo
Vachingobuda Mai vaAndrew vakasimuka ndokuuya pandaiva vachibva vandipa mbama nekuface kwangu vachibva vati
Mwana wangu akuyenda korohwa because of you kamuroi kechidiki iwe. Manje nhasi ndijods kukurovawo unzwe kurwadza kwazvo. Vakandipamba imwe mbama kumeso zvekare vachibva vazobatwa nemwana wavo achibva avati
Mama kana ndikanetsana naMaggie please siyai nyaya dzacho dzipere musina kudzipindira
Mom: saka unoona sekuti zvaanoita zviri bho here izvi. Akajaira nhema mwana uyu mhan anoda kumborohwa azive zvaakafambura kwete kuzokonanisa mhuri dzakanga dzaichizvifarira hadzo.
Andrew haana zvaakataura kusara kwekungondibetsera kusimuka achibva andivhatidzura kuna Mai vake avo vaitods kutondikwakukira kuti vandirove . Akanondisiya ndakupinda muroom mangu achibva andipa foni yake zvikanzi ufane kuvaraidzika ndichauya ndoitora kana ndakubva muna daddy.
Iye akatoona kuti ndakanga ndisingatode kuigamuchira achibva aita yekuisa muhomww mangu ndokubuds akuyenda mustudy room. Study room yacho yaingova opposite neroom yangu hayo so.mdakakiya door rangu ndokumomira ndakarizendama ndichida kuteerera zvavaizotaura mukati
Ndakanzwa daddy vakuti
Andrew mwanangu handina kukuvenga asi ndakuvenga hunhu hwawava nahwo . Ndofunga ndogara ndichikubvunza about Maggie uyu. Unoda Maggie here Andrew or chii chaizvo
Him: Daddy handizive kuti chii chaizvo chiri kuitika I think Maggie ndomuda saka ndichimuitira shanje dzakadaro
Him: pawakaona Carol ukanzwa kumuda wakadii nhai mwanangu
Him: ndakamupfimba achibva andida daddy
Daddy: saka Maggie uri kutadza kubudisa chokwadi chako kwaari here . Rurimi rwako rwakanamira zvekuti haukwanise kutaura kuti ndokuda here
Him: kwete
Dadsy: saka chii
Him: handitozivewo daddy
Daddy: kusaziva kwako ndikakurova uchaziva paumire handiti. Ndinoda kukurova mwanangu and handisi kuzokurega zvachose
Panguva iyoyo ndakanzwa maboita karunyararo ndikazonzwa vakuti
Position
Hameno vaibvirei havo. Panguva iyoyo ndakachizotanga kunzwa kurohwa kwemunhu manje hameno airohwa nei ndaingonzwa kushinyira kwemunhu nekurira kwemboma regai ndingoti imboma yaishandiswa.
Baba vanorova zvavo ivava. Ndaiita kunzwa kugomerera vachingorova chete. Andrew handina kana kunzwa kana kubudisa sound kwake waingonzwa kushinyira chete. Ndofunga unenge uchirohwa wakaiswa panzvimbo yaisingatombofe wabhubha nekuti ndakanzwa vakuti kuna Andrew any slight mistake ruoko tokuyendesa kwadoctor kuplaster.
Mukomana akazoti ainzwa manje ndskazotabga kunzwa kutaura achikumbira sorry kuna daddy vake . Panguva yavakazosiya kumurova ndakabva ndamhanya pabed pangu ndokuvata ndokufuga nemusoro ndainge ndakunzwa kutyawo kuti ko kana vakangoyerekana vati newe huya.
Vakabuda muye ndokuyenda havo ndikanzwa padoor pangu pakuita knock ndikaziva kuti ndibhudhi vekurohwa ava. Ndakayenda padoor ndokusvika ndikati
Ndiyani
NdiAndrew
Me: kwakanaka here
Him: ndokumbirawo kupinda ndine zvandinoda kutaura newe Maggie
Me: totaura mangwana Andrew.or tichataura pane vamwe vanhu ko kana uchida kundirova
Him: handikurove Maggie please open the door for me
Me: kana uchida foni yako rega ndikupe Andrew .
Ndakadaro ndichitovhura door kuti ndimusvitse but kandikurira simba achibva apinda mukati. Ndakanga manje ndskubvunza serutsanga ruri mumvura mukomana uyu abva mukurohwa anogona kutoda kunditsivira shungu chete uyu. Maziso angu akanga atojenga misodzi manje . Ndakatanga kuswedera kumashure zvishoma zvishoma iye achingotevera apa anga akaisa maoko muhomwe achitevera kudaro.
Ndskapedzisira ndanoti ndii kunadziro manje iye ndokuuya ndokumira pamberi pangu apa akaita kuti ndii neni zvekuti ndakanga ndava kufema iye.
Chandanga ndakangoita kunenekedza foni yake ndichiti pada angagamuchira akabuda asi aisatoda kuitora. Ndakavhara maziso angu manje ndskungomirira kuridziwa nembama or chibhakera hameno chaaida kundipa. Ndakavhara maziso kudaro ndakatanga kunzwa kuswedera kwake pamuromo pangu . Ndakaramba ndakavhara maziso angu kusvika asvitsa muromo wake pane wangu achibva atanga kundikisser. Maoko ake haana kumabudisa muhomwe akanga akangomaisa. He kissed me zvekuti ndakatanga kusvinura zvishoma nezvishoma ko yakanga yakupinda kusikoka kiss yacho. Iye akanga achiti ndii neni mazamu angu akanga akatunga chest yake . Akandikissa zvekuti ndakatombokangamwa nhamo dzangu dzese vasikana. Akazobudisa maoki ake muhomwe achibva avhara door rangu ndokukiya nemukati. Panguva iyoyo everything was fine chero anga akanditora akayenda neni kubedroom kwake ndofunga ndaingoyenda chete. Achipedza kukiya door akandisumudza ndokundiisa pabed pangu ndokubva atanga kundikisser zvekare.
Uum kiss yacho yakanga iri sweet kani hama dzangu zvekuti ndakatanga kungonzwa ndakuda kubudisa zvimasounds asi zvaizovharwa nemuromo wake Andrew. Panguva yaakazopinza maoko ake mukati mehembe yangu manje apa ndipo paakandindisa kure kure vasikana. I couldn't control myself ndakatoscreamer zvakanzwikwa kana nana daddy avo vakatozouya vakandigogodzera. Nxaa kana makambodhinhiwa ndini munhu akadhinhiwa hama dzangu. Nepandanga ndava pakanga pasingatombode zvese izvo. Vakadana kanokwana kuita ka5 ndisina kudavira ndichingova ndakaisa muromo wangu pane waAndrew kechi6 ndipo pandakazovadavirq ndichitonyepedzera kuita munhu akanga akavata chaiye. Vakandibvunza if ndsbga ndamboita any sound asi ndakavafambira ndikati handisi ini. Vakabva paye ndokuyenda kotarusa mustudy room mavanga vasiya Jaya vakawana achingova machira chete. Vachibvapo vakandibvunza kuti hamuna kumboona Andrew here ndikati handina ko maida ndimureve kuti ari muno here. Vakazobva paye vakuyenda havo ndonguva yakasara Andrew akubudawo apa kubuda asina kana kutonbotaura neni zvake . Ndakasara ndikaita sendicharida mhere ini . Foni yake akanga asisiya hake hameno akanga aisiirei. Nguva dzatova kuma11 ndakaona yakuringer ari carol aifona ndakangoona nemasavherwe adzanga dzakaitwa kunzi
Wifey
Ndakamboda kuidavira kuti ndimufizure nditi Andrew arimuroom mangu akavata asi ndskazozvidzora ndafunga kuti munhu wacho anonzi Andrew haana kana nedivi rese unotozoita seucharohwa zvako kuti wakaidavirirei.
Akafona kakawands ndikaoedzisira ndatoiisa pasilence ndakanga ndaneta nekunyangadziwa ini aah. Zvemamissed calls vaizongobvunzana nemukomama wake kuti famba sei .
MMakuseni kuchiyedza baba vakauya vakandisiira mari yauva 50 us vakati ndeyekufambisa kana ndakuyenda. Ndakaitora ndokubva ndstomuka ndokutanga kugadzirirawo hangu handi ndakanga ndati ndinoda kuyenda ndini here. Ndichipedza kupfeka ndipo pandakaona Andrew akupinda muroom mangu achibva ati
Ko wamukira kugeza unoda kuyendepi mhai Maggie
Me; kumba kwedu inga wani ndakataura nezuro
Haana zvaakataura ndakaona angoramba akanditarisa ndikaona maziso atojenga misodzi achibva atobuda asina kana kutora nefoni yake. Ndakarongedza mari yangu muhomwe mesatchel rangu ndokubva ndabuda zvangu kuyenda kudinning kwaiva namai vake ndikaniyenekana navo vachibva vatodavira vakafara havo maybe kwaiva kufarira kuti ndoyenda. Ndakabuds ndikawana Andrew akamira paverondor akazembera madziro ndokubva ndamuti
Foni yako ndaiisa pasi pepillow muroom mangu.
Haana kudavura akabgoramba akanyarara ini ndokubva ndatotabga kufamba kubuda zvangu . Ndichingonobuda pagate ndakabva ndsdhumhana nemota yaBrain zvekare. Paakandiona akaita kuhuruka achimhanya chaiko achiuya kwandiava achibva ati
Ndanguva ndazama foni yako haisi kuita wani nhai Maggie ndanga ndichida kungokubvubza kuti wavata bho here but ndatozokuona hangu.
Ndskangofocer smile ndokubva ndati
Ndakakangamwa kuiisa pachager haitorina moto zvayo
Him: saka apa wakanangepi makuseni ano manje
Me: mukati mukati umomu
Panguva yataitaura kudaro handina kana kumboona kuti Andrew akanga abudisa mota mugate nguvai ndakangionakauuya kundikweva zvehasha zviye achibva anondiisa mumota make ndokukiya door achibva adzokera kuna Brain uyo akanga akamira achitoshaya kuti ko chii chakanga achichitora nzvimbo.
Akasvika achibva amupa zvibhakera zviviri panguva imwe. Iye yamunoti double punch ndiyo yakaitika ipapo . Brain ndoonawo mongo waiva mushoma akangozvipiwa nekutodonha zvake.
Andrew akamusiya akadaro ndokudzoka akuuya kuzomutsa mota takuyenda. Takafamba tikanopinds nemutown ndine zvandakanga ndati ndinoda kutenga. Patakasvika pavakomana ndakabva ndstenga kabhazuka kangu zvangu ndine zvandakanga ndatogaya ipapo . Ndichingopora chete handishaye plan yekutsvaka mari nako kabhazuka kangu ikako mirai muone
End of 10
Love you team
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
❤
🌷
💓
🫣
104