MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 11, 2025 at 03:57 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj Vanoda from 1 follow handipe book kuinbox please vanhu wee ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️ Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒 Chapter 11 Andrew Kubva ndichikura ndakanga ndisina kumborohwa nadaddy mustuddy room mavo ndaingoziva kuchirohwa vana sisi vangu sasisi Assah vakarohwa zvandisingakangamwe pavanga vapiwa nhumbu nemumwe mukomana vapiwa nhumbu kudaro vakanga vasingachade kuyenda kogara naye hanzi haana mari munhu asina chinhu ndomudii. Sisi vangu vakarohwa musi iwoyo zvekuti kana neni ndakasara ndakubvundawo. Kubva ipapo vasika vakanga vakungoti aonekwa aine mukomana nadadsy aitouya achinangiswa mustudy room. Zvino nhasi zvakanga zvazondisvikirawo. Murume mukuru kundirova kusvika ziya rakuyerera kana ndimiwo. Ndichirohwa ndakazviudza kuti zvavakanga vatoita kwakanga kuri kutodira peturu mumota uku. Maggie chero ndikarora Carol handingambomuregi nekuda kwemavanga andanga ndamupiwirwa aya. Ndichibudamo ndakayenda nemuroom make umo maakanga asingatode kundivhurira zvake ndikaita zvekurisunda door ndikapinda by gide. Musikana ndaiona achiita kudedera chaiko I think aifunga sekuti ndinoda kumurova izvo kwaani ndakanga ndatoyenda ndiine pfungwa yekuda kumukumbira kuti asachiyenda kumba kwavo and ndakanga ndazvipira kuita munhu kwaye chaiye. Panguva yandanga ndakamira ndakamutarisa ndaiita kunzwa hana yangu ichiroverera zvine kakudzikama mukati. Makamboita moment yekuti hana yako inenge ichirova zvekuti unonzwa kuda kumbundirwa or kupiwa kiss here. Ndizvo zvakanga zvavapo pandri panguva iyi. Ndainyatsinzwa kuda kuva in her arms. Ndakatanga kumuswederera zvishoma zvishoma iye achidzokera kumashure kusvika anoti ndii kumadziro manje ndokubva ndazomuita zvandainzwa kuda zvacho. Zvandakaita izvi it wasn't part of my plan asi zvakazongoitikawo nekuda kwekuona munhu ainditenderedza brain. Ndakanga ndatongozvipira kuzomuudza kuti ndokuda ndatomboravira ini. Kana ndikangoyera ndangoita zvandoita naye kana Carol door anenge asisina zvachose. Zvamama zvekumuda izvo vanenge vakutomupa hanzvadzi yavo kwete ini. Ndaifunga mashoko ese aya ndichikkisser Maggie uyo akanga akutotaridza kuti ava kunyika yake yega. Panguva yandanga ndakutofunga zvekudzisa short ndipo pandinonzwa kusheedzwa padoor pake . Hey kana makambofizuka hama dzangu moiziva nyaya yacho imi. Nepandanga ndava shuwa vanhu ndopovouya kuzodaidza daidza kuti zvidii. Pavakabva padoor neni ndakatozosara ndakubudawo nekuti ndaitoziva kuti obvious vakaramba vachindishaya vachazooedzisira vakuti vhura tizvionere. Ndakafambisa ndokuyenda panze since vana daddy vakanga vachiri kumarooms mamwe. Panguva yavanga vakudzoka kubedroom kwavo takasangana hedu mudinning ndokundibvunza kuti ndikubvepi ndikati panze ndokupesana ndakuyenda kovata hangu. Mahusiku ese ndakavata ndichironga nekurongonora kuti ndoitira Maggie chii seway yekumuti sorry. Ndakazoona zvakanaka kuti mangwana ndaimutora ndomboyenda naye out ndokumbira sorry hangu tiri mukufara I know she will forgive me. Makuseni ndichimuka ndakabva ndati chiregai ndiyende ndinomuudza kuti agadzirire tigozobuda but ndakatoshamisika kuwana munhu atopedza kugeza achitaura zvekuda kuyenda kumba kwavo. Mashoko awa akauya sepfumo pamoyo pangu rakasvika richinonyura richimutsemura nepakati..I feel tears in my eyes ndokubuda hangu kuti ndochemera panze. Panguva yandaiva paverondor ndakaona zveshuwa akutobuda mwana sikana wevanhu apa chitarisa kuchena kwaanga akaita. Ndakamboda kuignore asi ndakatozongoona ndakuyenda kumota ndokupinda ndokutevera kunze kwegate uko.kwandakawana akamira nemukomana uye wanezuro. This time ndakakonewa kuzvidzora zvachose ndakamurova ini ndokutora Maggie ndakanga ndatofunga kuperekedza Maggie kumba kwavo. Akanditi tipinde nemutown pane zvaanoda ndokuita sekudaro ndikaona munhu akundiyendesa kucakomana vezvibhazuka vaye akunotenga karadio kake . Zvimwe zvinhu chero uchiti ndogona kutsamwa unopera strong. Ndakangomutarisa ndatopererwa chaiko kuti chii chaanoita asi. Paakapedza ndakabva ndamutsa mota yangu ndokutanga kuyenda hangu. Ndakamubvunza kuti aiva nenzara here ndimutsvakire chikafu asi akaramba zvake akati ari bho. Handina kuzoramba ndichitaura naye pfungwa dzangu dzaitova kure chaiko ndaingodriver mota yangu ndakanyarara. Iye akanga atova busy nekaradio kake. Hameno kaibayiwa payi ndaingonzwa kachishinyiriswa . Patakanosvika paye patakarwira day riye ndakabva ndsmisa mota ndokubva ndamuti Maggie" zvikanzi "shewe" ndakatombotanga ndaseka hangu ndokubva ndamuti" Am sorry" iye achibva ati" ko zvadiizve asi makuda kundisiya pano here" ndakamutarusa ndikati" kwete handisi kuda kukusiya but ndokukumbira sorry for zvakaitika pano day riya "akanditafisa achibva aita kuoma nekuseka zvake ndokuzoti " ndizvo zvauchiri kufunga Andrew. Zvinhu zvakaitika mwedzi mingani yapfuura ndizvo zvaungaramba uchafunga here zvakatodarika zviye hazvichina basa . Handisi munhu anochengeta chigumbu zvekudaro ini" Ndakatarisa kumeso kwake ndikaona kurevesa ndokubva ndamuti " Kana usingachengete chigumbu Maggie sei nhasi wati hauchada kugara kumba kwedu " Akagadzirisa pahuro pake ndokunditi " Andrew unomboziva chii?. Ndri munhu wenyama ini asingade kushungurudziwa semashungurudziro awanga wakutoda kuita aya. Ndri munhu ane kodzero dzake . Iwe chaiye une musikana wako so ini ndikaita mukomana wangu unobatikana nei zvekutosvika pakurova nevanhu vasina mhosva. Ini ndine kana zuva rimwe rawakambondiona ndichikuitira shanje kana uina Carol here. Ndine kana zuva randakambotaudzana naye zvakashata here zvauri kuita kwandri ini" Ndakamutarisa ndiina kuti maziso ake akanga atojenga misodzi ndokutora ruoko rwake ndokurwubata ndokumuti " Maggie to be honest with you moyo wangu unokuda handizive wakowo moyo unokuudza chii kana wakanditarisa kudai . Imwe shanje yandikuita kutoshaya kuti ndodii asi kutaura chikwadi Maggie my heart beats for you . I love you Maggie I don't think I will be able to survive without you Panguva iyoyo misodzi iye yakanga yakudonha manje ndikaziva zvazvaireva. Ndakakwidza window rangu ndokubva ndaswedera kwaanga ari ndokubva ndamumbundira zvangu achichema kudaro. Ndakamumbundira kudaro ndaiita kunzwa kahana kake kachiita kurova zverudo zviye. Ndakaita time ndakamumbundira zvangu ndokuzomusiya ndakuona kuti anyarara ndokumuti Saka wati kudii Maggie moyo wangu wafunga kuutsemura nepakati here or Her: Andrew yes my heart beats for you bu the fact yekungoti une mumwe musikana haindiitire zvachose. Kubva kare kwese handisati ndamboita zverudo asi pauri ndanva ndichitozviona kuti pane zviripo asi nenyaya yaCarol I can't date you . Chero neni moyo wangu kutouysemura kwandatoitawo ikoku asi I have no option Me: about Carol don't worry I will manage mese makadaro Her: kkkkk Andrew chokwadi hachiputse ukama hwedu wanzwa asi kutaura chokwadi zvaukutaura hazviite zvachose. Me: saka unoda ndiite heart attack here ndichiitira munhu mupenyu nhai Maggie. Wadii wangondibvuna just for the sake of our hearts kumberi tenge tichingozoona kuti zvinonzwii asi parizvino tomboitira moyo yedu Her: ok Andrew I heard you but I have a question to ask Me: go ahead Her; Carol hausi kuda kumuroora here Me; I am thinking to Her: ok so ndinoda kuti undiudzewo.kuti saka iwe tikaitira moyo yedu sekureva kwako uninditenderawo here kutsvaka mukomana wangu wekuzoroorwa naye nekuti pauri oanengw pasina kana imba kungori kunzwisana moyo.yedu chete Me: yea ndokutendera Maggie ko handi ini ndinengw ndaroorawo here Her: ok kana pakadaro pakanaka ndazvinzwisisa we can try Ndakaita kufara chaiko hama dzangu ndokumbundira Maggie wangu nekutomuoa kiss pamalips ake iwayo. Zvekuyenda naye kumba ndakanga ndatoina zvisingachatoite ndsitomboda kuswera naye ndichimbomuona hangu so ndakabva ndamuti Takumbomira kuyenda kumba ndombofamba famba newe uchiona nzvimbo then ndozonokusiya kumba kwenyu manheru handi Haana kuramba hake mwanasikana sezvo akanga achiri makuseni ndakapinza mota mumugwagwa weBulawayo zvangu taizidzoka zvedu same day ko handi takanga tiine mota yedu here. Mumotawo ndakanga ndakutorova zvimasoft music ndichiimoresser madam ka ava. Iye Maggie kubva zvaanga angobvuna akabva atochinja kudzikama kuita munhu kwaye nhaimi. Kutaurisa kuye kwakanga kwakutooerera kunyadzi hameno why. Maggie ndiye munhu wandaiziva asingaoererwe asi apa anotaridza kuti akanga apererwa chaiko. Takanosvima zvedu kuchi mangwanani ndokutanga kungofamba tichiona nzvimbo nemunhu wangu. Chose chose chandanga ndangoona chakanaka ndaitengera musikana wangu zvangu zvihirongedzewa. Ativa masikati ndipo pandakazofunga sisi vangu Ayanda vakanga vakaroorwa mubulawayo imomo ndokuzongoti chiregai ndinovaonawo sezvo ndasvika munzvimbo. Ndakamufonera ndichimubvunza kuti uriko here kumba achibva atoti ehe ndriko ndokumuti surprise visit ndakutosvika. Ndakazorova mota ndokunosvika kunba kwake ndikatowana ariko zvake nemurume wake maybe that day akanga asina kuyenda kubasa hameno. Patakasvika mwana wamai vangu akandimhanyira hake ndokuuya achindimbundira paakaona Maggie ndakaona mufaro wake uchiwedzera pachiso ndokubva ati Don't tell kuti.waindivanzira kuti wakaroora Andrew Me: kkkkk waida kudii nemukadzi wangu . Ndosaka ndatouyaka handi waona kukukoshesa kwandaita . Vamwe vese handisati ndatomboshanyira vakuru asi ndatanga nekwauri kuzokutaridza muroora wako Her: hiii makhoti saka wakanga usina kupiwawo kana number dzangu here nemukomana wako or hautode hako hana dzemurume Me: iwe iwe siya munhu wangu aah. Handi ukuona kuti akakuvara tipinzewo.mumba tizorore hedu tigozoona kudarikira Panguva iyoyo murume wake ndiye akatozopindura zvikanzi Nhasi hakuna kwamunkyenda henyuzve tsano worse matouya naambuya kudai soo hakuchina kwamodzokera zvachose motomboita 3 days muri kuno henyu tichionana. Kumafunctions vamwe vazhinji vanoshanyirwa nehama dzevakadzi vavo asi ini dzangu haoana inenge iripo kuita sendisina kuroora shuwa Me: kkkkkk musadaro baba Jay nguva haibatike zvekudaro Him: manje kunoku ndinods kutokutorai big time kubasa kwedu in the next 2 months kunenge kuchitodiwa accountant saka sezvo ndri manager ndichatokusoterai mopinda basa nekuti hamungati maroora moramba muchingochengetwa nababa aaah imi makura imi Takasekedzana zvedu tichipinda mumba umo matakasvija togara pamasoffa. Ayanda akayenda mubedroom make akanotora zambiya ndokuuya naro ndokupa.muroora wake kuti asunge since akanga akaofekawo dress risina kunyanya kureba . Maggie ndaiona aiva ane kamwe kakunyara maari hake. Panguva yatanga takuda kutobuda ndipo paakati hakuna kwamunoyenda regai ndifonere baba ndivaudze kuti murikuno. Panguva iyoyo hana yangu yakatanga kurova manje ndakuona kuti ndichabatirwa madhiri angu ekunyepa aya. Ndakakweva Mai Jay ndokuyenda naye panze ndokubva ndamuuudza nyaya yakanga iripo achibva atoti Haa iwe kana atombokubvuma iwe uchimudawo chii chinokona. Iwe takutoita dhiri unomusiya kuno iwe woyenda kunbonopedza nyaya dzako naCarol wako wozouya kana zvapera . Mai Jay ndizvo zvandaimudira hangu anoita semunhu mukuru mukutaura umu. Akazofonera baba avo vakatoti Ngaadzoke hake nhasi Andrew wako iyeye nzenza yake yatouya nemabags kuno ngaauye apedze nyaya dzake Hey apa ndakaita kuoererwa chaiko ko Carol akanga atouya kuti zvidii manje. Ndakabata bata home dzangu kuda kutarisa foni asi ndakazorangarira kuti yakanga yasara mumba mamaggie pasi pepillow. Ndakazongotaura namai Jay ndikamuti Maggie akusara ini ndoyenda hangu kunoona jyaya dzanga dzandimirira kumberi iko. Ndakazodzokera mumba ndokubva ndadana Maggie padivi ndokubva ndamunyepera kuti tovata tese kwatete but ndikungoda kumbomhanya mutown kutenga zvavanditma ndodzoka achibva abvuma hake . Ndakabuda nababa Jay ndikanovasiya mutown ndokutorova pasi zvangu. Kwandanga ndasiya Maggie ndoziva ndakanga ndskusiya kuri safe manje chero zvemumwe mukomana zvaaitaura hakuna kwaaizombozvitira zvachose ndaizongomuroora ini . End of 11 Mama Natie loves you all ❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🌷 193

Comments