
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 12, 2025 at 05:24 AM
https://chat.whatsapp.com/HZjXZw6zAxf0y3CyX4xLy0
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
Don't forget to subscribe ALETA DAUGHTER OF A BLIND WOMAN. Low prices every one can afford. Huyai neuhwandu hwenyu kusub book rakachipisa manyidzanai tione . Kana warida bata Mama Natie on0774565330. Hurry hurry hurry💃💃💃💃💃💃💃
ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒
....Chapter 12
Maggie
Shuwa pane zvimwe zvinhu zvinongokudzikamisa wega vasikana. Kubva zvandanga ndabvuma Andrew hameno kamwe kakunyara kanga katova mandri soo. Ndaimbozama kuda kuzvishingisa kutaura asi zvaizongoperera mumuromo ndonyarara hangu. Zvekuyenda Bulawayo kwandakayendeswa zvaingovawo zvake zvemusoro wake not kuti takanga tataurirana.
Muroad mese ndaingofqmba ndichitengerwa zvimanice nice vasikana zvekuti ndakanga ndakutoenjoyer rwendo rwacho chero ndakanga ndisiri ini ndarwuronga.
Masikati takazoyenda kumba kwasisi cake uko kwaakasvika akuvanyepera kuti takanga takaroorana. Ndakamboda kubuda musaga ini asi ndakazongonyarawo ndokuita semunhu mukuru.
Takaswera zvedu zvakanaka kusvika pakazobuda Andrew nemurume watete Mai Jay ini ndokusara navo tete Mai Jay apa vautarisa sei zvavo. Inyayawo yekungoti ndakanga ndisina kuvajaira saka ndaisakwajisa kuvataudza zvakanyanya ndaingodavirawo zvavanenge vabvunza hangu. Ndakazoshamisika vakunditi
Saka mune nhumbu here maiguru or muchiri kumboda henyu kupedzisa kutamba ujaya neumhandara
Hezvo nhaimi mashoko rudzii avanonditaurira iwayo shuwa. Ndakakonewa kupindura ndokuramba ndakanyarara ini kusvika pavakazoti
Pane zvandinoitora muriora wangu usafunga hako kuti tete vangwarisa ava
Me: handina nhumbu ini
Her: zvakanaka muroora wangu tine zvatinoda kutanga taona mamisirwe azvingaitwa wozoita hako nhumbu.
Me: ehoi
Vakazotanga kubika havo kudya kwemanheru ini ndakangogara ndichitotamba nekamwana kavo kaJay kacho ako kakanga kasina kumbonyanya kukura zvako. Pavakapedza kubika ndipo pakapindawo murume wavo ari ega. Ndakadongorera dongorera ndiine hope yekuonawo Andrew but hazvina kuita sekudaro plus kuuya kwavo zvototaridza kuti vauya netsoka nekuti kana mota handina kuinzwa kutinhira panze ini . Vakasvikogara zvavo pasoffa ndokubva vati
Ambuya ndine hurombo tsano vazofonerwa mutown hanz kumba hakuna kumira mushe so vati vamhanye vanozodzoka vachikutorai havo maybe mangwana or kuswera mangwana
Me: hapana hapo chakashata.
Chero ndanga ndabatikana ndipo pandanga ndixhazvitaridza here shuwa mumba mevanhu. Chikafu chakuya tikadya hedu ndokuzoyendwa neni kune imwe room kwandakanotaridziwa zvikanzi ndiyo yandichafana kushandisa kusvika ndazotorwa. Ndakangosvika nekuvata hangu ndokutofuga musoro wangu .
Panguva yandakanga ndakutotanga kubiwa nehope ndakaona door ravhurwa vari tete Mai Jay vaitotaura pafoni. Vakasvija vachibva vanditambidza foni ndokuti
Taurai naAndrew uyu akuda kutaura nemi
Ndakatambira foni ndokuisa panzeve ndokuti
Hello
Him: babe
Me: hello
Him: I miss you already
Mai Jay vakabva vangondibhabhaisa havo vachibuda maybe vakaona zvisingaite kuteerera conservation yedu naAndrew.
Me: miss me pachii pacho wadii kudzoka ukanditora tayenda tese kumba kwacho
Him: ndazongomhanya zve emergency babe ndodzoka ok
Me: kwandakabva ndokuziva mari ndinayo ndoona yekutamba
Him: Maggie ndati sorry wani ndodzoka mangwana ikoko kuzombogara hedu tichiona vamwe tozodzoka tese nekufamba kwetime
Me: hoo
Him: saka haugone kuyenerawo daddy here Maggie
Me: iwe ndisiye aaah
Him: uuum hoo anyway wasara sei hako . Havasi kunetsa here tete
Me: zvese bho
Him: ok saka unodei kana ndakuuya mangwana
Me: hapana hangu
Him : ndongoona yekutanba semurume ajuyenda kumukadzi wake
Me: is that we agreed
Him: kkkkk kuye kwanga kuchingova kutaura kuye Maggie how can I be able to watch someone achitambira pedyo newe. Pauri pane makuva wangu handitombokuvhare.
Me: ok kana wadaro.uts fine chweo pauri patova nemakuva manje Carol wako wotoona yekutamba naye
Him: kkkkkk munhurume ndini and ndoita zvandinoda zvaCarol ots not your issue ngatitaure zvedu
Me: hoo saka iwe why ukundirambira kuitawo mumwe mukomana while you know kutiniwe waunotoda kuroora nsiCarol why
Him: iwe unodiwa nemoyo not nwpfubgwa Maggie . Rudo rwangu kwauri harufe rwakaoera chwro zvodii. Zvana Carol ndezvemupfungwa izvo 1 day pazvichabuda ndopachaperera sarungano.
Me: tongosangana pakati Andrew gandisi benzi rinoitiswa ini nemumwe munhu. Dei wanga usina mjmwe mumhu ndaigina kumbotozvinzwisisa manje nekuda kwekuti utori nemumwe nusika a handitombozvinzwisise uchazondionawo ndiine mumwe mukomana and usandivhubza or kundiitira hasha netuti ndozvinenge zviripo
Him: kana uchingoda kukuvadzisa vanhu ita hako Maggie .
Ndakabhoikana nekuranba ndichitaura naye ndokubva ndaicutter foni yacho. Paakaona ndaicutter akada kumboramba achifona asi handina kuzombodavira kusvika ndavata zvangu. Makuseni ndakamuka ndikatowana tete vatomuka vachigadzirira murume wavo kuye da kubasa. Ndakavapa foni yavo ndokubva ndadzokera kuroom kwangu ndaimirira hangu kuti murume wavo atange ayenda kubasa ndigozovaidza kuti ndinoda kuyenda kumba kwedu.
Murume wavo achingoyenda chete ndakasara ndobudawo kuyenda kwavaiva . Ndakawana vari busy mukitchen mavo . Panguva yandanga ndakuda kutaura navo foni yavo yakabva yaringer . Vakaidavira vachibva vaisa paloud havo and vaiva baba vavo baba Andrew. Vakakwazisana zvakanaka ndokubva baba vazoti
Mai Jay ndakanzwa kuti Andrew akasiya musikana ikoko ichokwadi here
Her: musikana here or mukadzi wavo daddy
Him; mwanangu ini handide kugariswa mature askngapere nekuda kwehanzvadzi yako iyi. Mwana iyeye ari ikoko ngaakwire bus adzoke kuno nhasi chaiko pasina kukundikana nekuti mukazoona ndosimuka netsoka dzangu kuuya ikoko mungandivenga mese nehanzvadzi yako
Her: kwakanaka here baba
Him: Andrew paakabva ikoko akatosvika kuno mumwe mukadzi ariko akamumirira saka anoda kuita vakadzi vangani. Anoda vakadzi vangani paari ipapo. Ini baba vake handina kana kumbobvira ndsuta mwana wepaside or kuita girlfriend chaiyo nekuda kwekuti hupenyu hwekuchengeta mhuri mbiri handihude and handingazogone kuhudzidzira nekuda kwemwana wandakabereka ini ndisina kumbodaro. Maggie ngaakwire adzoke kuno ayende kumba kwababa vake asina kutambisirwa time yake nebenzi iri.
Her; ko zvaakati anoda iye wani Maggie wacho nhai baba
Daddy: ndati dzosa mwana wevaridzi mai Jay. Anopedzerwa nguva yake zvisipo. Kutaura kuno iye atomuka akabuda nemukadzi wake kuyenda kutrip iye akangogarq ikoko achiti akagarira chii. She is innocent she doesn't deserve Andrew zvachose. Maggie ndikamutarisa ndinoona mukadzi akasvika zvokurevesa and anodawo murume ane hunhu kwahwo not zvinoita mukoma wako.
Her: ok daddy ndichataura naye Maggie wacho
Vakabva pacall paye chiso chavo chatosvava zvokuti. Iniwo ndakanga ndakuita kubira nehasha chaiko shuwa uyu mwana anonzi Andrew anoda kunditambisa bhora risina mweya zvachose nhai. Shuwa akandisiya kuno kuti ayende koroora hake mumwe mukadzi shuwa. Chero uchizviti uri strong pamwe pacho unodedera. Seipaoa ndakazama.kuzvishingisa hangu asi zvakandirambira zvachose kusvika ndakutonzwa matama angu kupisa nemisodzi. Mai Jay kana kutaura neni ndoona vakakonewa nekuti vakangogarawo pasi vakanyarara .
Ndakasimuka pandanga ndakagara hangu ndokuyenda kumba kwandanga ndavata ndokutora twangu twese manje ndakanga ndatofunga kuyenda kumba kwababa vangu sekutaurwa jwazvanga zvaitwa nababa Andrew hansingagarire kushandiswa nemumwe munhu ini.
Ndakadzoka nemukitchen makanga muina Mai Jay avo vakazama kutaura neni kuti ndimire asi ndakarambisisa zvachose ndikavati regai ndiyende kumba kwedu . Havanawo kuzokwanisa kuramba vachipikisana neni vakabva vazondisita havo ndokubuda ndakuyenda kunze kwegate ravo.
Ndakatanga kufamba ndichitevera kwaiyenda nemota hangu ndiko kwandaitofunga kuti ndingazonobatsirika ikoko nekuti handina kwandaiziva. Vanhu vauva nemota muroad umu ndoona vakanga vasina rudo zvavo vese kubva vandidarika kudaro kuita sevasingandione kudaro. Ndakafamba hama dzangu kusvika ndanopinda mutown macho umo makazondipazve mumwe mutoro wandisingafe ndakakangamwa muhupenyu hwangu. Ndakanga ndava nenhamo yekushaya kwekunikwirira mota manje. Vanhu vese vaingotaura chindevere saka handina wandaikwanisa kubvunza. Ndakadzivaira town yese hama dzangu nekabag kumusana. Uyu ndiwo musi wandakavenga kunyangwe naiye Andrew uyu. Ndiye akanga kukonzera zvese izvi.
Ndskafamba kusvika ndaneta ndichitsvaka pandingawanavanotaura shona asi handina kuvawana zvachose. Ndakaoedzisira ndaneta ndokugara pamwe pane mamai anotengesa zvangu ko kaida ndidii manje. Ndakagara ndofunga kubva kuma11 kusvika kuma4 chaiko zuva rakutonovira. Lucky mari ndaiva nayo hangu kana dai ndaiva ndisina mari mungadai makanzwa kuti ndakatorwra vanhu zvitengesewa zvavo ndikatiza nekuti chandaisazogona kufa nenzara zvikafu ndichizviona.
Kuma4 ikoko kwakanga kwava busy manje zndoona vanhu vakanga vakuchaisa kubva kumabasa manje. Iniwo ndakanga ndakungomirizika mirizika nekabag kangu kusvika pandakazokwenyewa nevamwe mai vachibva vati
Hebo ntwanami uyenzani
Ndakangovatarisa Mai vaye ndisina kana shoko rekuvadavira zvii manje zvavakanga vakunditaurira izvozvo zvinenge chishongirishi. Pavakaona kuti vanenge vakutaura neutsi ndakanzwa vakuti
Ndiwe ani
Me: Magret
Her: uri mushona
Me: yea
Her: hoo ndabvira kukuona kubva kudhara pano mwanangu chii chanetsa
Me; ndinida kuyendawo kuzvishavane ndashaya mota yekukwira maringe bekuda kwekusagona kutaura chindebele mama
Her: aaah kudei wangofamba uchibvunza muvanhu mwanangu haaasi mandebele ega ari muno handi unitonzwa kuti tinotaura shona. Chimira ndinokutaridza kunowanowanikwa mota dzinobva Zvishavane dzichiuya kuno handifunge kuti dzatopera ini.
Vakadaro Mai vaye vacvirongedza madomasi avo mubox ndokuzonditungamirira takuyenda. Kwakanga kusingatombozi kure kwakanyanya nekwatauva hako kunokwirirwa kwacho. Ndakarowana dzichipo mota ndokutopinda mune imwe yanga yakutods kuzara ndokugara zvangu. Ndaiziva ndaizofamba mahusiku asi ndakati hazvina basa as long ndayenda hangu kumba kwedu. Kana ndava muZvishavane ndaiziva ndsisazombonorasika ndainfofamba kana netsoka kuyenda kumba kwedu .
Mota yacho yakazosumuka kuma5 zvayo yotanga kuyenda. Munhu aibhadharisa mari mumota iyi ndakamufananidza nemumwe wevakomana vaye vandakaona vaina Andrew day randakazomudira machips riye asi handina hangu kutaura naye ndakangoti maybe kufananidza. Mota payanga yatova nekamufambo ndakanzwa mukomana uye akudavira foni yake and madaviriro aakaita ndakanyatsonzwa kuti aitotaridza kuti aitaura naAndrew nekuti ndakanzwa achimuti
Handina kumbomuona ini munhu wako Andrew maybe ativa ikoko kare iwe uchindinetsa
Ndakatoziva kuti munhu airehwa ndini apa saka ndakabva ndatozoita kutsikitsira kuti ndisatoonekwa zvachose nekuti ndikaroinekwa ndinodzoserwa mumaoko emujudha uyu ini ndanga ndatombobudamo
End of 12
Love you team❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️
🙏
👍
😂
😢
❤
😮
🔥
🌷
🤩
232