MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 12, 2025 at 02:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vb6XCoK0G0XmUY97Tu2Q *Book redu moto chaiwo chaiwo pinda muchannel unobariramo nekuti book riri kutapira iri apa richinyautsa nenyama futi. Ini naye kuchannel maMama natie tirimo ko iwe wo wadii pinda muchannel tinakirwe tese* *MHURAI 🖤🖤🖤🖤🖤🖤🖤🖤* *Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🥏🥏🥏0778315695* Edited by Mama Nyasha aka Vee Kays 💝 *Chapter 01* " Manje kana ukati kushata ikoko kwawakaita woti kugara wakatsamwa unoti zvobuda zvakanaka here mwana wemwana wangu. Handiti nekushata uku ungadai uchitogarawo uchisekerera sekerera kuti nevanokutarisa vasanzwa kutya,manje iyoyi kwindi yako iyi kana mwana mudiki haangaswederi mudhuzeka anorohwa nehana akanyarara kuti zii,munhu ndeanoseka sekawo zvinoita vamwe kwete kuita bhuru munhu wemunhukadzi. Simuka ipapo unonditorera mvura yekumwa uko ndimwe zvangu ndatsva nezuva zvekuti ini". Vanodaro mbuya vangu vachindibvira mushure mekunge ndanga ndakatozvigarira hangu pamukova wemba . Ndakasimuka ndisina zvandanga ndavadavira ndokupinda mumba ndonotora mvura iya ndokudzoka ndovapa vakamwa ndokundidzorera cup ndokubva pavari ndonoisa mumba. Ndichitsveta cup handina kuzobuda panze ndakabva ndatogarirawo mumba ndava kukushidzira moto sezvo panga pakagadziwa mutakura. Vasikana nyaya yekutukwa ndichinzi kushata yanga yagara mandiri and mbuya havasivo vega vaindidaro kundituka vachiti kushata even vanhu vazhinji mumhuri ndozvavaingondiita and neniwo kupupura chokwadi ndanga ndakazvishatira hangu handimbokuudzei nhema. Paglass ndakazvitarisa kaviri moyo watosviba nekushata ikoku. Vamwe vana vababa vangu vanga vasina kumboshata zvakadai mufunge vaitova light skin yavo ini manje kusviba kwandanga ndakaita soo ka 🙌🙌. Chero ndanga ndisina kunyanya kushata zvangu asi zvaibva zvazowedzera nekusviba ikoku kwandanga ndakaita.Ndakatopedzisa kubika mutakura mbuya vachingova panze . Uchiibva ndakatora bucket rangu ndombomhanya kurwizi kunochera mvura kumufuku yekuti tigowana kumwa isingapise sezvo kwanga kodoka. Ndakabuda ndichitozviimbira zvangu ndichienda,ndichangobuda gate ndakabva ndasanganidzana nevamwe vakomana vemuraini medu vaviri and vakomana ava vakanga vari vanhu vakuru zvekutondidarika asi maitiro avo vanenge vanga vakapfimba vanin'ina vangu vaienda kuchikoro kusecondary. Nezera ravo vakomana ava handina hangu kunge ndichizvifarira zvekuti vapfimbe vana vadiki vakadaro asi manje nenyaya yekuti ivo vanin'ina vangu vakanga vasina kumbondiudza nezvazvo handina mabvunziro andaivaita. "Ko unofara here nhai Mhurai hindava kuramba wakarova serious kudai kuita as if hautode zvekutaura nesu", ndemumwe wevakomana vaye akadaro achitoita kakumhanya kuti andibate. "Sorry kutononoka kwandakaita kumhanya kumvura ndokuri kundivhiringa njere dzangu mufunge. Ko muri sei henyu " "Tofara isu nakwo kupisa zve uku. Kwapisa kunze uku zvekuti huyai muone" "Shuwa kwapisa chaizvo" " vadzoka here vanaMellisa kuchikoro" "VanaMellisa havasati vadzoka havo kubva kuchikoro asi ndovamanga muchida here" ndakadaro ndichitsvaka kuda kunzwa nyaya dzavo zvikanzi naye "Ehe ndovatanga tichida hedu ipapa ndovatiri kutotaimira munzira muno". "Havana kudzoka avo maybe vari kuuya mosangana henyu navo. Ipapa manga muchivataimira muchida kuita nezvei navo and ndokuonai nguva zhinji muri mese munenge muchimboronga nezvei nekuti imi kuchikoro hamuyende ka imi zvekuti tingati munenge muchiita manotes or something chine chekuita nechikoro" ndakamudaro mukomana uye achibva ati "Aaaah zvaMhurai soo. Iwewe chimwe chaunoziva chinoitwa nevakomana nevasikana chii besides kudanana. Vanin'ina vako vaye ndovasikana vedu asi vakanga vasina kumboitawo nyaya newe here nekuti zvekudanana kwedu zvatova netime" "Hoo vasikana venyu. Uuum havana chavanga vakandiudza zvavo zvine chekuita nekudanana kwenyu ikoku. Asi nhai Kunashe iwe naBen mese ndakakutarisai muri vanhu vakurusa kunana Mellisa ivava hakusi kutsvaka nyaya here kwamuri kuita uku nekuti mazera enyu aya hamungafanirwe kunge muchidanana nevana vadiki vakadai soo. Makashayawo here vamwe vakati kure vanokodzera pane kubatirira vana" ndakamudaro ndichitorevesa chaiko iye wacho ndokubva amira ndokundibata ruoko zvekuti ndimire zviye zvikanzi "Wava munhu mukuru Mhurai iwe handingade kuti ndikuudze mamwe mashoko anoita sekuti ndiri kukutsanangurira kuti kudanana nemunhu kudii. Vanin'ina vako vachanzi vadiki pachii vanhu vakatoziva kuyenda kumwedzi kudhara plus zverudo ndezvemoyo zviye isu yedu yakada pazvivana zvidiki diki zviye" "Handina kuzviramba zvese izvozvo and ndotozviziva asi chandoziva ndechekuti muri kuda kungovatambisa mugovasiya. Ipapa hazvikatyamadze muchavapa nhumbu mugovasiya henyu". "Zvongozowanikwa vanhu vachidanana vachiyenda izvozvo Mhurai plus zvese izvi zvinoda uchiudzana nevanin'ina vako ivavo not ini. Haisi mhosva ka kupfimba ndodiwa ivo kana vachiona kuti tiri vahombesa kwavari ndovangatozvibvisa pandiri not ini" Ndakaona kuti kuramba ndicbinetsana naKunashe hakuna zvakoshanda. Ini as long ndaziva chokwadi hangu ndichaita kuti panodzoka Mellisa naMercy ndotaura navo vasiye kuita hunhu hwakaora kudai soo. Shuwa shuwa nezera ravo nana Kunashe hazvimbopindirane plus ko iko kuita sevacharwariswa havo. Vakanga vasingadzidze life seikowo vanin'ina vangu ivava. Mama vedu nababa vakashaya nechirwere chemukondombera and vanogara kunzwa gogo vachiti vakatsamwa vanotituka nemashoko iwayo asi ivo manje havanzwe vanotoramba vachiti sona sona nevarume vakuru vakadai soo. Handina kuzoda kuramba ndiinanaKunashe ndakabva ndafambisa ndokuvasiya ndokunochera mvura yangu ndokudzokera kumba. Zveshuwa musi uyu vana Mercy naMellisa vakanonoka kuuya kumba zvakanyanyisa. Ndakambotanga ndichadongorera nzira ndichiti vouya asi ndakaguma ndaneta vakazongosvika ndatova mukitchen nagogo naMunashe kahanzvadzi kedu kadiki kaiva grade 4. Vakasvika vasikana vachibva vatisweresa ini ndichibva ndati kuna Munashe "Chiyenda unomwa mushonga wako nguva dzakwana idzi" Akasimuka ndokuyenda hake ndokusara nevasikana ava ndokubva ndati kuna mbuya "mbuya mutaure nevazukuru venyu ava maringe nenguva yavanodzoka kuchikoro iyi plus izvezvi vatova nevakomana apa vakomana vacho vavasina kana zera navo zvavo. Taurai navo mbuya nekuti ndimi munhu mukuru uyezve ndimi vavangagona kuteerera pamwe" '"Kuita vakomana kwevana yatova mhosvaka kwauri nekuda kwekuti iwe wakashata hauna anokupfimba wakuona sekuti vapfimbiwa varesva. Handione dambudziko pakuti vana vaite vakomana vavo ini iwewo tsvaka wako unoroorwa wava munhu mukurusa iwe" vakadaro mbuya vachitotsigira vana Mercy ini ndichibva ndavati "Mbuya mungati vana ava vakura vana vane 15 ne17 yrs kunganzi kukura kwekuti nemi munhu mukuru mutovatsigira kuita zvevarume shuwa. Kana vakamitiswa vana vacho vanovachengeta nei zvavanonyatsoziva kuti vabereki takafutsira muvhu" ndakataura ndakagara pedo nambuya asi vakangoti ndichipedza kutaura mashoko angu iwayo ndikanzwa ndavhariwa nembama yekumupangasadza uku zvikanzi "Ndiwe Mwari ri wavo unoziva zvekumitiswa kwavo iwe. Wadii wati vanochata. Kushata kwawakaita kwakatokuaffecta njere dzako hauchaite semunhu kana ka1. Siya vana ava vakadaro, iwe ndiwe dununu kutadza kutsvaka varume vanokuroora nanga nanga nevana" Ndakangobata dama rangu ndichisimuka kutevera Munashe kwaanga ayenda koona anga amwa here mishonga yake yechirwere ko hanzvadzi yangu yakazoitawoka munyama kuzvarwa vabereki vakurwara apa ndokunoonoka kunyoresa mimba yavo kuti mwana adzivirirwe ndokuzotomuzvara ane chirwere kudhara kwavakaita. Ndakanomuwana akutobudawo kudzoka hake akandiudza kuti akanga atomwa ndikati zvakanaka mwana wababa vangu ndokumubata ruoko todzokera kukitchen uko kwandakawana vana Mercy vachipa mbuya mabiscuits nedrink I guess vakanga vabva nazvo kuvakomana vavo and ndosaka mbuya vanga vachitsigira vanoziva kuti vanodya havo zvinonaka nevana ava. Ndakangozvigarira pabench ndakanyarara hangu ndotarisa vakanga vakudya zvinonaka zvavo. End of chapter1 *Gara wapinda muchannel book izimbe iri unosara iwe baya follow tione*
❤️ 🙏 👍 😂 25

Comments