
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 12, 2025 at 03:12 PM
https://chat.whatsapp.com/HZjXZw6zAxf0y3CyX4xLy0
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
Vanoda from 1 follow not kuuya kuibox kwangu handide vanhu pindai mugroup motaura nyaya yenyu mobatsirwa imomo nevamwe
*ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️*
*BY*
*MAMA NATIE 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒*
*Chapter 13*
* Andrew*
Ndakabva kuBulawayo ndakaita kutsika mafuta chaiko ndakananga kumba kwedu kuzvishavane. Ndakati ndichisvika ndokubva ndatowana Carol akamira pagate hake and akangoti achindiona ndokutotanga kupopota about kusabata foni kwangu. Zvekupopota zvaaitoita zvaiva zvake izvo nxaa ipapa atokanganisa mood yangu yezuva ranhasi soo naMaggie wangu. Ndakangosiyana naye ndokupinda zvangu mumba ndakanyarara ko zvekunetsana naye ndaimbozvida here handina nguva nemhengera mumba ini..
Iye kana kumbonyara nhaimi akatowedzera kuuya mumba achipopota nhaimi kutoita sekuti kumudarika kwandanga ndaita ndakanga ndatomudira petrol yekuwedzera simba. Daddy pavakaona zvanyanya vakabva vamuti
Muroora kana wakatitarisa mazera ndiwo akasiyana zvikurusa kudei watinyarawo tigogona kukunyarawo nesuwo. Iko kupopota kwako kusingapere kupopota rudzii ikoko. Ungangouya pano nhasi wototanga kutiratidza hunhu hwako here wadii wambomirawo wozotanga chero kupera kwevhiki hako pane kutanga nhasi
Her: izvozvo zvamunotoita zvekumuvhikira ndiko kumujaidza mwana wenyu. Anga ayenda kupi kwaanga asingabate foni yake . Ndizvo zvekuzosvika pakundizadza zvirwere izvi muchingonditi nyarara. Handinyarare kusvika madzidzisa imbwa yenyu hunhu iyi
Akatodaro achitendeka ini kumeso chaiko. Kkkkkk uyu musikana uyu anenge akarerewa zvisizvo uyu. Ndakanzwa hasha dzichiungana kumeso kwangu ndikamuregedzeta mambama anokwana kuita mana apa ndichishandisa maoko ese . Mai ndivo vakazouya vakundibata zvikanzi
Andrew mwanangu usadaro mukadzi wako mwana mudiki uyu anorasikawo mukutaura usadaro unomukuvadza
Me: mama !! mama! musada kundikonewa manje musatomboda zvenyu kundiisa paroad test like that handisi mota ini. Mune musi wamakambonzwa ndichidavidza daddy like that ini. Iye akoshei zvekuuya kuzodavidza daddy vangu like that and pamba pavo futi. akoshei chaizvo
Mama: sorry mwanangu sorry hako muregererewo
Me: sorry yake ngaanoitaurira kunze kwegate not pano. Wagona wanditaridza matrue colours ako pachiri pedyo wotokasira zvako kudzokera kumba kwenyu handigare nemurume akaitawo seni pano pamba noo
Carol: saka ukutaura zvekuti hauchandide because of kupindura kwandaita daddy here Andrew or
Me: one more word from you ndokuuraya Carol
Daddy: Andrew mwanangu handi unoona mabasa ako aya awatitangira pano. Wotoona plan nemhuri yako ini zvemari dzangu dzese dzandaikupa handichaite zvachose . Kuroora kukura woona plan nemhuri yako
Daddy vakasimuka ndokutoyenda havo kubedroom kwavo ndoona vakanga vagumbuka chaiko daddy. Ini handina kusara ndikamirawo ndakabva ndatodarikira kubedroom kwangu ndokusvika ndokupinda ndokungosiya door rakashama hangu. Ndakanogara pabed ndokutanga kufunga zvanga zvichangobva mukuitika . Saka ndiye munhu wandinoroora here uyu anodavidza baba vangu like mwana wake . Ini hangu handingagone kuparadzaniswa nehama dzangu nekuda kwemukadzi izvo ndaramba zvachose . Carol anodzokera kumba kwavo handigare nemupengo pano ini. Waisepi hako Maggie mwana akabva kuvanhu.
Panguva yandanga ndakagara kudaro ndakaona zvangu Carol akupinda mubedroom mangu misodzi iri pamatama . Akada kusvika achigara paside neni ndikabva ndatosimuka ndokupinda mumachira ndakafuratira kwaanga ari ndainzwa kuvira kana ndakamutarisa kumeso nekuda kwekushaya hunhu kwake kwaanga aita. Akamboramba achichema aripo kusvika azosimuka ndokuuya ndokufugama kumberi kwangu akatanga kukumbira sorry pane zvaanga aita.
Akakumbira zvakanditaridzawo kuti airevesa ndichibva ndsmuregerera but ndakamuudza kuti kungozvidzokorora chete haako a anorongedza akayenda masikati machena. Akazouya akupinda mumachira ndokuvata hedu . Makuseni kuchiyedza semunhu aiziva kuti mukadzi wake akanganganisira baba vake ndakatoyenda ndrini ndikanokumbira sorry on behalf of my wife . Daddy vaisava zvavo munhu anochengeta chigumbu vakatoti zvakanaka ndichibva ndavakumbira mota yavo ndaida kumbobuda naCarol as a way of sorry hangu. Handi ndizvo zvavanoda here vasikana vechirungu ava ukamukanganisira unofanirwa kutoyenda naye somewhere kuri special ndokuti wati sorry.
Havana zvavo kundinyima vakati motora vakandipa makeys acho. Ndakazobudamo ndakuyenda kuna Carol uyo akanga achavata ndikamuti amuke agadzirire tiyende out tozodzoka manheru hedu. Paakangonzwa yeout mukadzi wangu akaita kumhanya kumuka ndokubva angonozvijorodha ndikatoona munhu akutodzoka ndokubva atanga kuzora mafuta ake ayo aiva nezvigaba zvakasiyana siyana. Ndakatomusekawo ndikati
Mafuta emunhu 1 here ese aya nhai Carol
Her: ehe ndeemunhu 1 toitira kugadzira skinzve nhai daddy . Ikozvino ndatova pauri kudai ndakutofanirwa kutotsvaka mamwe acho because ikozvino varume kukangoona vakadzi vakati tsvukirei kudarika wako makutoyenda ikoko
Me: kkkkk manje ini handitode munhu anonaka nekuwedzerera ndongotoda munhu sezvaari.
Carol: uuuum ini wakandida wani
Me: ndaisatoziva kuti ndizvo zvaunoita ndaingoti ndiyo skin yako ini
Her: kkkkkk Andrew soo
Me: but kutaura chokwadi mafuta mamwe ese aya unofanirwa kumasiya ndokutsvakira mafuta anongozorwa zvekuti skin itsetseke ive panzvimbo yayo not zvekutsvuka izvi handizvide hangu
Her: a story for another day nhasi ngatisakanganisa zuva redu.
Ndakamusiya hangu akupedzisa kuita zvaaiita ndokubva azoyenda pahembe dzake ndokutanga kutsvaka dzekupfeka ndikaona kwakubudiswa bum short nekacrop top ndokuiswa pabed. Ndakamutarisa akutoda kuofeka short rake ndokubva ndamuti asi hatichayendi here nhai Carol
Her: nemhaka yei nhai Andy
Me: ukupfeka short iroro kuti tiyende kupi manje
Her: hezvo nhaiwe Andrew ko zvakashatei handi ndinewe here
Me: hazvina kushata hazvo asi izvi hazvipfekwe nemukadzi anonzi wemunhu. Waizvipfeka uchiri musikana not ikozvino wava kunzi Mrs noo zvakatopera zviye. Kana uchida kuzvipfeka wotomirira titange taita pedu tega not uchibuda muimba mababa vangu hazviite izvi. Izvi ndezvekupfekera muno mubedroom kwete kufamba newe hausi hure rangu iwe watova mukadzi wangu saka handingatye kukuudza zvandinoda . Tsvaka short rakati rebei chero rinosvika kumabvi uku or trouse kana dress chairo kwete izvo zvawabudisa handizvide.
Akanditarisa nemaziso akazara kurwadziwa ndikamuti
Ungarwadziwa hako Carol asi kana uchida nezvangu you have to follow zvandinoda ndokuti imba imire . Mabumshorts unondipfekera muno mubedroom or kana takugara tega mumba futi not kutofamba wakadaro.
Akadzosera hembe ndokutora dress ndokupfeka hake but mood yakanga yatochinja. Kkkk zvekujaidziwa makatozvisiya kumba kwenyu asikana kuno kwamatouya matova under 10 commandments dzaAndrew.
Takazobuda ndokunoyeneka zvedu mama ndokubuda takuyenda out. Handina kumboyenda kure taingovawo muZvishavane imomo tichifara hedu. Nguva dzava kuma10 ndipo pandakafonerwa namai Jay achindiudza mashoko awo akaita seachandiwisira pasi negotsi or nemuromo handitozive kuti ndaitanga kuwa sei. Lucky foni ndakanga ndisina kuiisa paloud ndingadai ndakanzwikwa naCarol ndikapisira zvangu. Ndichibva pacall ndakasimuka ndokubva ndamuti
We have to go back Carol ndinoda kumhahya kubulawayo kuna sisi vangu pane zvaitika so hande ndokusiya kumba ndoda kumhanyako it's emergency hazvitoite ndirege kuyendako.
Mood yandanga ndatova nayo ipapo yakanga is isisiri yekuti achandibvunza zvakawanda kana. Ndakatosimuka fast ndokutanga kufamba ndakanga kumota uko kwaakatozouya akawana ndatoimutsa kudhara. Achingopinda chete ndakasimudza mota zvemufirimu chaizvo ndakuyenda kumba. Carol ndakangosvika ndichiita wekusiya pagate ndokubva ndatomhanyisa mota ndoyenda kuBukawayo. Panguva yandanga ndamuaiyq akamboda kundibvunzurudza asi handina kumupa mukana wacho. Mota yainhanya kuita seicharoverana nedzimwe hayo iyoyo. Ndakanopinda muBulawayo ndokubva ndatanga kuyenda panokwirirwa mota dzeZvishavane apo pandakasvika ndombomutsvaka tsvaka Maggie asi handina kumuona zvachose. Ndakazoyenda kuna Ray uyo aiwanza kufamba nemota yadaddy vake ari conductor ndokubva ndamubvunza kana akanga asina kumbomuonapo but akati haana kana kutombomuona zvake.
Ndakanga zvino ndakudikitira kunzwa kutsva chaiko. Akazondibatsira paakati
Iwe chiyenda kwasisi vako unonzwisisa kuti chii chatora nzvimbo ini ndinenge ndichingova pano kana akayerekana abudikira nepano ndokuzivisa sezvo ndichisimuka pano manheru kana achiyenda zvishavane tomubatira pano
Ndakabva paye ndomhanya kwasisi Mai Jay avo vakasvika vakutondiudza zvekuti akanga anzwa daddy vachitaura zvekuti ndayenda out naCarol saka akabva ati akuyenda. Ndakatombonzwa hasha dzekutoda kana kumurovawo Mai Jay ini shuwa atadza kumukiira door here. Handina kuzogarisa ndakabva ndati ndakuyenda. Ndakairova mota ndakanga kuZvishavane and ndakananga kumba kwana Maggie chaiko uko kwandakasvikirana nababa vake vachitobva kubasa. Ndakavakwazisa zvangu ndokubva ndatovabvunza zvandanga ndafambira asi vakatonditi haangambodaro auya nekuti gate rakanga rakangokiiwa saka vakatoti haapo and zveshuwawo takapinda mukati tikawana musina munhu. Ndakatombofonera Ray akatonditi ava kutouya and akati haana kumbomuona zvake .
Ndakabva kumba kwababa Maggie ndatova kunzwa kunge ndagadzikwa dombo chairo pachifuva changu. Ndaitodriver zvishoma zvishoma hangu kusvika ndanosvika kumba. Ndakasvika kumba ndokubva ndangoswedza vanhu nekutodarika kuyenda kubedroom kwangu ndisina chimwe chandanga ndataura . Ndichisvika ndakadarikira kogeza hangu ko ndakanga ndatsva zvobvira here plus ndaiona sekuti pamwe ndikazvidira mvura inotonhora kuremerwa kwandanga ndava nako kungazopera hako or kutonhodzeka hana yangu.
Ndichipedza ndakabuda ndokunotsvaka short rangu neverse ndokubva ndatopfeka nekutovata. Daddy vakauya padoor vakandigugudzira vakati vanoda kutaura neni kustudy room kwavo ndikangoti ok hangu. Ndakazomuka ndakuyenda kuye ndikawana vatovako kudhara vakatogara. Apa vachingondiona vakabva vatanga kusekerera zvavo nechavaisekerera ipapa ndakachishaya ini ivo varivo vakanga vakonzeresa zvese izvi zvekuti Maggie arasike.
End of 13
Love you team ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️
🙏
👍
😂
❤
😢
😮
👏
💃
🔥
380