MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 13, 2025 at 07:21 AM
https://chat.whatsapp.com/HZjXZw6zAxf0y3CyX4xLy0 https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj *ZVEMOYO* *BY* *MAMA NATIE 🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒* *Chapter 14* *Maggie* Mota yairohwa zvayo ndakangotsikitsira zvangu panguva yekubhadhara ndakangobudisa mari yangu ndokutambidza conductor ndisina kumutarisa kumeso. Ndaingoti gare gare ndonzwa mukoma vaye vachifonerwa naAndrew vachingoti havana kundiona . Patanga tava kunosvika kuBulawayo ndipo pandakaona mukomana uye akuita kakunditarisisa asi hazvina kundivhubdusa zvachose ndakatoranba ndakarova serious zvangh kusvika azonditi Sisi ndikufananidza here or Me: mandifananidza nani Him: hamusimi Maggie here imi Me; aaah imi musangoti kuona munhu motofananidza . Maggie wamukutaura ndewekupi iyeye Him: pana Maggie ari kutsvakwa naAndrew hamumuzive here munhu anonzi Andrew wemuzvishavane umu Me: anondidii Him: handi muri mukadzi wake here Me: kkkk kana wakatarisa kuface kwangu unoona sekwqkapusa zvekuti ndingaitiswa naAndrew ini. Haana kuroora nezuro Andrew wako iyeye waukutaura nezvake here. Iwe unditarise uchindinyara iwe handisi desperate zvekusvika pakuda kuitiswa naAndrew vamwe vakomana vari better variko kunze uko vanotodawo vasikana Mukomana uye haana kundidavira ndakona aakuramba akanditarisa hameno akanga anyanyoyeverwa nechii pandri hake. Haana kana kutozombofobera Andrew uye kusvika takunoburuka . Vanhu vakatanga kudzika ini ndokubva ndasimukawo kuda kudzika but wkanditi mira usadzika ndozonokusiya kumba kwenyu. Nepanga pava netime apa handina kutomboramba zvaaitaura hangu ndakangoramba ndirimo mumota kusvika pakapedza vanhu vese kudzika . Akazodzikawo akutaura nadriver ndofunga driver wacho ane kwaaiyends hameno because akatoburukawo ndokusara tangova 2 naiye mukomana uyu. Vanhu vachiperabakabva anditi chiuya ugare kumberi tione kufamba ndokubva ndayenda ndikanogara zvangu ndakadekara ko kutyei sekuti ndanga ndamukumbira lift . Akamutsa mota takuyenda ndaimupa madirections zvangu . Mukufamba kudaro akandibvubza about Andrew zvekuroora kwake and ndakabva ndangomuudzawo sekunzwa kwandanga ndaita nababa vake. Iyewo ndoona akabva atoti chance given ndokubva zvanzi Saka une mumwe mukomana here wauri kufambidzana naye Me: handisati nsava kuita zvekufambidzana nevanhu ini Him: that's good munhy unofanirwa kutanga wamature nekuti kuita zvevakomana at a small age ndozvekuzongomitiswa usati wambotamba umhandara. Me: yea izvozvo manje ndiwo ma1 kuita mwana kunoda wanyatsogadzirira Him: so do you mind kuti ndivewo friend yako hangu Me: handina kana pressure ini zvesw bho kana uchuda kuva friend yangu no problem Him; chindipa number dzako saka Me: handina kana nefoni zvangu yandanga ndakatebgerwa naAndrew apiwa mari nababa vake akaiisa mumvura ikafa saka ndingotori iniwo Him: eish ok foni haisi nyaya ndokupa yangu ini ndinonovgarana namudhara kumberi uko mangwana chaiko ndinenge ndatova nayo Me: ko uchizvinetserei hako foni handina kana basa nayo ini Him: kana ndichidawo kutaura neshamwari yangu ndisazotambura. Handi unoina mafambiro atinoita aya ekufamba mahusiku ndogona kusazowana time yekuuya kuzokuona kusvika week rapera saka ndinenge ndichiitira easy communication Me: kana uchiziva hako kuti hauzotambure it's fine ndipe Akabudisa foni yake ndokubva andipa akati bvisa line rangu ndorine number dzevanhu dzakawanda akati rangu aizondipa mangwana acho. Ndakaikidobora zvangu foni ndokubudisa line apa foni yacho yaitova foni svinu kutodarika kana yandanga ndakapiwa naAndrew gore riye. Mota yakarohwa kusvika tanosvika kumba nyaya dzixhitsva zvadzo namukoma Ray ava. Patakasvika kumba akaridza bell remota kusvika daddy vauya kuzovhura gate ndokubuda. Ndakaburuka ndokufamba kuyenda paiva nadaddy pamwe naRay uyo akasvika akakwazisa daddy achibva avati Ndaona kuti nekukuvara kwakaita musikana regai ndimusvitse kumba baba Daddy: maita basa mwanangu shuwa nerudo rwenyu. Zvino mari yenyu yekubva naye kuBulawayo anga akupai here Him: abhadhara baba musazvinetsa henyu Daddy; waita mwanangu wofamba zvakanaka Him: ehoi baba. Akandiwaver achibva afamba zvake kuyenda kumota kwake ndokusvika akuponda ndokuimutsa ndokurova pasi zvake. Daddy vakanditi tifambe hedu kuyenda mumba ndichibva ndaita sekudaro. Takanopinda mumba ndokubva ndaisa bag rangu pasoffa ndokubva ndagarawo zvangu. Daddy vakauya vakugarawo ndokubva takwazisana zvedu vachibva vanditi Nhai Maggie mwanangu unida ndife neBp here iwe nemaitiro ako aya. Kubva pakutanga ndakakubvunza zvaAndrew ujandinyepera kuti mofambidzana waida kuti zvidii shuwa nhasi chitarusa zvawava kuota kufamba nemahusiku akadai soo Me: sorry baba Him: hapana zvesorry apa Maggie kunyepa wakazokuwanepi zvawaingova munhu kwaye Me: ndaida kuti ndinorapiwa ndri kumba kwavo vachiona kurwadza kwazvo daddy Him: uuum hayiwa and wakaoma hako Maggie mwanangu. Zvino handi wapora hako ndovimba zvaoerera pano wakuita zveupenyu hwako Me: ehe zvaoerq ndava kunaka ini . Ko mama havana kuzombodzoka here Him: Mai vako vakabatikana nemadzingiro andakavaita mwanangy handifunge vachadzoka pano ini ndanzwa nekuye da kumba kwavo ndichizama kuti tinotaurirana asi havasi kuda kudzoka Me: saka mari iya makadii nayo makavapa here Him: handina kana mari yandakavapa vari kutoiramba avo kutaura kuno ndakaroiwedzera yatova 750 ndanga ndichitofunga hangu kuti uyende kuchikoro kuform 5 or kutsvaka course yekuita hako woita Me: ndichaita kana ndambotanga ndinotaura namama Daddy: zvakanaka mwanangu chikafu chiriko kukitchen kana uine nzara enda unotora hako uzodya tigoyenda kovata Ndakasimuka ndokunotora sadza raivako ndokudzoka ndokutanga kudya ndichioedzs ndokuyenda kovata hangu. Ndakambobaya baya foni yangu itsva iyi ndichingoona hangu ndokuzovata. Makuseni daddy vakamuka vachiyenda kubasa kwavo ini ndokusara ndakuita basa rangu ndokuzombobuda kuyenda oamamai anowadza paroad ndaida kunotsvaka maearphones pamwe nekutsvaka line rekuisa kuphone ko ndingamirira Ray ndoziva anouya nguvai here pamwe haatouye nhasi kwacho futi. Ndakanotenga maphones angu ndokutsvaka neline racho ndokuregister zvese zvaida kuregistwa ndokubva ndatenga neetym yangu ye5 us ndaida kutenga madata angu akasiyana siyana . Ndakatokumbira mukomana wakanditengesera line kuti andidelitire maaccounts away andiisire angu achibva andibataira hake nekundiisira maaplication akaita sewhatuo nefacebook nemamwewo ndokuzodzokera zvangu kumba. Ndichisvika kumba ndakangonanga mubedroom mangu ndokubva ndanovata ndichibaya foni yangu . Sezvo number dzaRay qkandipa ndakamufonera hangu ndichimuzivisa kuti asachitenga line zvakanga zvatoita. Mazuva akatanga kufamba ndri pamba pababa vangu zvawo. Ray akanga asinganyanye kubatika nekuda kwebasa rake asi kufona aisarega hake pamwe nekundiisira etym and ndiye aitondiudza maupdates Andrew akanga atibva koroora Carol wake and iyewo sasahwira akatoyenda zvake kobatsirana kurova gusvu navasahwira. Mumazuva iwayo ndakatangawo kuyenda kunba kwasekuru baba Mitchy kwaiva namama ndichinotaura navo kusvika vanzwisisa ndokudzoka kumba nevanikina vangu. Mazuva akatanga kupindana ndakanga ndstonaira pamba oedu zvaAndrew ndakanga ndisisina kana basa nazvo zvachose. Ndakanga ndatova interested naRay chero zvake akanga asati asvitsa shoko. Mumwe musi Ray akandikokawo kuparty iyo yaaiti ikuuya macouples so iye semunhu akanga asina wake akandikumbira kuti ndiuyewo ndiyende naye. Sezvo yakanga iri yamasikati handina kuramba ndakataura namama vangu vakandibvumidza asi vakangoti ndizokasira kudzoka kana ndayenda ndichibva ndabvumirana navo. Ndakageza ndokuofekawo zvakanga zvakanaka ndokutorwa naRay pagate takuyenda. Muroad mese Ray aingondirumbidza zvake maringe nekuchena kwandanga ndakaita. Ndakazobhowekana akunditi kuparty kwacho vana Andrew naCarol vanenge variko. Kamufaro kakatombotama chaiko ko ava vaidei futi. Semunhu akanga agara abuda pamba handina marambiro andaiita hangu takangozoramba toyenda.kusvika takosvika kwsiva neparty yacho kwaaiti kumba kwefriend yake akanga achangoroora uyo akanga avadanawo kuzongofarawo naye pamwe nekuzivisawo mukadzi wake kushamwari dzake. Takanosvika kuparty kuye kwatova nevanhu vakawanda zvako . Takasvika ndokubva tanogarawo paiva nevamwe Ray ndokutanga kukwazisana nevamwe vake and vese vaingomupa sando ndoona vaitofunga sekuti tiri musikana nemukomana . Waingonzwa kuti Haa wakabata simbi muface wangu. Vamwewo ndevaiti Wakurema kupfuura chitunha pamuksaka pemwana waunaye uyu. Kana ari mapics ndakanzwa nawo this day . Mashamwari ake aitopenga chete awa. Mufaro wakazopera pandakaona mota yaAndrew ichipinda kugate. Ipapo ndakanzwa kutya kwakanyanya mandri handizive nei. Tuziya ndakatunzwa tuchinyautsa nyautsa muviri wangu panzvimbo dzese. Ndakanga ndakangoisa maziso kumota yaAndrew uko kwandakaona kuchibuda iye nemukadzi wake . Vachibuda mumota vakafamba kumwe nemumwe akatonanga nedivi rake kuita sevanhu vakatsamwisana zvavo. Andrew akasvika ndokugara paiva nevamwe ndokukwazisana havo . Mukadzi wake akanga atogara kwake ega hameno akanga adii. Paakasvika pandri ndakaona achiita kakuvhunduka soo asi semunhu mukuru akazongokasira kuzvodzora asi ndega ndakatoona kuti reaction yaaita iyi pane zvamuvhiringa chete. Akazosara kupedzisa kujwazisa vanhu atova neimwe mood. Paakapedza kukwazisa vanhu mumwe aingonzi T1 akabva ati kwaari Waiona here tambo yakazonokakatwa naRay nhai Andrew kwete zvenyu zvana Carol avo vanosvika pavanhu nemamoods . Tarisa uone zviripo paari mwana akasikwa . Uyu Ray ujasatofamba wakaisa pahapwa tokudyirawo apa aaah iwe Andrew akangofacker smile ndokutonyarara asina zvaataura hake. Mumwe wake ndiye akatozoti Ko zvamatova kudikitura wani nhai baba kwakanaka here Haana kudavira akangosimuka ndokuyenda kutoilet kuda mudumbu wakanga watobata hameno ko Andrew wacho panombova nemunhu akaiswapo nanikowo. Ini ndakatozosimuka ndakuyenda kuna Carol hangu ndokunogara naye tichiita nyaya zvedu tichivarairwa. Party yacho ungati yakanga yangoitirwa vanhurume chete ndovaingonwa zvavo doro. Munguva shoma Andrew akazodzoka pataiva naCarol achibva ati akumboyenda mutown kotsvaka madrinks anodzoka soon achibva atobuda hake. Zvesurewo akanomatsvaka madrinks ndokuuya nawo ndokubva atanga kugovera vanhu ariiye womene ini akandipawo rangu and akandioa favorite yangu handi aiiziva here Vedoro akauya nemawine nemadrinks acho akudilutisa ndokuvapawo. Vanhu vakatanga kunzwa zvavo zvaitonhorera izvi zvakanga zvauya naAndrew asi kunguva pfupi ndakaona vanhu vakutanga kungoita kuvata kusara kwangu naiye Andrew chete. Sacarol akangovata pamushana ipapo paanga ari nhaimi. Pkanga pavata vanhu Andrew akaiya ndokubva andikakata zvine karough mukati ndokunonditsveta mumota make achibva atoisimudza nhaimi ndoyendwa neni kwandsisaziva zvachose kuti ndepi. Ndakambozama kuda kuexolena but wekuudza pakanga pasina ndaingoti kana ndikads kutaura onditi ukundiitira noise ndotonyarara hangu End of 14 Macomments please simba riwandewo rekunyora
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 ❤‍🩹 💖 💙 232

Comments