
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 13, 2025 at 07:55 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
*MHURAI 🖤🖤🖤🖤🖤🖤🖤*
*Written by Mama Natie 🍒🍒🍒🍒🥏🥏🥏🥏0778315695*
Edited by Mama Nyasha aka Vee Kays 💝💝
*Chapter 2*
*MHURAI*
Ndakasimuka ndokuita zvekupakura mutakura ndichiisa mumandiro since uriwo watairarira that day ndakanga ndakutopakura kuti vanhu vadye havo ini ndiwane kunovata. Vasikana vakasimuka vakanochinja ndokusara ndiina ambuya asi kusara kwandakaita navo hatina kumbosara tichitaudzana yaingova zii zii waingonzwa noise yavo yekuguguda mabhisvo neyendiro dzandaipakurira. Ndichipedza kupakura ndakapa mbuya wavo mutakura ini ndokuzvigarira kumberi ikoko ndotanga kudya ndakangonyarara.
Mercy naMellisa vakazouya ndokutorawo chikafu chavo ndokugara pabench votanga kudya uku vachiita nyaya naambuya.
"Vakomana venyu vanhu kwavo vazukuru vangu. Shuwa shuwa vanotoziva kukutengerai zvekudya kuti muzondipawo ini mbuya venyu. Chero mukaroorwa navo handione vachizotadza kundichengeta ini nekuti vatoratidza kundida kumavambo kuno"
"Vanotenga mbuya ipapa weekend vatoti vanoda kubuda nesu out kuyenda mutown chaimo obvious totonodzoka tiine zvisugar sugar moti papi patingangoyenda dhorobha todzoka tisina zvekudya zvinoshanda mukitchen", akadaro Mercy zvikanzi naambuya
"Yuwii ndokunaka kwaMwarizve uku vazukuru vangu. Matodaniwa kunzi handei kudhorobheni. Iiiih kana mayenda vazukuru vangu mukaona mukanzi nongai zvemumba itai kutononga ma10 kgs chaiwo timboidyawo mari yemakorokoza ekwaMakamba handi ndivoka vakomana vaye vanoita zvechikorokoza vamofambidzana navo"
"Mumwe haasi wekwamakamba mbuya anobva pamberi pacho paye paMusuki asi vanongova mashamwari nemashamwari havo. Kana tikainda mbuya tokuvimbisai kudzoka tichiita kuremerwa chaiko nechikafu handi vakabva kumakomba kwavo ikoku kuswera nezuro kureva vanotova nayo mari", akadaro Mellisa achiita ka kuzvida. Zvikanzi navo mbuya
"zvino mune hembe dzakanaka dzekupfeka here vazukuru vangu veduwe. Handiti kutawundi kunodawo makachena plus zvevanhu vanoyenda nevakomana vavo haaa mofanirwa kusanyadzisaka"vakavadaro pakuti zveshuwa hembe dzakanaka dzinototarisika takanga tisina kana ka1 zvedu. Hembe dzedu akanga angova marengenya aingobvira kupfeka pamba. Ivava vana Mercy kuyenda kuchikoro kwavanga vachiita was because of beam yaivabhadharira. Mauniforms ndiwo ataiita maricho tichitsvakawo hedu nemabooks. Mugoona zvinoita Mwari zvakangooma. Mari yaibhadharirwa vana Mercy naMellisa handingati ibeam yanga yakuvapinza . It's like donor aingobhadhara kubva ndichayenda kuchikoro and donor iyeye nekugona kwandaiita akanga ari willing kundibhadharira kusvika ndapedza college asi manje zvakazoitika vana baba namama pavakashaya ndikaona vanin'ina vangu vakushaya mari yekunzi vaite secondary yavo ndopandakataura nahead kuti donor uye ini ndava kusiya chikoro muroad ndokumbirira vana vamai vangu ava vapedzisewo. Head vakandinzwisisa vakati vaizotaura naye asi vakati kwaizodiwa 1 munhu asi pavakazotaura naye vachimuudza zvandanga ndaronga navo akabva azongoti ava kuvabhadharira vese vachibva vaiswa palist yevana vaaibhadharira. Ndichiteerera vachitaura nyaya yekuendeswa kutown iyi moyo wangu waiita kubaiwa baiwa chaiko kuti shuwa vava kutorasika ndichiona vana ava.
"Hembe haisi kana problem gogo tine mashamwari edu anowana zviri nane saka tichatovakumbira dzekupfeka musi iwoyo tichiyenda"
"Hakuna kwamuri kuyenda Mercy neweekend iyoyo". Ndini ndakataura uku ndakaita kudzikama zvangu nekuti ndainzwa kuti ndikataura nevoice rine hukasha ndogona kungochema.
"Ooooh inzwai kune iri dumbazana rigere uko. Hakuna kwavanoyenda kuti ndiwe ani wavo. Izvezvi vakaenda vakanouya nesugar hatikuone wakushama romo iri uchiimwa tea yacho. Unotova dambudziko muzukuru wangu. Mweya wako waunawo ukaramba wakaurera uchazosara kukwegura woroya chaiko iwe. Kana uchiona zvichikunetsa zvepano hauende koroorwa here. Vamwe vese vezera rako vakapera kuroorwa ko iwe chii endak koroorwa wakasungirirwa here pano " vakadaro mbuyq vachiita kundidzvondora manje zvekuda kundityisa zviye.
"Imi mbuya mukadaro munenge makutokonewa kurera vana ava. Hamungakurudzire vana ava kuenda nevakomanaka nemazera avo aya. Pakuti muvatsiure imi matova busy kuvakurudzira kuti itai. Vakamitiswa vana vacho munovapei imi muchiona tichitotambura zvekudya zvedu what more pazowedzerwa vamwe vana"
"Vanomitiswa ndiwe Mwari iwe. Kuipa segudo rinochemera kuseva rutatu. Uri benzi haikona. Kana waguta zvepano unobva ndosara nevanochengeteka handigare nemunhu akutoda zvekumirisana neni ini"
Ndakasimuka ndokubuda ndoyenda kovata kuround yedu. Ndakasvika kuye ndokubva ndagara pamachira ndokutora Bible rangu ndokubva ndatanga kuverenga ndichivhenekerwa nekalight keparafin kataishandisa.
Ndakaverenga maverse andaida ndokubva ndazonamata hangu ndokuvata ndakumirira vana Mercy naMellisa ndaida kuzotaura navo pasina mbuya ndichivaonesa kushata kwezvinhu zvavanga vakuda kuita izvi.
Vakazouya vasikana ndanguva ndamirira and vakangouya vachipinda mumachira ini ndokubva ndashandisa mukana iwoyo
"Vana Mellisa naMercy moona here sekuti zvamuri kuita zvinhu kwazvo vanin'ina vangu. Zera renyu iri nderekuti mudai momhanyidzana nevakomana zvekuti mava kutotorwa muchiyendeswa out here?. Hamuone kuti makutotsvaka kuzviurayira future yenyu yanga yakangozvinakira nezvinhu zvisina basa rese. Tiri nherera vana vababa vangu ndosaka muchiona neni sisi venyu ndisati ndatomboita kana mukomana chaiye nezera rangu ireri ndichiri kuzama kuonera life kwainoyenda. Zvino imi vadiki vakadai mamhanyirei kuita zvevakomana shuwa. Wani tozama kutsvaka zvatinokwanisa tichitorarama imi chamazonyanya kuchiva chii chaita muite zvevakomana kutangira ini sisi venyu"
"Mhurai mwana wababa vangu dambudziko riripauri ndoona sekuti nderekushata kwawakaita ikoku kuri kukutadzisa kuonekwa nevakomana kuti vakupfimbe iwe wakutoona sekuti kuzvichengetedza. Hatisi isu takati ushate mhurai zvekuti kudei uri mumwe wasiyana nesu watopedzera nguva yako mukugeza uchizvitsvaira kuzama kuvhara kushata uku zvimwe ungawanawo anoti ndokuda ukaroorwa. Ini naMellisa tava vanhu vakuru zvekusamboda kuudzirwa kana dzava nyaya dzevakomana idzi siya takadaro tiite yatoita tikamitiswa tisu yozvionesera kuti torarama sei zvisina iwe mukati saka don't worry handiti. Mind your own business wamai vangu"
"Mercy ndini wauri kuudza zvekuti mind your own business izvi nemoyo wako wese uri kurevesa iwe" I isaid ndichinyatsonzwa kuti shungu nehasha zvanga zvandibata. Mashoko ake aakandiudza ekuti kushata kwangu kwakuita sekuti ndakazvichengeta kuri kushaya anopfimba akandibaya moyo chaiwo nekuti chaitova chokwadi. Asizve chero ndichishaya anopfimba ndipo pandingazorega kutsiurawo here vana vababa vangu kuti vasaita semhuka . Maziso akanga atozara misodzi ndakutoda kuchema and ndowakanga uri mugariro wangu wekuti ndikaudzwa zvinorwadza nana Mercy ndotodonha misodzi.
"Asi unoti mumwe waangabvira ndiyani nhai Mhurai. Iwe ndiwe ukutaura naye Mercy uyu saka mumwe waangapindura ndiyani. Chabaya moyoka chokwadi wakubvunza zvekuti ndini waungadaro here. Kutaura chokwadi sisi Mhurai izvi zvekuda kuzivirana zivirana zvoda kuita zvishoma mumwe nemumwe ngaangotamba yake tichiyenda chikuru kuwana chekurarama zvimwe zvese zvangova ngano izvo"kakadarowo Mellisa and aka nezera rako nemashoko akakandipindura ndokakasimudza hasha dzangu ndikamuka fast ndikavawaranura machira ndikatanga kuvabhukuta nemambama nezvibhakera.
Ndakavarova ndisina kana fungidziro yekuti vangada kumirisana neni vana ava asi ndakazoshamisika vakutondibatsirana kundirova. Nomatter how small were they kwandiri vanhu 2 vanhu 2 vakandikurira and kundirova kwavakaita ndoona sekuti vakanga vagara vachitova negrudge neni nekuti ndakazorohwa zvakaipisisa apa vachirova vachirutsa mashoko zvavo.
Mbuya pavakauya kwataiva ndaiti pada vachaitawo action asi ndakanzwa vakutovakuza kuti imbomurovai azive kuita zvake kwete kuda kuti nanga nanga nemi ibenzi remunhu.
*End of chapter 02*
*Stay tuned*
❤️
🙏
😢
👍
😂
❤
😮
🤣
80