
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
June 14, 2025 at 10:18 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y
https://chat.whatsapp.com/I6WOrxqqzqKFTTgBFQTeQj
*ZVEMOYO ❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️*
*Written by Mama Natie*🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒🍒
*Chapter 16*
*Maggie*
Ndakafambisa ndokubuda palodge apa kuyenda zvangu kotsvaka zvimota zvinoyenda kumasvingo MuMasvingo hamuna kundirwadza sekuBukawayo nekuti maiva nevanhu vanotaura shona saka zvakandiitira nyore kunobvunza ndokubatsirwa. Ndakabvunza kwaiwawikwa mataxi anoyenda zvishavane ndikatoperekedzewa nemumwe mukomana anoita zvekuchinja mari soo uyo akanga akutondikumbira # dzangu hanzi ndipeiwo # dzenyu. Ndakangomuoa dzekunyepa ini handi akakumbira mota yakuda kupfuura here.
. Ndichingopinda mumota ndakaudza murume wemota kuti mari ipay foward akabvuma hake . Ndakamubvunza zvekare kwaainomira akandiudza ndichibva ndatofonera mama vangu ndikavati vauye nemari yemota vazondibhadharira ko ini ndaiiwanepi mari yekubhadhara.
Vakamboda kunzwisisa kuti ko ndikubvepi but ndakavaudza kuti vambouya nemari zvekwandri kubva tichataura. Nguva dzakanga dzatova kuma4 pm patakasumuka muMasvingo kuyenda zvishavane. Lucky mota yacho yaimhanyawo hayo hatina kutana kusvika munguva shona takanga tatovako kuzvishavane and ndakawana Mona aripo nemari ndiye akanga azotumwa namama. Ndakabhadhara baba vaye ndokubva tatanga kufamba tichiyenda zvedu kumba. Mona ndoona aitoshayawo kuti ko sisis vari kubvepi asi wekubvunza ndiye akanga asipo nekuda kweserious yandanga ndakarova. Panguva yandanga ndava pedyo nekunosvika kumba foni yangu yakatanga kurira. Ndakaibudisa ndokutarisa ndokuona ari Ray aifona ndikaziva kuti pamwe ndokumuka kubva paye pqvanga varadzikwa nebenzi rinonzi Andrew iri. Ndakaidavira zvangu ndri low ndakanga ndakatodhiniwa kare ini.
Hello"
Him: ko wayendepi nhai Maggie let's hope hauna hako kuyenda naAndrew because ungandikonewa
Me: ndrikumba Ray ini kuyenda naAndrew kupi ndasiya vanhu vese makavata ndatoona kuti ndakubhoikana ndikuyenda kumba zvangu mazomuka nguvai
Him: Andrew haapowo wani Maggie taura chokwadi haasiriye akutira zvechisimba here
Me: ndri kumba ini kana uchiti ndonyepa huya uone kuti ndripi. Andrew handitombozive nezvake kuti ayendepi
Him: hooo zvatova zvekuonana zvatova zvamangwana maybe ndabva kubasa zvaizvezvi handichakwanise kuuyako ndikuda kumbonosiya kukadzi waAndrew kumba kwavo nekuti haana wekuyenda naye murume wake haana kudzoka uyu.
Me: ok wofamba bho( zvekuoerekedzana kwavo zvaiva nebasa rei neni hangu ngavaperekedzana havozve.)
Akabva adambura nhare yake hake. Isuwo munguva shoma yakazotevera takanga tasvika kumba zvedu apa ndakasvika mudhara vachivavira mama pamusaka pemari yavanga vanditumira naMona. Ndakangonzwa zvichinzi
Makutomujaidza Maggie Mai Mona kutomumuita hure chaiko. Iye anga ayenda kupi kwaanoshaya mari yekudzoka kuno kumba anga ayendepi . Chava chihure ichi chamava kumusupporter kana anga ashaya mari mungadai mangomusiya kana kuri kugara ikoko agareko anga amboyenda achiti anoyendepi.
Panguva iyoyo ndakabva ndagogodza padoor zvangu ndokubva mama vadavira ndokubva ndafamba tichipinda mukati. Patakapinda mukati ndakasvika ndoswedza vanhu asi daddy havana kudavira ndoona kutsamwa kwavanga vakaita. Chero kuti ndiwane simba rekugaramo ndakarishaya izvo zvakatondipa kudarika kuyenda kubedroom kwedu naMonna ndokusvika ndozvikandira pabed ndakatarisa mudenga zvangu ndichitombogaya zvanga zvaswera zvichiitika muzuva ranhasi..
Mushure menguva shoma ndakazoona mama vakuuya kuroom kwangu ndokusvika vachiti
Maggie mwanangu baba vako vati hanzi undiudze kuti wanga wayenda kupi pasina izvozvo hanzi unodzokera kwawabva.
Me: mama imi handikwanise kukuvanzirai zvachose asi handizive kana ndakuudzai muchanozvitaura sei kuna baba.( ndakavarondedzera nyaya yanga yaitika zuva racho kusvika pakuzosvika pamba kwangu. Pandakapedza kurondedzera mama vakanga vabata muromo wavo zviye zvekushamiswa vachibva vanditi
Saka wamusiya ega Andrew wacho nhai Maggie?
Me: ndatobudamo ndichiita kutiza mama ko panga pachakanaka here
Mama: Maggie unomboziva here kuti zvawaita unogona kutouraya munhu chaiko zvaunototaura uchiita asi if wagona
Pandakanzwa zvekufa kwemunhu ndakavhura naziso zvekushamisika zviye ko ndaimbozvuziva kuti ndokwazvinosvitsa here. Ndakangozvinzwawo zvichitaurwa nevamwe mazuva tichayenda kuchikoro vachiti kana mukomana akada kurara newe zvechisimba unongomibata ipapo
Mama: ehe mwanangu izvezvi kana akasawana rubatsiro nekukasika anogona atosara akafa mwanangu. Usambofa watamba uchidaro hako manje izvezvi toziva zvipi shuwa.
Maihwe tudukita twakayerera muviri wese manje kushaya kuti ndodii ko. Ndakazama kuda kufunga asi ndakasvika pandakapererwa nezvekufunga ndokusiya. Mama havana kuzogarisa panguva yavanga vakuda kubuda foni yangu yakaringer . Ndakaitarisa ndokuona iri new number . Ndakakasira kudavira ndiine pfungwa yekuti pamwe ndiAndrew asi akanga asiri iye. Ko kana waita nyaya yakaoma unenge uchanzwisisa here . Munhu akanga afona akangoti ndichidavira foni ndokubva ati
Kasira hako kutaura kuti mwana wangu arikupi or else unovata wava mumaoko emapurisa muzuva ranhasi
Ava vaiva Mai vaAndrew vakanga vafona ava.
Ndakakonewa kana kupindura ndakanga ndakungotsenga tsenga rurimi kusvika mama vatora foni ndokuti
Kana muchikwanisa kuuya huyai kumba muzvinzwire nyaya yacho asi huyai nekukasika tione kuti rodii.
Havana kudavidza vakabva vatocutter . Mama vakazosimuka ndokuyenda ndoziva vakanga vakutonoudza daddy zvanga zvaitika manje. Ini ndakasara ndichingoita up and down neimba yese . Ndakanga ndaita izvi ndichiti kungwara asi zvino zvazvava kuda kundipinza busy kudai ndichadii. Mushure mekanguva ndakaona door rovhurwa zvahasha nadaddy avo vakangosvika vachindigamuchidza mbama vasina zvavataura neni. Hamawee ndakarohwa musi uyu apa kuzondirova vachinditukirira vachiti mweya wechihure neweumhondi utame mauri. Vakandirova kusvika vaneta ndokubva vazoti
Kana ukauraya mwana wevanhu unoyenda kujeri straight uri benzi remunhu nhai. Zvawanga wati akutora nechisimba wadii kufona kuno watizivisa kuti ndozvikuitika. Kutaridza kuti manga mawirirana wayendwa newe wozosvika wakuita zvakadaro kumwana wevanhu. Waregerei kungoita zvaanga achida handi ndizvo zvawanga wafambira here. Manje hameno hako namai vaye ndotokuudza ini hameno hako.
Baba havana kumbondipa nguva yekutsanangurawo side rangu wena vakabva vatobuda vakati ita uuye kuno hako kugate kwatova nevanhu I guess ndivana Mai vaAndrew saka huya ugozozvitaurira nyaya yako .
Ndakasara ndokutanga kufamba kutevera kwakanga kwayenda daddy. Vakanga vatova panze vachiyenda kovhura gate. Ndakasara paverondor pakanga pakamira mama ndichingodzana dzana manje. Gate richivhurwa ndakaona mota yababa Andrew ichipinda hana ikachiwedzera manje kurova. Vakamisa mota yavo ndokuburuka kuuya kuverondor. Daddy vakada kuvati tipinde mumba asi ivo vakaramba vakati ndinoda kuziva kune mwana wangu chete kusati kwanyanywa kudoka nekuti foni yake haisi kupinda zvachose
Daddy vakanditarisa vachibva vati
Maggie zvimwe zvese uchataura wakuyenda kovataridza kwawasiya Andrew ini handina mashoko andinokwakisa kutaura nehure rakaita sewe
Pasina kutambisa nguva baba vaAndrew vakabva vanditi handeyi tione Maggie kuna Andrew kwacho maexplanations muchapa tava pamwe.
. Mama vakatoona kuti zvakanga zvisina kumira mushe vachibva vakumbira kuna daddy kuyenda neni vachibva vabvumirwa zvavo ndovandakazoyenda navo nababa vaAndrew mai vacho hameno vakanga vazosarirei zvavariivo vanga vatombondifonera.
Mota yairohwa takananga Masvingo. Mama ndivo vakazodzimura runyarararo vakuti
Zvatinotirwa nevana vedu ava shuwa zvikuru pasi pezuva
Daddy; ko chiiko chambonyanya kuitika nhai Maggie mwanangu handina kuzombobvunza pfungwa dzawandirwaka. Aita sei mumwe wako
Mama: aaah zvinotyisa zvatinoitirwa anevana ava. Baba Andrew nyaya iripano yakatooma yaitwa nevana vedu ava. Maggie asiya akanganisa Andrew akatiza hanzi anga achida kundibata chibharo saka amukava pasingaite ndokubuda achitiza
Daddy: aaah zvino zvakagoomei hazvo handi iye Maggie anga achizvirwirawo here kubatwa chibharo ndokuti agodzidza Andrew haakure hameno akaita sei. Izvezvi kwaabva kuparty uko zvinonzi asiya adhakisa vanhu vese kusvika pakuzongovata ndokubvapo kwaaita naMaggie
Mama: musikana anga ambotaura hake
Him: aah hameno hake kana akakuvara mazvokuda ayo chandoziva ndechekuta haana hake kufa hana yangu irikutondiudza izvozvo.
Havana kuzoramba vachitaura vakanga vangova pasteering chete ini ndichingovapa madirections. Panguva yatakanosvika takawana vanhu vachitova pareception and kungoonekwa kwandakaitwa ndakanzwa mumwe mushandi wepo akuti
Sir kana ndisingakanganise uyu musikana uyu ndiye apinda nemukomana uye wayendeswa kuhospital uyu.
Sir vaye vaibvirwa vakabva vakasira kukanda maziso avo kwandri ndokubva vati
Ndiwe here wauya nemunhu anonzi Andrew auya pano masikati
Me: hongu
Him: saka apa ukubvepi and tinoda kuti utizivise zvawasiya waita mukomana iyeye
Me: handina zvandambomuita ini ndiye watatouya kuzoona
Him: ok chirega ndifonere mapurisa ugonotaura nyaya yako kumberi kana usiri kuda kutaura pano nekuti haungangoti iwe uriwe waoinda nemunhu wakuti hauzive kuti aita sei
Daddy: am sorry Mr nekusataura kuri kuita musikana uyu . Zvekutaura kwake hazvina basa zvachose chakakosha ndechekuti atouya kumba kuzotiudza kuti hakuna kumira mushe kuno. Andrew wamuri kutaura nezvake ndini baba vake ane problem yekungodonha onyarara saka musaomesera zvenyu musikana uyu tauya kuzoona Andrew wacho
Sir: hoo hatina hedu chatati taudziwa kubva kuchipatara kwacho nekuti atowanikwa manheru ano panga pakuyendeswa chikafu chavo kuroom kwavo ndipo paawanikwa akangodonha ari pafloor. Kumuka anga akamuka hake asi anotaridza kuti anga asina simba nekuti kana kutaura anga asinganyatsotaura so tatongoona kuti regai timusiye amboonekwa kuchipatara achazotaura hake kana anaka
Daddy: ok hapana problem ndingakwanisa kusvika kwaari sei ndinoda kunomutora ndoyenda naye kumba kwedu kuzvishavane ana doc wake anowanza kumurapa saka ndiko kwandichayenda naye. Mota yake ndokumbirawo kuisiya ichazotorwa mangwana
Him: hapana chakaipa hapo. Kuchipatara chihandei ndokusiyai kwaari.
Takabuda ndokuyenda kuchipatara kwaannga ari Andrew uyo watakatowana akabairirwa madrip kuda kwaiva kuwedzerwa simba hameno. Paakaona daddy vake ndakaona achiita kakuvhunduka ndoona aitoziva kuti hazvisina kumira mushe. Tichisvika paye daddy vake vakamuregedzera mbama chaiyo yandakatotya kuti shuwa vangarova munhu ari pamadrip here. Ini panguva iyoyo ndakanga ndakudedera manje kuri kutya kuti ndonzwii zvangu.
Pasina nguva yakanyanya kukura zvekubudiswa kwake zvakanga zvatoproceswa ndokubuda tava kuyenda kumba. Munzira mese hapana aitaura nemumwe Andrew aingondicheka neziso maybe kwainzi pandichapora ndichakubata chete hameno ikoko hanya nani zvangu.
Takanosvika kumba ndokubva baba vaAndrew vanditi usaburuka ndikuyenda newe kumba kwangu baba vako ndovaudza kuti ndichadarika newe uchazodzoka zvako mangwana .
Vakangoburusiwa ndimama chete ndovakasiiwa pamba ini ndokudarikwa neni. Takasvika kumba ndokuwana Mai Andrew vatovata havo muroora wavo akanga asipo akanga achinzi ati ndoyenda kumba kwedu hameno kwakanga kwaitikei kumba kwacho. Baba vaAndrew vakati tisangane kustudy room kwavo kureva ini naAndrew. Matauriro avakaita haana kuti waimirira kuudziwa kaviri zvachose kusara kwekutongoyenda chete uchimhanya. Takaita kumhanyidzana naAndrew kuvatevera. Takasvika tikawana vatobata mboma mumaoko . Aaah baba ava vakanga vakuda kupinda nemwenje mudziva manje kuda kurova ini here iii hayi izvo ndozvakanga zvisingaite zvachose haa vanorova mwana wavo kwete ini . Kana vasingandizive nhasi ndinovashutira mafirimu muno. Vakatora Andrew uyo akanga asati anyatsosimba ndokumupa zvakaringana naye vachibva vabata ini ruoko vakanditi kasira kuvata pasi.
Haa ini zvekuitiswa maya ndakanga ndisingatombode zvachose. Ndakaramba ndakamira apa ndichiitisana nharo navo kusvika pavakandipa mucheka wembama vakati
Handina kana size newe wazvinzwa. Usada kundiitira kahunhu kechihure kumeso kwangu ndokukanganisa kasira kuvata pasi apa tione. Unoina sekuti kumera mazamu watova munhu mukuru zvekukikiritsana neni iwe. Usada kunditaurisa mashoko asingaite pauri iwe uri mwana wangu kasira kuvata ndisati ndaita zvezvibhakera kwauri
Ndakavatarisa neziso rakasara muzhara riye ndokubva ndavata pasi pacho vagotanga kundirikita mazvinzwa. Ndakarohwa kudarika zvavanga vaita Andrew chaizvo. Vachipedza vakabva vati
Handina zera nemi mese zvekuti mungada kundishandisa kusvika pakadai manzwa. Ndimi makatanga nyaya idzi nanhasi makuramba muchiyederera futi mberi nadzo kuti zvidii. Chandikuona pamuri ndechekuti munodanana vanhu imi asi vamunoda kushandisa vanhu manje hatingashandiswe nepwere dzakaita semi. Munomu muchabuda mangwana zvanhasi movata muno musina kana nejira futi muchirangana kuita hunhu mapenzi evanhu
Vakabuda vachibva vakiya door ravo ndokutora makeys ndokusiiwa tangomirisana naAndrew manje. Seni ndaishaya kuti ndotangira pai nenyadzi vasikana hameno kuti kusvika konoyedza ndinenge ndadii zvangu nabhudhi ava ndikasarohwa ndimwari
End of 16
Kana pane ane tsitsiwo ngaanditengerewo data veduwe ndava ne3 days ndichitenga data richingonyangarika saka kana necent handichina can someone help me please😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭 ndisati ndabva online number yangu 077 8315695 😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭
Ndri nherera ndakafirwa musandinyimawo henyu😂😂😂😂😂😂
Mama Natie loves you all team team❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️❣️
❤️
👍
😂
🙏
❤
😢
😮
💋
😃
🤗
190