MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 2, 2025 at 04:14 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g VIMBISO STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE CHAPTER 5 VIMBISO "Nhai mwanangu Vimbiso ndiyo nzira yawafunga kutora here iyi?" "I'm sorry mom, zvakangoitikawo ndisinga fungiri ini" "Asi wanga wane pamuviri here?" "Kwete mhamha asikuti mukomana wangu anga akunetsa akuti akuda kugara neni ndosaka ndakazobva kumba" "Handizivi hangu kuti waita sarudzo yakanaka here kana kuti kwete, asi chandinoda kukuudza hanzi nevakuru chava chigondora chava mombe. Sarudzo waita wega handidi uzochema wotanga kublamer vanhu nekuda kwedecision yako. Izvezvi wandisiya panguva yakaoma handizivi kuti baba vako ndovaudza kuti kudii?" "Mhamha musanyanya kufungisiya zvenyu nekuti inini nemunhu wangu todanana zvakanyanya. Izvezvi arikuunganidza mari yekuti auye kuzoroora, Dad mongovaudza vanonzwisisa" Havana chavakazo taura ndakazoona vanyarara ndaingonzwa kufemera pamusoro ndichibva ndaziva kuti vaichema. Ndakarwadziwa ndichibva ndakata runhare. Tavonga akauya pandaive ndakamira nekuti ndaive ndasurukirwa. Akasvika akandibata muchuuno achibva anditarisa kumeso zvikanzi, "Watsamwei nhai bby, asi mhamha vataura zvisina kukuitira here?" "Kwete ddy kungoti ndavasuwa chete" "Don't worry bby nekufa.ba kwenguva uchaita uchivakanganwa zvishoma nezvishoma. Ndakatombozviitawo first time yangu pandakatanga kupesana nevabereki vangu asi ndakazojaira nekufamba kwenguva" Akaona kuti zvaaitaura ndaisaratidza kuterera zvangu ndaito funga kuti mhamha vaizoudza baba vangu sei nyaya yekutizira kwangu, akabva atanga kundikisa zvakaita tizopedzisira taita mutambo wevakuru. Mazuva akafamba ndaiswera zvangu pamba Tavonga paanenge arikubasa, zvinhu zvedu zvaiendeka. Mazuva ekutanga ndaitya kuti zvimwe Tavonga aindinyepera kuti anondida asi ndaive ndakuzviona ndega kuti ndodiwa mhani. Mwedzi waiti ukapera aiuya nemari yese ondipa toronga pamwe chete semhuri. Hatina kutora nguva imba yedu yaive yazara nemidziyo zvekuti takapedzisira tatotsvaga dziri two rooms chaidzo. Pazvinhu zvese chinhu chaindishungurudza Tavonga aisada kuti nditaure nehama dzake aingonditi ndaifanira kutanga ndabata nhumbu ozoenda neni kuhama dzake. Handina hangu kumbobvira ndaiita nharo ndaingo terera zvose zvaaitaura nekuti ndaiona kuti aindida. Chinhu chaiita kuti ndinyanye kumuterera inyaya yekuti every month aindi chengetesa mari achiti ndeye kunondiroora. Rimwe zuva ndakatoti ndiri mubath ndichigeza ndakanzwa noise panze but chakandinetsa aive mavoice rechiryme nerechikadzi. Rechirume racho ndaitonzwa kuti ndera Tavonga. Ndakageza fast ndichibva ndabuda mubathroom kuenda kuroom kwangu. Nguva yandakasvika pa.ukova ndakabva ndamira sezvo ndakanzwa kuti vanhu varikutaura vaiva muroom mangu. Ndakanzwa izwi rechikadzi richiti, "Ndiri kuzviziva kuti urikugara nemunhu wechikadzi, munhu akandiudza haambofi akandinyepera" "Mhamha saka makutoita basa rekutuma vanhu kuti vatsvage kuti ndiri kuita nezvei handiti?" "Hakusi kutuma vanhu asi kuti kana ndikaudzwa kunzi ndane muroora neumwe munhu asiri iwewe unoti zvinoita here izvozvo" "Mhamha zvakaitika zvakatoitika I'm sorry ndaiti ndaizokuudzai kana mukadzi wangu ava nepamuviri but apa zvatoenda nepamwe hazvo" "Haasati atova nepamuviri mukadzi wacho munhu wandakanzwa kuti ava nemwedzi yakati kuti wakugara naye here?" Tavonga haana kuzopindura akabva aramba akanyarara, apa ini ndaive ndakutozvi tongesa ndakamira panze kuti sei ndisiri kubata pamuviri. Pfungwa dzakabva dzatoenda kure zvekuti ndakazoerekana ndatovhura mukova apa maziso aive atotsvuka ndaitoda kuchema chaiko. Sezvo taishandisa one room ndakapinda ndikamhoresa mai vacho ndisati ndatsvaga pekugara. Ndakagara hangu pasi but ndainyatsoona matarisirwq andaiitwa nemukadzi wacho kuti arikunyatsondi pima chaiko. Ndakazonzwa Tavonga akuti, "Mhamha uyu anonzi Vimbiso ndiye mudzimai wangu, Vimbiso ava ndivo amai vangu" Ndakanyepedzerawo kuita tutsika twenhema ndakuda kutsvaga mamarks ndichibva ndapfugama kwakubva ndati, "Makasimba here mhamha?" Padyo pekuti vadaire vakato ridza chikwee chaicho zvekuti ndaive ndangopusa ndakapfugama pasi pandaive. Ndaive ndoshaya kuti ndosimuka here kana kuti ndoramba ndakapfugama. Papera chinguva ndakaona vasimuka vachibva vati, "Tavonga unondishurira here mwana iwewe, ndochii ichochi hee?" "Ndaita sei mhamha, ndosaka ndaisada kukuratidzai mukadzi wangu nekuti ndaiziva kuti zvakadai zvichaitika" "Saka maitoudzana hako nekamukadzi kako kuti ndinoshusha handiti, ndosaka maisauya kumba kwangu handiti. Manje mira ndikuudze chokwadi, handina kukuendesera kuchikoro kuti mari yako izodyiwa nekamukadzi aka. Unofanira kutsvaga mukadzi wetype yako akadzidza sezvawakaita kwete uyu anotooneka hake kuti nhamo ndipo pamusha payo. Munhu uyu akango kudira kudya mari yako." "Mhamha why muchida kundishaisa rugare pamba pangu, mukadzi wangu atadzei zvekuti munotaura mashoko akadai pamberi pake, madii kutaurira nyaya dzenyu tisati tasvika pano" "Wanga uchida kuti nditaurire nyaya dzangu tisati tasvika pano kuti ndanga ndichiziva here kuti ndiwo mathura awakandiigira aya." "Mhamha dai baba vangu vachiri vapenyu handifungi kuti vaikuregai muchitishungurudza zvamuri kuita izvi. Makuda kundiita zvamakaita kuna mukoma Simba futi izvezvi tarisai kuti imba yavo haisi stable" "Inyaya yake yekuramba kuterera sezvauri kuda kuita izvi, ukanditerera hupenyu hwako unoona huchinyatsoendeka" Panguva yaichinjana mai nemwana mashoko ndaive ndakango pfugama pandaive apa misodzi yangu yaingo yerera neangu matama. Ndainyatso shaya kuti ndaive ndatadzirei amwene vangu zvaita kuti vataure mashoko akadero kumunhu wavari kutanga kuona zuva iri. Ndakambofunga kuti zvimwee vaive vabva vakazvironga nemurume wangu kuti vasvikondi nyadzisa. Panguva ndakabva ndatowedzera kutsamwa asi apa ndaive ndatsamwira murume wangu. Ndakatoona kuti paive pasisina reason yekuti ndirambe ndakpfugama ndakabva ndatosimuka ndichibva ndagara hangu pabed paive pakagara Tavonga asi ndaive ndakatsikitsira hangu. Ndakazoona mai vake vasimuka vachibva vasiya vati kuna Tavonga, "Kana uchinge wazofunga kuti ndiriko kumba unokuziva asi uyu munhu wako handidi kumuona kumba kwangu ende handimbofi ndakabvuma kuti aite muroora wangu ipapo never" "Saka murikuti ndisauye futi kumba kwenyu here nhai mhamha?" "Usaise mashoko mukanwa mangu uchida kuzoudza mukoma wako nehanzvadzi yako mashoko ekunyepa, wandisingadi kuona kumba kwangu ndeuyu wauri kuchaya mapoto naye" "Ndiko kutondirambidza kuuya kumba kwenyu kwacho nekuti ndogouya sei ndichisiya mukadzi wangu" "Nxaaa chete problem yako unenge wakadyiswa saka handina chandinotaura newe" Vakabva vabuda vakasiya varidza tsamwa kwakurovera door vachibva vaenda. Takasara takatarisana nemurume wangu but ndaitoona kuti arikushaya kuti otaura neni kuti kudii nekuda kwezvaiva zvaitwa namhamha vake. Takamboita nguva pasina aitaura neumwe, ndakaona asimuka achibva aenda kunomira pawindow akatarisa panze. Akamboita nguva aripo paakazobvapo ndakaona auya kunochonjomara pamberi pangu akandibata makumbo angu zvikanzi, "Bby I'm sorry nekuda kwezvaitwa namhamha vangu, ndofunga now wakuona reason yandairambira kuenda newe kunokuratidza amai vangu" Handina kupindura ndakango mutarisa ndichibva ndatotarisa hangu kuside. Iye anenge akatoz iona kuti masamba aive atosiyana chaiko achibva ati, "I know wakanditsamwira just because ndini ndauya navo pano but chokwadi chaicho tatosvikirana pagedhi apa hamheno kwavanga vachibva. Ndatombozam kuda kuvarambidza kupinda pano asi unongo ziva kuti mubereki mubereki a onozongo winner hake" "Zvirinani hazvo handisati ndabata pamuviri ndogona kudzokera hangu kumba kwedu wonoroora hako anodiwa naamai vako nekuti handinga kuregi uchivengana naamai vako varivo vakakubereka" ndakataura mashoko aya kwete kuti ndizvo zvandaida asi ndaida kuona kuti iye anoitora sei nyaya yacho. "Bby usataure uchidaro, ko ini mhosva yangu ndeyei zvawakutaura zvekundisiya. Inga unozviziva wani kuti u are my everything. Ukandisiya bby unoda ndirarame sei?" "Unotsvagirwa mukadzi namhamha vako sekutaura kwavaita Tavonga" "Bby unoziva kuti dzimba zhinji ndomatambudziko anosanganikwa nawo asi vanhu inga wani varimo mudzimba. Chakakosha ndechekuti ini ndokuda uye iwe unondida. Chinhu chinonzi marriage hatichiite kufadza vanhu vakati komberedza asi kuti kuzvifadza inini nekuti decision iyi ndeye hupenyu hwese, chimwe chinhu usatore decision wakatsamwa nekuti unozo regreter mangwana" "It's ok ddy kana mati muchamira neni kusvika mhamha vakubvumawo kuti ndiri muroora wavo" Takazotanga hedu kutaura dzimwe nyaya tichiseka tichibva tatobatsirana kubika zvedu... END OF CHAPTER 5
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 474

Comments