
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 4, 2025 at 03:12 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
VIMBISO
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
CHAPTER 7
TAVONGA
Ndaitova zvangu ndakagara zvangu muroom mangu ndakaisa maear phones munzeve ndichinzwa zvangu song yaWinky D iya yekuti Dad maiitei. Ndaiti nguva zhinji kana ndisina zvandinenge ndichiita ndairidza song iyoyo kana iya yekuti twenty five. Pose pandairidza masong aya ndaimbo pindwa nepfungwa yekuda kunobvunza baba vangu kuti vaiitei vana baba vevamwe vachigadzirira vana vavo nhaka. Shamwari dzangu dzandakaenda nadzo kuchikoro dzizhinji dzacho dzatova pamabasa. Vamwe vatova varidzi vemacompany avakagadzirirwa nevabereki vavo vachiri vana vadiki. Asi isu tirikuda kuto tanga pascrach chaipo kuti ndiende mberi. Ndakaerekana ndabviswa maear phones aive munzeve vangu ndakabhoikana panguva iyi ndakabva ndatarisa kuti ndiani iyeye anezvivindi zvekuita izvi. Ndakarohwa nehana ndichiona vari baba vangu vaive vakamira pamberi pangu.
Ndakasimuka pandaive ndakagara ndichibva ndambundira baba vangu semunhu anga ava nenguva yakati kuti asati auya kumba kubva kugweru kwavaishanda vachiita zvechikorokoza. Takabuda muroom mangu tichibva taenda kudinning tichibva tagara ikoko. Ndakakwazisa baba vangu ndiine mufaro chaiwo. Vakapindura zvavo asi ndainyatsoona kuti kutaura kwavaiita kwaiva kwekumanikidzira chaiko,
"Baba kwakanaka here murikudaira kunge voice renyu risiri kunyatso buda"
"Mwanangu ndonzwa kurwadziwa ndichikuona wakagara pamba vamwe vana vezera rako varikubasa. Dai pamadhiri angu andakaitawo kumashure uko akandibhadhara ndingadai ndakaitawo mari ndakutoku siira something, zvino apa ndichakusiira nhamo nematambudziko mwanangu"
"Dady musataure muchidaro ndodzoka ndotya, moda kundisiya muchiendepi?"
"Mwanangu....."
Ndakaona voice ravo raive risisabudi panguva iyi vakabva vadonha kubva pachair pavaive vakagara kwakutanga kubuda furo mumukanwa. Semunhu anga ati kurei ndakatoona paive pasisadi kuita zvekutamba nenguva ndakabva ndabuda mumba ndiri chahwiriri kuyenda kuroad. Ndakaona baba vaigara panext pedu vachitoda kupinza mota yavo mugedhi mavo ndichibva ndamhanya pavaive ndichibva ndataura navo nguva iyoyo. Ndakavaudza nyaya yangu vachibva vanzwisisa kwakubva vatomutsa mota tichibva tauya pamba. Takasvika baba vakufemera kure kure chaiko. Takabatsirana nababa vaya kusimudza baba vangu tichibva tavaisa mumota ichibva yamutswa faster kuenda kuchipatara. Nenguva pfupi taive tatosvika pachipatara. Manurse haana kunonoka kumhanya mhanya baba vakabva vamhanywa navo mukati. Ndakasara ndichikumbira baba vaya foni yavo ndichibva ndafonera amai vangu vaive vaenda kubasa kwavo ndichivaudza mamiriro aive akaita zvinhu. Ndichipedza kutaura namhamha ndakaona doctor achiuya pandaive ndakamira nababa vaya ndikanzwa akuti,
"Ndinehurombo baba venyu vasvika chatova chando kare"
Mashoko aya akapinda munzeve dzangu sechibhakera zvekuti ndakatadza kuvhika kana kudzorera chaiko. Panguva iyi pfungwa dzangu dzakaita kunge dzaive dzadambuka chaiko, ndakazembera madziro ndikatanga kuchema. Kunyangwe Dad vangu vaisava nemacompany havo asi ndaivada. Hapana kumbotora nguva mhamha vakasvika pachipatara asi vachiona condition yandaive nayo ndofunga vakatongo ziva kuti paiva pasina kumira zvakanaka. Iniwo nguva yandakatarisana navo ndakatadza kuzvidzora ndichibva ndaikwetsura mhere ndichivamhqnyira. Ndakasvika ndichivambundira vachibva vanditi,
"Where is your father?"
"Dad is nomore mhamha"
Ndakaona amai vangu vabata musoro vachibva vagara pasi misodzi ichingo yerera neavo matama. Pakazoti papera chinguva chiremba akazouya akatiudza kuti sugar neBP yababa zvanga zvakakwira zvakanyanyisa. Ndakato shaya kuti BP yababa yaive yakwidzwa nei munhu aitobva kubasa kwake. Mhamha vakazo fonera hama dzese vachidziudza nezvenyaya yekufa kwababa, tichibva taenda kumba. Nenguva isipi vanhu vaive vakutoungana pamba. Kumazuva rodoka mukoma vangu pamwe nehanzvadzi yangu vakasvikawo but wega waingoona kuti vanhu varikurwadziwa nerufu rwababa. Mbuya vangu pamwe nasekuru vakazosvikawo husiku chaiwo program ichibva yarongwa kuti baba vaizono vigwa kumusha body yaizo simuka zuva raitevera yonorara mumba yozovigwa zuva raitevera.
Zuva rakatevera body yakanotorwa tikapinda munzira kuyenda kumusha. Takasvika vanhu vakatoungana,kutaura chokwadi baba vangu vakachemwa zvavo kutaura chokwadi. Vakazoradzikwa zvavo zvakanaka hapana kana chakanetsa. Bhudhi vangu pamwe nehanzvadzi yangu vakazodzokera kumabasa kwavo mushure mevhiki rimwe baba vabva kuradzikwa. Ini namhamha takasara hedu kumusha tichambochema baba vangu.
Rimwe zuva ndakatumwa nasekuru vangu kumashops kunovatengera doro ravo, ndakambofunga kuenda nebhasikoro asi ndakazoona zkuti zvaiva nani kuenda hangu netsoka ndichimboona nzvimbo. Ndakasvika zvangu pamashops ndipo pandakaona umwe mwana aive asina hake kunaka zvembiri but aingo ratidza kudika chete. Shavi rangu rekuda vasikana rakabva randibata ndichibva ndamutevera. Takatanga hedu kutaura apa iye aive atotenga zvinhu zvake zvaaida. Ndakambo zama kutaura baye but kwaitova kukwira gomo chaiko. Ndakasvika pakusvika kumaraini kwavo achingotaura zvisinga nzviki chete. Ndakaona hangu paigara mwana uya ndichibva ndadzokera hangu ndichibva ndatenga zvandaive ndatumwa ndichibva ndadzokera hangu kumba. Ndichisvika kumba ndakapa sekuru doro ravo ndichibva ndaenda kwaiva naamai vangu,
"Mhamha nditengerewo foni?"
"Ok ndichakupa iyi ini ndoshandisa hangu kambudzi kangu"
Ndakafara nemashoko amhamha nekuti chinhu chakakonzeresa kuti ndidero ndakashaya kuti ndikakumbira Vimbiso number ndaizodziisa pai ini ndaive ndisina foni. Kubva zuva iri ndaive ndakuenda kumaraini kwana Vimbiso ndichitaimira munhu wangu. Takazotanga kutaura tose hedu asi ndaive ndisati ndasvitsa shoko. Mazuva ekuti mhamha vachidzokere kubasa akakwana ini ndakaramba kudzokera ko ndaigo mhanyirei ini ndaisava nekubasa kwandaienda. Mhamha pavakanga vakudzokera kuHarare vakandisiyira phoni yavo zvinova zvakazondiitirawo nyore kuti ndipihwe number naVimbiso. Taive tava mafriends asi ndakazo rovera moyo padombo ndichibva ndasvitsa shoko. Akambotanga achindiramba but nekufamba kwenguva kakazobvuma hako. Rudo rwedu rwakatanga kupisa. Mazuva arwaive rwakupisa ndakabva ndafonerwa nabhudhi vangu vachindiudza kuti vaive vandiwanira basa paneimwe company asi ndiri general hand. Panguva iyi zvekuti ndaive nedegree reHR zvaisa shanda ndaizotsvaga randinoda ndava pabasa.
Zvaive zvakaoma hazvo kupesana nemudiwa wangu asi chekuita paive pasina. Ndakasiya ndasimbisana nemunhu wangu ndichibva ndadzokera kuHarare. Ndakaita lucky basa harina kunetsa ndaive ndakutoshanda kunyangwe mari yacho yaive isina havo kuwanda. Ndakashanda mwedzi mitatu ndichibva ndaona kuti ndirambe ndichigara namhamha zvaive zvisisaiti ndaifanira kunotsvaga pangu ndega pekugara. Ndakabva kugeto kwaigara mom's vangu ndichibva ndanogara kune rimwe geto uye kwaiva pedyo nekubasa kwangu. Nemunhu wangu taitaura tese everyday.
Ndakzokumbira mazuva kubasa ndaive ndafunga kunoona munhu wangu plus ndaigara ndichikumbira mutambo wevakuru pafoni ndichinzi ndokupa paunouya. Kutaura chokwadi semunhu ayienda kubasa ndaisangana netumwe tumabhy asi twese ndaingowana nzira yakavhurwa kare kare. Mumoyo mangu ndaizviudza kuti ndikawana kuna Vimbiso nzira yakavhurwa futi ndaibva ndangosiyana naye ndodanana hangu nevemudhorobha. Zuva raibuda mazuva angu handina kuda kutambisa nguva ndakafumo bata jongwe muromo kuyenda kumusha. Ndaipota ndichitaura nemudiwa wangu, ndichingo svika kumusha ndakafara pandakanzwa bby achinditi ndiuye kuzomuona kumazuva rodoka nekuti vabereki vake vaisavepo. Kamwe kamoyo kakambonditi pamwe ndizvo zvaanoita kutumwe tuvakomana twake kana vabereki vake vasipo. Ndakazongozvisimbisa kuti ndaizonozvionera pamhino sefodya ndasvika ikoko kuti nzira yakambofambwa here.
Ndakatora bhasikoro rasekuru ndikasungirira torch yangu yaionera kure kure ndichibva ndaudza bby kuti ndaive ndakuuya. Ndakarirova zvekuti nenguva isina kunyanya kuwanda ndaive ndasvika pagedhi pavo. Ndakafona mwana akandiudza kuti aive akuuya. Akasvika achinzwika kunhuwirira kuratidza kuti aibva kunogeza chaiko. Takanogara zvedu panerimwe ruvare rwaive pedyo nepagedhi pavo. Ndakaburitsa chikafu chandaive ndatenga ndichibva ndapa bby wangu kuti adye. Paakapedza kudya ndakachizoita zvandaive ndakafambira chaizvo asi ndakarohwa nehana ndichiona riri gombo zvaro. Ndakazongo shingirirawo hangu semunhu wemurume but pakaita hondo kuti ndiririme. Ndakazomupa hangu mapills andaive ndauya nawo nekuti ndaive ndisati ndakuda kuti abate pamuviri nekuti zvinhu zvangu zvanga zvisati zvabatana.
Ndakaita week rese ndiri kumusha apa ndakaita lucky rekuti mbuya nasekuru vakabva vaenda kudhorobha ndichibva ndasara nekamupfanha kangu kamwana kamainini vangu. Vimbiso aiuya kumba kwedu everyday tichifambira nyaya dzacho asi apa ndaishandisa butiro hangu. Mazuva angu ekudzokera kubasa akazokwana ndichibva ndadzokera hangu kuHarare. Zuva randasvika ndakabva ndafonerwa naamai vangu vachiti ndisarare ndisina kuvaona. Ndakatoenda kumba kwavo ndikasvika varipo asi vakazonditi...
END OF CHAPTER 7
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
336