MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 5, 2025 at 04:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g VIMBISO STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE CHAPTER 8 TAVONGA Ndakaona zvisingaiti kuti ndirare ndisina kunoona amai vangu nekuti ndaizo shaya mukana wacho wekunovaona. Ndakakwira mushika shika waienda kumaraini kwavo zvekuti nenguva diki diki ndaive ndasvika. Ndakasvika vakatogara zvavo mumba mavo vachiona zvavo TV. Ndakavakwazisa munezvakanaka ivo vakadaira vachiratidzawo kuti vaifara chose. Pakazoti pava paya tambobvunzana hupenyu ndakazonzwa vakunditi, "Mwanangu Tavonga wakura now wakuchifanira kuroora" "Uuum mhamha zvambouya Seiko izvozvo. Imbondisiyai ndimbokura kana nguva yacho yakwana munoona ndakuuya kuzokuratidzai muroora wenyu" "Izvi zvekuti munhu anozongouya nekamunhu kake kasina hunhu pano sezvakaitwa namukoma wako ini handidiba. Munhu unofanira kuroora musikana weclass wekuti inini handinyari kumuratidza vanhu kuti muroora wangu" "Mhamha mukadzi anororerwa kufadza vanhu here kana kuti kufadza ini murume wake" "Anofanira kufadza iwewe pamwe nehama dzako, tarisa bhudhi vako vakaramba kuterera zvandakavaudza izvezvi zvinhu zvavo hazvisi kunyatso vafambira. Ndizvovo here zvauri kuda kuita?" "Handizvo hazvo mhamha asi zvinhu izvi zvoitika hazvo nekuda kwamwari kwete nekuda kwemunhu, handizivi hangu pamwe imimi mune munhu wamakaona anoita kuti ndiroore" "Hauchioni manje izvezvi wakutaura, ndoda kuti uroore mwana wasahwira wangu mai Magetsi, musikana wavo mudiki uyu anga ari kuuniversity last year" "Mhamha problem yenyu munoda kufadza mafriends enyu nezvinhu zvisina basa, inini naiye wacho makambo tanga mataurawo nesu here musati maronga nyaya dzenyu" "Hapana chinoda kurongwa apa nekuti ivo mai magetsi vakatotaura nemwana wavo akabvuma angosara ndiwe chete" "Uuum mhamha ndichambo funga nezve nyaya iyi ndozokuudzai zvandinenge ndafunga, now regai ndiende kumba ndimbono gadzirura cz mangwana kubasa" "Ok mwanangu now wakutaura manje, hope unondiudza mhinduro inofadza" Ndakabva pamba pamhamha ndakatsamwa zvisingaiti, hasha dzandainzwa panguva iyi dzaimutsa chero chigayo chaicho. Pandakangoona kuti mhamha havachandioni ndakabva ndato buritsa foni yangu ndichibva ndafonera Ruvimbo mwana wamai Magetsi. Foni yacho haina kunonoka kudairwa kuratidza kuti munhu aive akato mirira call yangu. Handina kuda kumbomupa nguva yekubatanidza ndakango tanga nekupopota, "Ruvimbo inini zvekujairirwa newe handitombodi hangu, ndofunga uri kunyatso ziva kuti rudo rwangu newe rwakapera kare kare ende izvezvi hapachina kana chekutaura. Zvauri kuudza amai vako naamai vangu siyanai nazvo nekuti hapana pandinombofa ndakakuroora" "Ko ini unotanga nekundi popotera kuti ndadii, wadii kutanga wanzwa side rangu kwete kungotanga kupopota" "Side rako handinei naro asi kuti kana wanga usiri kuziva amai vako naamai vangu varikuda kuti tiroorane saka ziva kuti pavanokuudza ugare waramba dhiri iroro nekuti kwandiri haribudi" "Ok" Ndakabva ndakata foni yangu apa ndaive ndakufemera padenga kunge ndere, inyaya yekuti machembere anenge asingazivi chete. NaRuvimbo uyu takatombo danana kwemwedzi mitatu yese ndikazo musiya ndamubata nemumwe muface. Chimwe chinhu chakanyanya kundirwadza ndaive ndangosvikawo iri nzira zvayo. Zvino izvi zvekuroorana zvairongwa naamai vangu naamai vake kwandiri zvaisabuda zvachose. Ndakazo kwira mumushika shika ndikaenda kumba kwangu. Ndakasvika ndikatanga kuronga hupenyu hwangu mafambiro andaida kuti huite. Ndakaona hangu kuti amai vangu vaiva chanda gwinyira chaiye, vaive munhu aisakurumidza kuregedza kuita chinhu chaanenge ataura. Ndakaona kuti ndaifanira kukurumidza kuunga nidza mari yangu yekunoroora Vimbiso wangu kuitira pavaizoda kuenderera mberi nenyaya dzavo ndinenge ndiri kumberi. Chete munongo zivawo kuti mabasa edu muno munyika mari yatinotambira ishoma zvekuti unotoda nguva yakareba kuunganidza mari yekunoroora especially uchibhadhara rent. Ndega ndakatoona kuti pressure yandaipihwa naamai vangu ndikaita zvekunonoka ndaigona kutangirwa. Apa kuti nditaure naVimbiso kuti ndoda kumutizisa asina nhumbu zvaindi remera. Ndakatanga kuzvituka nechandaka mupira mapiritsi mazuva andakarara naye dai ndakango siya akadero angadai atova nepamuviri kutaura kuno ende zvaizondi itirawo nyore kumutizisa. Ndakaita mazuva akati kuti ndichishaya kuti Vimbiso ndomuudza sei nyaya yangu asi zvinongoita mwari pamwe pacho zvinoshamisa. Ndakanzwa akunditi ddy kumusha kwakubhohwa kugara ndakuda kugara nemi. Ndakambo zama kumuonesa kuti mari yaive isati yakwana but she insist ndikamuti ndaizonomutora ndikapihwa off. Ndakangoti ndichi pihwa off handina kuda kutambisa mukana ndakabva ndatoenda kumusha kunotora mhuri yangu. Chinhu chandakango zviudza chete kuti ndaisazoenda naye kumba kwaamai vangu asati abata pamuviri. Ndakatora mari yandaive ndachengeta kwakutenga midziyo yekushandisa pamba nekuti ini ndichiri bhachura ndaive ndisimborina zvinhu zvekushandisa. Nguva yose ndaifunga kuti kubata pamuviri kwemukadzi kuri nyore asi ndakatoona ndatova mumwedzi wechitatu pasina nhumbu yabata. Ndakatanga kunetseka kuti asi ndaisazvara here kana kuti chii. Apa bhudhivo vangu vakaita makore matatu nhu.bu isati yabata. Ndaiti ndikafunga izvi ndainzwa kupindwa nechando zvinova zvakakonzeresa kuti nditange kuonda zvishoma nezvishoma. Iyewo Vimbiso ndakatanga kuonawo kuti aive akudzikira ndikaziva hangu kuti aiondeswa nenyaya yekufunga. Ndaigara ndichimusimbisa zuva nezuva kuti asarase tariro nekuti kana nguva yamwari yakwana zvinozviita zvega. Handizivi kuti mhamha vakaudzwawo nani kuti ndine munhu wandiri kugara naye, ndakatoti ndirikubva zvangu kubasa mumwe musi, ndakasvikirana navo pagedhi repamba pandaigara. Pandakavaona ndakabva ndatoziva kuti maone atanga, kuti ndidzokere kumashure vasandione zvaisaita nekuti ndaiziva kuti Vimbiso wangu aisvika akashungurirwa hake. Ndakavadaidza sezvo vaive vakuto pinsa mugedhi, pavakandiona vakabva vamira vakabata muchuuno vakanditarisa. Ndichisvika pavaive vari ndakava mhoresa adi padyo pekuti vandidaire ndakanzwa vakuti, "Saka waida kuzondiudza rinhi kuti urikugara nemwana wevaridzi" Ndakamboda kunyepedzera kupenga ndichiramba kuti ndaisava nemunhu wandaigara naye, izvi ndaizviitira kuti zvimwe vaizoregedza kupinda mukati vobva vadzokera havo kumba kwavo. Chinhu chandaisada kuwedzera stress pamukadzi wangu iye aive agara aine yake yaimushungurudza. Padyo pekuti vaterere zvandaitaura vakabva vatanga kuseka zvavo zvikanzi, "Munhu andiudza haanyepi zvake iyeye rega ndinozvionera pamhuno sefodya, ndikaona kusina munhu ndobva ndangoziva kuti network yangu yatadza kubata" vakabva vatotanga kufamba apa ini ndichitevera. Ndakazama zvose zvandaifunga kuti ndingavamise asi zvakashaya basa. Kubva zvandakatanga kugara ndega vaive vasati vambouya pamba pandaigara asi ndakashamisika nekuti munhu wacho aito ziva nepaiva nedoor rangu chaipo. Nenguva diki taive tatova mumba asi chakandinetsa ndechekuti Vimbiso ausavamo mumba. Ndakatarisa hangu paigara sipo ndikaona pasina ndichibva ndaziva aive ayenda kunogeza. Mhamha vakatanga kupopota varimo mumba mangu apa ini wacho ndaizama kuda kudzimura nyaya asi yaisadzimurika. Papera chinguva Vimbiso akazopinda asi madonhero aive akaita chiso chake ndakango ziva kuti aive anzwa mashoko aive ataurwa naamai vangu. Iye wacho kana kumbozviratidza hake akatosvika akavakwazisa ndichibva ndaita maintroductions. Mai vangu vakapopota zvekuti ndakashaya pekupinda nekunyara. Vakazobuda vakaenda zvavo kumba jwavo ndikasara ndichi nyengerera munhu wangu kusvika anzwisisa hake. Mazuva akafamba zvawo apa mari yekuroora taichengeta, ndakatangawo kuona machanges pamunhu wangu zvekuti ndakaronga zvekuti tiende kuchipatara. Haana kuramba akabvuma pfungwa dzangu tikaenda tose kuchipatara kwandakaudzwa kuti aiva nepamuviri. Ndakafara pandakanzwa nyaya iyi zvekuti ndakafunga kuudzawo amai vangu nezve good news idzi sezvo vaigara vachidaidza mukadzi wangu kuti broiler. Ndakatozo zvidemba ndavaudza nemashoko andakaudzwa ndichibva nda... END OF CHAPTER 8
❤️ 🙏 👍 😢 😮 😂 167

Comments