
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 6, 2025 at 04:21 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
VIMBISO
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
CHAPTER 9
VIMBISO
Nguva yakafona murume wangu achitaura naamai vake ndaive ndakavhura nzeve kunge dzstsuro ndichida kuterera zvaitaurwa. Madairiro akaita amwene vangu akandipa mumwe muono kuti hapana pavaimbofa vakandi farira havo. Pavakanzi nemwana wavo,
"Mhamha mukadzi wangu ane pamuviri" ndakanzwa vakurova chikwee chaicho kunge vaudzwa zvimwe zvinhu zvinosekesa. Ndakanzwa vakuti,
"Saka hausi kutonyara kundifonera uchindiudza nyaya dzakadero here?"
"Ndogonyarei nhai mhamha ini ndichikuudzai nyaya inofadza kudai. Ndimi maigara muchitsvinyira mukadzi wangu muchiti broiler rinongodya chikafu mahara risinga zvari"
"Saka urikuti mwana wacho arimudumbu ndewako here?"
"Ehe ndewangu muri kufunga kuti ndewani?"
"Chete haisi mhosva yako asi kuti kupusa ndiko kunoku tuma kuita zvauri kuita izvi. Unofunga kuti chaitadzisa mukadzi wako kuita mwana nguva yese chii ozobata pamuviri nhasi?"
"Mhamha ingo taurai nyaya yenyu kwete kuti pamunhondo pamusasa zvamuri kuita izvi"
"Mukadzi wako anenge hure hure uyo handifungi kuti nhumbu iyoyo ndeyako ini"
"Mhamha handizivi hangu chamuno nyanyira kuvengera mukadzi wangu chii chaizvo, zvekuti hure zvamuri kutaura muri kuzviwanepi. Dai maiziva kuti Vimbiso ndakamuwana ari mhandara mungadai musiri kutaura mashoko amuri kutaura aya"
Tavonga achipedza kutaura akabva akata foni asi ndakaona kuti maziso ake anga ajenga misodzi kuratidza kuti aida kuchema. Kunyangwe ndairwadziwa hangu nemashoko akataurwa naamwene vangu asi ndaive ndakuto nzwira murume wangu tsitsi. Nguva iyi ajabva abuda mumba asina kana shoko raakataura kwandiri. Ndakatoshaya kuti arikuendepi. Ndakadongorera nepawindow ndikamuona achibuda gedhi asi airatidza kuti pfungwa dzake dzaive kure chaiko. Ndakambo funga kuda kumutevera asi ndakaona zvakanaka kumbo musiya akadero nekuti munhu anenge achimboda space ariega.
Ndakasara ndakagara zvangu kana simba rekusimuka kuti ndibike chairo ndakarishaya. Kunze kwakasvika pakusviba ndakango gara panzvimbo imwe chete ndisuna kana kumbosimuka hangu. Pandakazoona kuti kunze kwaive kwanyanya kusviba Tavonga asati adzoka ndakabva ndatanga kumufonera asi foni yake yaingorira isina ayidaira. Ndaive ndisisina kugadzikana muhana mangu nekuti aive asati ambozviita zvekusvika nguva iyi asati adzoka kumba. Ndakabika hangu chikafu chemanheru asi handina kudya nekuti ndaive ndisina appetite yacho. Nguva dzakafamba kusvika panaeleven Tavonga asati auya. Nguva idzi hana yangu yaive yakurova kuti aiva aendepi. Dzakazoti dzava kuma past twelve ndaive ndakuda kubatirwa nehope ndipo pandakanzwa knock padoor. Ndakadongorera nepawindow ndikaona ari Tavonga asiri kana kugona kumira. Ndakamuvhurira mukova asi ndakatambirwa nemweya wedoro rainhuhwa paari. Akangopinda nekuzvidonhedzera pamubhedha kwakutotanga kuridza ngonono. Ndakapinda busy yekumubvisa shangu uye kumuradzika zvakanaka. Hana yangu yaive yadzikama kuti aive adzokawo kumba ari mupenyu ndaizo mubvunza hangu kana kwayedza akunzwa zvakanaka kuti aive akatanga rinhi zvekunwa doro izvi.
Handizivi kuti ndakazo batirwa nehope nguvai, ndakatozoita zvekupepuka ndanzwa munhu achigomera. Ndakamuka ndikaona shasha iri busy kurutsa. Munhu ayiita kunge acharutsa chihururu chaiko. Handizivi kuti ndizvo zvinoitawo varume venyu here kana vanwa doro. Ndakamunzwira tsitsi asi chekuita ndaive ndisina. Paakapedza ndakafunga kuti mumwe wangu anenge akunzwa nzara ndichibva ndadziisa chikafu kuti adye. Chikafu chacho hachina kumbodyiwa munhu akango tsunya tsunya achibva atosiya hanzi ndirikuita kunge ndine maronda mumukanwa. Ndakatarisa nguva ndikaona dzava past four, kubva nguva iyi hope hadzina kuzondibata zvekare. Kuchiyedza ndakamukira kuita washen ndichipedza kwakuisira murume wangu mvura yekugeza. Paakapedza kugeza aive akunzwa zvirinani ndichibva ndamuti,
"Nhai ddy izvezvi makunzwa sei"
"Uuuum bby ndakunzwa zvinenge zviri nani now, ndakauya pano nguvai nezuro uye ndakauya nani?"
"Mauya kuma past twelve asi manga muri mega manga musinga mbogoni kana kumira chaiko"
"Uuum inga zvakaoma"
"Ko imi makatanga rinhi kunwa doro racho?"
"Bby doro handitoridi but ndakatoona sechinhu chaigona kubvisa stress yandaive nayo bby, hw come my mother vanondiudza kuti mukadzi wangu akandihurira" akapedza kutaura akuto chema
"Ddy manje imimi mukanwa doro muchida kubvisa stress yemashoko anotaurwa namhamha ko ini wacho ndinenge ndichitaurirwa mashoko aya ndozoitawo sei?"
"Bby haungambo zvinzwisise, but dai waikwanisa kupinda mumoyo mangu ukaona Ronda ririmo ririku konzereswa naamai vangu waigona kundinzwirawo tsitsi"
"Don't worry ddy nerimwe zuva zvichaita, chinongodiwa kunamata kumusiki chete"
Takazotaura hedu dzimwe nyaya nemurume wangu asi chinhu chaindi shungurudza ndechekuti ndaizodiwa here nehama dzemurume wangu. Ndaive ndoshuvira kudiwa nedzimwe hadzo asi amai vake ndanga ndisisina moyo nawo.
Mazuva akafamba nemurume wangu zvinhu zvaiendeka, mari yataichengeta yaive yati wandei. Takazoona kuti midziyo yedu yaive yati wandei room yedu yanga isisakwani tichibva tatsvaga two rooms. Takabva tatenga masofa pamwe neTV. Ndaive ndane chinoswera chichindi varaidza murume wangu arikubasa. Rimwe zuva ndakaona murume wangu abva kubasa achiratidza kuti ane mufaro wakanyanyisa chaiko. Ndakaona kuti kumirira kuudzwa ndinenge ndichito tambisa nguva ndichibva ndamuti,
"Nhasi kwakanaka here kwamuri kuratidza mufaro wakawedzerwa kudai?"
"Bby mufaro wandiinawo wakawandisa, gore rino rinenge gore rangu chete. Pakutanga wakabata pamuviri ndakavarairwa now ndapromotwa kubasa kubca kugeneral hand kuenda kunoshanda muoffice"
Mashoko akataurwa nemurume wangu ndaive ndisina kumatarisira zvekuti ndakashaya kuti ndofara here kana kuti ndoita sei. Iye wacho aisagona kana kudii zvako nemufaro,
"Bby pamari yauinayo wotombo ndikweretesawo two hundred us kuti ndimbo pinda mitown ndimbotsvaga he.be dzinoita kupfeka muoffice ndozo dzosera kana ndatambira"
"Ddy munga kumbire mari yamunoshanda here kana kuti mongondiudza ini ndokupai, apa chero dai manga musina kukumbira ndaikupai ndega nekuti muoffice modawo munhu arikuonekera kwete akapfeka bottom"
Takabva tatanga kuseka nemurume wangu. Ndaive ndakutoona kuti promotion iyi yaive yakuto wedzera mufaro mumba mangu. Mazuva akafamba ikava mwedzi Tavonga aive akushanda saHR officer kubasa kwavo apa mari aive awedzerwa anga akutambirawo inenge iri nani. Takazoenda kuscan tichida kunoona kuti mwana aiva mwanai tichibca taona ari musikana. Kuside kwangu ndakafara handidi kunyepa asi ndakaona kuti murume wangu haana kunyatso fara asi haana kuzviratidza. Tichibuda muchipatara takapinda nemutown ndichibva ndapihwa mari ndikanzi nditenge zvinhu zvemwana. Takatenderera tichitenga hedu zvinhu zvakanaka zvekuti takazoenda kumba kumazuva rodoka chaiko.
Takati tichisvika kumba takaona panze paine mota yaivepo Honda fit, asi maitiro akaita Tavonga akaratidza kuti anoiziva nekuti akabva atoenda payaive yakamira. Paakasvika ndakaona pachibuda munhu wechikadzi achibva ambundirana naTavonga. Panguva iyi ndakanzwa kuzarirwa chaiko nekuti ndaisaziva chaitora nzvimbo. Pavakazo regedzana pandakatarisa mukadzi uya ndakaona kufanana pachiso ndichibva ndangoziva kuti yaiva hanzvadzi yacho. Yakaramba kupinda mugedhi takakwazisirana panze ichiti yaive yanonoka yaifunga kuti inowana tiripo yaizo dzoka rimwe zuva. Handina hangu kunyanya kubatikana asi kuti ndakato fara nekuti tete vacho vairatidza kuti munhu ari free hake uye anogara achifara. Pakaenda tete takazoenda mumba medu tikatanga hedu kubika tichibatsirana nemurume wangu. Tichipedza kubika takatanga hedu kudya ndiyo nguva yakaringer foni yemurume wangu. Akaidaira achibva ayi isa paloud. Munhu ayitaura kune rimwe runhare akangotanga nekuti....
END OF CHAPTER 9
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
513