MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 9, 2025 at 06:02 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VbAqF0ZCRs1sjmuBYM2S CHENAI💦☔☔☔ STORY BY MAMA ADEL NEW BOOK CHAPTER 1 Dzaiva dzato kuma nine dzehusiku ndakamirira kuuya kwe murume wangu wandaigara naye tanga tisina hedu mwedzi yakawanda tatanga kugara tese. akatobva kundiroora mwedzi yapfuura iyi. zvino apa Ndaiva ndakushaya kuti ayenda kupi, kwanosvika nguva dzino asati auya. ndakambozama kumufonera asi foni yake yaitoti not reachable zvekutoratidza kuti yaiva yakadzimwa or anga ari kunhu kusina network zvekuti ndakatotadza kudya sadza randaive ndazvibikira ne moyo wese, ndichingofunga kuti innocent aiva ayenda kupi....... Ndakambogara musitting room ndichizama kumumirira innocent zvino ndakatozowona kuti kwaitove kuteya nzou neriva ndakatozosvika pakuenda ku bedroom ndokusvika ndichigara pamubhedha ndakatanga kuzama kufona foni yake ndokunzwa ichitorambisisa , zvinova zvakazoita kuti ndisimuke ndichibva ndaenda kunogeza ndokudzoka ndichipinda mumagumbezi asi hope dzacho dzakatoramba kubata zvekuti Kunze ndakazoshamisika ndichiwona kunze kwayedza, ndokunzwa foni yangu ichi ringer kwakubva ndamhanya kuyidaira asi number dzacho handina kudziziva,, ndakatorohwa nehana ndozvibvunza kuti aiva ani ayindifonera nguva dzino ,zvekuti pandikazonzwa munhu uya Akataura zva innocent kuti akaita accident nezuro achibva kumafaro ne girl friend yake,ndakabva ndanzwa kupererwa chaiko.. kana simba rekufonera mai vake ndakarishaiwa ,zvaiva zvakangooma hazvo kugara nemunhu waunoda asi iye asingakude ndaitopika jeri rangu ndega mu marriage iyi uko amai vangu vakatombonditaurira ndisati ndaroorwa naye vakati Chenai munhu wako uyu haite, ndakatoita nharo ndichivati, ndiye wandada, zvino apa ndaiva ndakuchishaya kuti ndovaudza sei kuti handina kugara mushe, kutaura sure Innocent Ayitondishungurudza apa ayiti akawona vabereki vake ayitanga kuvhara- vhara achiita semunhu anondida nekuda kwekuti aisada kuti vabereki vake vazvizive kuti anondibata rough ayitotya kutorerwa ma bussiness ake ese akapihwa pakandiroora uye Kuroorana kwataive takaita hatina kumbobvira takanyatsodanana akangondiiroora achimhanyira kupihwa property nevabereki vake sezvo aiva akanzi anofana kuroora munhu ane hunhu akangowona zvakakodzera kutora ini ndava ndaiva munhu ane hunhu... Ndaitofunga kuti zvaiva andiroora ayizonyatsondipa rudo rwandainyatsogutsikana narwo buti munhu wacho ayingoita kakundisema aisambondipa rudo, ndaitoita rwukuwonera muma movie nevamwewo vandaiwona vachifamba vachidanana mumaroad ini ndaingova mukadzi wedisplay kuna innocent ndaisamboziva chinhu chinonzi murume bt murume ndinaye mumba ,worse nekuzofonerwa kwandaiva ndaitwa ndichinzwa kunzi ayita accident ayine munhu wake, apa ini ndaitozamq kuda kuita mukadzi akanaka kunaye, ndichiti panobuda ndaito make sure kuti abuda ne hembe dzakachena kana kuri kuwacha zvako nekutsvaira mumba ndaisazesa . Ndakazonhonga foni yangu yandaive ndadonhedza pasi ,ndakutofunga kuti ndaikusvika nguvai kuchipatara kwacho kwaiva ainzi adimitwa kuborrodale kuMarondera apai ini ndaigara kuharare ,ndakatogadzirira fast ndichibva ndaenda kumakombi pana Forth ndokusvika ndichipinda mu bus richibva ratosimuka takuenda marondera asi mu road mese ndaingosvima musodzi. Vanhu vaitova mu marriage ndivo kwaitokwqnisa kuzwisisa situation yangu kuti kuchhitwa nemurume wako chinhu chaitorwadzwa kunyangwe hazvo akasanga ne Dambudziko hapana pandaizoreregedza kumubetsera , ndichisvika kuma Marondera ndakanoburukira pa rank ,ndokutanga kutsvaga mataxe anoenda kuborrodale Hospital ndikaiwana ndokuenda ikoko Zvekuti ndichisvika pachipatara pacho ndakanobvunza kty aive pa bed number chii ndokudzea ndichibva ndaendako asi Semunhu ndaiva munyowani kusvika munzvimbo iyi ndakamborasika ndakatanga kufamba ndichibvunza mukati imomo kusvika pandikazosvika mu room maive akaiswa lnno wacho kana kumbonyara hake achindiwona akabva andiiti " wavingei kuno ?"akadaro achitotarisa ma freinds ake aiva mu room umu ndakawona akundisekq ,iye achibva atowedzera konditsvinyira ayisatomboita Semunhu aiva ayita accident .Akatonditi mbuya dzokerai kwamabva ini handifambe nevanhu vanoita sevasina kukwana ,chandakongo kwanisa kubvunza kuty hauna kukuwara hre apa ndaitya hangu kudirwa rough ndikazonyara fty .Mhinduro yandakapihwa ipapo yakandiomesa mate mukanwa ,kunzi ukaziva ukuda kuzoitacy nhaiwe chidhoma chekwachivi ,ndakatozowona ndega kty apa handisikudiwa kwakubva ndatora kabag kangu ndananga kwandabva ,ndisati ndambosvika padoor ndokanzwa akty iwe urimukadzi wababa vangu kwete wangu coz ndovakandimanikidza kukuroora vachiti unehunhu asi hauna hunhu wakapusa fokofu chibuda muno ,dakusvika kumba ikoko kwabikwa chikafu chandofarira hamheno uchazvifambisa sei.Ndafamba chichema road yese nhai mwari wanguwo munyama here wekusadiwa kuita ropa rembwa hre zvekty pese paya svika inoitwa zvekutandaniswa Ndakanogara zvangu parank yemaMarondera ndakamirira bus raienda Harare kty risvike ,Ndakasvika pakurara bus racho risaty rauya ,Ndirikuhope ndopandakanzwa Harare Harare $2 apa ndoyandaitove nayo chete kuty indisvitse kunaforth ndozofamba hangu netsoka kusvika kumba ndakatenda musiki . Ndakapinda mubus muya ndikapihwa receipt yangu ndikanogara paseat rekumashure ndichifunga nhamo dzangu dzose,Ndakanyatsotanga kuchigaya manje kty Inno ati panodzoka kumba anoda kuuya achidya apa handitozive chikafu chanofarira Bus rakazosvika kuma around past 4 dzezuvarodoka ,Ndakaculculater time dzangu ndikaona zvisingaiti kty ndifambe netsoka bt paive pasina option kunze kwekufamba netsoka.Ndakaburuka bus ndokuchitanga kufamba netsoka ndakanga kumba kwangu ,Apa murume wangu aive munhu anezvinhu zvake kusangasira mota nedzima bt asatomboda kundiona ndakabata chero makey zvawo emota ,Hanzi wakabva nemota kumba kwenyu hre .Kwaiva kwatosviba but ndakavavarira kufamba kusvika ndasvika kumba ,Ndavapedyo nekusvika kumba ndakawona mota yaInnocent yakaparker pagate hana yangu ndopayakatanga kuchirova zvese nekunzwa muviri wangu kubvunda .Ndakasvika ndikaona iye Asimo mumota make ndokubva ndapfurira mberi nekuenda mumba .Ndakavhura door munoziva ndakapererwa ndichiona munhu achitodyisana hake chikafu nemusikana asiri uya wakaita naye accident, because aitonzi akatokuvarawo kupfura Innocent. Ndaka vhunduka negwati randakapiwa ndakatomboona nyeredzi panguva iyoyo, wanga uchirikupi nhaiwe mwana wembwa hee tell me ukubva kupii ,Handina kutombopihwa nguva yetsanangura nemàgwati nemabhutsu andaipihwa . Wavakuda kutozvita baba pamba pano kutouya hako nguva dzaunoda ,wanga wakatovharirwa nemaborangoma ako ekumbare ,Ndozvinoita vanhu vakura vachitambura munongoda kuramba muri venhamo chete kusvika mafa .Ndakanga ndava kungoburitsa misodzi yangu ndakamira padoor handinda kutombopihwa wekuti ndigare pasi .Ndazoziva kuty musikana wake ainzi Linda mushure mekumushedza achida kty amuigire belt rake ndakarohwa nehana ndikati ,Nhasi pangu pandiperera.Linda wacho ndiye atozondinzwira tsitsi,Babe chingomusiya kani aende anotibikira supper ,Ndopandakaponerawo ipapo ndapfurira pakitchen ndokubva ati gogo dzokai pano mavakuenda kupi isu tinenzara ddy Inno vakuda kunwa mapiritsi avo vadya saka chitotangai kubika ,Musikana wake atovewo rough hake .Paive pasina zvekuita kunze kwekuteerera zvaiataura because ndaizogona kurohwa hangu .Ndakapinda mukitchen ndokutora Chicken ndokubatidza stove ndokuiisa ,Ndakanzwa kunokwa kwedoor rekudining ...... END OF CHAPTER 1
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 96

Comments