MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 10, 2025 at 03:43 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g VIMBISO STORY BY MHAMHA ADEL READ AND SHARE CHAPTER 10 VIMBISO Promotion yakapihwa murume wangu kubasa kwavo ndaifunga kuti yaizopedza matambudziko ataisangana nawo mumarriage medu. Zvekuti dai ndakaziva kuti yaipedza mamwe ichiunza mamwe ndaikumbira hangu arambe achishanda hake ari general hand. Nguva yatakasvika pamba tichibva kuscan foni yaTavonga yakatanga kuringer apa yaive pacharger akabva anditi ndidaire ndiise paloud. Ndakangobaya button rekudaira ndichibva ndaisa paloud sekutaura kwaaive ayita. Munhu aifona wacho akabva atanga nekuti, "Bby kwakanaka here kuswera wakandimisa muswere wese wezuva uchiti uchauya kumba kuzondiona" Mashoko aya ndaisama tarisira pafoni yemurume wangu iye wacho akabva asimuka achiuya pandaive ndakamira apa ndaive ndoshaya kuti ndoitasei. Chinhu chega chandaive ndoita panguva iyi kufemera padenga chete. Akasvika akatora foni yake achibva acutter. Ndakaramba ndakamutarisa hangu ndisina chandai taura asi misodzi ndiyo yaive yobuda. Akabva andibata pamatama zvikanzi, "Baby zvawanzwa handizvo munhu afona uyu inenge wrong number chere nekuti handimuzivi" "Uuuum handina hangu kuenda kuchikoro asi dai yanga iri wrong number sekutaura kwenyu handifungi kuti mungadai mamhanyira kucutter sezvamaita mungadai mataura naye tonzwa kuti iwrong number here?" "Saka zvoreva kuti haundi trust handiti?" "Haisiriyo nyaya yacho ddy kana iri wrong number sekutaura kwenyu ingomufonerai tinzwe kuti anotii?" Munhu akabva atora foni yake kwakutanga kufona, ichingodairwa chete akabva atanga kupopota zvekuti munhu waaitaura naye haana kumbopihwa mukana wekupindura. Ndega ndakatongoona kuti ndaive ndavharwa asi chekuita ndaive ndisina. Mazuva akafamba havo zvinhu paive pasina chachinja, ndaigodiwa semadirwo andaiitwa mazuva ose. Mazuva angu ekuenda kulabour akazosvika ndikato perekedzwa naTavonga, ndakangonoswerako nekuti takaenda makuseni ndichibatsirwa mwana wangu musikana. Akabva apihwa zita nababa vake rekuti Tiara. Pahama dzaTavonga hapana kana umwe akauya kuzondiona kuchipatara, mwana ndakadzidziswa kumubata nemanurse muchipatara. Zuva randaka buritswa ndaive ndisati ndanyatso simba asi wekuyemera paive pasina ndaifanira kutongo shanda. Ndakaita lucky kuti pamba pataigara paiva nevamwe mai vechikuru ndivo vakandidzidzisa kugezesa mwana zvekuti week rakasvika pakupera ndakugona zvese. Tavonga ayiti paanenge aripo aindibatsira basa. After two weeks ndabva kuchipatara ndipo pakauya amai nehanzvadzi yaTavonga kuzoona mwana. Pandakaona tete ndakafara kuti vaive vandirangarirawo asi kuna amwene hana yangu yairova nekuti ndaivatya. Ndakavavhurira mukova vakapinda zvavo mumba. Amwene vangu vachingopinda chete vakabva vatoti, "Mukati mwana wangu achirinewo chisvinu chaari kufunga kuita here kana kuti akutongo funga zvekuchengeta this village girl. Izvezvi vamwe vezera rake vatova nedzimba pamwe nemota dzavo asi haana chaainacho. Ndosaka paya ndaigara ndichitaura kuti aroore munhu anobvawo kurich family" "Mhamha mhamha hanziiko, ndizvo zvatauyira pano here izvozvo kana kuti tauya kuzoona muzukuru wedu. Dai zvamuri kutaura zvirizvo zviri mudzimba umu tingadai tisina kuroorwazve?" "Inyaya yekuti hauzvinzwisise chete, Tavonga akapedza mari yakawandisa achitengera broiler rake iri zvinonaka kuti rikwanise kubatira mimba" Nguva yose iyi ndaive ndakanyarara hangu ndakaterera mashoko ayirutswa navamwene vangu. Ndakatoona kuti ndikaramba ndakava nyararira zvaito ramba zvichienderera mberi ndaifanira kuvamisa zuva iri. Handizivi kuti zvivindi ndakazviwana kupi ndakaerekana ndavati, "Mhamha haisi mhosva yangu kuzvarwa kumba kune vanhu vasina mari, chaitovawo chishuviro changu asi mwari ndivo vanoita kuda kwavo" "Zvivindi zvekundi pindura urikuzviwanepi, ndakagara ndazviona ini kuti Tavonga akaroora joki vanhu vakanditi ndovenga muroora. Izvezvi azvara mwana wechikomba atova kuzviona kunge ane zera neni" "Mhamha why is it pose munotaura kuti mwana uyu haasi muzukuru wenyu, asi mwana wenyu haazvarisi ingomwa here?" Ndakaona tete vabata muromo nemashoko andakataura, vamwene vangu vakabva vasimuka kwakundirova mbama padama. Ndakanzwa hasha dzangu dzese dzichindi wandira zvekuti dai ndisina kushandisa pfungwa panguva iyi ndaivadzosera chete. Ndakaramba ndakamira ndakavatarisa apa ndichiita kubvunda nehasha. Ndakaona vasimudza ruoko rwavo vachida kundirova zvekare. Ndakagamha ruoko rwavo ndichibva ndavati, "Muri amwene vangu asi apa maguta kunyarwa manje, dzidzai kurespector vana kuti tigogona kukupaiwo respect. Now get out of my house. Handidi kukuonai futi pano kana musina nyaya" Vakada kumboramba vakamira ndichibva ndatanga kuita vekupudha kusvika vava panze. Ndakavhara door rangu ndikavasiyapo, ndakadzoka ndikagara pasi ndikatanga kuchema. Ndainyatso shaya chandaive ndakatadzira amwene vangu kuti vandivenge zvakadero. Ndakasimuka pandaive ndakagara ndichibva ndanotora mwana wangu aive akarara kubedroom ndichibva ndauya naye ndichibva ndamupa tete vake. Vakaita nguva vakamubata ndofunga vaida kufananidza, papera chinguva ndipo pavakazoti, "Sorry muroora I know zvaitwa naamai vangu zviri wrong but unofanira kungoziva kuti ndimai vemurume wako. Chauno fanira kuita kutsvaga nzira yekuti vakufarire kunyangwe uchiziva hako kuti vakakumaka. Haufaniri kudzorerana navo mashoko asi zvininipise. Hauzivi mangwana zvinomuka zvakachinja vakukufarira." "Ok tete zvamataura ndazvinzwa, inyaya yekuti ndango tadza kuzvidzora chete asi ndichavakumbira ruregerero nekuda kwezvandaita" "Yaaar ndokuti muroora akabva kuvanhu, I know mhamha pavachaona mwana uyu vachanyara nemashoko avo avano gara vachitaura kuti mwana haasi wedu. Hazvidi maDNA izvi mwana ndewa Tavonga uyu" Ndakazotanga hangu kubika kuti tete vadye, takaswera takatandara zvedu vakazoenda kumba kwavo kumazuva rodoka. Pavakazoenda ndaive ndakunzwa zvirinani, ndaive ndakanganwa kuti ndaive ndambonetsana naamwene vangu. Pakaenda tete ndakasara ndichigadzira best meal yaidiwa nemurume wangu. Ndakabika sadza rangu nerosted fish netumavegie twacho paside. Ndakaona nguva dzake dzekudzoka kubasa dzakwana kare asi asati adzoka. Ndakazama kufona number dzake asi dzaingo ringer dzisina anodaira. Ndakapedzisira ndasiyana nazvo ndichibva ndangozviudza kuti ndaifanira kumurira munhu wangu kusvika auya zvimwe aive awandirwa nebasa. Nguva dzakafamba kusvika kumaten munhu asati auya, hana yangu yaive yakurova kuti mwana wevaridzi aivepi. Zuva iri kana hope hadzina kuuya, dzakazoti dzava kuma past eleven ndipo pandakanzwa knock padoor. Ndakadongorera nepawindow ndikaona ariye zvake apa aisambogona kana kumira chaiko. Ndakamuvhurira achibva apinda hake. Ndakanyatsoona hangu kuti munhu aive asina kunyanya kudhakwa asi inenge yaiva strategy chete. Dai ndakaziva kuti yaiva strategy dai ndakasiyana naye. Ndakamuti, "Nhai ddy ndiyo nguva yekudzoka pamba here iyi apa makadhakwa futi" "Unondiudzira nguva yekuuya kumba umbori aniko iwewe?" "Handisi kukuudzirai nguva yekuuya kumba asi kuti mangwana muri kuyenda kubasa moenda sei nekudhakwa ikoko. Plus zvekuuya kumba nguva ino zvakatanga rinhi?" "Nxaa ndezvako izvo, pano pamba pangu ndouya nguva yandinoda uye ndini ndosarudza kuti ndoda kuuya ndakadhakwa here kana kuti ndiri sober. Kana uchiona usiri kupindirana nezvandinoda mukova ndiwoyu wobuda woyenda" "Uuuum handina chandino kwanisa kutaura nemi makadhakwa kudai, kana muine nyaya yenyu madii kuitaura musina kudhakwa pane kuti mononwa kuti mugogona kutaura nyaya yenyu" "Ndiri kutokuona hangu kuti urikuda kunditonga pano manje kana iri mishonga yekumusha kwenyu pandiri haishandi, ungadzinge amai vangu pamba pemwana wavo une chokwadi iwewe?" Ndakatoona kuti munhu anenyaya yake, chinhu chaive chakakosha panguva iyi kunyarara nekuti nyaya yacho yaigona kusazopera munezvakanaka. Ndakabva ndatopera kana simba rekuti ndimupe chikafu chandaive ndabika nemoyo wese kuti azodya. Ndakabuda mudinning mataive ndichibva ndayenda kubedroom kunorara. Ndakamunzwa hangu akugudubudza mandiro ndikaziva kuti akutsvaga chikafu. Ndakabva ndarara zvangu nguva iyoyo, ndakamunzwa paskauya kuzorara handina kutaura naye. Zuva rakatevera ndakamuka ndichimu gadzirira semazuva ese kuti ayende kubasa asi pandakamu mutsa kuti anogeza akabva atanga.... END OF CHAPTER 10
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 329

Comments