
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 11, 2025 at 05:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
VIMBISO
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
CHAPTER 11
TAVONGA
Patakabva kuchipatara nemukadzi wangu mushure mekunge ndaudzwa kuti ane pamuviri nachiremba ndaive nemufaro wakanyanyisa chose. Ndaifunga kuti ndikaudza amai vangu vaizofarawo neni sezvo vaiziva kuti ndaiva ndatambudzika kuti mukadzi wangu abate pamuviri. Pandakava fonera ndakatoisawo foni yangu paloud kuti bby wangu anzwe ndichitaura naamai vangu. Ndakatozo zvidemba nechandaiisira foni yacho online vakutanga kupopota vachishoro podza mukadzi wangu. Mashoko avaitaura ndakatomboita pfungwa kuti asi amai vakabata bata neni here nekuti vaitaura zvekuti mukadzi wangu akahura nhumbu yandaiva nayo yaiva isiri yangu. Ndakazo dimbura runhare pfungwa dzanga dzava kure chaiko apa ndainzwa kunyara kuti nditarisane nemukadzi wangu. Ndainyatso zviva kuti munhu wangu ndakamuwana akazara ozotanga kundihurira nhasi here?.
Ndakati ndichingo dimbura runhare handina kukwanisa kutarisa mukadzi wangu kumeso ndakango buda ndisina kana kuoneka. Nekwandaienda panguva iyi ndaisato ziva ndakazoerekana ndabudira pamashops. Ndakambomira ndichifunga kuti ndoita sei sezvo zvandainzwa panguva iyi zvaisaita zvachose. Nguva iyoyo ndakanzwa noise yaibuda kunva munekamwe jabhawa kaiva pamashops apa ndichibva ndati regai ndinoona chaiita kuti vanhu vaite noise kudero. Nguva yandaka mubhawa muya ndakaona vanhu vari busy kutamba snooker ndiyo yaikonzeresa noise kudero. Ndakatarisa vanhu vose vaive mubhawa umu vairatidza kuti hapana kana umwe anedambudziko vose cangorine happiness chete. Chinhu chandaka kwanisa kuita chete panguva iyi kubata bata homwe dzangu ndikanzwa kuti maiva nemari. Ndakatanga kunyemwerera zvangu ndichibva ndarangarira madays angu ndichiri kuchikoro imwe friend yangu ichindiudza kuti anombo pota achinwa doro kana aine stress anobva atanga kunzwa zvakanaka. Ndakafamba zvishoma nezvishoma ndichienda pacounter ndichibva ndasviko buritsa twenty yandaive nayo ndichibva ndatambidza bar lady ndichibva ndamuti,
"Ndipeiwo one reblack"
"Moda pint here kana quart mukwasha?"
"Ndipei riri quart ndiro rinonyatsoita"
"Ok mukwasha asi change handisati ndanayo ndonyora kuti ani mozouya muchitora"
"Nyorai kuti Tavonga"
Ndakabva ndatambidzwa bhodhoro rangu reblack apa raive rakaita kuchenuruka kuratidza kuti raive rakaiswa chando chese. Ndakaritambira ndichibva ndarivhura nguva iyi ndakatanga kunzwa kuti ndaive ndakarohwa nenyota zvechokwadi. Ndakarigadza pamuromo ndichibva ndatanga kudhudhudzira mumukanwa. Panguva ndakanzwa kuti raivava zvechokwadi asi ndakaramba ndakariisa pamuromo chete. Pandakazoti bvisa ndakaona vanhu vese vakanditarisa apa raive ratosvika muhalf chaimo. Ndakanzwa mumwe mudhara akadaidzira kuti,
"Ava ndivo varume chaivo ava, kwete zvenyu zvekuti munhu anonwa doro kunge arikunwa pepsi"
Vanhu vakabva vatanga kuseka zvikanzi neumwe,
"Usaudze vanhu nhema iwewe, type yevanhu vakadai vanenge vachida kudzinga pain kana stress nekudhakwa, mangwana kuchiyedza ndivo vanhu vaunozonzwa kuti akazvisungirira kana kuti akatsikwa nemota"
Ndakatoona kuti vanhu vakutoda kundimoka ndichibva ndatarisa tarisa mubhawa muya ndichibva ndaona chair yaive isina munhu yaiva mucorner. Ndakaenda zvangu kunogara pachair iya ndichizvi nwira hangu doro rangu. Pandakapedza kunwa ndaive ndakunzwa kuti pane zvakuitika mumusoro mangu asi handina kuda kuzviterera hangu ndakadzokera kucounter kunopihwa rimwe. Ndakadzokera kunogara pandaive ndakambogara paya. This time ndaive ndakunwa zvakanaka. Ndakaona murume uta wekumboti vanhu vanenge vaine pain kana stress akuuta pandaive ndakagara achizvuva chair yake. Akasvika akagara paside pangu achibva anditi,
"I'm Tawanda Moyo and u"
Ndakamuudza zita rangu zvekuti takapedzisira takutoita nyaya kunge vanhu vakatanga kuzivana kare. Takazobuda panze tikaenda mukabucher kaive panze tikatenga nyama yedu tikaisa pabraai stand tikatanga kugocha tichitaura nyaya zvedu. Zuva ndipo pandakaziva kuti doro nenyama zvinofambidzana kunge bhandi nebhurugwa. Handizivi kuti takazonwa doro rakawanda sei nasahwira wangu munyowani uyu uye kuti mari yangu yandaive ndasiya kuna bar lady yakapera here kana kuti haina handito zivi ini. Ndakazongo pepuka zuva rakatevera ndakarara pamubhedha apa ndichinzwa kuda kurutsa, ndakangoona bucket raive mumba matairara ndichibva ndatanga kurutsa nguva iyoyo. Ndakarutsa zvekuti matumbu akapedzisira akuita kunge achabuda aya. Ndakazo zvimanikidza kusimuka asi ndaive ndisisina kana simba ndichibva ndageza mukanwa kwakurara zvekare.
Ndakazo pepuka ndaisirwa mvura yekugeza, pandakapedza kugeza ndakatanga kunzwa zvinenge zvirinani ndichibva ndapihwa chikafu kwakudya. Takazotanga kutaura nemukadzi wangu ndikakumbira ruregerero nekuyenda kubhawa ini ndaifanira kumu comforter nekuda kwemashoko akataurwa naamai vangu. Kubva zuva iri handina kuzoda kufonera amai vangu ndaiti vakandifonera ndaisadaira hangu call yavo. Rimwe zuva vakazoita zvekundi nyorera iri msg chaiyo hanzi,
"Mwanangu ndozviziva kuti wakanditsamwira asi kutaura chokwadi chaicho kana mukadzi wako akazvara mwana mukomana panhumbu yaainayo ndinobva ndatanga kumufarira uye ndobvuma kuti ave muroora wangu. Asi ukaona akazvara mwana musikana handikwanisi kumutambira"
Ndakabva ndatova pindura nguva iyoyo,
"Mhamha mwana chipo chinobva kuna mwari zvekuti atanga nemwanai handioni zvinebasa. Chinebasa ndechekuti ndinenge ndakunzi baba chete"
"Kuti unzi baba anechiremerera unofanira kuva baba vemwana mukomana nekuti ndiye anokudza dzinza kwete mwana musikana"
Ndakasiyana navo ndakatoona kuti zvekutaura navo kupedza nguva hapana pavaimbofa vakaterera mashoko angu vaingoda avo chete.
Mazuva akafamba zvinhu zvaifamba zvakanaka, kubasa taive takanzi munhu nyoresa maqualifications ako auinawo kuHR. Ndaive ndakanyoresawo angu. HR aivepo mukadzi akazobata pamuviri saka aive akuenda kumaternity leave saka paizoda munhu anosara ari pachinzvimbo chake. Ndakaona ndatumirwa munhu kuti azondidaidza. Moziva kuti pabasa ukaona wanzi urikudiwa kuHR hana inotomborova chete. Ndakaenda kwandaive ndadaidzwa asi hana yaiita kurovera kumusana chaiko. Ndichipindamo ndakaona mapapers angu akabatwa. Ndakabva ndanzi ndigare hangu pasi. Ndakabvunzwa kana mapapers angu maoriginal acho aivako kumba ndikabvumirana navo. Ndakabva ndatotanga kuinterviewer apa ndakato pfeka hovhorosi yangu yebasa. Pandakapedza interview yacho ndakabva ndanzi ndidzokere hangu kubasa kwangu.
Ndakazo daidzwa kwatova kumazuva rodoka zvekare kuHR kuya, ndakasvika ndikaudzwa mashoko anofadza. Ndaive ndapromotwa kuvaHR officer. Misodzi yangu yakamboduda nekufara. Ndakabva ndatopihwa off yemazuva maviri ndaizotanga basa Monday sezvo yaiva Friday. Ndakaenda kumba uri mufaro wega wega zvekuti mukadzi wangu akapedzisira abvunza. Pandakamuudza akafara neni. Ndakazo kumbora mari yekuti ndinotengawo hembe dzinoita kuti ndino shanda muoffice sezvo ndaingova nemajean chete. Zuva rakatevera takaswera mutown nduchitenga hembe dzangu. Monday ichisvika ndakaenda kubasa ndichibva ndatosigner contract, ndakaona mari yangu yaive yawedzera times two yandaimbo tambira. Ndakazotanga kudzidziswa basa zvekuti pakazopera week ndanga ndatova shasha.
Ndofunga mose mongoziva kuti kuwanda kwemari maresponsebillity anowedzerawo. Ndakatanga kuona kuti one room yanga isisaiti ndakabva ndatsvaga two rooms kwakutengawo masofa neTV. Mukadzi wangu akafarawo anga ane chinoswera chichimu varaidzawo pandinenge ndisipo ndiri kubasa. Ndakazoenda hangu nemukadzi wangu kuscan tikanoudzwa kuti mwana musikana. Kutaura chokwadi ndakarwadziwa asi handina kuda kuzviratidza, ndaitodawo kuita baba vemwana mukomana. Ndakazopa madam mari yepreparation vachibva vanotenga.
Semunhu aive akutambira mari inenge irinani ndipo pandakatanga kunzwisisa kuti money is the root of all evil. Ndaive ndanekamwe kamusikana kepabasa pedu kandakatanga kufambidzana nako. Rimwe zuva kakatombofona ndina madam ndakazongo vhara vhara hangu nyaya dzacho. Mukadzi wangu akazobatsirwa mwana musikana. Amai vangu havana kumbobvira vakauya kuzoona mwana asi vaindi fonera everyday vachindiudza kuti vaizouya kunoona mwana. Zuva rakauya hanzvadzi yangu vakandifonera vachiti varikuenda kumba kwangu kunoona mwana. Ndakafara zvikuru pakataurwa mashoko aya naamai vangu. Ndakazo shamisika amai vangu vachindi fonera vachindiudza kuti vaive vatukwa naVimbiso. Ndakanzwa hasha dzakawandisa zvekuti ndaka...
END OF CHAPTER 11
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
309