
MHAMA ADEL STORIES🇿🇼
June 13, 2025 at 04:08 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaNj6QrFHWpu2kX3h41g
VIMBISO
STORY BY MHAMHA ADEL
READ AND SHARE
CHAPTER 13
VIMBISO
Nguva yandakamutswa nababa Tiara ndakamuka pandaive ndakarara apa paive pakaita kuzara kutota nedikita apa mwana ayichema. Ndakatarisa murume wangu ndikaona akaita kurova serious akanditarisa zvekuti ndakatanga kutya. Panguva iyi ndakashaya kuti ndonhonga mwana aichema here kana kuti ndoita sei. Ndakazongo pedzisira ndaramba ndakagara ndakatarisa Tavonga,
"Saka kuramba wakanditarisa ndokuita sei ikoko hausi kunzwa kuti mwana arikuchema here?"
"Inga imimi murikuona kuti arikuchema wani asi muri kumusiya akadero, kurara kudai musafunge kuti kuda asi kuti nyama dzangu hadzisi kunzwa zvakanaka"
"Iwewe ndiri kutokuona hangu kuti uri kukura musoro mazuva ano, urikuda kutozviona kunge unogona kupindura munhu wese handiti?, zuro ndizuro wakatuka amai vangu nhasi wava neni"
"Kana paine chandatadza ndokumbirawo ruregerero nekuti hapana chandataura chakashata"
"Nxaaa chete munhu akajaira kugara pamba achingodya akagara mumusoro make munobva mazara mvura. Dai waimukira kuenda kubasa ungadai usinga tauri mashoko ako iwayo ukundinzwa here?"
"Baba Tiara zvichiri zvekuchema kwemwana here zvamuri kutaurira mashoko ese aya or munedzimwe nyaya dzenyu"
"Hapana zvauri kutaura apa izvezvi unongo swera wakarara pasina kana chauri kuita pano. Kutadza kutamba nemwana chaiko, wakufanira kutsvaga basa uwone kuti zvinorwadza sei?"
"Baba Tiara izvezvi kuchena kwamunenge makaita zuva nezuva muchizvida kunze uko ndini, ndokubikira ndokuwachira asi zvese izvi hauzvioni. Chaunongoona kutadza kwangu chete. Ndichaita sekuda kwenyu ndichafamba mudzimba mevanhu ndichitsvaga mapiece job pandodzokawo manheru tosiko batsirana basa repano racho"
Ndakangoti ndichipedza kutaura mashoko aya ndaive ndakatarisa kamwana kangu kaisekerera kaka tarisa chigunwe changu. Ndakaerekana dama rakupisa zvekuti pandakasimudza musoro ndakasanganidzana neimwe mbama yaiva strong ndichibva ndarovera kumadziro. Panguva iyi ndakamborohwa nechadzimira chaicho zvekuti ndaive ndisisanzwisisi zvaiitika. Pandakazo vhura maziso ndakabva ndabatwa pahuro apa zvekuti ndakasara padiki diki kusiya nyika. Ndaive ndakufemera kure kure chaiko. Pandakasiiwa ndakabva ndango donhera pabed.
Handizivi kuti ndakaita nguva yakareba sei ndakarara kudero, ndakazo muka pava paya ndikaona kamwana kangu kachisekerera kakanditarisa. Ndakazvimanikidza kumuka ndichibva ndaenda kukitchen kunotsvaga mvura yekunwa. Ndakaona kuti Tavonga aive atobuda mumba hamheno kwaive kwayendwa. Ndakadzoka mubedroom maive nemwana wangu ndichibva ndatanga kuburitsa misodzi ndakamu tarisa. Ndakatanga kuzvibvunza mupfungwa kuti ndizvo here zvaiitika muvanhu vese vari mumarriage. Ndakatanga kufunga kubva ndichiri mudiki kusvika pazera randanga ndiri ndikaona pasina kana zuva randakaona amai vangu vachinetsana nababa vangu. Ndakazongozvi simbisa kuti pamwe vainetsa asi tisingazvioni.
Ndakazo simuka pandaive ndakagara kunze kwaive kwatosviba aka kamwana kangu kaive katorara zvako. Ndakatanga ndanogeza cold water ndichifunga kuti ndingatange kunzwawo zvirinani sezvo ndainzwa kupera simba. Ndichipedza ndakazvi tarisa pamirror ndikaona dama rangu raive ratozvimba. Ndakazvi shingisa ndikanobika sadza kwete kuti ndairida asi ndakatya kuuya ndichisviko rohwa futi ndichinzi waregererei kubika. Ndakapedza kubika ndichibva ndakiya madoors angu kwakuenda kunorara, zuva iri ndakamboda kunamata asi ndakangonzwa kupera simba ndichibva ndasiyana nazvo. Semunhu aiva nepfungwa dzakawandisa hope dzakanonoka kubata zvekuti nguva dzakasvika kumaten ndichiri ndakasvinura apa baba Tiara vaive vasati vadzoka. Ndakatora foni yangu ndichibva ndavafonera ndaida kunzwa kuti munhu aive achiripi. Ndakafona three times isinga dairwi yakazo dairwa pacall yechifour.
"Urikundi fonera nguva dzino urikudei?"
"Maswerasei baba Tiara murikuuya kumba nguvai?"
"Zvambonyanya kuita sei kuti undibvunze nguva yekudzoka kwangu kumba?"
"Sorry kana ndakanganisa kwanga kuri kungobvunzawo hangu zvekuda kuziva handina kuziva kuti ndakanganisa"
"Nxaaa uri benzi remunhu dai urimunhu akakwana waingosiya wozokna ndadzoka, or watofonera zvako kuda kundinzwa uchida kuziva nguva yekuzo buritsa chokomba chako mumba mangu"
"Handizivi hangu kuti ndakanyanyo kutadzira kusvika papi chaipo murume wangu zvekuti unosvika pakundiudza mashoko anorwadza kudero, dai waimboziva kuti muhupenyu hwangu hakuna umwe murume wandinoziva kunze kwako chete waisandidero"
Ndakanzwa hangu voice rechikadzi raitaura kuback ground zvekuti BP yangu yakabva yato kwira. Ndakanyatso zuva kuti munhu aiva nemunhu wemukadzi kwaaive ari. Padyo pekuti akate hake call yangu ndakanzwa kasound kekuratidza kuti vanhu vaive vakudyanana miromo. Ndakakata call yacho ndikabva ndatanga kuchema. Ndaishaya chandaka nyanya kutadzira Tavonga kuti andiitire hutsinye hwakadai. Handizivi kuti ndakazo batirwa nehope nguvai asi ndakamuka musoro uchiita kurwadza chaiko. Ndakatarisa nguva ndikaona dzatova past seven kuseni. Ndakamuka ndikachinja mwana wangu pamwe nekumu bikira porridge. Paakapedza kudya ndakabva ndamuisa kumusana kwakutanga kuita basa rangu. Pandakapedza ndakambo funga kufonera baba Tiara ndinzwe kuti vapenyu here semunhu aive asina kurara mumba asi ndakazo siyana nazvo pandaka funga zvandaive ndakaitirwa zuva raive rakapfuura.
Nguva iyi ndiyo nguva yandaive ndakuona kuoma kwehupenyu, ndaitarisa zera rangu nehupenyu hwandaive ndakurarama ndaibva ndanzwa kurwadziwa kwakanyanya. Dai ndaive ndisina mwana ndaisiya hangu marriage yacho asi mwana wacho ndaizo muchengeta nei. Ndakanovhura hangu pandaive ndakachengeta mari yainzi ndoda kuzono roorwa ndikaona yaive yawanda zvekusvika kumafour point five thousand us. Ndakaidzorera hangu ndichibva ndagara hangu ndakabata shaya, kuti ndifonere amai vangu ndivaudze zvaindi netsa ndaiziva kuti havana chisvinu chavaitaura kunze kwekuti shingirira ndizvo zviri imba zhinji.
Kwakazoti kumazuva rodoka ndakaona pamba pachisvika mota yerudzi rwerunix yairatidza kuti ichiri nyowani zvayo, ndaidongorera nepawindow nekuti ndaishaya kuti ndeyani. Yakasvika ikapakwa pedyo nemusiwo wangu chaiwo. Ndakaona baba Tiara achibuda mumota muya aine umwe murume. Ndakaona vakuuya mumba ndichibva ndabuda mudinning mandaive ndichibva ndanopinda mubedroom. Pavaka pinda ndakavanzwa hangu vachitaura inini ndichibva ndaramba ndakagara hangu imomo. Ndakazonzwa mafoot steps ndikaziva kuti shasha yaive yakuuta. Akasvika achibva amira akanditarisa zviya zvekuti ndimhorese hausi kundiona here. Panguva iyi ndakango funga zvandakanzwa nguva yandakamufonera ndikanzwa kubhoikana naye chaiko. Ndakazongonzwa munhu akuti,
"Ukuramba wakagara ipapo hausi kundiona here?"
"Ndiri kukuonai asi mukuda kuti ndiite sei?"
"Chete pamba pano hauchina respect neni wakutozvi ona sababa vemba iwewe, manje rega ndikuudze chero ukadii pano pamba panoti inini wazvinzwa"
"Ehe ndazvinzwa"
"Pane mudziyo wandauya nawo uripanze apa saka ndirikuda tibude unowuona wondiudza kuti urisei"
"Handina chandaka taura kunze kwekubuda kuti ndiite zvaitaurwa. Munhu wacho aisanzwisisika waigona kuto tanga kurohwaka. Takabuda ndikatanga ndakwazisa murume aive auya nababa Tiara tichibva tazoenda panze paive nemota yacho. Yakavhurwa madoors ndikadongorera yaive yakanaka zvayo mota yacho.
"Urikuuona sei mudziyo uyu?"
"Wakanaka"
"Yaaar wagara wakanaka, ndaona sekuti munhu waHR hazvichaita kuti ndirambe ndichifamba netsoka pakuda kuti ndifambe ndakagara, saka pafour point five yauinayo iya ndoda kuti umbondipawo ndibhadhare mota iyi ndozodzosa mari yacho kumberi uko"
Paripo pekuti unopererwa asi chekuita unenge usina, padyo pekuti ndimupindure ndakango donhedza misodzi ndakamu tarisa. Chokwadi mari yandaive ndakatarisira kuti vabereki vangu vakuzono farawo yongotorwa just like that. Yo make matters worse unenge uchinyatso ziva kuti anenge achinofara nemota yacho nemahure ake. Ndakafamba kubva panze ndatopererwa nezvekuita chaiko. Ndakapinda mubedroom ndikaburitsa mari iya ndikaigadzika pamubhedha handina zvandaka taura. Muridzi wayo akaitora akatanga kuiverenga hake. Paakapedza haana chaakataura akabva abuda muroom mandaive. Vakamboita kanguva vari mudinning nemurume uya ndofunga vaimboverengerana mari. Pasina nguva ndakazonzwa vanhu vakubuda kwakubva ndadongorera nepawindow mota ichibva yatorova pasi.
Ndakasara hangu ndakagara kuti nditi ndairwadziwa handizivi, baba Tavonga havana kutora nguva vaive vadzoka kumba. Ndakaenda kudinning kwavaive vakagara ndichibva ndasvikovati....
END OF CHAPTER 13
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
421