
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 14, 2025 at 05:47 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20
5•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️
Written BY MAI ZIMUNYA
Aka Mai tee)
📲+263782122093
*AAP*🚦 +263 73 555 3736
This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author...
https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page
(READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕)
CHAPTER 5
*MALUME*
Madam vanhu aiva munhu munhu akanaka chose .Chaiva chirera nherera zvose nevanotambura .Kuti ndiwane basa pandaishanda apa ndaiva ndatopinzwa ma Madam .Ndaiita zvekugadzira gadzira maruva uye twumabasa twakangodaro daro pamba .Pay yangu ndaipihwa 500 asi waiona madam vowedzera ka 100 nerweseri.She knew dambudziko randaiva ndaro ndaiva nekazukuru kangu kakatsonga kwazvo nekurwara .Waiti wakakatarisa waigona kufunga ka underage asi kaiva katokura mufunge.Kaiva kamwana kwemwanakomana wangu akandisiirawo usati waenda kunyika dzimu.Mwana wangu wakashaika zvose nemuroora wangu zuva rimwechete.Mwana ndiye oga akararama ndokuona kwatakaita kuti waiva nechirwere chemoyo .Mwana airwara rwara zvekuti kamari kose chero zvakasiiwa nemwana wangu zvaiperera kuzvipatara.Situation yacho yakaita ndibate shaya ndidonhedze misodzi nekuti ndaiti tichiviga madam kazukuru kangu kaiva paoxygen chaipo muchipatara .Paidiwa mari apa madam vaiva vandisiya.Ndiye oga munhu aikwanisa kundibatsira panhau iyi .She would make sure vandipa mari whether pay yakwana or not .Haaaa Mwari vaiva havo.Handisati ndakambochema munhu zvekukumbira Mwari vamudzore havo asi Madam vangu ndakachema…
“Mwari mandiseka weeeee ..Haaaa mandiseka..Ndodiiko mwana wangu ofa here ..Deno zvaibvira madzora henyu madam vangu kani .Dai matora henyu ini ..”ndaidaro Mumoyo mangu misodzi ndiye do do do.Ndakadzimara kubatwa nehope ndokurara zvangu palawn pandaiva .Kunze kwaitonhora asi kamushana aka kakandiitira fani .Ndakatanga kurota madam vachifamba ndokuuya pandaiva .
“Malume unochemei ko “vakadaro vogara zvavo padivi neni .Ndakamuka ndokuvatarisa ndochema .
“Madam madzoka hiii hiii hiii .Ndi Muhle uyu ..Muhle arwara zve handina kana kobiri ..”ndakadaro ndoungudza kuchema .Ndakaona vosekerera havo ndokundipukuta misodzi voti ..”usachema ..Ko akazorora hake haungafari here ?”
“Kwete ..Ndiye oga anondirangaridza mwana wangu .Akafa ndodii “
Madam vakatura befu ndokuti “Life is not fair Malume .Ini ndiri ndoga mumba mangu asi ndangozoenda.Amai vangu Malume vanogona kuteera nyikadzimu kwandiri..Hazvingaitiki izvozvo nekuti makore avo vachateera vobata mudonzvo chaiwo .”
“Vane makore mazhinji okurarama..”ndakatsinhira
“Ehe .Anyways wandidana ..ukangochema chete ndinobva ndauya .Wachemei “
“Mwana wangu uya akatsonga samare uya warwara zve .Hanzi uri paoxygen angori ziiii .Zvino panodiwa mari yacho or vanokwachura mweya voisa pane umwe ane mari .Madam ndapfugama hangu save my daughter for me .You were like my daughter to me I can’t lose both of you ..”
Madam vakaseka havo ndokuti “Ndi Achihoro ka avo …”
“Hongu waziva sei “
“Ndaziva hangu ..Hakuna chihoro akaota Malume ..Asi pawava apa pashata ..Ndaona mamuviga mumazuva mashoma .Mweya wake waneta “
“Madam please help me ..”ndakadaro ndagwadama pasi chaipo .Ndakaona oramba akanditarisa zvake ndokusekerera.
“Ndinokubatsira..asi ndinoda undivimbise chinhu ichi ..”
“Ndinokuvimbisa chese chaunoda.Chandinoda mwana wangu ararame..Zvimwe zvese handina basa nazvo “
“Hooo ..Pikira pamberi pababa vangu ..”akadaro onongedzera nguva iyi kwakava nekupenya kwakanyanya kwazvo .Ndakavhara kumeso nekuda kwekupenya uku .Ndakazovhura meso ndokuona murume aipenya kwazvo agere pachigaro chegoridhe..Murume uyu Akita muviri wangu udedere zvose nekumerera..
“Father “akadaro Madam achizvityora ..
“What is it again my child “Murume uya akabvunza
“He is ready to help me “
“You are sooo hot headed hee..”
“Yes sir I’m ready to help .I swear in whatever hameno so long my child is safe .I don’t want her to die ..”
“Hmmmm are you sure ?”
“Yes sir please save my daughter she is very ill .Please”
“Okay I grant your wish …”vakadaro ndokunyangarika voenda .Ndakavhunduka ndokubata Hana yangu .Madam vakaseka havo
“Urigwarawo iwe ..”
“Yohhh ndiani iyeye anotyisa kudaro “
“Ndobaba vangu vandanavo..Ndichakubatsira Malume ..Ndichakuropafadza ..Haungashai pokugara pakanaka .Haushayi chokudya..Baba vangu vachakubata mangwana ndine pasuru yako ..”
“Hoooo inini shuwa here Madam “
“Yes ..Anyways ndichakuudza zvandinoda kana ndakupa wo zvaunoda..”akadaro ofamba kuenda ..
“Madam handina kana cent ..Nhasi Hamuna here ka mari “
“Haya Malume munogara makabroka”akadaro ondipa 200 us .Ndakaramba ndakatarisa ma 100 maviri aya ndokuona imwe yacho yaiva neka ink .Nguva dzandakada kubvunza kuti hairambwi here iyi ndakabva ndaona munhu pachisina .Ndakangopepuka pandaiva ndokumuka ndogara.Ndakadzamisa pfungwa ndikanzwa kudedera kwazvo ..
“What a strange dream “ndakadaro ndichinetseka .Nguva iyi ndakanzwa pagedhi ponokwa ndokumhanya ndonovhura .Ndaifunga ndiboss asi ndakashama kuona vaiva baba vamadam .
“Ahhh sir “ndakadaro ndiine ruremekedzo rwakanyanya.Vaiva vanhu vakuru sa ava vaitotyisa ..Vakapinda mukati ini ndokuvhara door ..
“Sir ,boss Vachiri kumakuva “ndakadaro
“I know Malume ..Ndati ndiuye ndikuone pasina vamwe ..”
“Ohhh okay ..Ndapareiko vakuru vangu …”
“Nothing ..You are a Ndlovu like me sooo don’t respect me tooo much .Im like your son Malume
“
“Haaaa mambo vangu madarireiko Murombo anenge ini .Muri vanhu vakuru veDzimbabwe..Haiwaaa musandiremedza “
“kana ..Anyways ndandichienda through zvinhu zvemwana wangu ndashama aiva akanyora will ..”
“Hooo ?”
“Yes and you seemed close to each other ..”
“Hooo haaaa Ehe taitaura kwazvo naMadam.We made kuZhombe ndaishanda pachikoro.Ndivo vaibhadharira zvekare kamwana kangu fees “
“Haaaa mwana uyu sooo .Okay mwana wangu anga ane dzimba dzakawanda asi pane imba iri kuRuwa ati ndikupei .Makeys aya “
Hana yangu yakarova ndokuti “huh ?”
“Ehe hanzi Malume ngavanogara ikoko vachengete pamba ingaora .Dzimwe dzese dzine maroja iyoyo ndiyo yoga isina .Hanzi munenge muchishanda pano zvamunosiita..”
“Haaaaa asi madam ka ..”ndakadaro ndochema ..
“Ehe ndangozadzisa chishuwo chemwana wangu ..Oh ndambonzwa uchitaura nevamwe zvekurwara kwemwana wako “
Vakadaro vondipa 200 us .Ndakatambira nemufaro shuwa .Sir vakaenda ndakangosara ndakamira zvekupererwa.I remember going ku Ruwa namadam kuno cleaner imba iyi I ddnt know it was going to be mine .Shuwa mudzimai wangu achifara kugara kutaundi shuwa ummm .Ndakagwadama pasi ndikatenda musiku ummmm .Ndakapinda mumba ndokutora kanhava kangu ndobuda.Ndaida kunobata mabhazi eKwekwe pa show grounds ndinoona mwana wangu airwara pa General .Ndakabuda ndokumhanya kumakombi aienda kutown ndokugadha.Ndakaburuka kuna 4th ndiye tande ndakananga kuShow grounds netsoka.Ndaida kusevha mari nekuti zvaiva mberi zvaida mari ..
“Kwekwe iyoooo ..Chegutu kadoma Kwekwe iyoooo .Khule khule vane kanhava kebrown murikuenda hereee!!Yeahhh khule manyama handei !”akadaro Hwindi achifara zvake .Ndakangogadha bhazi ndokugara seat rakanaka kwazvo .Ndakabuditsa mari ndigobhadhara hangu bhazi hanzi 7us kusvika kwekwe .Ndakangozoona ndakatarisa mari iya ndokuona yaiva nesame ink seyandarota kuhope dzangu ..Hana yangu yakarova ..
“Okay khule handina change regai ndigokupai “akadaro Hwindi onyora tikiti rangu .Ndakangotambira ndokugutsurira musoro .Deep down I knew something was wrong somewhere na Madam vangu ..Was this really happening or ndairota .?
*CHIPO*
Ndaitadza kana kudya chaiko ndaiita kurwadziwa kwazvo nekufa kweshamwari yangu .3 days dzese dzakapera ndisina kana kudya .Ndakaona box richidzika misodzi yangu ikawira pasi .Shuwa Vongai waiva waenda hake shuwa kusingafi kwakadzokwa .
“I’m hungry aunty “Kakadaro Juju karikumusana ndakabva ndapinda mumota ndodzokera kumba .Ndakasvika vamwe vatodzokawo kumakuva asi vazhinji vaiva vachiri munzira kudzoka .Ndakakwatisa mvura ndokuita cerevita nekukasika zvekuti Leone akasara osvika ndakutofeeder mwana ..
“Wasimba here Chipo zvekudaro .let his nanny feeds him “
Ndakapa mwana bota ndokutarisa pasi ndochema ..
“I’m trying to keep my promise okay .I gave Vongai a promise that I’m going to be there for him ….”
Akatura befu ndokuti “Okay but take it easy “akadaro ofamba kuenda kubedroom kwake .Ndakasara ndofeeder mwana apa aitodya zvake slow .NdKapedza ndokupa aunty vamugeze.Semunhu aiva ajaira zvake kugarouya pamba apa ndaitova neroom yangu .Ndakabva ndanogeza ndokupfeka imwe hembe ..Ndakabuda ndokuenda kubedroom kwake ndokuwana munhu asimo ..Ndakaenda kwaiva na Aunty ..
“baba junior varipi “
“Vadaidzwa kumba vanhu havasati vaparara”
Nxaaa nhamo yacho isingapere here .Ana Ndlovu vanosvotawo pane paachamuka here mwana wavo .Leone is no longer their son in law mwana wavo atofa and he is free to marry me .Hakuna munhu anozivirna Leone kunze kwangu ndega ..Ndakapinda ndokunorara zvangu handina kuzodzokera kumba kwana Vongai .
Masvondo matatu akadarika ndichigara pamba paVongai .Munhu wese was happy kuti ndigarepo nekuti Junior aindida zvekuti .Plus vaichengetedza mashoko andakavaudza aiva asiiwa na Vongai ..Leone was always busy and aisagara pamba zvake .It’s like he was now avoiding this house hameno kuti chiii .He was now always drunk nguva zhinji hameno zvaainge angova ..
“You need to sleep with him now .He is valnerable now ..That’s the only way in “vakadaro baba vangu ah baba ava sooo .Kutondifonera kuti ndiuye vandiudze izvozvo ..
“Shuwa mwanangu ndiyo nguva yacho …You need to get pregnant…”vakatsinhira mama ..Ndakadzokera kumba zvangu ndokusvika Leone achisvikawo from work .He was holding his wine as usual ..
“Hey “akadaro
“Hi ..titambire”ndakadaro ndichitambira laptop bag rake .Ndakatarisa kurudyi ndokuona kasekuru kachifinyamisa karomo.Ndakapinda mumba ndokuisira Leone mvura yekugeza.Ndakabuda ndoenda kwaiva nekasekuru Kaya ..
“Malume …Malume !!!!”I screamed
“ndiro zita rangu “Kakadaro zvako kachidiridza..Ndakakanongedzera ndokuti “You better be careful with me in this house ..I saw you uchifinyama wauchifinyamei ?heeee!”
“Kushata madam ..”
“Just be very careful with me because I have every power to fire you “
Ndakaona ooma zvake kuseka ..
“Madam gave me this place before she died ..You will
Not fire me ..Ini kubviswa pano panotoda chikopoko chaicho..Unondi fire chii pandinotonhora unondi cooler here ?Seee young lady this place inoti ini Malume …Iwewe ndiwe uchatoenda ini ndosara pano ..Seee madam gave me a very big house pawiri ravo that shows ndiri muhombe.Iwe wakasiirwei?ndirikukuona zvangu urikutaimira boss vangu “
Hana yangu yakarova ndokutendeuka ndomhanya mumba munaLeone.Ndakasvika achidira doro rake ..
“Why would you guys give that old man imba iri kuRuhwa ?Because of that house he no longer listens to me in this house .”
Leone akadzvova zvake kudhakwa ndokunditarisa oti “I’m a widower Chipo ..Let me mourn my wife in peace …Know your place “akadaro osumuka achifamba kuenda .Ndakarwadziwa shuwa nemashoko aya .Misodzi yakangobuda…
@MAITEE NOVELS ❤️
We are changing lives …
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
5.9K