Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 14, 2025 at 07:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20 6•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️ Written BY MAI ZIMUNYA Aka Mai tee) 📲+263782122093 *AAP*🚦 +263 73 555 3736 This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author... https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page (READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕) CHAPTER 6 *AFTER 6Months* *MUHLE* Ndakashama kumuka ndirere pabed pandaiva ndirere.Ndakabwaira ndokutarisa mudenga ndikaona ndaiva mumba makanaka kwazvo .Ndakabwaira bwaira ndokumuka ndogara ndikaona hongu maiva mumba asi hai sandizvo.Nguva iyi ndakaona mukadzi wechikuru zvishoma achipinda mandaiva akabata dish .Ndakaona oshama muromo dish richiwira pasi . “Yohweeee ubaba !!!Ubaba !!!”akadaro Mukadzi uya achidana munhurume nechindebele.Ndakaramba ndakatarisa ndiri confused ndikaona kasekuru kasvika.Kaiva kakapfeka suit yemabox box yepink neshangu dzacho dzepink .Hameno dressing iyi ndeyekupi asi iiii ndakaikoniwa.. “Maihweee aMandlovhu!Mamuka kani Achihorooo !” Vakadaro vofara vodana mutupo wangu yes ndiwo asika handivazivi.Ndakamedza mate ndokuti “Where am I and who are you ?” “Heeee hanzii ataura chirungu ka uyu heeee hanzi who are we isusu ?”kakadaro kasekuru Kaya kachibwaira twuziso. “Don’t you remember me ?”Kakadaro zve Ndakaramba ndakakatarisa ndokuti “of cause I know you but I don’t …Ohhh I think I remember her .But that’s not the case why am I here “ “Hiii hiiiiiii muzukuru wangu kaniiii .Wane sikisi manzi uvete takadzingwa kuchipatara hanzi mwana wenyu afa Endai naye .Takakutakura kuuya newe kuno kumba yedu itsva .Sekuru ako vakatsvaga chiremba wakufidha nedhiripi “vakadaro ndakabva ndatorizvomora nhai chii chakadaro.Ndakasvetuka pabed ndiye jiii pasi nemakumbo .. “Yohweee wasvetuka!Yohweee !”vakadaro mbuya vaya . “Six months ??You mean one two 3 kusvika six without my husband ?” Vakatarisana ndokuti “Mhaaa ?Hus husband ?” “Ehe arikuti ane murume !Ahhh iwe Muhle Wakuita zvetwukomana rinhi ?heheeeeee”kakadaro kasekuru Kaya .I had no time for this .Ndakatarisa tarisa ndokufamba ndichibuda panze .. “Dzoka iwe nhai mwana adiiko “vaidaro Gogo vaya ..Sekuru vakandinyamura ndokudzokera neni mukati .. “Hauna kwaurikuenda..Uyu munhu akutomhanya mushini uyu ..Ngaambogeza odya ndirikudzoka ndadanwa kubasa ..”vakadaro Sekuru vaya vobuda kuenda .he locked us all inside nhaimi haasi mashura iwayo .Ndakadzokera muroom mangu ndokufamba slowly ndichienda pa Wadrope ..Ndakatarisa pamirror hana yangu ikarova .Ndakazvibata bata kumeso ndikanzwa kurwadziwa kwakanyanya.. “Noooo …what is happening ..How did I became this tiny ..ohhh noooo ..”ndakadaro ndichibata musoro waiva nerasta rakareba.I had a nose ring tooo ah zvinhu zvacho .Murume wangu achandiziva here ?How did this happen ?Mwana wangu aiva pai for the past 6 months?Basa rangu nhai ko mota dzangu ? Murume wangu kani aiva pai ..Misodzi yakadonha ndakagara pasi chaipo .I was shaking …I couldn’t do anything kunze kwekuchema chete.Gogo Vakapinda ndokuramba ndakavatarisa hangu .Ndakaona voramba vakanditarisa ndokugara havo pabed .. “Geza ndokuvhurira “vakadaro Gogo vachiratidza kunzwa tsitsi.Ndakasumuka nekukasika ndokupinda mubath .Sipo yacho was ordinary geisha ini ndaitoda lux chaiyo .Ndakageza ndokubuda ndopihwa hembe dzekupfeka.Ndakaramba ndakatarisa gogo ava she also had a nose ring .Mumusoro mavo vaiva nerasta ..Handina kutaura chinhu vakatanga kundisunga musoro zvakanaka . “Wokasika kudzoka “vaakdaro vachipedza kusunga vhudzi rangu .Ndakaona vondipa phone yangu ndakafara yaitova nemoto .Ndakaisa finger print asi yairamba zvese neface id .Pin ndaiiziva ndakabva ndaisa pin iya .Nguva iyi ndakabva ndatobaya number dzemurume wangu ndokunzwa ichitaura kuti my line was barred .Ndakarwadziwa kwazvo ndokusiya phone yacho mudrawer .Gogo gave me 5 us ndokubuda ndoenda kumakombi.Zvakawanda ndaiva ndisina basa nazvo ndakangopinda mukombi ndakananga kumba kwangu .A lot had changed but ndaiziva hangu .Ndakaburutswa kubusstop mongoziva zvekuma dale dale ndekwevanhu vane mota dzavo saka busstop will be far .Ndakatanga kufamba zvangu ndichikwidza mukwidza waivapo..Ndakusvika ndakabva ndatoona mota yemurume wangu ichibuda pagedhi .Hana yangu yakarova ndokukanda nhanho.I was shocked to see achidzikisa window mukadzi achimupa lunch box .Ndakaona mwana wangu akamirawo “Junior …”ndakadaro ndichidonhedza misodzi yemufaro.Ndakafamba ndoswedera padyo hangu ndirimo munzira .I was shocked to see aiva Chipo . “Mokasika nhasi it’s Junior’s birthday tomorrow arikuda cake rekuenda naro kuschool “ “Okay ndokasika..Thanks for the lunch ..” “Welcome .Handidi mudyiswe kubasa ikoko kkkk .Im protecting murume wasahwira wangu ..” “Haaaa Iwewe sooo ..” “About last night I was drunk and …” “No worries it’s okay ..I truly understand you ..Chikasikai kumeeting “akadaro Chipo achiwaver zvake ..Murume wangu akamutsa mota ndokuenda hake ..Ndakasara ndakangotarisa kwaiva kwaenda nemota ummmm haaa ndakarwadziwa..Chipo akabata mwana rwoko ndokufamba achipinda mugedhi .Ndakaona Junior oramba akanditarisa ndokuti “Mummy !!!” “Wow kkk you called me mummy kkk Iwewe ka you are a clever boy ..You are making things easy for me “ Akadaro gedhi ndokuvharwa.. “Ohhh my baby boy ..He recognized me ..He saw me “ndakadaro ndabata moyo wangu ndochema kani .Ndakarwadziwa kani .Ndakademba why I begged God for me to be reincarnated ..Dai hangu Ndakaenda kunozorora ndasiya zvenyika ino .Haaaa ndakarwadziwa kutadza kana kufamba .Ndakangotsauka ndokugara pasi pemuti ndochema .. “Hiiiii hiiiii hiiii “ndakadaro ndochema kwazvo ..Haaaaa ndakachema kuita kudzungaira chaiko .. Ndakaona gedhi ravhurwa ndokuona guard wandaifarira chaiye ofamba kuuya.Ndakaona akabata pfuti yake semazuvaose .. “Ehhh askana mamuka..” I wiped my tears fast ndokuti “ohhh yes please .Im okay “ “Good ..Apa hapabvumirwi mumire.Please aendai nechemberi “ “Ohhhh “ndakadaro ndozvitarisa “Yes please boss havadi vanhu vano loitter loitter apa ..Please leave “ Ndakaramba ndakamutarisa ndichibwaira. “I said move !!!” Akadaro ashatirwa.Ndakavhunduka ndokudauka ndofamba kuenda .Ndakafamba ndoenda hangu misodzi yaingoyerera.Ndakasvika pabustop ndikaona kuenda kumba kwaisaita kani .Ndakakwira ndokunanga kubasa kwa baba Juju .Shuwa 6 months he is already in love with Chipo . Ndakasvika pagedhi painetsa kupinda kani ..Shuwa pangu pandaingodarika nhasi ndokumiswa “Ehhhh nhanha hold on mira apa .Urikuendepi?Vamwe varikuchikoro iwe urikuitei “akadaro Guard uya Zveshuwa kamuviri kacho ummmm .Twuzamu manje haaaa kana bra yaisatokwana.Ndakamedza mate ndokuti “Ndooo ndoda kuona boss “ “As who ?Nezvauri izvi unovadii ?Vane zere newe here ?” “Okay sorry ..” “Puma ukooo ah twuvana twekuma college kutaimira sir vangu nekuti vakafirwa.Manje kwatova neumwe ..”akadaro Guard uya haaaa Leone ka ndakapererwa.Imagine moving on in 6 months ummm .Ndakafamba ndonopinda mukombi ndokunanga kumba kuRuwa. Ndakasvika Gogo vakabereka maoko varipanze chaipo vachidongorera.Vachindiona vakaitakumhanya ndokundimbundira “Haaa wadzoka !!!Ndati pada wakuendera tuuu “vaakdaro maziso avo akatsvuka.Vairatidza vambochema havo ..Ndakaramba ndakavatarisa and smiled ..Handina kana kukwanisa kutaura Ndakafamba ndokupinda mumba . “Ndabika zvese zvaunoda kuti udye usimbe ..”vaidaro ndagara hangu pasofa.Vakauya neporridge chairo rine dovi ndokundipa ndiro.Nndakaramba ndakaritarisa “Rarichingokwata pamoto .Idya richapisa ..” Appetite ndaiva ndisina asi ndakatoona hondo yaiva mberi yaida kusimba .Ndakaisa chipunu mukanwa ndokutanga kudya uku misodzi ichiyerera.Baba vangu vane mari inodyisa zvese hapana chandinoshaiwa asi nhasi I’m with this woman .Havana chinhu asi rudo vanarwo..Ndakaramba ndakavatarisa hangu ndokutarisa mundiro ndodya .It’s like she knew what was going on with me but never bothered to say any word ..Ndakashinga ndokupedza ndakaona vafara.. “Ndaita maheu..Umwe ose apere.Ndakwatisa bhinzi udye..Ndoziva unodzifarira..” Ndakaramba ndakavatarisa vachindipa rice nebeans nenyama.Ndakaruma nyama ndokutanga kudya hangu .Ndakadya rice asi beans handina kubata ndaiva nema acids saka aikwira zvakanyanya ..ndakaona votora ndiro ndokuramba vakatarisa .. “Ko dhirinki ..Oh Fanta ..” Vakadaro vondipa she was sooo happy that’s why vaiwanza zvinhu .Ndakaramba ndakavatarisa ndokuti “Fanta handimwi Gogo .Ndomwa Coke Zero chaiyo nema 100 percent..” “Ohhhh okay muzukuru wangu ..Sorry Handina kuziva “vakadaro vachiratidza kusuwa ..Handina kutaura ndakavasiya ndokuenda muroom mangu .I would hear her sobbing I knew she was in pain ..Her muzukuru left this world and gave me her body ..What a poor child ..She knew that this person right here was just a body but the soul was mine.She was also scared of losing me to my real parents .Was my real parents going to take me back ?They were not going to do that because vanhu vemari sooo it’s clear vachatoti ndirikuda mari from them .. Haaaa ndakachema kani haaa ndakarwadziwa .I lost every thing hangu ini ummm .Kuzvitora back it’s going to be a chaos .A war chaiyo yakasimba..Ndakatora phone yangu ndikaona zvakanaka kunotenga rimwe line ..Nguva iyi Ndakatanga kuvhura mapictires angu ekare ndaiva ndakanaka hangu but this one I’m using was prettier .Kangori ka body kakatsonga chete and will my husband fall for this body ? “Ehhhh mandloooo buya laaaa “vakadaro Sekuru vadzoka .Ndakasiya phone ndokubuda Shasha yaiva yakaremerwa kwazvo … “Nhasi ndapuwa ofuuuu.Ndakutengera twuma nice nice ..Ndaenda kumupedzanhamooo ndawana madress dhora fo 4 heheeee Mandhloo haaaa ndaona waita miss zimbabwe wachena..”vaidaro vasumudza rimwe raiita kunge zvima movie zveku Englandzviya zvekare kare ah zvakaoma .. “Usayedze anoda kutanga agezwa nekuchiswa abve tsikidzi!Mabhero anetsikidzi ka emmmm .Iri papabhegi rine twukotoni kotoni ..Moita 5 ..5 nambuyako emmmm “ “Ini hangu etwuutambo twunotsemura mbai kunge dohwe kwete ..Anotora hake Muhle “ “Ndozvaunonetsera Lona ..Uri back wadhi..Unoramba zvakakosha zvinoita musha umira.” Vaidaro sekuru vachikwenya one gadziko “Uchimiswa nani wakambodonha here ?Imimi makutoita zvefambi kubasa ikoko ..” “Pfeka tambo dzandoda chii chinonetsa “ “Pfeka !!Pfeka Iwewe ripfeke iri pfeka “ “Lonaaaa ka ..Lona leave me ..Ndinorikwana here rinondisvina mhasuru dzangu ..” “Gudhu imi munonzwa kusvinwa netambo saka ini ndini wamoda kutambudza ..Heeee “ “Okay guys it’s okay ..Tambo ndedzangu kwacho ohhh Gogo torai mazadza dama aya ..Dzangu tambo idzi “ “Gudhu ..Utaure na sekuru vako ndichavapisa dama nemafuta one day ..Ini zvekushungurudzwa handidi..Ko Aka kaiko aka ..”vaidaro Vachisumudza ka bumshort ka bvaru bvaru “Ndeka Muhle hanzi kaiva kakapfekwa na Shakira…Ngaapfeke..” Vakadaro Sekuru “Hezvo anokapfekerepi?Asi makuda kutengesa mwana ?” “Ane 20 yezi ngaachiroorwa..Mudzidzise kuva romantik mwana uyu asaita sewe..” “Siya mwana ambokura hauoni kana twuzamu twacho anodiwa Nani.. ngaambodya mbatata ..”vaakdaro Gogo voenda .Ndakasara ndikatarisa twuzamu twacho veduweeee ndaidiwa here shuwa twaiva twunhundurwa zvatwo twakati twii..Leone handifungi ndikaita door naChipo *LEONE* It’s been months staying with Chipo and she was sooo amazing with my son .She was very supportive in everything,she totally made my mourning period easier .Mudiwa wangu Vongai ndaimushuva zuva nezuva asi Chipo was really there for me .I was drunk last night and I don’t even know what happened .Ndakazomuka kuseni shuwa ummm ndakanzwa kunyara.I tried to apologize to her but she was brushing it off asi guilty yaindidya Mumoyo mangu “You did what ?”vakadaro Uncle Adam vapererwa.I called him and explained everything to him he was sooo shocked .Ndakaona vorukutika shuwa haaa .. “You know there is a bad blood between liberty and Stanley iwe waku haaaa ..” “I don’t even know “ “Did she spike you ?” “Hai Chipo won’t do that .Im alcaholic nowadays don’t blame her “ “Doro harife rakapedza dambudziko it always makes things worse .Just pray haaite nhumbu ..Wamutengera morning after here ?” “Let me do that after work “ “Wat after work huh ?Go now and fix this “vaakdaro vachinditandanisa.Ndakakasika kubuda ndokunotenga ndomhanya kumba.Ndakasvika achitsvaira hake mubedroom mangu . “Ohhh you are back “ “Yes .emmm can we talk ?” “Sho watsaap “ “I know what we did ..I’m sorry shaaa I was drunk and I don’t even know what happened..Soo I think it’s wise tidzivirire “ Ndakadaro ndomupa mapills aya .Ndakaoana osekerera hake ndokuti “It’s okay ndandichitoda kuenda kunotenga..” “Ohhh you did ?” “Yah it’s 6months and it’s not good shuwa ..It was a mistake I understand you .Handidi kuita mimba because you will be forced to marry me which is not good ..I want the best for you Leone handidi kukanganisa life yako “ “Okay umm thanks Chipo haaa ndandakaremerwa ..Sorry hako wena haaa handisi kutoziva how it happened sorry hako ..”ndakadaro ndichifara ah I felt relieved..Ndakabva ndatodzokera kubasa ..I started looking for someone who bakes macakes shuwa this was the first time .When my wife was there she used to bake herself ..Nguva iyi ndakaona call ndokuona aiva Malume .. 📞Malume ☎️Bhosi vangu maswera sei 📞great and you ?Ndanzwa watora day off ☎️hooo eyeee muzukuru wangu uya wamaitsvagira dhokotora wamuka nhasi !Ndiye wandandanotengera ma lable ake kuPedgas uko 📞pedgars is that a new shop in town ☎️hai islang yemuPedzanhamo kkkk .. 📞hahahaha Malume you make sure I laugh .Saka madziwana here ? ☎️hongo ndadziwana!Haaa wawana .Emmm Ndanzwa na Madam Chipo hanzi Juju ane bhavhudhe..Keke madii 📞ndirikutsvaga angakwanisa kubheka sezvaiitwa namai vake .Thats the only cake I love rinenge risina shuga yakawanda.Even my parents havadi ane shuga yakawanda.Only Vongai knew how to bake that type of cake ☎️Haiwaa kazukuru kangu kanegona fani !!!Musawara imi tumirai mari yema resipi resipi mangwana ndouya naro ! 📞ohhh thanks Malume are you sure ? Malume akandivimbisa shuwa Kuti aiuya naro .Ndakaisa 150 us pa Ecocash yake vatenge zvaidiwa..Nguva iyi Chipo akabva ati iye akutobhekawo awana recipe yaishandiswa na Vongai … Stay tuned Thanks for likes HUYA zve UISE like pakupisa
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 5.7K

Comments