Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 16, 2025 at 08:20 AM
HUYA KUCHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20 7•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️ Written BY MAI ZIMUNYA Aka Mai tee) 📲+263782122093 *AAP*🚦 +263 73 555 3736 This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author... https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page (READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕) CHAPTER 7 *MAI VONGAI* Rufu rwemwana sikana wangu rwakandibaya chaiko .Ndakarwadziwa kunzwa hura hwangu kubuda chaiko .Ndaitadza kana kusumudza rurimi kuti nditaure chaiko for the past six months.Ndaiva ndakagurwa kunorira kani .Worse kuudzwa kunzi mwana wako akaurawa zvinhu zvakaita moyo wangu urwadze worse .But ndaitenda hangu murume wangu vese nevepadyo kunyanya Chipo she was a nice girl .She made sure muzukuru wangu haasurukirwe a lot .Ndakabva ndatoti Chipo ambogara hake kana azowana wo munhu wake oenda hake .Im sure junior anenge atokurawo.She was a very good girl chero panhamo akarwadziwa shuwa . “Wafungepi “akadaro murume wangu akanditarisa zvake .Ndakagadzirisa pahuro ndokuti “kutown “ “Okay I’m coming with you ..” “Nooo Baba Vee regai ndiende ndega “ “Ndokuziva izvezvi unoswera wakagara paguva remwana uchishungurudza mweya wake ..You heard Chikaka ..She told us mwana haana kuzorora..” Ndakaramba ndakamira hangu maziso angu atsvuka.Ndakabva ndagara pasofa misodzi ichiyerera. “I tried baba Vee ..I tried for another child God refused to give me another .You are a minister and a very wealthy man .What if ukatsvaga umwe mwana kunze “ “That will never happen ..”Haana kupedza kutaura musikana wangu webasa mutsva akabva apinda. “Mama morning ..Father morning “ “Morning “ “The breakfast is ready ..” “Okay “ndakadaro toenda hedu kunodya .Haaa ini zvairamba ndakabva ndabuda hangu ndoenda .Ndakamutsa mota Benz yemwana wangu ndoyandaifarira kufamba nayo .Ndakangoona ndoenda kuGlenforest kwandaiva ndakaviga mwana wangu .Ndakasvika paine mudzimai wechikuru airatidza kudzurira marara .Ndakafamba ndokuona onditarisa osekerera . “Mwana sikana wako une zodzo rakakurisa mwachewe.Mufaro uchauya mangwanani..Parizvino husiku ….”Ndakaramba ndakatarisa ndokugadzika maruva pamusoro ndoramba ndakavatarisa.Ndakabva ndayeuka makore adarika ndokuvatarisa ndoshama muromo .. “You again ..I remember you “ndakadaro ndichifara.Ndakaona vosekerera ndokuti “tarisa makuva ose ayo ..Matsva ka ayo ..” Ndakacheuka ndokuona makuva manyowani Kureva vanhu vaifa zuva nezuva .Ndakaramba ndakatarisa ndichimaverenga .. “Gogo kubva zvandaviga mwana wangu patova ne 50 makuva manyowani..Ende vana vadiki ummm .Ndaona iro ndera..”nguva iyi ndakabva ndatendeuka ndokuona she was no longer there .Ndakavhunduka ndokumira kune rimwe divi ndakabata hana yangu . “She disappeared again “ndakadaro ndofamba kubva paguva remwana wangu .Ndakanopinda mumota ndokugara hana ichirova.Ndakamutsa mota ndokufamba ndoenda mutown chaimo.Ndakasvika pana Samora ndokupaka Ndakatarisana ne Jet yaivapo.Thats when I remembered birthday ra Juju.Ndakabuda ndokupinda muJet ndotsvaga kasuit kakanaka.. “Akura sei mwana “rakadaro voice kumashure kwangu hana yangu yakarova.Ndakacheuka ndokutarisa it was a small girl . “Ohhh your voice… it sounds soo familiar..”ndakadaro ndakamutarisa.Mwana uyu aiva akanakisa she had locks mumusoro and a nose ring .I remember Vongai acida nose ring ndikamutuka asi seeing it on this girl maihweee yayakanaka zvekuti .Her skin was sooo smooth kunge anogeza nemukaka.Aiva asina kana bra zvake twumazamu twacho ..She was sooo beautiful and tiny but waiti ukamutarisa haubvisi ziso..Ndakaona osekerera yuhwiii zino kuti mbuu.Ndakatarisa maziso ake ndikaona oramba akanditarisawo ..I see sadness in her eyes like she wanted to tell me something but she couldn’t .. “Hello Mama …”akadaro waving at me ndokubwaira kwandakaita.The way she called me mama hana yangu yakabva yatonhorera.My heart was heavy but apa ndakanzwa kuva at peace .Ndakamedza mate ndokuti “Sorry my bad ..kk my mind is sooo far “ “Hahaha ndazviona ..It’s not good kufamba Mune pfungwa dzakawanda munotsikwa “ Shuwa ndaiva ndapotsa ndatsikwa few days back nazvo izvozvo .. “But I won’t let that happen to you …”akadaro akanditarisa mumaziso. She was sooo sweet but strange at the same time .Ndakaona otarisa suit yandaiva ndakabata ndokubva ndati “ohhh ndine kamuzukuru kangu Kane birthday today “ “Ohhh how old ?” “He’s turning 3 “ “Ohhh sweeet ..”akadaro obata suit ye grey yescotchy.Ndakaona ondipa ndokuti “this one ..” “Ohhh it’s Beautiful..” “Yes like you ..”akadaro achingonditarisa .This time I saw pure love in her eyes and it really melted my heart .She smiled as well ndokuti “Shirt ..Torai aka “Aidaro achindipa yesky blue then shoes and socks..Takafamba toenda patill ndokubhara tobuda.Ndakaona otarisa zvake paside paiva nebaking shop .Ndoshop yaifarirwa na Vongai and we used to come here .Mwana wangu aigona kubika chaiko nebaking ndakamuitisa course yacho . “Come “akadaro achisekerera ndokupinda mukati . “I’m baking a cake re client today ..” “Ohhh you bake ?” “Yes ..Do you like baking ?” “Yes I do ..kkk my daughter was a good baker as well “ “Was ?” “Ohhh yes I ..Emmm I lost her “ Ndakaona ozvuvika kumeso zvekunzwa tsitsi ndokuti “Sorry ..” “It’s okay it’s part of life ..Ndiye ane mwana uyu wandatengera..” “Cocoa powder please “akadaro kumusikana aitengesa ..Ndakaona onditarisa ndokuti “Sorry “ “It’s okay at least akandisiira mwana and akasiya Sahwira wake arikutibatsira kurera mwana “ “Ohhh okay ..How much ?” “35 us maam “ Akabuditsa 50 us ndokupa musikana .Akapihwa change ndokubuda hedu ..Ndakaona oramba akatarisa mota yangu ini ndokuti “that’s my car .Where do you stay I can drop you off “ “No need maam ..I need to rush back home ..I need to go and ice the cake 🎂 rakamirirwa nhasi …” “Okay my daughter “ “thanks hey say happy birthday to the lil one “ “Okay mwanangu..”ndakadaro waving at her .Akatanga kufamba zvake oenda ndakangonzwa ndotura befu hangu … “Bye hope to see you again “ndakadaro ndotaura ndega .Ndakangomutsa mota ndoenda kumba kwaLeone mukwasha wangu .Ndakasvika Chipo achimira mira kwazvo ende moyo wake waiva wakanaka kwazvo .. Birthday remwana rakazotanga haro kuma 3 adzoka kuschool .Mwana aifara kwazvo ndakabva ndakupfekedza suit yaiva yakanaka ..He was very happy and he loved the suit zvese neshangu dzandaiva ndamutengera.Murume wangu was supposed to come asi haana kuuya.Ndakabva ndaziva maybe aiva adanwa kubasa zvagara ndozvaiitika.Chakazongondinetsa was he ddnt call me as usual achindiudza kuti aiva aenda kubasa ..Cake remwana rakachekwa ndokupihwa hedu .Chipo baked it and she used recipe yemwanasikana wangu .It was looking sooo nice and I couldn’t wait to taste it ..Ndakacheka nefork ndokuisa mukanwa ndotsenga hangu .Ndakanzwa raiva nesugar yakawandisa and I ddnt like it … “How is it mama “akadaro Chipo achifara.. “it’s good my dear asi shuga yawanda..” “Oh nooo but I followed all the steps ..” “I know kkk but zvimwe zvese wagona..”ndakadaro hangu ndokuona Malume achisvika necake.Nguva iyi Leone akabva asvika kubva kubasa… “Amai makadii “ “Haiwa ndinofara mwanangu hameno kumishando uko “ “Haiwa kutsvene.Madai kuuya ka kubhavhudhe “ “Kkk ehe shuwa ..” “Bhosi keke riya raita “akadaro Malume ogadzika patable .Ndakaramba ndakatarisa hangu the way it was packed .Leone akatora mwana ndokutorwa zve amwe mapics .Chipo was also there holding the baby .Ndakadanwa wo ndokutorwa amwe haaa Vanhu vaifara.Junior akacheka zve cake ndokupihwa mumaplates “Baba Junior taste iri randabika “akadaro Chipo ..Leone akatora hake ndokuisa mukanwa ndikaona ofinyama.. “Wow it’s nice “akadaro zvake asingadi kurwadzisa Chipo .Ndakasekera mumoyo hangu ndokucheka raiva rauya naMalume.Ndakachekera vanhu piece rake rake ndokusumudza kaplate kangu ndonogara hangu pasi .Ndakaramba ndakatarisa cake iri it was looking sooo appetizing.Ndakaona Junior odya cake riya and was eager to eat too .Leone akagara zvake pachair ndokuisa piece mukanwa .Ndakaona otsenga zvishoma ndokumira achiteerera.Ndakadimbura wo ndokuisa mukanwa hana yangu yakarova..The texture ,the aroma ,The flavor everything was too perfect .Thats the cake I always wanted .Thats the cake Vongai used to bake .Hana yangu yakarova ndikanzwa kupindwa nechando chaiko.This was my daughter’s baking .This was my daughter ….Ndiye aiva abaker keke iri. Ndakacheka rimwe ndokuona Leone apedza rese ..Vanhu vaidya keke iri rega vachisiya raChipo!.Ndopandakaona kuti Chipo aiva abatikana kwazvo nezvenhau yecake..Leone akasumuka anyerere ndokufamba achipinda mumba .Ndakaramba ndakagara hangu ndichitsenga cake ndakanyarara..Chipo followed mumba ndokusara hangu nevamwe ..Misodzi yangu yakadonha ndichidya cake iri .Ndakasumudza musoro ndokuona Malume achidya wo cake nevamwe .. “Ndakuvudzai moseee kuti kamunhu kangu kakaipa !!Kanobheka fani !!Ramadam rinenge raiswa gurukosi!Wese anoda makeke taura neni ndokuitirai!”akadaro Malume “Hmmm ende anogona anoita marii?” “Haaa anodhura…Asi ndichanodzwa nekuti bhosi vakatumira mari yema ingridhiyenzi..”akadaro Malume achidada zvake .Ndakasvika paaiva vanhu ndokusuduruka.. “Malume “ “Ahhh madam ..” “I’m good ..Munhu abheka keke ndiani “ Ndakaona obwaira bwaira ndokuti “kazukuru kangu …Ndakamuitisa kosi “ “Ohhh ndeuya airwara?” “Ehe asi haaa wasimba fani .Ndakaenda naye kwaTb joshuwa akapora “ “Ohhh you went to Nigeria ?” “Aiwa ndakaisa terevhishoni yacho ndakangonamira pikicha yake pascreen .Akati distance is not a bhariya..Pakashanda inonzi Faith “akadaro abereka twuoko..zvake .. “Ohhh that’s a good thing ..She is a good baker …” “Maita henyu ndonomuudza..” “Okay momupa wo card rangu ndichada cake ..Guva raVongai ranaiwa nemvura saka takuita tombstone unveiling so I need a cake for her ..Im sure she will be happy ..” “Ohhh okay madam ndonomupa .Aiti haana line re bhadhi kana atenga achataura nemi pa wazapu..” “Thanks Malume ..How old is she ?” “Hooo haaa kadiki mhani kanhu kacho asi ane twenti..” Ndakaseka ndokuti “Ahh akura wani ..” “Haaaa ndizvozvo ..Asi haaa ndakuda aroorwe asi haaa zvinoita.” “Hahahaha musamhanyise mwana anozowira “ “Ichokwadi amai ..Muzukuru wangu wakanaka fani ndinoda aroorwe zvakanaka agare zvakanaka ..” “Chishuwo chese kumubereki awane anomuda nekumuremekedza.Nhasi ndiripano pemukwasha wangu nekuti munhu aiva akanaka kumwanasikana wangu ..Waita hako Malume moudza musikana kuti ndakamirira call yake “ndakadaro ndofamba kuenda mumota .Ndakapinda mumota ndokugara hangu ndichitura befu .Ndakatarisa lunch box yandaiva ndatora ine cake ndokuvhura.Ndakadimbura zvekare ndokuisa mukanwa ndikanzwa ruoko rwemwana wangu .Misodzi yakatanga kubuda ndofunga mwanasikana wangu .Ndakarangarira achibika cake iri there was this one ingredient yaaiisa and she never told me as well .Aitaura kuti all the bakers in Zim they don’t even know it .Ndoyaiita kuti cake risatapirise rinake kwazvo .Chewing this cake slowly ndakanyatsonzwa kuti ndomabikiro emwana wangu … “How did she know this ingredient?”ndakadaro ndotaura ndega ndichitsenga cake .Ndakamutsa mota ndomhanya kumba and my husband was there sleeping .Ndaiva ndakabata cake riya murwoko.. “Whatsaap why were you screaming “akadaro zvake ko ndaiva ndapinda mumba ndichidana zita rake ..Ndakamedza mate ndokuti “Ko hamuna kuuya kubirthday?” “Yah my head is aching .I don’t know maybe my blood pressure is up “ “Ohhhh okay ..” “What are you holding “ “Ohhh it’s a cake ..” “Ohh okay “ Ndakatendeuka ndofamba kuenda ku Kitchen ..Ndakasvika ndokurigadzika mufridge ndovhara.I wanted to tell my husband about this cake but I don’t know ndakangonzwa kuneta hameno chiii . *MUHLE* Ndakaona Sekuru vouya ne 150 ndokundipa vachiti yaiva yema ingredients.Ndakatambira hangu ndaiziva yaiva yakawandisa zvandaiva zvaisada mari yakawanda.Cake flour was already there ,mukaka nemazai saka chandaida zvishoma .Ndakapinda zvangu mutown and the shop was next to jet .Ndakafunga mwana wangu it was his birthday Ndakarwadziwa kwazvo .I was shocked to see my mother there vachitengera mwana wangu .I was happy to see her and the connection between us was soo strong . “Urikuchemeiko?”vaakdaro Gogo vaona ndangogara misodzi ichidonha.Ndakatadza kana kutaura haaaa Ndakarwadziwa .My own mother couldn’t recognize me at all .I bacame sooo young and tiny haaa Murume wangu atoenda hake na Chipo .Chandakaona Gogo was soo supportive zvekuti vaindinyaradza.Ndakanyatsobaker cake sekuru ndokuenda naro .Ndakasara ndichingodzungaira mumba I was waiting for him .I wanted to know kuti Leone adya here uye atiii nazvo .That was the only way for him to recognize him .Ndikaenda nephone kwaari anongoti ndakainhonga sooo it was not going to help .Ndikada kutaura our past zvagara anonditi ndakupenga I’m a gold digger nekuti kumba kwavo vaiva nemari kwete yekutamba.. Khulu came manheru vakadhakwa zvavo haaa zvinhu zvacho . “Ndavaudza vese kuti ndine muzukuru wangu anobheka!Oh kadhi iri hanzi ufone vanodada keke “vaidaro vachindipa card .Ndakaramba ndakaritarisa ndokuona it was my mom ..Hana yangu yakarova I could feel it vaiva vaziva chete or kufungira but even though I was dead to her sooo hapana zvazvinobatsira.Wandaida ndi Leone ..I needed to be close to my son again .He knows me and I’m sure he recognized me that day .. “Bhosi vangu vanakirwa nekeke zvekuti ..Emmm Muhle ..Mangwana ndichakupa ma directshoni ekubasa kwabhosi undovadzorera chenji yavo .Mangwana tichadzika kumusha nambuya ko .Bhosi vanoisa munhu pa trial nemari saka ini handidi kunzi tsotsi..Risiti unaro ?” “Ehe ndinaro “ “Gudhu ..Mangwana unoenda ..Unofanira kupfeka zvakanaka ..Drezi rako riya rekwa kwini erizbethi “ “Shuwa rakanaka fani riya “vaakdaro Gogo votsinhira.. “Kkkk sekuru sooo ndinopfeka “ “Ungaroorwe sei uchiswera mumba kunge breyra..Ngaafambe fambe “vaakdaro Gogo ndokuseka hedu .Zveshuwa kuseni vakaenda ndokusiya madirections .Kwaingova kutaura hako asi ndaiziva.Ndakasara ndogeza ndokupfeka dress riya .Ndakasunga musoro ndokuzora ka lipgloss.Ndakaramba ndakazvitarisa ndaiva ndakanaka kwazvo .Ndakatora kabag ndokubuda ndoenda.Hana yangu yairova kuti Leone achanodii.Ndakasvika pagedhi ndokusvikirana nemota yaChipo achisvika wo .. “Madam welcome “ “How are you Shingi ..pay dzenyu dzakasvika here “ “Yes mama haaa makaita basa kkk .Takawedzerwa pay “ “Kkk good any problem tell me okay ..Ndini ndega ndinokwanisa kutaura naboss venyu “ “Haaa tazviona mama ..” Ndakaona onditarisa akafinyama ndokuti “Ko twuvana twakungopesvaira utwu hanzii?” Haaa ndakarwadziwa hangu .Nguva iyi ndakaona mota yomira kumashure ndokuona it was Leone .Hana yangu yakarova ndakaona oramba akanditarisa..Nguva iyi akaburuka mumota Chipo ndokuramba arimo zvake akafinyama .. “Shingi hanzii ?” “Nothing sir “ “Nothing yei muchisiya ma street kid achipesvaira pagedhi..Can’t you see her how scruffy she is ..Hey young lady what do you want “ Akadaro zvake Chipo .. Ndakagadzirisa voice ndokuti “ndatumwa kuna Sir Leone na Sekuru vangu “ “How dare you call him by his name heee ..it’s Mr Manasse!!!” “Sorry maaa ..” “Sorry for yourself ..” “Chipo go in “Akadaro Leone “Baba Juju “akadaro Chipo “Can’t you see urikutyisa mwana here ?Get in ..”akadaro Leone iiii veduweee ndakunzi mwana shuwa apa baba ava ndovaziva inside out zvavari zvese vakunditi mwana .Nxaaa ndakafinyama muromo baba ava vanopenga nxaaa.. “Urikufinyamei..”akadaro Leone anditarisa.Ndakashama muromo ndoda kutaura.. “Iwewe uri nhubu Iwewe Hauna kana respect nevanhu vakuru.Ndakuona uchifinyama do you even know who I am ?Ndokutemhera shamu yemupichisi ndikakurowesa kukushwapura shwapura twukumbo twunenge tooth pick itwotwo..”akadaro Leone .. Stay tuned
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 5.2K

Comments