
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 17, 2025 at 09:30 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20
9•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️
Written BY MAI ZIMUNYA
Aka Mai tee)
📲+263782122093
*AAP*🚦 +263 73 555 3736
This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author...
https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page
(READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕)
CHAPTER 9
*MUHLE*
Ndakadonha kani ndikarwadziwa hangu haaaa body iyi yaiva isina kana munyepfu zvayo .Ndakarwadziwa zvekuti ndakambozorora ndiripo.Nguva iyi ndakanzwa mota kumutswa boss voenda havo .I thought he was going to check up on me but hey back to reality this man doesn’t even know me .What he knows is my soul only not the body I’m in now .Ndakakamhina ndokuvhura door ndichipinda mumba .Ndakagara pasofa ndichiteerera zvangu marwadzo.The fact that Leone ddnt check up on me after ndadonha ummm zvakandirwadza chaizvo .Ndakagara ndikanzwa misodzi yoda kubuda asi ndakatoona kuti kusimba chaiko handsisimba zve .Ndakasumuka ndokudira maheu angu ndokumwa zvangu uku ndichibika sadza .Ndakanyatsoisa muriwo dovi ndokuugarira zve .I needed to gain weight kwete kabody kendonda kandaiva nako.It was a nice body though but haaa Leone will never fall for this type of body .Ndakapeka kudya ndokugeza zvangu ndorara.Ndakatarisa hangu mudenga ndofunga mangwana .Ndaifanira kumukira kubasa ikoko by fire by force.Basa iroro raiva Rangu ende that was my way in in Leon’s life again .Chipo was going to pay for what she did to me .What I knew was yes aida Murume wangu but there was more to my death .Someone was behind her actions .ende vese hapana anoziva I reincarnated into someone else heheee this is going to be interesting ..Ndakarara zvangu ende musi uyu ndakarara zvakanaka .Kuseni na 5 ndaiva ndatopfeka zvangu ka dress kangu kejean kaisvika pamusoro pemabvi zvishoma .Ndakasunga vhudzi rangu ndokupfeka matenis angu .Ndakaba perfume yasekuru ndokumwaya mwaya ndoenda kubasa .Ndakagadha kombi nemaworking class wo sevamwe ah zvainakidza wo .Ndakasvika pabasa ndokurambidzwa zve kupinda..
“Boss never told me wakushanda pano ..”akadaro Guard ..
“Fona !Fona izvezvi uvaudze ka kuti ndiri pagedhi..Fona !!Kana kuti baya number dzavo nditaure navo !”ndakadaro ndichivava.Pano ndopaitozova pabasa pangu by fire by thunder ..Ndakaona obaya chiland chake ndokuti “I don’t want to be part of this .Zvekudzingiswa basa handidi .Huya umire apa tambo yephone idiki .Taura nyaya dzako usandiisa imomo ..”
Akadaro achindipa.Ndakaminyurudza miromo ndokuisa panzeve.Ndakanzwa odaira..
☎️hello …
📞ehhhhh bhosi ndi Muhle !!!
☎️whose that ..Where is the guard
📞ndivo vandipa.Ndini Mihle wamakapinza basa nezuro !
☎️I don’t even remember you ..
📞haaaa sir ini ndozvandisingadi!!!munoreva kuti matokanganwa munhu wamaishamisa muchiverenga mazino here !!!Kana kuti makaverenga nekushamisa vakawanda.Ndini ndine mazino 30 nemamwe 2 akazvimba!Makanditarisa nezuro…
☎️nhaiwe mwana iwe uripaiko
Uchitaura izvozvo ..
📞munoda ndiite sei manje .Ndiri pagedhi na Guard ..
☎️chipa guard phone iyoyo mupe izvezvi
Ndakabva ndapa mukomana uya phone .Akagutsurira kanokwana katatu ndokuti
“Boss vati pinda “
“Next time ukandimisa futi tinonetsana ..”ndakadaro ndofamba kuenda .Ndakapinda mukati ndokupinda muElevetor.Ndakasvika padoor reoffice ravo ndokunoka.
“Come in “vakadaro vachidaira .Ndakapinda mukati ndokuvhara door .Shasha yaiva busy zvayo palap top haina kana kunditarisa .
“Ndonguva dzekuuya kubasa here idzi ..”
Silent
“Since it’s your first time I will forgive you ..Tanga basa ..”
Ndakafamba ndokugadzika bag rangu pasi .Ndakatora feather dust ndokutanga kubvisa dust ..Ndaicleaner zvangu varibusy nebasa ravo ..Ndakapinda mutoilet ndokucleaner zvakanaka kusiya muchipenya ..Ndichingopedza ndakanzwa munhu ozhazhadza weti imomo and I knew vaitira pachamber sooo.Leone aibhowa everytime he would pee aisiya madonhwe eweti.Ndakanzwa voflasher ndokubuda.Ndakabva ndapinda imomo ndokuona paiva nemadonhwe.Ndakatora tissue ndokupukuta ndoflasher .Nguva yandandakabuda he was not in the room maybe vaiva vaenda kumeeting .Ndakabva ndazvikandira pacouch ndorara hangu .Haaa hope dzacho ndaiva ndakaneta..Ndakanyatsorara zvekuti ndaiita kushanduka.Ndainzwa kudziirwa zvekuti nyama dzangu dzakaregedzera chaiko ..
“Uchamamira ipapo iwe “Rakadaro voice ndokuvhura maziso maihweee ko kwaiva kwasviba..Ndakaita kuvhunduka chaiko ko nhai ihope rudzii nhai..Boss vakaramba zvavo vari busy ndokunditarisa voti “Since 4 you were sleeping ..”
Ndakatarisa blanket ndokuona raitova nyowani chairo.So he went to buy me a blanket shuwa .Ndakangosekerera mumoyo wangu ..Nguva iyi vakavhara laptop yavo ndokuti nditore bag rangu vaizondiperekedza kumba .Ndakatora bag ndokufamba zvangu ndichibuda..
“Asi hembe dzako ma 0 to 3 months ?”vakadaro vakatarisa makumbo angu .Ndakazvitarisa ndokutadza kana kudaira ..He kept staring at my left ndokuvhara door .Takafamba ndokupinda muelevetor and there was only silence till tasvika kuparking ..Ini ndaisaudzirwa ndaitogara kumberi ikoko ndoisa seat belt .Vakangopinda ndokumutsa mota .Hes phone started ringing and I saw it was Chipo .Ndakaona voitarisa ndokusiya yakadaro .I can even count to 15 missed calls chaidzo dzaifonewa na Chipo..Takasvika pagedhi ndokuburuka .Ndakavhura gate ndokufamba ndichienda padoor .I opened the door and immediately he followed behind .
“Tikasatokumbira tea hamutipi “akadaro achigara pasofa.Ndakabva ndaziva kuti maybe he was hungry .Ndakapinda mukitchen ndokudziisa sadza rangu nenyama nemuriwo une dovi.Ndakabika tea ine mukaka ndokugadzika.He washed his hands ndokutimba sadza achiisa mukanwa.Ndakaona otsenga zvangu kanokwana ka tatu ndokunditarisa ..
“Ndinonzi Baba Junior ..Ko Iwewe “
“Ndinonzi Muhle “
“Hmmmm Malume never told me about you tho “
“Haaa ndaivako kumusha.Nguva zhinji ndaigara naGogo kuchipatara “
“Hooo ndaziva achitaura kuti anemuzukuru anorwara nemoyo.Wakazodii?”
“Zvakangopera..”
“Hooo ..”akadaro achipedza sadza rese ndokumwa tea .Akageza maoko ndokuona obuditsa phone .
“Ndeyebasa sometimes I need to get hold of you ndaona usina ..”
“Ohhhh ingai maita basa Sh…Emm boss “ndakadaro iii ndandatadza kutaura ndakutenda nemutupo wake .Vana Leone vaibva kuZambia uye imwe surname yaitonzi Sibanda saka vaiyera shumba .Nguva zhinji ndaimutenda nemutupo Murume wangu kana akanditengera something .Ndakaramba ndakatarisa zve ndokuti “inyowani”
“Yes it’s not that expensive..”
“Okay maita basa .”
“It’s okay “vakadaro voramba vakagara .Ndakatarisa time ndokuona it was now 8 pm ..Vaibaya baya phone yavo kusvika ndavasiya ndonogeza hangu .Ndakapfeka zvinodziya ndokubuda and he was already .Ndakatarisa all the rooms and he was gone .Ndakabuda panze ndichimhanya ndodongorera panze he was gone .He left me again oenda kuna Chipo .Ndakarwadziwa zvisingaiti zvekuti ndakanogara pabed ndakabata moyo wangu .I thought zvirikufamba wani why zvirikudai..Murume wangu ndaimuda and I know he love me but hey I don’t even think I will win .Chipo was a very beautiful woman chero ndichiri vongai aiva akandidarika kunaka nekusvika zvese .But Leone chose me he always told me akandidira chinhu one .Mugoona ndaigaromubvunza kuti chii aisataura..Dai ndaichiziva chaakandidira before ndaigadzirisa hangu .Ndakabatidza phone ndokuona yaitova neline and everything.Ndakaisa watsaap ndokuenda pachat yake ndokuona aiva abva online achiri pano..Ndakavhara watsaap ndokupinda mumachira ndorara ..
*LEONE*
Ndakapaka mota pamba ndichinzwa kurukutika chaiko .Ndainzwa nyama dzangu kuneta I don’t know why .Ndakaburuka mumota ndokufamba ndopinda mumba .Junior was already sleeping ndakabva ndananga kuroom kwangu .Ndakasvika Chipo akagara pabed pangu akapfeka ka nightie kadiki.She was a very beautiful woman and every man will be tempted to ..Akasumuka ndokutarisa time kumadziro
“It’s almost 9pm ..I’ve been calling you and you were not answering my calls ..”
“I was at work ..Was there any emergency ?”ndakadaro ndichibvisa shangu .
“Look at me Leone am I not good enough for you ?What do you want out there that I don’t have ?Ive been your pillar since day one but haundicheuke wo semudzimai ..”
“Ummm haaa ini handizivi hangu nyaya dzekucheuka cheuka idzi dzagara dzinonetsa.Waremember mukadzi uya waJudas akacheuka akaita corse salt ..”ndakadaro zvangu ndakaneta…
“That’s not nice …Rough yako haina kunaka “
“Ndambenge ndiri soft here ..Chipo i need to know who are you in here ?”ndakadaro ochema akanditarisa .Ndakabvisa masocks angu ndofamba kuenda mubath…
“You need to fire that small girl i saw in your office yesterday..”
“You are free to fire her if you want ..”
“Okay mangwana ndirikuuya kubasa ikoko..If you think you can use and dump me then you are dreaming ..”Akadaro ofamba kubuda achienda .This Chipo needs to leave my house because handingati ndadya chimunya chinonaka kudaro nedowi munhu ondibhidhairira .Ndakageza ndokurara zvangu ndaisada zve drama ini ndaiva ndichiri shirirume hameno shona yacho ..Ndaida kumbochema mukadzi wangu in peace ..
Kunze kwakayedza ndakaona mota ya Chipo pasina ndikaziva amukira kubasa chete kunonetsana na Muhle .Haaa manje ka poker dot Kaya kanomupedzera zvake hameno hake .Ndakasvika shasha yakagara zvayo pasofa and Chipo was standing achibhebha nehasha..
“Thank God you are here Leone ..She needs to leave ..This small girl is refusing to leave ..”akadaro Chipo achifemereka nehasha..Ndakaona zvangu Muhle achitsenga zvake bubble gum rake achifinyama..
“Leave !!!”akadaro zvake Chipo .
Ndakaona kotarisa zvako divi kakapeta twuoko ..
“Leone can you see her !She is challenging me !!”
“Chipo usandipinze nyaya dzevakadzi pedzeranai “ndakadaro ndovhura laptop yangu ndobaya baya ..
“Saka Iwewe you think you are clever ?Heee .I said leave !”
“I’m not leaving !Boss vakandipa basa ndivo vachandidzinga kwete Iwewe …Boss vangu havafi vakandidzinga ndichashanda kusvika amen ..Boss tell her kuti hamundidzingi basa zvatakawirirana “Kakadaro kamwana aka nhaimi kanoshura ..Ndakakatarisa
“Boss musatye muudzei chokwadi chatakawirirana “
Iiii ini hangu sisi ava vane pamuromo havo apa I can’t dismiss her because anobika zvinonaka ndoda kupota ndichinokwata kumba kwake manje ndikamudzinga handichina kwekudyira zvinonaka manje ..
“Leone !!!”Chipo screamed
“Hmmmm ?”ndakadaro ndamutarisa
“Fire her !!!She needs to leave !!!!”
Ndakatanga kukosora kosora hangu yuhwi nditadze kudya zvinonaka kuRuhwa.4pm dzatononoka tiende kumba ndinokwata zvangu .And ndinowana peace nekamwana aka zvambuya vemahipisi ava iiii ini handichatovada mumba mangu …
Stay tuned
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
5.9K