CHIVANHU CHEDU
CHIVANHU CHEDU
June 17, 2025 at 01:47 PM
🧉Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaroorwa. Haubve netsika dzekwenyu kunoisa mumusha mevanhu. 🧉Muroora uchingoroorwa hauchatenderwe kutaura nemax ako pangave paphone kana pameso. 🧉Muroora uchiroorwa ibva watotanga kutsvagawo tumidziyo twako. 🧉Muroora ndiwe muyananisi ndiwe muridzi wenyaya. Kana ukaroorwa mumusha mune mhirizhonga usasvike nokutora divi zviri nani kunyarara kana kuyananisa. 🧉Muroora uchisvika mumusha mevanhu vamwe vachakufarira vamwe vachakuvenga. Amwene ndiamwene muvengane sei ndiwe mudiki zvipete zvidzore. 🧉Muroora tsika nehunhu ndizvo zvakaita kuti uroorwe nokudaro ngazvisachinja nokuti waroorwa. 🧉Muroora kana waroorwa chirega kushora avo vasina kuroorwa. Nokuti hauzivi kuti mangwana kwako zvinopererepi. 🧉Patsika dzedu Muroora uchiroorwa muroora wese anofanira kuve nekitchen yake kumusha. 🧉Muroora chaiye tinomuona nokusununguka kana waroorwa watokura. Ita zvinoita kuti unzi amai nhingi avo. Mapfekero kamutairiro ngazvitaridze musiyano nezvinoitwa neuyo asati aroorwa. 🧉Muroora uchingoroorwa chirega kutamba nevasati varoorwa tsmba nevakaroorwa uchipihwawo mazano pfungwa dzikure. Kana wapedza kuverenga siya Sekuru nyati emoji ❤️❤️❤️❤️
Image from CHIVANHU CHEDU: 🧉Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaro...
❤️ 🙏 😂 24

Comments