
CHIVANHU CHEDU
June 17, 2025 at 01:47 PM
🧉Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaroorwa. Haubve netsika dzekwenyu kunoisa mumusha mevanhu.
🧉Muroora uchingoroorwa hauchatenderwe kutaura nemax ako pangave paphone kana pameso.
🧉Muroora uchiroorwa ibva watotanga kutsvagawo tumidziyo twako.
🧉Muroora ndiwe muyananisi ndiwe muridzi wenyaya. Kana ukaroorwa mumusha mune mhirizhonga usasvike nokutora divi zviri nani kunyarara kana kuyananisa.
🧉Muroora uchisvika mumusha mevanhu vamwe vachakufarira vamwe vachakuvenga. Amwene ndiamwene muvengane sei ndiwe mudiki zvipete zvidzore.
🧉Muroora tsika nehunhu ndizvo zvakaita kuti uroorwe nokudaro ngazvisachinja nokuti waroorwa.
🧉Muroora kana waroorwa chirega kushora avo vasina kuroorwa. Nokuti hauzivi kuti mangwana kwako zvinopererepi.
🧉Patsika dzedu Muroora uchiroorwa muroora wese anofanira kuve nekitchen yake kumusha.
🧉Muroora chaiye tinomuona nokusununguka kana waroorwa watokura. Ita zvinoita kuti unzi amai nhingi avo. Mapfekero kamutairiro ngazvitaridze musiyano nezvinoitwa neuyo asati aroorwa.
🧉Muroora uchingoroorwa chirega kutamba nevasati varoorwa tsmba nevakaroorwa uchipihwawo mazano pfungwa dzikure.
Kana wapedza kuverenga siya
Sekuru nyati
emoji ❤️❤️❤️❤️

❤️
🙏
😂
24