🇿🇼Shaloe✨️📃Stories💯🇿🇼
🇿🇼Shaloe✨️📃Stories💯🇿🇼
June 18, 2025 at 12:50 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaZdnDOFcow3l3F5Y10j *Main group* https://chat.whatsapp.com/GuGKiHvPRSJ5ntaqrOSOgV *🆕🆓short story* *🌺Bloomsouls💏* *Written by Shaloe* *Chapter 03 not edited* *Narration* Mazuva akafamba ko kana maexams akuda kunyorwa mazuva anofamba kunge hameno hameno,Rumbidzai aive aramwa aizozviona zuva rekunonyora kna achirambidzwa kunyora aitangirawo ipapo ko musikana aive asisina kana basa nezvakawanda zvekuti nguva dzake zhinji aiswera aripamba mabooks ndokwaivewo kudya kwake zvaive zvavenani Anashe aive achiita mabasa ese epamba hake, manheru ndipo pavaizotandara havo, day ranzwa baba rumba kuti mwana acharega kunyora nekuda kwekusaenda kuchikoro vakazvitora havo simple simple nekuti vaiziva hakuna zvakadaro mari yavo vakabhadhara aaah izvo ndozvaiita kuti chikoro chivharwe hacho…. Week rakapera asina kutsika pachikoro ndokuzomuka day raaive neexam akatanga kunamata mwana ndokuenda hake kuchikoro, akasvika pasara 30 minutes kuti exam ritange nekupinda hake muexam akanyora zvakanaka hake, aitonakirwa hake ne exam ko aive akapedza naro hake,aive aregister masubject 12 ndokunyora ese ndokupedza ndowakave mutemo wake aisvika pasara 30 minutes dzekuti vanhu vapinde muexam…. Day raakapedza kunyora akafara hake ndokutora blazer rake akaendesa hake kustaff room, ko vaive vanezvivindi day racho sisi….. Rumbi: Mr Mhuka Mr mhuka: yes what is it Rumbi: thank you sir, blazer rangu iro torai mozopawo mwana wenyu netie iyi Akakumura hake, vamwe vana vakamutarisa kuti ko headgirl vakudiii zvee, akavatambidza mumaoko ndokubuda hake, achiita kumodeller ndokuti Goodbye Budiriro 2 high, vakafamba havo ko kumba kwakanetsa kusvika day iroro step yacho yaive yevanhu vasiri kuda kuenda kumba ko vana kana vachangopedza kunyora maexams vanoonererwa zveee,michelle aigara kure akatanga aperekedza vamwe vake kumba ndokunochinja ndokuzoperekedzwa hake day iroro vakafamba netsoka havo vachinakirwa kalil one kaive karipo ko aisara nani hake… Vakazodzoka kumba na6 dady vavo vaive vasati vadzoka,vakatanga kubikaa havo ko sisi vaifarira kupedza kunyora asi kwekuenda ndokwaive kusipo vaive vojoiner dady vavo kubasa and zvaiive sweet futi. Dad vacho vakadzoka havo ndokufarira kupedza kunyorwa kwaive kwaita sisi ko family yacho aive ma1 zvinhu zvidiki zvaiita kuvafadza havo, vakatoudzwa kuti kuchichena vakuenda kubasa… vaive vorara vaiita basa rese havo,kwakachena ndokuebda kubasa, vakatanga kudzidziswawo zvitswa zvaive zvaveko baba pavakaona vana vavo vachigona vakabva vatomboenda paside vana vachishanda havo, zuva rakapera vakagara havo, week ndokupera, vakatenga mimwe machine ndokutsvaga imwe space yekunoitira ivo vosiya girls ravo riri umu…. *Rumbidzai* Mr mhuka vaive vozvinyanya ini ndaive ndisisambonakirwe nazvo ndaive ndoona kuti vavekutora advantage yekunyararisa kwangu and vondiita munhu wavo vanhu vese hapana kana vaimbotsomwa sezvandaiitwa, ndakazviudza kuti havazi baba vangu kana vaizondirmbidza kunyora taizotangira ipapo zvee zvombonetsa here izviii… All thanks to the glory kubva day ratangwa maexams kusvika ndipedze vaive vasiri pachikoro hameno kwavainzi vakaenda nechikoro,ndakaita kutenda mwari last day rekupedza ndipo pavakawanikwa ndakanyatsoti ndonovasira kablazer neka tie kavaidokwairira vachida kundiita slave…. We enjoyed ourselves negirls ko isu taive tozoita zvekugaro taura pamaphone nekuti ndaiziva kuti kubasa kwadad ndaive ndaskuzonoswera hangu,asi weekend taizosangana hedu, ndaive ndoswera hangu naAnashe kjubasa iye ndiye aiita zvephotocopying ini ndichiita mabanner nekuprinter matshirts ko raitove big job zvkuti nguva yekuswera takagara taiita kuishayamaorders akawanda zvekuti dad pavakavhura pamwe zvaive zvoreruka maive musisagare makazara vamwe vaiienda kurimwe branch, basa richifaya ini maplans ndakabva ndatochinja ndaive ndisisade zvekuenda Alevel ndaive ndoda kuita course yedesigning ndaida kuzovhura studio yangu yephoto shoot…. Dad Havana kana kuzviramba ndaive ndichizoda kuenda kuchikoro kwacho January zvekuti ndaida padhuze chaipo mutown imomo zvekuti zita ndaive ndichizoshandisa ramudhara ndoraive rakuzivikanwa zvekudaro,mainini ndaingovafonerawo here and there, munhu aifara havo Sunday tikasaenda kuchurch taienda kunovaona hedu… Mazuva akafamba havo life yedu ingori bhoo zvekuti hstina hedu chekupa complain,life yedu ichifaya dad vaive kwavo kubasa isu kwedu asi tisu taiita mari yakawanda tovaseka hedu kuti havazi kugona kutengesa, vaive vowirirana nemumwe musikana anonzi Portia,aishanda panext navo…. *Milan* “hey Milan ” Me: my nigga wassup “sorry for you loss man may the lord wipe away all your tears” Me: part of life my guy, I have to home tomorrow at 9 will see you “ ok safe travels I will get in touch with you” Me: ok nice Ndakabuda muye and I was confused and ndisina kana kwekutomboenda ndaive ndodzengerera muroad, remembering my mom and dad but why nhai mwari, ndaiita kushaya zvekuita ndokuenda panearest bar ndokutenga beer I wanted to give it a try because ndaingonzwa kuti inobvisa stress ini ndaive ndajaira wine… Ndakatenga 3 bottles asi zvakazoguma zvaenda nekumwe ndaive ndongorutsa, ndakazoenda kumba kuna 1am ndauya kuzotorwa naSteve, he is one of my friend nasteve tainzwanana aive weku Mozambique, taive takasangana pa oxford university in UK tirimu law class tese, ndakazomuka kuma 7:30 ndopandakatanga kugadzirira and pack all my stuff kudzokera kumba ndaiiyta kutadza kuzvigamuchirqa ndaiti pamwe it was just a prank… Ndakaenda ku Airport ndokuita maprocess ese kwaive kwave kudzokera kumba uku, ndakaperekedzza naSteve ndiye aindibatsira zvese, akazosara ndege ndokusimuka havo, zviya zveekuti mundege munonakidza totozvinzwa nemi ini ndege handina kubva nyandinakidza hayo worse pandaidzzoka ndaingoti ddaai yangondidonhedzza hangu ndifire ipapo…13 hours murimudenga haameno zvaiita kumbofaamba sei the journey was too long, takazosvika hedu kunze kuchichena kuzimbabwe ndaive ndaakamirirwa na Malia na Miles.. vakandditora ndokuendaa mumota we greet each other ko time yainge yakurira…. Me: tell me its all a prank Malia: driver handeii kumba Akadriveer hake driver uya hapana akada kupindura zvandaive ndabvunza ndakasvika pamba pedu pakazara vanhu and I was that heartbroken,ndakatadza kana kuburuka mumota and tears down my cheeks… Me: Malia na Miles chii chaitika kuna dad namom Malia: vafa Milan tasara tave nherera Miles: be strong Milan tese tirikurwadziwa Me: not my mom and dad havangofe zvekudaro don’t say that Ndakatanga kuchema ndirimumota imomo yaive yatove mhere, tese takatanga kuchema but why nhai mwari ini ndaitadza kana kuzvigamuchira like seriously dad vangu, munhu aive asina chitema nemunhu asi why vaenda nenzira iyoyo, mai vangu so that video call ndokwaive kuonekana here ndaiita kufunga ndakagara kana simba rekuenda mumba ndakaita kurishaya ndakazoita zvekubatwa nana sekuru vakauya, ndokuti bata zvinhu zvangu zvakaenmdeswa muroom mangu ndokunogara paive nevamwe ndichiona hanzvadzi yangu Mila ndakabva ndawedzera kuchema takachema takadaro asi ndaisave nekubvuma kuti my one and only precious person aive aenda mai vangu, and my pride dady was my all…. Ndakatora time kuti ndizvibude until body yazouya kuma 2pm kubva kumortuary kuona dad namama vakarara mumacoffin ndakaita kupererwa ndaive ndodawo kufa ini mumwe wandaizowana ane rudo samai nababa vangu ndiani chero Mila, Miles na Malia vaive varipo havo asi hapana kana hama ipi yaizotipa rudo rwaive rwevabereki vedu… Vanhu vaive vakazara zvekuti paisafemeka pamba pedu, vakarara husiku hwese pachiimbwa ndokuzonoradzikwa uko kwandakazorwadziwa kaive kekutanga kurasikirwa nemunhu wepamoyo asi apa mwari aive atigona hake kubva atitorera vese mai nababa 1 time here asi chii chakadaro inga tinongonamatawo wani but why ndowangove mubvunzo wangu ko iye munhu aive avaisira posion ainyanyodeii chaizvo, vainge vamutadzirei asi, yaingove mubvunzo ndichiona makomba aiiswa vabereki vangu achifushirwa, kana kuboira ndaiita kukutadza….. Pardon my manners ndinonzi Milan, ndine makore 24 ekuberekwa, ndaive ku UK ndichiita degree rangu reLaw, and ndaive ndapa 2 year ndokutapira shoko kunzi ndikudiwa kumba mapapers angu akagadzirwa fast fast neOxford University kuti ndiende kumba, day randazoziva kuti mai nababa hakusisina ndoday randaiti mangwana ndikuenda kumba apa ndaive ndane 4 days mapapers achiitwa…. Ndakatadza kuzvigamuchira, taive takazvarwa tiri 4 mumba medu kwaiti first born Mila ane 28 and kotevera Malia na Miles vane 26 vaive matwins kuchipedzesera ini….Mila na Malia vaive varoorwa aive asara ndini na Miles kuti tiroore.. Ndainamatira kuti mai vangu vabatewo muzukuru asi zvakakona vaive vaenda chaive chasara kuti nditeverewo, takadzokera kumba zvorwadza kuziva kuti mai nababa vasara muvhu ndochinhu chonetsa kugamuchira asi hanzi kutonga kwamwari asi iiih kutonga kwake mwari wacho kwaive kwakanyanya, vanhu vese vakazoparara nmdokusara nehama dzamama nedzzedu… Zvinhu zvese zvakanzi zvaizogoverwa panyaradzo vakadaro havo baba mark aive mukoma wadady vanguc, vanhu vakatanga kuenda vashoma vashoma kusvika tasara hedu vana nevakuwasha namaiguru nababa mukuru, vakabva vati havo baba mark…………………… ……………………………………………… *Stay tuned*💃🏻 React for next chapter
❤️ 😢 👍 😮 🙏 😂 31

Comments