JOHN'S NOVELS🏹🏹
May 26, 2025 at 04:23 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 1
Mukufamba kwaiita *Madzvike* mushure mekunge abereka nhava yake izere nemiseve pamwechete neuta uku pfumo riri muruoko rwerudyi iro raipenya kunge runambi rwemoto, utesvero hwaro hwakaita semunzwa wenungu, pwere dzose dzakaonekwa kumanyirana kubva divi rainge richiindwa naMadzvike uko kwaiva kutya sezvo rume iri chimiro charo chainge chechikara chesango.
Neche shure Mambo *Mudzvovakamwe* vakasarawo vachikwenya mhanza iyo yaionekwa tudikita nyangwe hazvo kunze kwainge kuine dehwe mukwindi izvo zvakapa kukatyamara kune mamwe machinda pane aiva mudare kuti sei mukuru wavo abuda dikita iko kunze kuchitonhora kudai, izvi zvakapa zvakare kuti vafungire kuti Madzvike anenge asiya guru kuna mambo wavo sezvo machinda aya kupinda kwaakaita mudare ndiyo nhambo yakasimukawo Madzvike achibuda mudare zvombo zviri kumusana.
"Mambo wangu, chii chariuraya zizi?", anodero *Mutangemhanza* asi mambo vanoramba vakatarisa panhu pamwechete uye ruoko rwerudyi rwainge rwabata shaya, pfungwa nendangariro dzichinge dzapaza masango. "Mambo wangu", anodero zvakare Mutangemhanza asi mambo panguva iyi vainge vava pachakasara pesango apo paiva nekarwizi kaiverera mvura misi nenguva, ingava nhambo yechirimo kana zhizha waingoona karwizi aka kachiyerera mvura asi kwayaibva nekwayaienda aiziva paiva pasina sezvo yaingotangira musango imomo nekugumira musango imomo.
_"Mudzvovakamwe zvandaita izvi nevadzimu vangu hazvifambidzani ndinovimba unozviziva asi sewe sahwira wangu ndanzwa tsitsi ndosekera ndatambanudza ruoko rwangu kukupa hambakubvu iyi chirwere chako chirapike mangwana ndizomukawo ndichikuona uchitsika rinomuka. Asi sechibvumirano chedu ndanga ndati ndinoda vanasikana vako vaviri semuripo vazoita vakadzi vangu, chinzwa zvandazofunga iwe uri sahwira wangu saka zvausati wava nevana sikana chindipa zvipfuyo zvemombe zana nemakumi mashanu wochirega hako kundipa vanasikana vako sezvo watora nyoka yababa vako yekuita vakomana voga. Ndingadai ndati ndisarudze vasikana vandinoda mumuzinda wako asi hazviiti ndanga ndichida wawakatumbura iwewe"_...............
Mambo Mudzvovakamwe vanoita kuvhunduka vachibva mundangariro mushure mekunge vazoitwa kuzungunuswa naMutangemhanza uyo ainge asisanzwisisi chimiro chainge chava namambo wake. "Vadzimu vadambura mbereko", ndiro shoko rimwe chete rakataurwa namambo ndokubva vabata musoro wavo nemaoko ose pamwechete nekutura befu iro rakaita kuti imbwa nhatu dzaiva mudare umu dzichinongera masadza aiva pasi sezvo machinda ose aidyira mudare, dzivhunduke ndokubuda dzichimanya.
"Marevei Mambo wangu?" , anodero *Mukombachoto* achiswededza chigaro chake kuna mambo. "Inda unodaidza *Mupwanyanzombe* auye nekuchimbidza", vanodero mambo uku muviri wese uchinge wazara dikita.
Mukombachoto anosimuka ndiye tande kuimba yaMupwanyanzombe uye mudare panguva iyi makasara musina aitaura neumwe. Pakarepo *Masiyandima* akabva apindawo uyo akasvikogara pachigaro chake ndokukwazisa mambo asi chomusi uyu chaiva choga, mambo vainge vakangotsikitsira kana kuti mudare mune apinda akavakwazisa havana kuzvinzwa bodo. Zvisineiwo Mutangemhanza akabva akwenya umwe wake ndokumupa chiratidzo chezvaivapo asi zvakashungurudza Musiyandima sezvo aisada kuona mukuru wake akasuruvara.
Mukombachoto anoti ava kusvika paimba yaMupwanyanzombe anomuona achibva kuimba yezvombo akatopakatira zvombo kumusana achikanda nhanho izvo zvaidudza kuti ari shure kwenguva. Akabva afamba kuti anosangana naye. "Mambo wangu muri kudiwa namambo kudare" , akadero Mukombachoto ndokubva atotendeuka haana kuda kumirira mhinduro, awo ndiwo aiva mabasa ake ekusada kunzwa mhinduro dzewaanenge atumwa kunodana.
Mupwanyanzombe akangobudisa saka rake kamwechete ndokuridzorera ndokutsika tsoka dzaMukombachoto avo vanosvika vachipindirana mudare umo mainge mungori nemachinda maviri wetatu ari mambo kureva kuti panguva iyi vainge vaa vashanu.
"Ndasvitsa shoko renyu mambo", anodero Mukombachoto ndokubva mambo vasimudza musoro wavo apo pavanoonekwa kuti maziso avo ainge atotsvuka nechekare. "Ndini ndakudaidza Mupwanyanzombe ndangoti ndiitumbure machinda angu ose aripo nekuti hapana asingazivi nezvenyaya iyi" , vanodero mambo ndokubva vambotura befu. "Iri munzeve mambo wangu, asi panguva ino ndandichida kumbopinda musango achimangwanani kudai seshoko resvikiro riya sezvo nhasi ndiro zuva rekunotsvaka mhara ichadyiwa pamarooro angu emukadzi wepiri. Zvino zvanga zvakaipei kuti tizoivhiya ndadzoka", anodero Mupwanyanzombe. "Ndizvo chaizvo zvawareva, ndaona wabereka zvombo ndoo saka ndati ndiitumbure nguva dzino isati yaora asi kuzoivhiya tinoivhiya wadzoka hapana chakaipa" vanodero mambo ndokupfumbira wavo.
"Tiri pamwe mambo wangu", anodero Mupwanyanzombe ndokubva mambo vanzwikwa kugadzirisa pahuro ukuwo mamwe machinda avo matatu aingotarisana uko kwaiva kutsvaka zvaida kutaurwa namambo wavo sezvo vainge vanzi vanozviziva asi pavose raiva rima roga.
"Mose muchiri kuyeuka makore makumi matatu adarika here pandarwara nechirwere chaikwaniswa kurapwa nehambakubvu chete?". Ndiwo wakava mubvunzo wamambo wekutanga ndokubva machinda ose atarisana apo pfungwa dzavo dzakanga dzotofunga kuti pamwe mambo wedu abatwa nechirwere chiya zvakare. "Hongu mambo", anoindirana machinda maviri. "Pane achiri kurangarira here muripo wehambakubvu yandakapuwa namambo Nyamatsimba?", vakabvunza zvakare mambo. "Hongu kana ndisingakanganisi vakati vanoda vanasikana venyu vaviri vaite vakadzi vavo", akadero Mukombachoto. "Ndizvozvo chaizvo asi pakazoinda zvipfuyo zvainzi ndoo zvamira semuripo wevanasikana ava uye ndini ndakainda nazvo ndiina *Mandigona naChirashauta*", akadero Mutangemhanza. .
"Ndizvo chaizvo ndiyo nhau yandakudaidzirai pano, Mambo Nyamatsimba ati ava kuda muripo watakatenderana pokutanga zvipfuyo ava kudzosa. Ndoo shoko rasvika naMadzvike", anodero mambo apo machinda ose anosimukirana nguva imwechete uku umwe neumwe ainge abatira bvumo muruoko awo asina kuonekwa kuti ainge avhomorwa nguvai muzviuno. Izvi zvakanetsa kunyangwe mambo naMupwanyanzombe, ndivo vega vakasara vakagara pasi asi mambo akazongonyemwerera nechemumwoyo sezvo ruoko rwake ndirwo rwainge rwakadzidzisa machinda aya kurwa nezvombo saka chiratidzo chainge chaitwa nemachinda ake ainge aziva zvachaireva.
Pasati pava neataura machinda matatu aya anobaira mapfumo avo pasi kamwechete ndokubva vagara pasi. "Kwete mambo wangu. Hongu rauya sekudero shoko asi ndibvumirei ndidzokere nemhinduro izere kwaari Nyamatsimba. Zvedi ndaishushikana kuti iwo mutupo wake unorevei nekuda kwezviito zvake zvandairumbidza asi nhasi wadudza. Musanyanya kushushikana mambo wangu, zvamunoziva wani kuti Nyamatsimba ndivo vekuurawa nesvosve zvino ...........", anodero Mutangemhanza achiita kupupa nehasha asi anonyarara mushure mekunge Mandigona naChirashauta vapinda mudare.
"Ndiyo nyaya, zvawati une rwendo munun'una ndingakunonosa, ungachimedza hako masango kuchikutonhorera tozoivhiya wadzoka", vakadero mambo ndokubva Mupwanyanzombe aoneka kwakubuda mumuzinda nekusiwo diki ndokuinda nekugomo rainzi _Chemhanza_ iro raiva nemhanza pamusoro paro asi anoti achangoyambuka karwizi kaiva pedo nemuzinda wavo ndokuita mahwekwe naMadzvike uyo aiva munzira imwecheteyo yekudzokera kumuzinda waMudzvovakamwe.
Kubuda kwakaita Mupwanyanzombe mudare makambosara muine runyararo asi Mutangemhanza ndiye anozonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mafungepiko vana Madzovera zvamapakata zvombo kudai?", anodero.
"Tati timbotwasanudza makumbo tichitsvaka usavi", akadero Chirashauta. "Zvino magosarirei nababa vatobudawo iyezvi dai maita mufambira pamwe", vakadero mambo . "Mbudzi haifuriri pamwechete nemhembwe, hongu dzakafanana kana kutombodziona dzose dzimwe nguva asi pakasvika vanhu mhembwe inotiza. Regai timanye vana mai vati nhasi vanoda kusvina ura", anodero Chirashauta ndokubva vasimuka vose naMandigona kwakubuda mumuzinda nekusiwo rimwechetero rabuda naMupwanyanzombe.
Akafamba majaya maviri ndokunoyambuka karwizi apo Chirashauta ndiye aiva mberi akabva amira. "Mandigona waonawo zvandaona here?", akadero Chirashauta mushure mekunge vachangoyambuka karwizi. "Kwete marevei mukoma akadero Mandigona achicheuka cheuka", ......................
Kusarawo kwakaita mambo nemachinda avo maviri zvaionekwa kuti Mutangemhanza achiri akabatwa nehasha sezvo akasimuka ndokuvhomora bvumo rake iro raakatanga kubaya baya naro pasi. "Mambo wangu nyaya yamataura yandibaya panyama nhete", akadero Mutangemhanza. "Ini chero nezano handina machinda angu, nyama dzangu dzaita zvadzisati dzamboita kubva chibarirwe, dai kusiri kuti Mupwanyanzombe ambobuda tingadai tatsvaka zano", akadero mambo. "Musazvidya mwoyo mambo wangu apa ini handioni pachine chinoda kudzeiwa. Dai yanga iri nyaya kwayo taituma Mukombachoto nemhinduro zvino iyi yakora muto inoda ini ndomene nditsike muzinda wake Nyamatsimba nemhinduro inogutsa", akadero Mutangemhanza.
"Imhinduro rudziii yawafunga tionesane", vakadero mambo. "Ndinoda kungonomuudza kuti asapinda nemwenje mudziva chete, zvimwe zvose ndiye achatungamira ini ndoteera matsimba ake", akadero Mutangemhanza akafinyamisa chiso. "Panozobuda chakanaka here jinda rangu? Haunoitwi nyama yamagora here? Tadii tatsvaka imwe mhandara yekumupa voinda vose neiyeyu wangu Mirirai sekutaura kwake", vakadero mambo. "Pamwe ndakaresva kunzwa pokutanga mambo. Nyamatsimba haana here kuti anoda vanasikana venyu vaviri semuripo?", akabvunza Mukombachoto. "Hauna kuresva kunzwa ndizvo chaizvo zvaakareva uye nhasi ndiro shoko raadzoka naro zvakare, kungoti hake anoziva kuti ndine mhandara imwechete sezvo atsinhira kuti imwechete haaidi anoda dziri mbiri nguva imwe", akadero mambo. "Zvino munomupa vapi vamuri kuti titsvake nhai mambo wangu? Regai Mutangemhanza aite seshoko rake", akadero Mukombachoto. "Ini chandiri kutyira hupenyu hwake kana kudzoka chava chirema. Madzvike naNyamatsimba ndinovaziva", akadero mambo.
"Mambo wangu kumedza godo kuvimba negurukuro, uye ndomene haichemedzi asi shoko rangu nderokuti musandityire handichabudi mukaka pamhuno", akadero Mutangemhanza ndokubva atosimuka ndiye dzviii bvumo rake muruoko rwerudyi tande kuimba yake uko kwaakasvika ndokutora nhava izere nemiseve ndokuikandira kumusana kwakudzoka kudare.
"Mambo wangu, ndichambosvika pamuzinda waNyamatsimba pamwe rinopinda muna amai varo ini ndichipindawo muno mudare", akadero akachonjomara pamberi pamambo wake. "Watoshinga kuzvikandira mumukanwa mamupere here jinda rangu? Tadii tatsvaka imwe nzira yekuti timupe mwanasikana waanoda? "Mambo wangu muchazogutsikana kuti sei ndadero. Mukombachoto usare namambo zvakanaka, newe Masiyandima", akadero Mutangemhanza. "Chiindai henyu muri vatatu newe Mukombachoto naMasiyandima zvive nerumwe rupawo", vakadero Mambo.
"Kwete mambo, ndinoda musare makachengetedzeka zvakafukidza denga anoziva hapana. Sekutsika kwaita Madzvike rino ivhu ndoo kutsika kwandichaitawo ivhu remudare maNyamatsimba", akadero Mutangemhanza ndokusimuka kwakubuda mumuzinda nekusiwo diki onange kwaNyamatsimba.
Mutangemhanza akati achangoti fambe fambe chinhamwe kubva pamuzinda ndiye dzadza nemurwizi ndokubva amboteedza rwizi rwega kwakuzoyambuka. Aisatevera nzira bodo, zvino akati ati taramukei pedo nemuzinda kwakuchibata nzira iyo yaakateedza rume richiita kukanda nhanho. Akazoti ava muchakasara chesango pedo nechimwe chikomo hana yake ndokutanga kurova vhudzi ndiro nyau nyau kumira mudenga. Mutangemhanza achiona izvi akabva aziva chaitora nzvimbo ndokumira panhu pamwechete kwakuvhomora bvumo rake iro raanobatira kuruoko rwerudyi meso ake ndokubva atanga kuringa mativi ose asi chaakaona hapana. Chinomunetsa hana yake yaiwedzera kurova uye vhudzi roita kunge richadzurika mumusoro wake. Ari mukuringa ringa kudero anokaruka a ..............................
*KUPERA KWECHITSAUKO 1*
🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
29