JOHN'S NOVELS🏹🏹
6.3K subscribers
About JOHN'S NOVELS🏹🏹
Only CHINYAKARE NOVELS na JOHN MANDONGWE
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Huya kusub group iwe unakirwe nevamwe. Inzwa kwava nenyaya *Bhadhara Mari yako book risati rakwira nekuti kutanga musi weMonday mutengo unenge wachinja* Huya izvezvi kuinbox ubhadhare ZIM *$2 Ecocash* *120 zig* To 0779698011 Zita J.M SA *30r voucher* *Baya link iro wouya kuinbox kana wabhadhara ndokuisa kuSUB GROUP* ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ https://wa.me/message/J72XFTDHR6HEE1

Nemusi weMonday chinodonha Rouya here isa emoji Hongu ngariuye ❤️❤️ Kwete ngarisauya 👎👎

*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 2 Mambo Mudzvovakamwe vainge vakura zvaisachaudzirwa asi pahondo vainge vachiri kuzvinzwa munyama dzavo kunyanya pakupotsera museve vaiita kunge vachiri jaya, asi pabvumo zvainge zvoremera kumusoro setsvimbo nekuda kwekukwegura. Mambo zvavainge vava mukweguri kudai hongu pakurwa vaiva bvumba asi zvehondo vainga vasingachazvifariri, chavainge vava kuda runyararo chete pakati pomuzinda wavo sezvo chakatanga ndoo chakachenjedza izvo zvinobuda necheshure vachiri kutemwa dzinobuda ropa.Muimba yamambo vainge vakazvarwa vari vakomana chete paive pasina musikana zvino vaiva vakomana vashanu avo vaiti ivo mambo Mudzvovakamwe vanova vaiva nevanji kouya madzinin'ina avo matatu aivatevera awo akamedzwa napasi vasati vatsvukisa zviruvi mushure mehondo dzakatsaukana dzaiitika mumuzinda wavo uye dzimwe dzavaiteverawo kunoita tsiva apo pavainorwirawo zvipfuyo zvavo zvavanenge vatorerwa pamwechete nemhandara ndiko kwakasarirawo madzinin'ina avo ndokubva kwasara gotwe iro rinova ravainge vachiri naro mazuva aya iro rainzi Mupwanyanzombe. Mambo Mudzvovakamwe vainge vaine mukadzi mumwechete ndokubva vaita vana vavo vashanu vakomana vana nemusikana mumwe, asi pavose vainge vasarirwa nevana vaviri mukomana nemusikana asi mukomana ari iye mukuru uyo ainzi Mandigona kozopedzisira gotwe rainzi Mirirai. Madzikoma matatu aMandigona ainge akafawo nechakapedza madzibaba.Munun'una wamambo anova Mupwanyanzombe aiva nemukadzi wake mumwechete uyo aiva nevana vaviri vakomana voga avo vaiti Chirashauta anova iye dangwe kozoita wekupedzisira anova Madzingaidze. Paiva zvakare neimwe tsvarakadenga yaaida kutora semudzimai wepiri aidanwa nezita rekuti Marwei uyo aichengetwa nambuya vake mushure mekunge vabereki vake vamedzwa nevhu.Vakomana vanoti Mandigona naChirashauta vakazvarwa zuva rimwechete nguva imweyo izvo zvakapa kusaziikanwa kuti mukuru ndiyani uye mukukura kwavo vakava vana vakakura vachiwirirana. Waitoti ukavaona waisaziva kuti vana vakasiyana kumadzibaba nemadzimai sezvo vainzwanana vari vatatu naMadzingaidze. Chirashauta achiona Mandigona aiti mukoma uye Mandigona achiona Chirashauta aiti zvakare mukoma hapana aida kunzi munun'una. Pakudya chikafu vaiti pagura umwe wavo vose vari vatatu vaigurawo hapana chaidya Chirashauta, Mandigona naMadzingaidze vakasadya. Hapana paitsika Madzingaidze naChirashauta Mandigona akasatsikawo. Vatatu ava muchidimbu tinenge toti vaiva mukombe nechirongo izvo zvaifadza mambo, ndiyo yaingova shuviro yavo kuti muropa ravo musapinda ruvengo. Dzimwe nguvawo Madzingaidze nekuda kwekuti aiva mudiki kumadzikoma ake aimbopotawo achifamba nevemazera ake asi zvaiwanikwa kamwe pamwaka kana kaviri bedzi.Mandigona naChirashauta vainge vava mazera ekuti chero vakachatsvukisa zviruvi zvaisashamisa. Pakushandisa zvombo majaya matatu aya aiva mhare izvo zvaiziikanwa nemuzinda wese uye chirwere chaiva pavari zvakare chaiva chekuswera musango vachivhima nguva yavo huru yaiperera musango izvo zvaivaita kuti vasaita shungu neshashiko. Mambo vaiva nemachinda avo mazhinji kwazvo uye muzinda uyu waiva nenyanzvi pakurwa idzo dzainge dzakadzidziswa namambo mbune kurwa. Jinda guru ravo rainzi *Mutangemhanza*, iri raiva zita remadunhurirwa rinova raaiziikanwa naro mativi mana ose kunyangwe nekandumure kaikuudza kuti kune mhuka inonzi Mutangemhanza sezvo pachake aityisa kutarisana naye zvaitoda vane hana. Kana dziri sepwere dzaiti dzikamuona dzaivata dzichivhumuka kunyangwe munhu mukuru chaiye aizvinyorovesa nemvura yemumuviri kana kuri kuti vayeruka vasanganidzana pavo vega zvisina tarisiro. Kana muri semusango zvedi kwaitova kuwomera pakarepo. Raiva rino rume refu, dema dema rine mabvindi mabvindi muviri wese, kana rwuri ruoko kuita zariro repadanga. Maziso ake aiti kana akakutarisa waiona sekuti akatarisa rimwe divi izvo kwaani ndiwe wakatariswa. Mutevedzeri wa Mutangemhanza ainzi Mukombachoto kouya jengetamambo iro rainzi Masiyandima. Muzinda wamambo Mudzvovakamwe waiva mujinga merwizi urwo rwainzi _Rure_ umo munova maitekwa mvura yekumwa nevanhu vemumuzinda wavo uye ndimo zvakare maimwiwa mvura nezvipfuyo zvavo izvo zvaiva mavhu nemarara zvisina ani nani aizviziva kuti zvingani. Nechokumabvazuva kwakadziva kumaodzanyemba kwaive negomo rimwe chete iro rainzi _Chinenguni_ umo munova maiva neninga nhatu idzo dzaiti yechikafu neyokuviga ruzhinji, koita yemadzimambo iyo yaiva panhongonya paro. Kuchamgembe kwemuzinda wavo kwaivawo neumwe Mlmuzinda uyo waiva wasahwira wavo ainzi mambo Nyamatsimba avo vanova ndivo vanaMatyoramiti, varidzi vamasango vana Samanyanga. Mudzvovakamwe hushamwari hwake naNyamatsimba zvedi vakuru vakareva pavakati zino irema uye chinoziva ivhu kuti mwana wembeva unorwara, aisava manyepo. Pahondo zhinji dzaiitika mumuzinda waMudzvovakamwe idzo dzekuzoparadza madzikoma aMupwanyanzombe nemadzikoma aMandigona raiva gonye ndiye Nyamatsimba asi Mudzvovakamwe haana zuva rimwe chete raakazviziva, chero kuti nyakutepfenyura miseve yainanga wese weropa raMudzovakamwe ndiye Nyamatsimba mbune naMadzvike hazvina akaziva vaingoti ihondo yekumwe. Hongu yaiva hondo yekumwe asi ichitungamirwa navasahwira vake Nyamatsimba naMadzvike. Donzvo guru raiva naNyamatsimba raiva rekupedza zvipfuyo zvaMudzovakamwe asi hazvina kuita sekudaro bodo, sezvo kwose kwavaiinda Hondo yaMutangemhanza yaitevera kusvika yadzoka nazvo uye kungwara kwainge kwakaita Nyamatsimba pazvipfuyo zvaairozva kuna sahwira vake hapana chaiteverwa sezvo aionekwa segwai pakati pemapere uye varwi vaingobuda mumuzinda wake vaingova iye chete naMadzvike uyo anova ndiye raiva jinda rake guru, Mutevedzeri wake ari Jerenyenje . Mukupindana kwemazuva hondo dzakazonge dzapera sezvo hondo ya Mutangemhanza poga poga payaitevera zvipfuyo zvavo vaisiya muzinda iwoyo rave dongo nedota izvo zvakazoita kuti mimwe mizinda itye kubatana naNyamatsimba kunozvisasika mukanwa mamupere zvinova zvakazoita kuti Mudzvovakamwe ambotura befu. Akava mazuva ikava mwedzi kupinda mumakore kuine runyararo. Pakazoti nerimwe gore apo mambo Mudzvovakamwe vakabatwa nechirwere icho chainge chakadya baba vavo sezvo chirwere ichi chairapwa nehambakubvu chete kuti uzova kunoramba kuchitsika rinomuka. Rombo rakanaka rakaitika kuna mambo Mudzvovakamwe nderokuti hambakubvu dzainge dzavawo kuwanikwa mazuva aya asi dzaiva nemuripo wakagozha uye dzaiwanikwa kumuzinda wavasahwira vavo vanova ivo mambo Nyamatsimba.Mudzvovakamwe paakangoona kuti abatwa nechirwere chakauraya baba vake akafunga kunanaira akananga kumuzinda wavasahwira vake asi akabva atanga afunga zvakare kuona svikiro rake ritange ramupa ziso remberi. Zvineiwo mambo vari mukufunga zvose izvi vakanzwa musiwo wavo kugogodzwa ndokubva vacheuka ndokuona ari Masiyandima asi shure kwake kuine svikiro zvinova zvakapa Mudzvovakamwe kuti abudise nyemwerero. KUPERA KWECHITSAUKO 2
https://chat.whatsapp.com/IyjDlGjnEB000FxjVQVMrz *Vose vanoda amwe MaBooks evamwe vanyori pindai mugroup umo. Munouya ose MaBooks angu nevamwe vanyori. Gara uyine 1 group rangu zvose nechannel soo ngatipindei mugroup umo vasiri mumagroups angu*
*PFIMBI IPFUMBURWA NECHINYUKA* Pfimbi iya yopfumburirwa kusub group Wese anoda kuuya kusub group kuri kuuya book redu *PFIMBI IPFUMBURWA NECHINYUKA* Baya link iro rinokusvitsa kuinbox kwangu 👇🏼👇🏼👇🏼👇🏼 https://wa.me/message/J72XFTDHR6HEE1 *MUTENGO WEBOOK hausati wachinja* *ZIM* $2 ecocash $2 inbucks 120 zig *To 0779698O11 Zita J M* Airtime zim handichatore *SA* 30R voucher Ott voucher Blue voucher 1 for u voucher *Nhasi ndiri kutora airtime yeku SA Saka vane ma Airtime huyai* *SA Airtime* Cell c Easy load All network *Huyai ndikuisei kusub group now book redu rava PACHITSAUKO 40* BAYA LINK IRO UUYE KUINBOX NDIKUISE KUSUB GROUP ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ https://wa.me/message/J72XFTDHR6HEE1 Kana kuuya kuinbox pa# idzi +278454121O5 +263779698O11
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 1 Mukufamba kwaiita *Madzvike* mushure mekunge abereka nhava yake izere nemiseve pamwechete neuta uku pfumo riri muruoko rwerudyi iro raipenya kunge runambi rwemoto, utesvero hwaro hwakaita semunzwa wenungu, pwere dzose dzakaonekwa kumanyirana kubva divi rainge richiindwa naMadzvike uko kwaiva kutya sezvo rume iri chimiro charo chainge chechikara chesango. Neche shure Mambo *Mudzvovakamwe* vakasarawo vachikwenya mhanza iyo yaionekwa tudikita nyangwe hazvo kunze kwainge kuine dehwe mukwindi izvo zvakapa kukatyamara kune mamwe machinda pane aiva mudare kuti sei mukuru wavo abuda dikita iko kunze kuchitonhora kudai, izvi zvakapa zvakare kuti vafungire kuti Madzvike anenge asiya guru kuna mambo wavo sezvo machinda aya kupinda kwaakaita mudare ndiyo nhambo yakasimukawo Madzvike achibuda mudare zvombo zviri kumusana. "Mambo wangu, chii chariuraya zizi?", anodero *Mutangemhanza* asi mambo vanoramba vakatarisa panhu pamwechete uye ruoko rwerudyi rwainge rwabata shaya, pfungwa nendangariro dzichinge dzapaza masango. "Mambo wangu", anodero zvakare Mutangemhanza asi mambo panguva iyi vainge vava pachakasara pesango apo paiva nekarwizi kaiverera mvura misi nenguva, ingava nhambo yechirimo kana zhizha waingoona karwizi aka kachiyerera mvura asi kwayaibva nekwayaienda aiziva paiva pasina sezvo yaingotangira musango imomo nekugumira musango imomo. _"Mudzvovakamwe zvandaita izvi nevadzimu vangu hazvifambidzani ndinovimba unozviziva asi sewe sahwira wangu ndanzwa tsitsi ndosekera ndatambanudza ruoko rwangu kukupa hambakubvu iyi chirwere chako chirapike mangwana ndizomukawo ndichikuona uchitsika rinomuka. Asi sechibvumirano chedu ndanga ndati ndinoda vanasikana vako vaviri semuripo vazoita vakadzi vangu, chinzwa zvandazofunga iwe uri sahwira wangu saka zvausati wava nevana sikana chindipa zvipfuyo zvemombe zana nemakumi mashanu wochirega hako kundipa vanasikana vako sezvo watora nyoka yababa vako yekuita vakomana voga. Ndingadai ndati ndisarudze vasikana vandinoda mumuzinda wako asi hazviiti ndanga ndichida wawakatumbura iwewe"_............... Mambo Mudzvovakamwe vanoita kuvhunduka vachibva mundangariro mushure mekunge vazoitwa kuzungunuswa naMutangemhanza uyo ainge asisanzwisisi chimiro chainge chava namambo wake. "Vadzimu vadambura mbereko", ndiro shoko rimwe chete rakataurwa namambo ndokubva vabata musoro wavo nemaoko ose pamwechete nekutura befu iro rakaita kuti imbwa nhatu dzaiva mudare umu dzichinongera masadza aiva pasi sezvo machinda ose aidyira mudare, dzivhunduke ndokubuda dzichimanya. "Marevei Mambo wangu?" , anodero *Mukombachoto* achiswededza chigaro chake kuna mambo. "Inda unodaidza *Mupwanyanzombe* auye nekuchimbidza", vanodero mambo uku muviri wese uchinge wazara dikita. Mukombachoto anosimuka ndiye tande kuimba yaMupwanyanzombe uye mudare panguva iyi makasara musina aitaura neumwe. Pakarepo *Masiyandima* akabva apindawo uyo akasvikogara pachigaro chake ndokukwazisa mambo asi chomusi uyu chaiva choga, mambo vainge vakangotsikitsira kana kuti mudare mune apinda akavakwazisa havana kuzvinzwa bodo. Zvisineiwo Mutangemhanza akabva akwenya umwe wake ndokumupa chiratidzo chezvaivapo asi zvakashungurudza Musiyandima sezvo aisada kuona mukuru wake akasuruvara. Mukombachoto anoti ava kusvika paimba yaMupwanyanzombe anomuona achibva kuimba yezvombo akatopakatira zvombo kumusana achikanda nhanho izvo zvaidudza kuti ari shure kwenguva. Akabva afamba kuti anosangana naye. "Mambo wangu muri kudiwa namambo kudare" , akadero Mukombachoto ndokubva atotendeuka haana kuda kumirira mhinduro, awo ndiwo aiva mabasa ake ekusada kunzwa mhinduro dzewaanenge atumwa kunodana. Mupwanyanzombe akangobudisa saka rake kamwechete ndokuridzorera ndokutsika tsoka dzaMukombachoto avo vanosvika vachipindirana mudare umo mainge mungori nemachinda maviri wetatu ari mambo kureva kuti panguva iyi vainge vaa vashanu. "Ndasvitsa shoko renyu mambo", anodero Mukombachoto ndokubva mambo vasimudza musoro wavo apo pavanoonekwa kuti maziso avo ainge atotsvuka nechekare. "Ndini ndakudaidza Mupwanyanzombe ndangoti ndiitumbure machinda angu ose aripo nekuti hapana asingazivi nezvenyaya iyi" , vanodero mambo ndokubva vambotura befu. "Iri munzeve mambo wangu, asi panguva ino ndandichida kumbopinda musango achimangwanani kudai seshoko resvikiro riya sezvo nhasi ndiro zuva rekunotsvaka mhara ichadyiwa pamarooro angu emukadzi wepiri. Zvino zvanga zvakaipei kuti tizoivhiya ndadzoka", anodero Mupwanyanzombe. "Ndizvo chaizvo zvawareva, ndaona wabereka zvombo ndoo saka ndati ndiitumbure nguva dzino isati yaora asi kuzoivhiya tinoivhiya wadzoka hapana chakaipa" vanodero mambo ndokupfumbira wavo. "Tiri pamwe mambo wangu", anodero Mupwanyanzombe ndokubva mambo vanzwikwa kugadzirisa pahuro ukuwo mamwe machinda avo matatu aingotarisana uko kwaiva kutsvaka zvaida kutaurwa namambo wavo sezvo vainge vanzi vanozviziva asi pavose raiva rima roga. "Mose muchiri kuyeuka makore makumi matatu adarika here pandarwara nechirwere chaikwaniswa kurapwa nehambakubvu chete?". Ndiwo wakava mubvunzo wamambo wekutanga ndokubva machinda ose atarisana apo pfungwa dzavo dzakanga dzotofunga kuti pamwe mambo wedu abatwa nechirwere chiya zvakare. "Hongu mambo", anoindirana machinda maviri. "Pane achiri kurangarira here muripo wehambakubvu yandakapuwa namambo Nyamatsimba?", vakabvunza zvakare mambo. "Hongu kana ndisingakanganisi vakati vanoda vanasikana venyu vaviri vaite vakadzi vavo", akadero Mukombachoto. "Ndizvozvo chaizvo asi pakazoinda zvipfuyo zvainzi ndoo zvamira semuripo wevanasikana ava uye ndini ndakainda nazvo ndiina *Mandigona naChirashauta*", akadero Mutangemhanza. . "Ndizvo chaizvo ndiyo nhau yandakudaidzirai pano, Mambo Nyamatsimba ati ava kuda muripo watakatenderana pokutanga zvipfuyo ava kudzosa. Ndoo shoko rasvika naMadzvike", anodero mambo apo machinda ose anosimukirana nguva imwechete uku umwe neumwe ainge abatira bvumo muruoko awo asina kuonekwa kuti ainge avhomorwa nguvai muzviuno. Izvi zvakanetsa kunyangwe mambo naMupwanyanzombe, ndivo vega vakasara vakagara pasi asi mambo akazongonyemwerera nechemumwoyo sezvo ruoko rwake ndirwo rwainge rwakadzidzisa machinda aya kurwa nezvombo saka chiratidzo chainge chaitwa nemachinda ake ainge aziva zvachaireva. Pasati pava neataura machinda matatu aya anobaira mapfumo avo pasi kamwechete ndokubva vagara pasi. "Kwete mambo wangu. Hongu rauya sekudero shoko asi ndibvumirei ndidzokere nemhinduro izere kwaari Nyamatsimba. Zvedi ndaishushikana kuti iwo mutupo wake unorevei nekuda kwezviito zvake zvandairumbidza asi nhasi wadudza. Musanyanya kushushikana mambo wangu, zvamunoziva wani kuti Nyamatsimba ndivo vekuurawa nesvosve zvino ...........", anodero Mutangemhanza achiita kupupa nehasha asi anonyarara mushure mekunge Mandigona naChirashauta vapinda mudare. "Ndiyo nyaya, zvawati une rwendo munun'una ndingakunonosa, ungachimedza hako masango kuchikutonhorera tozoivhiya wadzoka", vakadero mambo ndokubva Mupwanyanzombe aoneka kwakubuda mumuzinda nekusiwo diki ndokuinda nekugomo rainzi _Chemhanza_ iro raiva nemhanza pamusoro paro asi anoti achangoyambuka karwizi kaiva pedo nemuzinda wavo ndokuita mahwekwe naMadzvike uyo aiva munzira imwecheteyo yekudzokera kumuzinda waMudzvovakamwe. Kubuda kwakaita Mupwanyanzombe mudare makambosara muine runyararo asi Mutangemhanza ndiye anozonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mafungepiko vana Madzovera zvamapakata zvombo kudai?", anodero. "Tati timbotwasanudza makumbo tichitsvaka usavi", akadero Chirashauta. "Zvino magosarirei nababa vatobudawo iyezvi dai maita mufambira pamwe", vakadero mambo . "Mbudzi haifuriri pamwechete nemhembwe, hongu dzakafanana kana kutombodziona dzose dzimwe nguva asi pakasvika vanhu mhembwe inotiza. Regai timanye vana mai vati nhasi vanoda kusvina ura", anodero Chirashauta ndokubva vasimuka vose naMandigona kwakubuda mumuzinda nekusiwo rimwechetero rabuda naMupwanyanzombe. Akafamba majaya maviri ndokunoyambuka karwizi apo Chirashauta ndiye aiva mberi akabva amira. "Mandigona waonawo zvandaona here?", akadero Chirashauta mushure mekunge vachangoyambuka karwizi. "Kwete marevei mukoma akadero Mandigona achicheuka cheuka", ...................... Kusarawo kwakaita mambo nemachinda avo maviri zvaionekwa kuti Mutangemhanza achiri akabatwa nehasha sezvo akasimuka ndokuvhomora bvumo rake iro raakatanga kubaya baya naro pasi. "Mambo wangu nyaya yamataura yandibaya panyama nhete", akadero Mutangemhanza. "Ini chero nezano handina machinda angu, nyama dzangu dzaita zvadzisati dzamboita kubva chibarirwe, dai kusiri kuti Mupwanyanzombe ambobuda tingadai tatsvaka zano", akadero mambo. "Musazvidya mwoyo mambo wangu apa ini handioni pachine chinoda kudzeiwa. Dai yanga iri nyaya kwayo taituma Mukombachoto nemhinduro zvino iyi yakora muto inoda ini ndomene nditsike muzinda wake Nyamatsimba nemhinduro inogutsa", akadero Mutangemhanza. "Imhinduro rudziii yawafunga tionesane", vakadero mambo. "Ndinoda kungonomuudza kuti asapinda nemwenje mudziva chete, zvimwe zvose ndiye achatungamira ini ndoteera matsimba ake", akadero Mutangemhanza akafinyamisa chiso. "Panozobuda chakanaka here jinda rangu? Haunoitwi nyama yamagora here? Tadii tatsvaka imwe mhandara yekumupa voinda vose neiyeyu wangu Mirirai sekutaura kwake", vakadero mambo. "Pamwe ndakaresva kunzwa pokutanga mambo. Nyamatsimba haana here kuti anoda vanasikana venyu vaviri semuripo?", akabvunza Mukombachoto. "Hauna kuresva kunzwa ndizvo chaizvo zvaakareva uye nhasi ndiro shoko raadzoka naro zvakare, kungoti hake anoziva kuti ndine mhandara imwechete sezvo atsinhira kuti imwechete haaidi anoda dziri mbiri nguva imwe", akadero mambo. "Zvino munomupa vapi vamuri kuti titsvake nhai mambo wangu? Regai Mutangemhanza aite seshoko rake", akadero Mukombachoto. "Ini chandiri kutyira hupenyu hwake kana kudzoka chava chirema. Madzvike naNyamatsimba ndinovaziva", akadero mambo. "Mambo wangu kumedza godo kuvimba negurukuro, uye ndomene haichemedzi asi shoko rangu nderokuti musandityire handichabudi mukaka pamhuno", akadero Mutangemhanza ndokubva atosimuka ndiye dzviii bvumo rake muruoko rwerudyi tande kuimba yake uko kwaakasvika ndokutora nhava izere nemiseve ndokuikandira kumusana kwakudzoka kudare. "Mambo wangu, ndichambosvika pamuzinda waNyamatsimba pamwe rinopinda muna amai varo ini ndichipindawo muno mudare", akadero akachonjomara pamberi pamambo wake. "Watoshinga kuzvikandira mumukanwa mamupere here jinda rangu? Tadii tatsvaka imwe nzira yekuti timupe mwanasikana waanoda? "Mambo wangu muchazogutsikana kuti sei ndadero. Mukombachoto usare namambo zvakanaka, newe Masiyandima", akadero Mutangemhanza. "Chiindai henyu muri vatatu newe Mukombachoto naMasiyandima zvive nerumwe rupawo", vakadero Mambo. "Kwete mambo, ndinoda musare makachengetedzeka zvakafukidza denga anoziva hapana. Sekutsika kwaita Madzvike rino ivhu ndoo kutsika kwandichaitawo ivhu remudare maNyamatsimba", akadero Mutangemhanza ndokusimuka kwakubuda mumuzinda nekusiwo diki onange kwaNyamatsimba. Mutangemhanza akati achangoti fambe fambe chinhamwe kubva pamuzinda ndiye dzadza nemurwizi ndokubva amboteedza rwizi rwega kwakuzoyambuka. Aisatevera nzira bodo, zvino akati ati taramukei pedo nemuzinda kwakuchibata nzira iyo yaakateedza rume richiita kukanda nhanho. Akazoti ava muchakasara chesango pedo nechimwe chikomo hana yake ndokutanga kurova vhudzi ndiro nyau nyau kumira mudenga. Mutangemhanza achiona izvi akabva aziva chaitora nzvimbo ndokumira panhu pamwechete kwakuvhomora bvumo rake iro raanobatira kuruoko rwerudyi meso ake ndokubva atanga kuringa mativi ose asi chaakaona hapana. Chinomunetsa hana yake yaiwedzera kurova uye vhudzi roita kunge richadzurika mumusoro wake. Ari mukuringa ringa kudero anokaruka a .............................. *KUPERA KWECHITSAUKO 1* 🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿🤞🏿
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 4 Madzvike zvaakabuda mumuzinda wa Mudzvovakamwe akati ayambuka rwizi ava chinhambwe ndokuona chimuti chemuvenga honye uyo waaiziva semushonga unorapa. Akabva atsauka ndokusvika achikotama pachimuti chiya apo anobudisa nyemwerero ndokubata muchiuno make kuti atore bakatwa rake akwanise kutema chimuti ichi asi zvinomukatyamadza kuona iri hudyu yoga bakatwa rikati wakandiisepi. Anosimuka zvishoma zvishoma ndiye tumbi kwakupukuta meso ake ndokutarisa muchiuno wanei ngoma ndiyo ndiyo. Zvinomunetsa nekuti achibuda mumuzinda waMudzvovakamwe ainge atomboribudisa kwakuzoridzosera achangoyambuka karwizi. Jinda rakabva ratendeuka kudzokera kumuzinda kwa Mudzvovakamwe richitarisa bakatwa. Akati achangoti fambe fambe ndokuona munhu aibva mberi kwake kwakumucherechedza ndokuona ari Mupwanyanzombe. Chakapinda mupfungwa dzaMadzvike ndechokuti Mupwanyanzombe ari kumutevera izvo zvakaita kuti Madzvike avhomore bvumo rake ndokuribatira muruoko. Akafamba zvineiwo ndokubva aona bakatwa rake ava kutosangana naMupwanyadzombe kwakurinonga ndokuripfekera muhudyu ndiyo nhambo inosvikawo Mupwanyanzombe. "Kwakanaka here zvowodzoka zvakare, une chawakanganwa kutaura here?", akadero Mupwanyanzombe achiratidza hukasha. "Kunaya kwemvura sandi vanhu chete vanofara kuti zhizha rava kusvika bodo asi nemhuka dzesango dzinofarawo. Zvimwe pada dai zviri zvipuka zvepasi zvakaita semasvose nezvimwe zviduku zvakatsaukana ndizvo zvingachema kuti upenyu hwedu hwaparara", akadero Madzvike. "Uchirevei Madzvike?", anodero Mupwanyanzombe achinge atadza kubatanidza. "Zviri pachena kunge Mhanza yaMutangemhanza. Kana usina kunzwisisa inda unobvunza shamwari yako yaunoudza chose chakunetsa uye inoziva pfimbi yako kwete wese wese, sezvo nerimwe divi zvine ropa pasi asi akava waunonzwanana naye anokupatsanurira asi kana wazoshaisisa wekubvunza kana kushaya tsanangudzo dzacho unozodzoka kwandiri ndokupatsanurira", anodero Madzvike achibva atotendeuka kwakutanga kufamba rwendo rwake. Mupwanyanzombe anosara akatarisa panhu pamwe achiedza kudzeya mashoko aMadzvike asi rakava rima roga. Akazoita kuvhunduka mushure mekunge paita chinhu chakati chokoto nechokurudyi kwake ndipo paakazoona kuti Madzvike ava chinhambwe. Akada kumutevera kuti anzwisise zvaainge ataura asi pfungwa dzake dzakamurambira ndokubva atanga kufamba nedivi rerudyi kunova kwaisainda naMadzvike. Madzvike anocheuka kwakuona Mupwanyanzombe otora rimwe divi ndokubva aziva kuti sandiye ari kuteverwa ndokubva azonotema chimuti chake kwakutanga kufamba akananga kumuzinda kwamambo wake."Mandigona mira ipapo usapfakanyika waonawo zvandaona here?", anodero Chirashauta mushure mekunge vachangovambuka karwizi kaiva pedo nemuzinda wavo. "Kwete, marevei mukoma?", akadero Mandigona achicheuka cheuka atobaira bvumo rake pasi. "Tarira pawabaira bvumo rako", akadero Chirashauta achibva atovhomora bakatwa rake. "Mandigona achitarisa paya hana yake inorova apo achinge aona iri shato yainge yakatetepa uye yakareba kana kwayaitangira nekwayaigumira yaisaonekwa anobva asimudza bvumo rake zvishoma nezvishoma uku rumwe ruoko rwuchivhomora bakatwa asi achiri kudero anoyerekana atova pasi mushure mekunge shato yotanga mabasa rayo uye kuwira kwakaita Mandigona pasi ainge atomonerwa monerwa muviri wose, zvino shato yainge yooneka kukora kwayo kwese sezvo yainge yadzokedzana kubva pamuteyo wayo. Chirashauta kuwira kwakaita umwe wake pasi iye anowirawo kwakadero mushure mekunge arohwa pashaya nemuswe wayo izvo zvakapa kuti bakatwa nemunhu zviwire mativi akasiyana. Hongu kunze kwainge kwakachena zuva rakateya nyika asi Chirashauta akadziona nyeredzi dzizere denga rose ndiye ziii akadero. Mandigona kana chekuona ainge asisina sezvo ayinge2 ava pakati peshato yakamumoneredza uye yainge ichiri kumumoneredza sezvo musoro wayo wainge usati wasvika, muswe chete ndiwo wainge wapedza basa.......... Mupwanyanzombe anofamba hake akananga kunovhima asi mumusoro make mainge mava nezvaizadze chanza. Aida kuinda kunovhimira kugomo asi nekuda kutsvaka zvaireva mashoko aMadzvike rwendo rwakagurwa negurwe ndokubva ananga kumisungo yake uko kwaakaita rombo rakanaka kuwana pakabatwa mhara mbiri nemhembwe imwechete izvo zvinomufadza sezvo mhara yaidiwa pakuti aroore mukadzi wepiri ainge aiwana chainge changosara izuva rekuroora chete. Akatakura mhuka dzake dzakadero ndokupinda munzira kudzokera kumuzinda uko kwaakasvika zuva richirereka asi kusvika kwaakaita anogashira shoko rinomurovesa nehana pamwechete neshungu dzehasha dzikabva dzamugara meso ake anoonekwa kusanduka nenguva diki diki ndiye simu paainge agara kwaku........... _______________________________________________ Madzvike aiita kupotsera nhanho zvedi aiona ari shure kwenguva nekuti chaaiziva ndechokuti kubata muswe waana Madzvovera kwaainge aita vamwe vaikudana vachiti kuzvisikira moto muziso. Hongu Mudzvovakamwe ainge ava mutana asi chaiva chazezesa pose paasvika vaitoziva kuti vakuru vamasango vasvika vanova ivo vabanduri vamapfupa, vane meso anozezesa kuringa. Vamwe vana samutauri voti vapondi vezvipenyu zvinozvifambira kana kuti vakakatira kwasviba.Zvose izvi aizviziva zvino ainge omanyira kunoisa musoro pamwechete namambo wake kuti ivo vagare vari mberi sezvo varivo vana nyakutokonya. Zuva richitungidza nhongonya dzeharahwa ndiyo nhambo inosvika Madzvike mumuzinda apo paanowana mambo vari mudare vaina *Jerenyenje* uyo aiva Mutevedzeri wejinda guru pamwechete nejengeta mambo ravo iro rainzi Tumbare vaipangana mazano ezvemberi panhau yavainge vatuma Madzvike nayo. Vachiona jinda ravo richipinda mudare mambo vanoonekwa kugutsurira musoro ndokubva Madzvike anyemwerera sezvo ainge aona kuti afadza mambo wake. "Pachipamwe mambo wangu", akadero mushure mekunge agara pachigaro chake uye nhava yakandirwa pasi bvumo chete ndiro rakasara riri muruoko. "Madzoko vekwakadziva kumaodzanyemba, zvikanzi naTumbare maitirei kuti Madzvike ainde oga kwaana vaMadzvovera achabandiwa ari mupenyu . Kutaura kuno anga oda kutokutevera vose naJerenyenje", vakadero Mambo. "Mungatevera bhuru rainda kumho-u here, muchiti ringaitwei, nani uye sei?", anodero Madzvike achibudisa mazino akapesana awo ainge akasviba kunge tsito pachionekwa zvichena zvichena izvo zvaiva zvenzungu dzaanga achifamba achidya. "Ndoo mubvunzo wandavabvunzawo, ini handivhunduki pane chinoitwa newe ndanga ndichiziva hangu kuti sekubuda kwawaita ndiko kudzoka kwako zvino ati kudii Mudzvovakamwe?", vakadero Mambo. "Ndaita huya hwatakanoita paya Tumbare kwamambo Gumbura", akadero Madzvike. "Ndarasika ini kungoti makore apindana ndanga ndisingachazivi zvehondo", vakadero mambo. "Ndasvika tikambokurukura chinguvana ndokubva ndazoitumbura ndangonanga nemudumbu asi ndasiya maura asina kusvinwa", anodero Madzvike. "Ipapo wagona kusamirira mhinduro nekuti zvazvakanakira shoko harivhikwi zvino isu ngatichimupa mazuva matatu kana mashanu tione danho rake tozotangira ipapo asi varwi vedu ngavapirwe shoko takamirira zvinotevera", vanodero mambo. "Idama iroro Tumbare ridza hwamanda yevarwi tiri shure nenguva", anodero Madzvike. Tumbare anosimuka kwakunanga panogara hwamanda ndokuridza yekudana varwi chete avo vanoonekwa kumanyirana kuuya padare. Nenguva isipi varwi vose vainge vaungana mudare ndokubva Madzvike asimuka uyo anonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Pamusoroi vakuru nevadiki musashushikana henyu kuona madanwa rakacheka nyika kudai inhau duku duku yatinoda kuti umwe neumwe agare ava kuziva zvino chindipa nzeve dzenyu. Vazhinji venyu muchiri kurangarira here makore apfuura awo pane gore rakauya jinda guru ramambo Mudzvovakamwe nezvipfuyo semuripo wehambakubvu sekukuudzai kwandakamboita", anodero Madzvike. "Hongu mambo wangu tichiri kurangarira", anodero machinda kamwechete. "Ndiyo nhau yamaunganidzirwa. Zvipfuyo izvozvo sandiwo muripo watainge takatenderana naye, tainge takatenderana kuti atipe vanasikana vake vaviri zvino nhasi ndabveko kunomuudza kuti zvipfuyo zvako tava kudzosa iwe wobva watipa muripo wedu wemhandara mbiri. Saka semachinda edu tati muzive uye mugadzirire kuti kana akasatipa mhandara mbiri kureva vanavake tiri kupinda mumuzinda wake nehondo yekuparadza chose chinofema totora pfuma yose uye nuzinda wova wedu", anodero Madzvike apo panonzikwa mheterwa nemaoko kubva mumachinda uko kwaiva kubvumirana nemukuru wavo. Hwamanda yakaridzwa yekunyararidza vanhu ndokubva vanyarara. "Ndiro shoko randareva saka garai naro uye rodzai zvombo tigonoparadza Mudzvovakamwe sekureva kwanda..............",. "Madzvike!!!", Rinonzwikwa inzwi kudaidzira kubva nepasiwo redare izvo zvakaita kuti Madzvike atadze kupedzisa kutaura zvaaitaura munhu wese kusanganisira mambo anocheuka kutarisa kusiwo ndokuona pamire Mutangemhanza uyo ainge akabereka zvombo kumusana uye muruoko muine bvumo iro raipenya kunge runambi rwemoto....... KUPERA KWECHITSAUKO 4
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 3 Masiyandima akangovhura musiwo wamambo ndokubva svikiro rapinda kwakubva avhara ndiye tumbi ari panze. Svikiro rakasvika ndokumira rakatarisa mambo ndokubva radzungudza musoro waro rutatu ndokubva ratura befu kamwe. "Vadzimu vako vanga vati upinde nenzira yababa vako asi ndati tarirai achinepwere diki dzinoda baba, kureva vana vako nedunhu rose harisati raguta kuyamwa. Hongu hambakubvu ndiwo mushonga mumwe badzi unokwanisa kukurapa izvo zvazobvumirwa nevadzimu uti ukwanise kurapika asi mberi uko kwaita makobvu namatete wanditsvaka wandishaiwa, ndanga ndaindepi ?", rakadero svikiro richibva ratendeuka ndokubuda muimba umu ndokunhonga tsoka kubuda mumuzinda nekusiwo guru kudzokera kukovero yaro. Mambo vakanzwa zvainge zvataurwa asi havana kunzwisisa asi semunhu aida kupora haana kuona kuti haana kunzwisisa izvo zvakabudikidza nenyemwerero iyo yakabva pakuti _Hongu hambakubvu ndiwo mushonga mumwe badzi unokwanisa kukurapa izvo zvazobvumirwa nevadzimu kuti ukwanise kurapika_. Zvezvakazotaurwa mberi kana shure kwazvo hazvina kuwana nzvimbo yekugara mudehenya raMudzvovakamwe. Mambo sezvo urwere hwavo hwainge husati hwakomba vakangoti kubuda kwakaita svikiro ndokubva vatungamidzana naMusiyandima pamwechete naMutangemhanza vakananga kumuzinda kwamambo Nyamatsimba. Vaifamba vachinanaira izvo zvakapa kuti vasvikirane nezuva richipinda muna amai varo. Nyamatsimba achiona sahwira wake anomutambira nemufaro kwakupinda naye muimba yevaenzi. Chikafu chakauya ndokudya vachiita nhaurwa dzisinei nechifambirwa chavo. Pakazoti nhambo dzanguvaira Mutangemhanza kwakunzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mambo Nyamatsimba muchiona matsikwa kudai inhau yavasahwira venyu ndeyokuti vadzimbikana nenyama dzavo, sekunzwa kwandakamboita paya tiri mudare iwe Madzvike waivapo muchiti makazowana hambakubvu mava kudzipfuya pano", akadero Mutangemhanza asinga kumboturi befu. Nyamatsimba akabva atarisana nejinda rake Madzvike kwakutarisa pasi izvo zvakapa kuti mumba mumboita runyararo kwenguva refu ndokubva Nyamatsimba anzwikwa kutaura. "Hongu seshoko rangu ndakadero asi vadzimu vangu vakati hambakubvu idzi dzinorapa veuno muzinda chete", akadero. Mambo Mudzvovakamwe vachinzwa izvi vakatura befu izvo zvakapa Nyamatsimba kunzwa tsitsi uyo anonzwikwa kutaura zvakare. "Sasahwira wangu ndingakwanisa kunokukumbirira kuvadzimu vangu ndonzwa dama ravo", akadero Nyamatsimba izvo zvinonyevenutsa vatatu ava. Kutaurwa kwakaitwa shoko Nyamatsimba akabva ati aizoinda kuninga kwake onoudzwa rizere zvino ndiko kwakava kusimudzwa kwemakumbo naMudzovakamwe nemachinda ake kudzokera kumuzinda kwavo. Nyamatsimba akada kuti sahwira wake asiye hope asi sahwira vakati vaive nezvavaida kumanyira kumberi awo aiva manyepo sezvo Mudzvovakamwe akasiya audzwa shoko nababa vake rekuti chero zvigozhe sei aifanirwa kusiya hope zuva rega rega mumuzinda wake kwete kunze kwemuzinda bodo. Mudzvovakamwe nemachinda ake vanooneka kwakumapaza masango kudzokera kumuzinda uko kwavakasvika hweva huchibuda sevanhu vaifamba nhereka nhereka. Mambo vakabva vananga kunovata asi machinda avo akabva ananga padare sezvo kwainge kwachena ndokuvesa moto wavo kunze kwakazosara kooneka amwe machinda atovamowo mudare. Kubuda kwakaita Mudzvovakamwe mumuzinda waNyamatsimba uyo akasara achinyemweewra kwakumborovana maoko nejinda rake. "Dzawira mutswanda hadzichanetsi kunongera. Ingararama makore anozadza zvanza asi shiri inozongofa", anodero Madzvike. "Wareva idi ipapo taishaiwa kuti todziworera sei. Zvino hazvichadi kunonokera, kana wanzwa paya pandati ndichambonobvunzira kuvadzimu anga ari manyepo sezvo ndanga ndichida kuti tionesane kuti toita muripo upi", vakadero mambo Nyamatsimba. "Ngaatipe vanasikana vake vaviri toita umwe neumwe wake vova vakadzi vedu", anodero Madzvike. "Zvino angori nevanakomana voga zvinozobuda here jinda rangu?", akadero Nyamatsimba.Donzvo redu rakare taida kutora zvipfuyo zvose zvaMudzvovakamwe zvino ndiwo mukana uyu nekuti tinoziva kuti haafi akaita vanasikana vaviri sezvo baba vake vakafa vaine vanakomana chete saka isu zvinozotipa kuti tizomuti atipe zvipfuyo zvakawanda kwazvo kana azoshaisisa vanasikana vake pachake", akadero Madzvike izvo zvakaita kuti mambo wake aonekwe nyemwerero. "Ndizvo zvandinokudira Madzvike iroro izano kwaro saka iwewe wofuma kunomuudza sekutaura kwawaita kuti atipe mhandara dzake mbiri tozoona zvinotevera pamberi uye kana abvuma okupa machinda anouya kuzotora hambakubvu yake", ndiwo mashoko akava okupedzisira amambo kwakubva vaviri vaparadzana kunoisa nhivi pasi.Rechimangwana nguva yerudzoka mazizi Madzvike anobuda mumuzinda akananga kumuzinda wamambo Mudzvovakamwe uko kwaakasvika zuva ronanaira kutungidza nhongonya dzeharahwa. Mambo Mudzvovakamwe vachiona jinda rasahwira wavo richipinda mumuzinda vakabva vaziva kuti kuchema kwavo kwakanzwikwa. Jinda rakasvika kwakukwazisana ndokubva vatorana kuinda kuimba yamatare uko kwaiti mambo nemuninina wavo Mupwanyanzombe uye nemachinda avo matatu pamwechete naiye Madzvike. Mumba makamboita runyararo ndokubva Madzvike anzwikwa kugadzirisa pahuro. "Ndatumwa neshoko iro ranzi zviri kwamuri kufuka kana kuwarira", akadero Madzvike izvo zvinopa vose vaiva muimba umu kutarisana. "Uchirevei Madzvike?", anobvunza Mupwanyanzombe. "Vadzimu vaNyamatsimba vatendera kuti mukoma wako arapwe nehambakubvu dzavo asi vati panoda muripo kuti muiwane", akadero izvo zvinofadza wese aiva muimba umu. "Hapana chakaipa zvino muripo wacho zvanzi ndeupi?", akadero Mutangemhanza. "Panodikwa vanasikana vaviri vanyamurapwi avo vachazobatidza chiruvi kumuridzi wehambakubvu", akadero Madzvike izvo zvinoita kuti zviso zvewese aiva mumba umu wire pasi. "Mwanangu unenge unoona ini ndine vanakomana chete handina musikana pamwe mukadzi wangu zvaakazvitakura pangagona kuita mwanasikana sekutaurwa kwazvo navaoni vezvemberi, zvino chokupikisa handina sezvo muripo hausati wavapo", vakadero mambo Mudzvovakamwe vachitura befu rekuratidza kupererwa."Musanyanya kuzvidya mwoyo mambo wangu. Sahwira wenyu anoziva kuti hamusati maita mwanasikana zvino ati anokupai kunyangwe musati maripa asi pachazozvarwa vanasikana ava mouya navo sekutaurwa kwazvakaitwa nevadzimu vake", akadero Madzvike zvino mambo nekuda kurarama havana kupikisa kunyangwe machinda avo haana kuzviramba. Kubvuma kwakaita mambo vakabva vanzi chindipai jinda rekuinda naro ridzoke nehambakubvu yacho apo pakabva pasimuka weropa anova akazvisarudza oga. Mupwanyanzombe naMadzvike vanoonekana nevamwe ndokutsika matama enzira vonanga kwaNyamatsimba . Nguva iyi rwendo rwakaita rwupfupi kuvaviri ava sezvo vaifamba vachitaura dzakasiyana siyana uye zuva iri Mupwanyanzombe ndipo paakaona kusununguka kwaMadzvike izvo kusaziva kuti mabasa eshato iyo yava nemazuva mashanu isina chayaisa mumuromo zvino kwava kutsvaka chokubata ura.Mheterwa nemiridzo payainzwikwa iyo yaiva yevafudzi vemombe vainge vomanyirana kuvharira zvipfuyo ndiyo nhambo yakasvika vana Madzvike avo vanoonekwa namambo vachiri kusiwo ndokubva vatosimuka kunanga kuimba yevaeni. Vakasvika ndokukwazisana kwakubva Madzvike apira mambo wake zvaivapo kwakubva Mupwanyanzombe apuwa hambakubvu yake. "Mushandisirwe wehambakubvu iyi ndeunoti demhe rayo chete ndoo risingadyiwi asi zvimwe zvose zvinofanirwa kudyiwa, hapana chinoraswa kusanganisira nezvose zvemukati meura . Muchidimbu ndingati vamwe vanosvina vachirasha tsvina iya zvino pakurapwa kwechirwere ichi hapatenderwi kusvina chero chiduku duku zvacho. Kana usina kunzwisisa bvunza sahwira wangu", anodero Nyamatsimba. "Muchireva here kuti netsvina yayo inodyiwa kana kuti inotumburwa yoraswa?", akabvunza Mupwanyanzombe. "Shoko randereva rinoti chinoraswa idemhe chete zvimwe zvose zvinodyiwa ndiko kuti upenyu hwamukoma wako huvepo", akadero Nyamatsimba ndokubva Mupwanyanzombe agutsurira kuratidza kunzwisisa. Chimwe chokupedzisira kana vapedza kudya ndinovada muzuva reshanu kugomo _Chemakona_ ndigosuka tsvina yehambakubvu yavanenge vadya", akadero Nyamatsimba. Mupwanyanzombe akazooneka mushure mekunge apuwa chikafu. Haana kuda kuvata sezvo aida kuti mukoma wake akasire kurapika. Akaritimba sango husiku ihoho ndokusvika kumuzinda pwere dzadiridza paruvato dzimwe dzashanduka rushanu rushanu. Akananga kuimba yamukoma wake uko kwaakatanga kugashirwa Masiyandima ndokuzomutsa mambo kwakuvapa hambakubvu yavo ndokusiya ose mashoko ainge ahwereketwa sezvaari.Mambo havana kuda kutambisa nguva sezvo hambakubvu iyi yaidyiwa iri mbishi zvino vakabva vatanga kuidya sekurehwa kwazvo naNyamatsimba. Pasina nguva vainge vapedza zvino vainge vasarirwa kuinda kugomo rainge rataurwa. Kudya kwakaita Mudzvovakamwe hambakubvu mushure mezuva rimwechete ainge onzwa kuti marwadzo enyama apera zvino mushure memazuva mashanu apo chava chigwindiri vakatorana mambo, Mutangemhanza, nemuninina wavo ndokunanga kugomo Chemakona uko kwavakasvika nekusangana naNyamatsimba aina Madzvike. Vanotekaira ndokupinda mune rimwe sango umo maiva nekarwizi kaiyerera mvura misi nenguva ingava nhambo yechirimo kana zhizha waingoona kachierera mvura asi kwayaibva nekwayaienda aiziva hapana. Nyamatsimba anoita chivanhu chake sekuziva kwake ndokunwisa Mudzvovakamwe mvura yekuyerera iya. Vachipedza kumwa Nyamatsimba anonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mudzvovakamwe zvandakaita izvi nevadzimu vangu hazvifambidzani ndinovimba unozviziva, asi sewe sahwira wangu ndakanzwa tsitsi ndoo sekera ndakatambanudza ruoko rwangu kukupa hambakubvu kuti chirwere chako chirapike mangwana ndizomukawo ndichikuona uchitsika rinomuka. Asi sechibvumirano chedu ndakanga ndakati ndinoda vanasikana vako vaviri semuripo vazoita vakadzi vangu. Chinzwa zvandazofunga iwe uri sahwira wangu saka zvausati wava nevanasikana chindipa zvipfuyo zvemombe zana nemakumi mashanu wochirega hako kundipa vanasikana vako sezvo watora nyoka yababa vako yekuita vakomana voga. Ndingadai ndati ndisarudze vasikana vandinoda mumuzinda wako asi hazviiti ndanga ndichida wawakatumbura iwewe", anodero Nyamatsimba izvo zvinofadza Mudzvovakamwe nemachinda ake sezvo zvedi ainge asati ava nemwanasikana. Mudzvovakamwe anotenda zvikuru kwazvo ndokubva vazoonekana kwakudzokera kumuzinda kwavo umwe neumwe. Zvineiwo Mudzvovakamwe anosvika kumuzinda mukadzi wake abatsirwa mwanasikana uyo waakatumidza kuti *Mirirai*. Mutangemhanza anotumwa nezvipfuyo kwaNyamatsimba aina Chirashauta naMandigona avo vaiva vachiri majaya madiki. Vakanosvika nezvipfuyo zvinova zvakafadza Nyamatsimba. Mazuva akazopindana ikava mwaka ndokuva makore. Mombe dzaNyamatsimba dzokubva kwaMudzvovakamwe dzainge dzaberekana ndokuzadza Muzinda sezvo dzimwe dzainge dzabereka rutatu dzimwe rushanu uye shoko rekuti Mudzvovakamwe ava nemwanasikana rainge rakapinda munzeve dzake ndokumbomira achifunga kuti pamwe angaita umwe wepiri asi haana kuziva kuti ndiwo magumo enyoka yamambokadzi wekwa Mudzvovakamwe. Mirirai zvaainge ava chimhandara zvekuti miridzo imwe ainge ocheukirawo uye mwanakomana wavo mambo Mandigona ravawo rume chero hazvo ainge asati atsvukisa chiruvi, ndipo pakatanga manyamamirenerongo kubva kumuzinda wamambo Nyamatsimba. Nyamatsimba akatiwo agere nejinda rake anoonekwa kukwenya mhanza izvo zvakaita kuti Madzvike abvunze. "Mambo wangu manguri makwenya mhanza, kutsvene here?", anodero. "Nguva iya yasvika kuti tichirozva hupfumi hose hwa Mudzvovakamwe sekuronga kwatakamboita makore apfuura", akadero mambo. "Manga marevei Mambo wangu?", akabvunza zvekare Madzvike sezvo ainge akanganwa. "Ndinoda kukutuma kumuzinda wamambo Mudzvovakamwe unovati ndazofunga zvakare ndava kuda muripo wangu wehambakubvu watakawirirana pakutanga uye umuti mombe dzako ndinodzosa asi sezvo aine mwanasikana umwe chete umuti ndinoda vaviri veropa rake vaakatumbura iye omene kwete kundipa mutorwa bodo", akadero mambo. Madzvike achinzwa izvi anonyemwerera sezvo nyaya yose akabva aiziva. Akabva avhomora bvumo rake ndokutanga kuri tambisa tambisa achirikanda mudenga. "Ndainge ndanguri ndakamirira nhambo ino mambo wangu kusvika pakutozvikanganwa asi ramareva ndarinzwa ndichamukira rumamahovo ndosvikawo kumuzinda wake pwere dzichipedzisa kudiridza paruvato", akadero Madzvike ndokubva vazotanga kutaura dzakasiyana siyana havo. Zuva rakazovira vanhu kwakuvata. Madzvike anovata dzetsuro, sekureva kwake anomuka rumamahovo ndiye dza munzira kumuzinda waMudzvovakamwe uko kwaanosvika zuva richagobuda uye anoita rombo rakanaka kuwana mambo vari voga mudare netumajaya. Vana Mupwanyanzombe, Mutangemhanza , Mukombachoto naMasiyandima vainge vasimo mudare. Mudzvovakamwe achiona jinda raSahwira wake anonzwa kufara kukuru kwazvo ndokukwazisana apo paanonzwikwa kutaura. "Ndatumwa neshoko navasahwira venyu", akadero Madzvike. "Hazvina kuipa ndakateya nzeve", vakadero mambo. "Nyamatsimba ati pahambakubvu iya yandakakupai mukandipa zvipfuyo ati ndazofunga zvakare handichadi zvipfuyo ndavakuda muripo wangu watakanga tavimbisana pokutanga uye zvipfuyo zvenyu ati ndinodzosa. Sekutaura kwaaita ati handidi mutorwa pavanasikana ava ndinoda veropa renyu", anodero Madzvike ndiye simu kubuda mudare tande nekusiwo guru achibva abuda mumuzinda ndiyo nhambo yakapindawo vana Mutangemhanza mudare apo pavonoshushikana nezvaiitika pana mambo wavo.......... KUPERA KWECHITSAUKO 3
*Machapters edu ebook Pfimbi Ipfumburwa Nechinyuka avapo awanda kusub group* ‼️CHIZIVISO‼️ ⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️⬇️ *Kutanga musi weMonday book redu rinenge rachinja mutengo* *SA* R40 Voucher *ZiM* ndichakuudzai Monday wacho Asi vanobhadhara nhasi kusvika iwo Monday bhadharai nemutengo wemazuva ose *$2* *R30*
*SECOND CHANCE AFTER BETRAYAL* 💔💔💔💔💔💔💔 💔💔💔💔💔💔💔 *OUR CHANNEL👇🏻* https://whatsapp.com/channel/0029Vb9JWbED38CUpErxJP0I *OUR GROUP👇🏻* https://chat.whatsapp.com/EX27eaeUeLrLOwJiUJpiLR *Written by🖊️🖊️* *Promise Sithole* Contact us on *O742589642* *O7235O8198* NEW BOOK *Nzwisa ye zviri mubook* Mubook redu mune nyaya yemukoma nemuninina umwe neumwe ayine mukadzi wake. Tiri ipapo muninina anochiva mukadzi wemukoma wake nekuda kwerunako rwaiva nemukadzi wamukoma zvekutoda kumutora kumuita mukadzi wake. Ndiyo nhau yekutanga iri mubook redu. Nhau yepiri mune mukomana achasanganawo nemusikana uyo akamutora moyo. Zvino mukomana akazotumawo muninina wake kunokumbura number kumusikana uya izvo zvakazoita kuti muninina nyakutumwa abve atangawo kuda musikana uyu kwakubva muninina apfimba musikana uye. Uku Kuna mukoma muninina akabva anopa mukoma wake number dzake dzisingaziikanwe nemukoma apo Mukoma ndokutanga kudanana nemuninina wavo vasingazive vachifunga kuti vari kudanana nemusikana wavakaona nyamba kwete muninina ndiye arikutamba mukoma wake hutsotsi Kuti verenge book rese iri unzwe nyaya yacho yakazara pinda muchannel unakirwe nevamwe