JOHN'S NOVELS🏹🏹
May 27, 2025 at 06:00 AM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 2 Mambo Mudzvovakamwe vainge vakura zvaisachaudzirwa asi pahondo vainge vachiri kuzvinzwa munyama dzavo kunyanya pakupotsera museve vaiita kunge vachiri jaya, asi pabvumo zvainge zvoremera kumusoro setsvimbo nekuda kwekukwegura. Mambo zvavainge vava mukweguri kudai hongu pakurwa vaiva bvumba asi zvehondo vainga vasingachazvifariri, chavainge vava kuda runyararo chete pakati pomuzinda wavo sezvo chakatanga ndoo chakachenjedza izvo zvinobuda necheshure vachiri kutemwa dzinobuda ropa.Muimba yamambo vainge vakazvarwa vari vakomana chete paive pasina musikana zvino vaiva vakomana vashanu avo vaiti ivo mambo Mudzvovakamwe vanova vaiva nevanji kouya madzinin'ina avo matatu aivatevera awo akamedzwa napasi vasati vatsvukisa zviruvi mushure mehondo dzakatsaukana dzaiitika mumuzinda wavo uye dzimwe dzavaiteverawo kunoita tsiva apo pavainorwirawo zvipfuyo zvavo zvavanenge vatorerwa pamwechete nemhandara ndiko kwakasarirawo madzinin'ina avo ndokubva kwasara gotwe iro rinova ravainge vachiri naro mazuva aya iro rainzi Mupwanyanzombe. Mambo Mudzvovakamwe vainge vaine mukadzi mumwechete ndokubva vaita vana vavo vashanu vakomana vana nemusikana mumwe, asi pavose vainge vasarirwa nevana vaviri mukomana nemusikana asi mukomana ari iye mukuru uyo ainzi Mandigona kozopedzisira gotwe rainzi Mirirai. Madzikoma matatu aMandigona ainge akafawo nechakapedza madzibaba.Munun'una wamambo anova Mupwanyanzombe aiva nemukadzi wake mumwechete uyo aiva nevana vaviri vakomana voga avo vaiti Chirashauta anova iye dangwe kozoita wekupedzisira anova Madzingaidze. Paiva zvakare neimwe tsvarakadenga yaaida kutora semudzimai wepiri aidanwa nezita rekuti Marwei uyo aichengetwa nambuya vake mushure mekunge vabereki vake vamedzwa nevhu.Vakomana vanoti Mandigona naChirashauta vakazvarwa zuva rimwechete nguva imweyo izvo zvakapa kusaziikanwa kuti mukuru ndiyani uye mukukura kwavo vakava vana vakakura vachiwirirana. Waitoti ukavaona waisaziva kuti vana vakasiyana kumadzibaba nemadzimai sezvo vainzwanana vari vatatu naMadzingaidze. Chirashauta achiona Mandigona aiti mukoma uye Mandigona achiona Chirashauta aiti zvakare mukoma hapana aida kunzi munun'una. Pakudya chikafu vaiti pagura umwe wavo vose vari vatatu vaigurawo hapana chaidya Chirashauta, Mandigona naMadzingaidze vakasadya. Hapana paitsika Madzingaidze naChirashauta Mandigona akasatsikawo. Vatatu ava muchidimbu tinenge toti vaiva mukombe nechirongo izvo zvaifadza mambo, ndiyo yaingova shuviro yavo kuti muropa ravo musapinda ruvengo. Dzimwe nguvawo Madzingaidze nekuda kwekuti aiva mudiki kumadzikoma ake aimbopotawo achifamba nevemazera ake asi zvaiwanikwa kamwe pamwaka kana kaviri bedzi.Mandigona naChirashauta vainge vava mazera ekuti chero vakachatsvukisa zviruvi zvaisashamisa. Pakushandisa zvombo majaya matatu aya aiva mhare izvo zvaiziikanwa nemuzinda wese uye chirwere chaiva pavari zvakare chaiva chekuswera musango vachivhima nguva yavo huru yaiperera musango izvo zvaivaita kuti vasaita shungu neshashiko. Mambo vaiva nemachinda avo mazhinji kwazvo uye muzinda uyu waiva nenyanzvi pakurwa idzo dzainge dzakadzidziswa namambo mbune kurwa. Jinda guru ravo rainzi *Mutangemhanza*, iri raiva zita remadunhurirwa rinova raaiziikanwa naro mativi mana ose kunyangwe nekandumure kaikuudza kuti kune mhuka inonzi Mutangemhanza sezvo pachake aityisa kutarisana naye zvaitoda vane hana. Kana dziri sepwere dzaiti dzikamuona dzaivata dzichivhumuka kunyangwe munhu mukuru chaiye aizvinyorovesa nemvura yemumuviri kana kuri kuti vayeruka vasanganidzana pavo vega zvisina tarisiro. Kana muri semusango zvedi kwaitova kuwomera pakarepo. Raiva rino rume refu, dema dema rine mabvindi mabvindi muviri wese, kana rwuri ruoko kuita zariro repadanga. Maziso ake aiti kana akakutarisa waiona sekuti akatarisa rimwe divi izvo kwaani ndiwe wakatariswa. Mutevedzeri wa Mutangemhanza ainzi Mukombachoto kouya jengetamambo iro rainzi Masiyandima. Muzinda wamambo Mudzvovakamwe waiva mujinga merwizi urwo rwainzi _Rure_ umo munova maitekwa mvura yekumwa nevanhu vemumuzinda wavo uye ndimo zvakare maimwiwa mvura nezvipfuyo zvavo izvo zvaiva mavhu nemarara zvisina ani nani aizviziva kuti zvingani. Nechokumabvazuva kwakadziva kumaodzanyemba kwaive negomo rimwe chete iro rainzi _Chinenguni_ umo munova maiva neninga nhatu idzo dzaiti yechikafu neyokuviga ruzhinji, koita yemadzimambo iyo yaiva panhongonya paro. Kuchamgembe kwemuzinda wavo kwaivawo neumwe Mlmuzinda uyo waiva wasahwira wavo ainzi mambo Nyamatsimba avo vanova ndivo vanaMatyoramiti, varidzi vamasango vana Samanyanga. Mudzvovakamwe hushamwari hwake naNyamatsimba zvedi vakuru vakareva pavakati zino irema uye chinoziva ivhu kuti mwana wembeva unorwara, aisava manyepo. Pahondo zhinji dzaiitika mumuzinda waMudzvovakamwe idzo dzekuzoparadza madzikoma aMupwanyanzombe nemadzikoma aMandigona raiva gonye ndiye Nyamatsimba asi Mudzvovakamwe haana zuva rimwe chete raakazviziva, chero kuti nyakutepfenyura miseve yainanga wese weropa raMudzovakamwe ndiye Nyamatsimba mbune naMadzvike hazvina akaziva vaingoti ihondo yekumwe. Hongu yaiva hondo yekumwe asi ichitungamirwa navasahwira vake Nyamatsimba naMadzvike. Donzvo guru raiva naNyamatsimba raiva rekupedza zvipfuyo zvaMudzovakamwe asi hazvina kuita sekudaro bodo, sezvo kwose kwavaiinda Hondo yaMutangemhanza yaitevera kusvika yadzoka nazvo uye kungwara kwainge kwakaita Nyamatsimba pazvipfuyo zvaairozva kuna sahwira vake hapana chaiteverwa sezvo aionekwa segwai pakati pemapere uye varwi vaingobuda mumuzinda wake vaingova iye chete naMadzvike uyo anova ndiye raiva jinda rake guru, Mutevedzeri wake ari Jerenyenje . Mukupindana kwemazuva hondo dzakazonge dzapera sezvo hondo ya Mutangemhanza poga poga payaitevera zvipfuyo zvavo vaisiya muzinda iwoyo rave dongo nedota izvo zvakazoita kuti mimwe mizinda itye kubatana naNyamatsimba kunozvisasika mukanwa mamupere zvinova zvakazoita kuti Mudzvovakamwe ambotura befu. Akava mazuva ikava mwedzi kupinda mumakore kuine runyararo. Pakazoti nerimwe gore apo mambo Mudzvovakamwe vakabatwa nechirwere icho chainge chakadya baba vavo sezvo chirwere ichi chairapwa nehambakubvu chete kuti uzova kunoramba kuchitsika rinomuka. Rombo rakanaka rakaitika kuna mambo Mudzvovakamwe nderokuti hambakubvu dzainge dzavawo kuwanikwa mazuva aya asi dzaiva nemuripo wakagozha uye dzaiwanikwa kumuzinda wavasahwira vavo vanova ivo mambo Nyamatsimba.Mudzvovakamwe paakangoona kuti abatwa nechirwere chakauraya baba vake akafunga kunanaira akananga kumuzinda wavasahwira vake asi akabva atanga afunga zvakare kuona svikiro rake ritange ramupa ziso remberi. Zvineiwo mambo vari mukufunga zvose izvi vakanzwa musiwo wavo kugogodzwa ndokubva vacheuka ndokuona ari Masiyandima asi shure kwake kuine svikiro zvinova zvakapa Mudzvovakamwe kuti abudise nyemwerero. KUPERA KWECHITSAUKO 2
❤️ 🙏 👍 20

Comments