JOHN'S NOVELS🏹🏹
May 27, 2025 at 04:10 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 3 Masiyandima akangovhura musiwo wamambo ndokubva svikiro rapinda kwakubva avhara ndiye tumbi ari panze. Svikiro rakasvika ndokumira rakatarisa mambo ndokubva radzungudza musoro waro rutatu ndokubva ratura befu kamwe. "Vadzimu vako vanga vati upinde nenzira yababa vako asi ndati tarirai achinepwere diki dzinoda baba, kureva vana vako nedunhu rose harisati raguta kuyamwa. Hongu hambakubvu ndiwo mushonga mumwe badzi unokwanisa kukurapa izvo zvazobvumirwa nevadzimu uti ukwanise kurapika asi mberi uko kwaita makobvu namatete wanditsvaka wandishaiwa, ndanga ndaindepi ?", rakadero svikiro richibva ratendeuka ndokubuda muimba umu ndokunhonga tsoka kubuda mumuzinda nekusiwo guru kudzokera kukovero yaro. Mambo vakanzwa zvainge zvataurwa asi havana kunzwisisa asi semunhu aida kupora haana kuona kuti haana kunzwisisa izvo zvakabudikidza nenyemwerero iyo yakabva pakuti _Hongu hambakubvu ndiwo mushonga mumwe badzi unokwanisa kukurapa izvo zvazobvumirwa nevadzimu kuti ukwanise kurapika_. Zvezvakazotaurwa mberi kana shure kwazvo hazvina kuwana nzvimbo yekugara mudehenya raMudzvovakamwe. Mambo sezvo urwere hwavo hwainge husati hwakomba vakangoti kubuda kwakaita svikiro ndokubva vatungamidzana naMusiyandima pamwechete naMutangemhanza vakananga kumuzinda kwamambo Nyamatsimba. Vaifamba vachinanaira izvo zvakapa kuti vasvikirane nezuva richipinda muna amai varo. Nyamatsimba achiona sahwira wake anomutambira nemufaro kwakupinda naye muimba yevaenzi. Chikafu chakauya ndokudya vachiita nhaurwa dzisinei nechifambirwa chavo. Pakazoti nhambo dzanguvaira Mutangemhanza kwakunzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mambo Nyamatsimba muchiona matsikwa kudai inhau yavasahwira venyu ndeyokuti vadzimbikana nenyama dzavo, sekunzwa kwandakamboita paya tiri mudare iwe Madzvike waivapo muchiti makazowana hambakubvu mava kudzipfuya pano", akadero Mutangemhanza asinga kumboturi befu. Nyamatsimba akabva atarisana nejinda rake Madzvike kwakutarisa pasi izvo zvakapa kuti mumba mumboita runyararo kwenguva refu ndokubva Nyamatsimba anzwikwa kutaura. "Hongu seshoko rangu ndakadero asi vadzimu vangu vakati hambakubvu idzi dzinorapa veuno muzinda chete", akadero. Mambo Mudzvovakamwe vachinzwa izvi vakatura befu izvo zvakapa Nyamatsimba kunzwa tsitsi uyo anonzwikwa kutaura zvakare. "Sasahwira wangu ndingakwanisa kunokukumbirira kuvadzimu vangu ndonzwa dama ravo", akadero Nyamatsimba izvo zvinonyevenutsa vatatu ava. Kutaurwa kwakaitwa shoko Nyamatsimba akabva ati aizoinda kuninga kwake onoudzwa rizere zvino ndiko kwakava kusimudzwa kwemakumbo naMudzovakamwe nemachinda ake kudzokera kumuzinda kwavo. Nyamatsimba akada kuti sahwira wake asiye hope asi sahwira vakati vaive nezvavaida kumanyira kumberi awo aiva manyepo sezvo Mudzvovakamwe akasiya audzwa shoko nababa vake rekuti chero zvigozhe sei aifanirwa kusiya hope zuva rega rega mumuzinda wake kwete kunze kwemuzinda bodo. Mudzvovakamwe nemachinda ake vanooneka kwakumapaza masango kudzokera kumuzinda uko kwavakasvika hweva huchibuda sevanhu vaifamba nhereka nhereka. Mambo vakabva vananga kunovata asi machinda avo akabva ananga padare sezvo kwainge kwachena ndokuvesa moto wavo kunze kwakazosara kooneka amwe machinda atovamowo mudare. Kubuda kwakaita Mudzvovakamwe mumuzinda waNyamatsimba uyo akasara achinyemweewra kwakumborovana maoko nejinda rake. "Dzawira mutswanda hadzichanetsi kunongera. Ingararama makore anozadza zvanza asi shiri inozongofa", anodero Madzvike. "Wareva idi ipapo taishaiwa kuti todziworera sei. Zvino hazvichadi kunonokera, kana wanzwa paya pandati ndichambonobvunzira kuvadzimu anga ari manyepo sezvo ndanga ndichida kuti tionesane kuti toita muripo upi", vakadero mambo Nyamatsimba. "Ngaatipe vanasikana vake vaviri toita umwe neumwe wake vova vakadzi vedu", anodero Madzvike. "Zvino angori nevanakomana voga zvinozobuda here jinda rangu?", akadero Nyamatsimba.Donzvo redu rakare taida kutora zvipfuyo zvose zvaMudzvovakamwe zvino ndiwo mukana uyu nekuti tinoziva kuti haafi akaita vanasikana vaviri sezvo baba vake vakafa vaine vanakomana chete saka isu zvinozotipa kuti tizomuti atipe zvipfuyo zvakawanda kwazvo kana azoshaisisa vanasikana vake pachake", akadero Madzvike izvo zvakaita kuti mambo wake aonekwe nyemwerero. "Ndizvo zvandinokudira Madzvike iroro izano kwaro saka iwewe wofuma kunomuudza sekutaura kwawaita kuti atipe mhandara dzake mbiri tozoona zvinotevera pamberi uye kana abvuma okupa machinda anouya kuzotora hambakubvu yake", ndiwo mashoko akava okupedzisira amambo kwakubva vaviri vaparadzana kunoisa nhivi pasi.Rechimangwana nguva yerudzoka mazizi Madzvike anobuda mumuzinda akananga kumuzinda wamambo Mudzvovakamwe uko kwaakasvika zuva ronanaira kutungidza nhongonya dzeharahwa. Mambo Mudzvovakamwe vachiona jinda rasahwira wavo richipinda mumuzinda vakabva vaziva kuti kuchema kwavo kwakanzwikwa. Jinda rakasvika kwakukwazisana ndokubva vatorana kuinda kuimba yamatare uko kwaiti mambo nemuninina wavo Mupwanyanzombe uye nemachinda avo matatu pamwechete naiye Madzvike. Mumba makamboita runyararo ndokubva Madzvike anzwikwa kugadzirisa pahuro. "Ndatumwa neshoko iro ranzi zviri kwamuri kufuka kana kuwarira", akadero Madzvike izvo zvinopa vose vaiva muimba umu kutarisana. "Uchirevei Madzvike?", anobvunza Mupwanyanzombe. "Vadzimu vaNyamatsimba vatendera kuti mukoma wako arapwe nehambakubvu dzavo asi vati panoda muripo kuti muiwane", akadero izvo zvinofadza wese aiva muimba umu. "Hapana chakaipa zvino muripo wacho zvanzi ndeupi?", akadero Mutangemhanza. "Panodikwa vanasikana vaviri vanyamurapwi avo vachazobatidza chiruvi kumuridzi wehambakubvu", akadero Madzvike izvo zvinoita kuti zviso zvewese aiva mumba umu wire pasi. "Mwanangu unenge unoona ini ndine vanakomana chete handina musikana pamwe mukadzi wangu zvaakazvitakura pangagona kuita mwanasikana sekutaurwa kwazvo navaoni vezvemberi, zvino chokupikisa handina sezvo muripo hausati wavapo", vakadero mambo Mudzvovakamwe vachitura befu rekuratidza kupererwa."Musanyanya kuzvidya mwoyo mambo wangu. Sahwira wenyu anoziva kuti hamusati maita mwanasikana zvino ati anokupai kunyangwe musati maripa asi pachazozvarwa vanasikana ava mouya navo sekutaurwa kwazvakaitwa nevadzimu vake", akadero Madzvike zvino mambo nekuda kurarama havana kupikisa kunyangwe machinda avo haana kuzviramba. Kubvuma kwakaita mambo vakabva vanzi chindipai jinda rekuinda naro ridzoke nehambakubvu yacho apo pakabva pasimuka weropa anova akazvisarudza oga. Mupwanyanzombe naMadzvike vanoonekana nevamwe ndokutsika matama enzira vonanga kwaNyamatsimba . Nguva iyi rwendo rwakaita rwupfupi kuvaviri ava sezvo vaifamba vachitaura dzakasiyana siyana uye zuva iri Mupwanyanzombe ndipo paakaona kusununguka kwaMadzvike izvo kusaziva kuti mabasa eshato iyo yava nemazuva mashanu isina chayaisa mumuromo zvino kwava kutsvaka chokubata ura.Mheterwa nemiridzo payainzwikwa iyo yaiva yevafudzi vemombe vainge vomanyirana kuvharira zvipfuyo ndiyo nhambo yakasvika vana Madzvike avo vanoonekwa namambo vachiri kusiwo ndokubva vatosimuka kunanga kuimba yevaeni. Vakasvika ndokukwazisana kwakubva Madzvike apira mambo wake zvaivapo kwakubva Mupwanyanzombe apuwa hambakubvu yake. "Mushandisirwe wehambakubvu iyi ndeunoti demhe rayo chete ndoo risingadyiwi asi zvimwe zvose zvinofanirwa kudyiwa, hapana chinoraswa kusanganisira nezvose zvemukati meura . Muchidimbu ndingati vamwe vanosvina vachirasha tsvina iya zvino pakurapwa kwechirwere ichi hapatenderwi kusvina chero chiduku duku zvacho. Kana usina kunzwisisa bvunza sahwira wangu", anodero Nyamatsimba. "Muchireva here kuti netsvina yayo inodyiwa kana kuti inotumburwa yoraswa?", akabvunza Mupwanyanzombe. "Shoko randereva rinoti chinoraswa idemhe chete zvimwe zvose zvinodyiwa ndiko kuti upenyu hwamukoma wako huvepo", akadero Nyamatsimba ndokubva Mupwanyanzombe agutsurira kuratidza kunzwisisa. Chimwe chokupedzisira kana vapedza kudya ndinovada muzuva reshanu kugomo _Chemakona_ ndigosuka tsvina yehambakubvu yavanenge vadya", akadero Nyamatsimba. Mupwanyanzombe akazooneka mushure mekunge apuwa chikafu. Haana kuda kuvata sezvo aida kuti mukoma wake akasire kurapika. Akaritimba sango husiku ihoho ndokusvika kumuzinda pwere dzadiridza paruvato dzimwe dzashanduka rushanu rushanu. Akananga kuimba yamukoma wake uko kwaakatanga kugashirwa Masiyandima ndokuzomutsa mambo kwakuvapa hambakubvu yavo ndokusiya ose mashoko ainge ahwereketwa sezvaari.Mambo havana kuda kutambisa nguva sezvo hambakubvu iyi yaidyiwa iri mbishi zvino vakabva vatanga kuidya sekurehwa kwazvo naNyamatsimba. Pasina nguva vainge vapedza zvino vainge vasarirwa kuinda kugomo rainge rataurwa. Kudya kwakaita Mudzvovakamwe hambakubvu mushure mezuva rimwechete ainge onzwa kuti marwadzo enyama apera zvino mushure memazuva mashanu apo chava chigwindiri vakatorana mambo, Mutangemhanza, nemuninina wavo ndokunanga kugomo Chemakona uko kwavakasvika nekusangana naNyamatsimba aina Madzvike. Vanotekaira ndokupinda mune rimwe sango umo maiva nekarwizi kaiyerera mvura misi nenguva ingava nhambo yechirimo kana zhizha waingoona kachierera mvura asi kwayaibva nekwayaienda aiziva hapana. Nyamatsimba anoita chivanhu chake sekuziva kwake ndokunwisa Mudzvovakamwe mvura yekuyerera iya. Vachipedza kumwa Nyamatsimba anonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Mudzvovakamwe zvandakaita izvi nevadzimu vangu hazvifambidzani ndinovimba unozviziva, asi sewe sahwira wangu ndakanzwa tsitsi ndoo sekera ndakatambanudza ruoko rwangu kukupa hambakubvu kuti chirwere chako chirapike mangwana ndizomukawo ndichikuona uchitsika rinomuka. Asi sechibvumirano chedu ndakanga ndakati ndinoda vanasikana vako vaviri semuripo vazoita vakadzi vangu. Chinzwa zvandazofunga iwe uri sahwira wangu saka zvausati wava nevanasikana chindipa zvipfuyo zvemombe zana nemakumi mashanu wochirega hako kundipa vanasikana vako sezvo watora nyoka yababa vako yekuita vakomana voga. Ndingadai ndati ndisarudze vasikana vandinoda mumuzinda wako asi hazviiti ndanga ndichida wawakatumbura iwewe", anodero Nyamatsimba izvo zvinofadza Mudzvovakamwe nemachinda ake sezvo zvedi ainge asati ava nemwanasikana. Mudzvovakamwe anotenda zvikuru kwazvo ndokubva vazoonekana kwakudzokera kumuzinda kwavo umwe neumwe. Zvineiwo Mudzvovakamwe anosvika kumuzinda mukadzi wake abatsirwa mwanasikana uyo waakatumidza kuti *Mirirai*. Mutangemhanza anotumwa nezvipfuyo kwaNyamatsimba aina Chirashauta naMandigona avo vaiva vachiri majaya madiki. Vakanosvika nezvipfuyo zvinova zvakafadza Nyamatsimba. Mazuva akazopindana ikava mwaka ndokuva makore. Mombe dzaNyamatsimba dzokubva kwaMudzvovakamwe dzainge dzaberekana ndokuzadza Muzinda sezvo dzimwe dzainge dzabereka rutatu dzimwe rushanu uye shoko rekuti Mudzvovakamwe ava nemwanasikana rainge rakapinda munzeve dzake ndokumbomira achifunga kuti pamwe angaita umwe wepiri asi haana kuziva kuti ndiwo magumo enyoka yamambokadzi wekwa Mudzvovakamwe. Mirirai zvaainge ava chimhandara zvekuti miridzo imwe ainge ocheukirawo uye mwanakomana wavo mambo Mandigona ravawo rume chero hazvo ainge asati atsvukisa chiruvi, ndipo pakatanga manyamamirenerongo kubva kumuzinda wamambo Nyamatsimba. Nyamatsimba akatiwo agere nejinda rake anoonekwa kukwenya mhanza izvo zvakaita kuti Madzvike abvunze. "Mambo wangu manguri makwenya mhanza, kutsvene here?", anodero. "Nguva iya yasvika kuti tichirozva hupfumi hose hwa Mudzvovakamwe sekuronga kwatakamboita makore apfuura", akadero mambo. "Manga marevei Mambo wangu?", akabvunza zvekare Madzvike sezvo ainge akanganwa. "Ndinoda kukutuma kumuzinda wamambo Mudzvovakamwe unovati ndazofunga zvakare ndava kuda muripo wangu wehambakubvu watakawirirana pakutanga uye umuti mombe dzako ndinodzosa asi sezvo aine mwanasikana umwe chete umuti ndinoda vaviri veropa rake vaakatumbura iye omene kwete kundipa mutorwa bodo", akadero mambo. Madzvike achinzwa izvi anonyemwerera sezvo nyaya yose akabva aiziva. Akabva avhomora bvumo rake ndokutanga kuri tambisa tambisa achirikanda mudenga. "Ndainge ndanguri ndakamirira nhambo ino mambo wangu kusvika pakutozvikanganwa asi ramareva ndarinzwa ndichamukira rumamahovo ndosvikawo kumuzinda wake pwere dzichipedzisa kudiridza paruvato", akadero Madzvike ndokubva vazotanga kutaura dzakasiyana siyana havo. Zuva rakazovira vanhu kwakuvata. Madzvike anovata dzetsuro, sekureva kwake anomuka rumamahovo ndiye dza munzira kumuzinda waMudzvovakamwe uko kwaanosvika zuva richagobuda uye anoita rombo rakanaka kuwana mambo vari voga mudare netumajaya. Vana Mupwanyanzombe, Mutangemhanza , Mukombachoto naMasiyandima vainge vasimo mudare. Mudzvovakamwe achiona jinda raSahwira wake anonzwa kufara kukuru kwazvo ndokukwazisana apo paanonzwikwa kutaura. "Ndatumwa neshoko navasahwira venyu", akadero Madzvike. "Hazvina kuipa ndakateya nzeve", vakadero mambo. "Nyamatsimba ati pahambakubvu iya yandakakupai mukandipa zvipfuyo ati ndazofunga zvakare handichadi zvipfuyo ndavakuda muripo wangu watakanga tavimbisana pokutanga uye zvipfuyo zvenyu ati ndinodzosa. Sekutaura kwaaita ati handidi mutorwa pavanasikana ava ndinoda veropa renyu", anodero Madzvike ndiye simu kubuda mudare tande nekusiwo guru achibva abuda mumuzinda ndiyo nhambo yakapindawo vana Mutangemhanza mudare apo pavonoshushikana nezvaiitika pana mambo wavo.......... KUPERA KWECHITSAUKO 3
❤️ 👍 🙏 😂 😢 24

Comments