JOHN'S NOVELS🏹🏹
May 28, 2025 at 02:01 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 4 Madzvike zvaakabuda mumuzinda wa Mudzvovakamwe akati ayambuka rwizi ava chinhambwe ndokuona chimuti chemuvenga honye uyo waaiziva semushonga unorapa. Akabva atsauka ndokusvika achikotama pachimuti chiya apo anobudisa nyemwerero ndokubata muchiuno make kuti atore bakatwa rake akwanise kutema chimuti ichi asi zvinomukatyamadza kuona iri hudyu yoga bakatwa rikati wakandiisepi. Anosimuka zvishoma zvishoma ndiye tumbi kwakupukuta meso ake ndokutarisa muchiuno wanei ngoma ndiyo ndiyo. Zvinomunetsa nekuti achibuda mumuzinda waMudzvovakamwe ainge atomboribudisa kwakuzoridzosera achangoyambuka karwizi. Jinda rakabva ratendeuka kudzokera kumuzinda kwa Mudzvovakamwe richitarisa bakatwa. Akati achangoti fambe fambe ndokuona munhu aibva mberi kwake kwakumucherechedza ndokuona ari Mupwanyanzombe. Chakapinda mupfungwa dzaMadzvike ndechokuti Mupwanyanzombe ari kumutevera izvo zvakaita kuti Madzvike avhomore bvumo rake ndokuribatira muruoko. Akafamba zvineiwo ndokubva aona bakatwa rake ava kutosangana naMupwanyadzombe kwakurinonga ndokuripfekera muhudyu ndiyo nhambo inosvikawo Mupwanyanzombe. "Kwakanaka here zvowodzoka zvakare, une chawakanganwa kutaura here?", akadero Mupwanyanzombe achiratidza hukasha. "Kunaya kwemvura sandi vanhu chete vanofara kuti zhizha rava kusvika bodo asi nemhuka dzesango dzinofarawo. Zvimwe pada dai zviri zvipuka zvepasi zvakaita semasvose nezvimwe zviduku zvakatsaukana ndizvo zvingachema kuti upenyu hwedu hwaparara", akadero Madzvike. "Uchirevei Madzvike?", anodero Mupwanyanzombe achinge atadza kubatanidza. "Zviri pachena kunge Mhanza yaMutangemhanza. Kana usina kunzwisisa inda unobvunza shamwari yako yaunoudza chose chakunetsa uye inoziva pfimbi yako kwete wese wese, sezvo nerimwe divi zvine ropa pasi asi akava waunonzwanana naye anokupatsanurira asi kana wazoshaisisa wekubvunza kana kushaya tsanangudzo dzacho unozodzoka kwandiri ndokupatsanurira", anodero Madzvike achibva atotendeuka kwakutanga kufamba rwendo rwake. Mupwanyanzombe anosara akatarisa panhu pamwe achiedza kudzeya mashoko aMadzvike asi rakava rima roga. Akazoita kuvhunduka mushure mekunge paita chinhu chakati chokoto nechokurudyi kwake ndipo paakazoona kuti Madzvike ava chinhambwe. Akada kumutevera kuti anzwisise zvaainge ataura asi pfungwa dzake dzakamurambira ndokubva atanga kufamba nedivi rerudyi kunova kwaisainda naMadzvike. Madzvike anocheuka kwakuona Mupwanyanzombe otora rimwe divi ndokubva aziva kuti sandiye ari kuteverwa ndokubva azonotema chimuti chake kwakutanga kufamba akananga kumuzinda kwamambo wake."Mandigona mira ipapo usapfakanyika waonawo zvandaona here?", anodero Chirashauta mushure mekunge vachangovambuka karwizi kaiva pedo nemuzinda wavo. "Kwete, marevei mukoma?", akadero Mandigona achicheuka cheuka atobaira bvumo rake pasi. "Tarira pawabaira bvumo rako", akadero Chirashauta achibva atovhomora bakatwa rake. "Mandigona achitarisa paya hana yake inorova apo achinge aona iri shato yainge yakatetepa uye yakareba kana kwayaitangira nekwayaigumira yaisaonekwa anobva asimudza bvumo rake zvishoma nezvishoma uku rumwe ruoko rwuchivhomora bakatwa asi achiri kudero anoyerekana atova pasi mushure mekunge shato yotanga mabasa rayo uye kuwira kwakaita Mandigona pasi ainge atomonerwa monerwa muviri wose, zvino shato yainge yooneka kukora kwayo kwese sezvo yainge yadzokedzana kubva pamuteyo wayo. Chirashauta kuwira kwakaita umwe wake pasi iye anowirawo kwakadero mushure mekunge arohwa pashaya nemuswe wayo izvo zvakapa kuti bakatwa nemunhu zviwire mativi akasiyana. Hongu kunze kwainge kwakachena zuva rakateya nyika asi Chirashauta akadziona nyeredzi dzizere denga rose ndiye ziii akadero. Mandigona kana chekuona ainge asisina sezvo ayinge2 ava pakati peshato yakamumoneredza uye yainge ichiri kumumoneredza sezvo musoro wayo wainge usati wasvika, muswe chete ndiwo wainge wapedza basa.......... Mupwanyanzombe anofamba hake akananga kunovhima asi mumusoro make mainge mava nezvaizadze chanza. Aida kuinda kunovhimira kugomo asi nekuda kutsvaka zvaireva mashoko aMadzvike rwendo rwakagurwa negurwe ndokubva ananga kumisungo yake uko kwaakaita rombo rakanaka kuwana pakabatwa mhara mbiri nemhembwe imwechete izvo zvinomufadza sezvo mhara yaidiwa pakuti aroore mukadzi wepiri ainge aiwana chainge changosara izuva rekuroora chete. Akatakura mhuka dzake dzakadero ndokupinda munzira kudzokera kumuzinda uko kwaakasvika zuva richirereka asi kusvika kwaakaita anogashira shoko rinomurovesa nehana pamwechete neshungu dzehasha dzikabva dzamugara meso ake anoonekwa kusanduka nenguva diki diki ndiye simu paainge agara kwaku........... _______________________________________________ Madzvike aiita kupotsera nhanho zvedi aiona ari shure kwenguva nekuti chaaiziva ndechokuti kubata muswe waana Madzvovera kwaainge aita vamwe vaikudana vachiti kuzvisikira moto muziso. Hongu Mudzvovakamwe ainge ava mutana asi chaiva chazezesa pose paasvika vaitoziva kuti vakuru vamasango vasvika vanova ivo vabanduri vamapfupa, vane meso anozezesa kuringa. Vamwe vana samutauri voti vapondi vezvipenyu zvinozvifambira kana kuti vakakatira kwasviba.Zvose izvi aizviziva zvino ainge omanyira kunoisa musoro pamwechete namambo wake kuti ivo vagare vari mberi sezvo varivo vana nyakutokonya. Zuva richitungidza nhongonya dzeharahwa ndiyo nhambo inosvika Madzvike mumuzinda apo paanowana mambo vari mudare vaina *Jerenyenje* uyo aiva Mutevedzeri wejinda guru pamwechete nejengeta mambo ravo iro rainzi Tumbare vaipangana mazano ezvemberi panhau yavainge vatuma Madzvike nayo. Vachiona jinda ravo richipinda mudare mambo vanoonekwa kugutsurira musoro ndokubva Madzvike anyemwerera sezvo ainge aona kuti afadza mambo wake. "Pachipamwe mambo wangu", akadero mushure mekunge agara pachigaro chake uye nhava yakandirwa pasi bvumo chete ndiro rakasara riri muruoko. "Madzoko vekwakadziva kumaodzanyemba, zvikanzi naTumbare maitirei kuti Madzvike ainde oga kwaana vaMadzvovera achabandiwa ari mupenyu . Kutaura kuno anga oda kutokutevera vose naJerenyenje", vakadero Mambo. "Mungatevera bhuru rainda kumho-u here, muchiti ringaitwei, nani uye sei?", anodero Madzvike achibudisa mazino akapesana awo ainge akasviba kunge tsito pachionekwa zvichena zvichena izvo zvaiva zvenzungu dzaanga achifamba achidya. "Ndoo mubvunzo wandavabvunzawo, ini handivhunduki pane chinoitwa newe ndanga ndichiziva hangu kuti sekubuda kwawaita ndiko kudzoka kwako zvino ati kudii Mudzvovakamwe?", vakadero Mambo. "Ndaita huya hwatakanoita paya Tumbare kwamambo Gumbura", akadero Madzvike. "Ndarasika ini kungoti makore apindana ndanga ndisingachazivi zvehondo", vakadero mambo. "Ndasvika tikambokurukura chinguvana ndokubva ndazoitumbura ndangonanga nemudumbu asi ndasiya maura asina kusvinwa", anodero Madzvike. "Ipapo wagona kusamirira mhinduro nekuti zvazvakanakira shoko harivhikwi zvino isu ngatichimupa mazuva matatu kana mashanu tione danho rake tozotangira ipapo asi varwi vedu ngavapirwe shoko takamirira zvinotevera", vanodero mambo. "Idama iroro Tumbare ridza hwamanda yevarwi tiri shure nenguva", anodero Madzvike. Tumbare anosimuka kwakunanga panogara hwamanda ndokuridza yekudana varwi chete avo vanoonekwa kumanyirana kuuya padare. Nenguva isipi varwi vose vainge vaungana mudare ndokubva Madzvike asimuka uyo anonzwikwa kugadzirisa pahuro. "Pamusoroi vakuru nevadiki musashushikana henyu kuona madanwa rakacheka nyika kudai inhau duku duku yatinoda kuti umwe neumwe agare ava kuziva zvino chindipa nzeve dzenyu. Vazhinji venyu muchiri kurangarira here makore apfuura awo pane gore rakauya jinda guru ramambo Mudzvovakamwe nezvipfuyo semuripo wehambakubvu sekukuudzai kwandakamboita", anodero Madzvike. "Hongu mambo wangu tichiri kurangarira", anodero machinda kamwechete. "Ndiyo nhau yamaunganidzirwa. Zvipfuyo izvozvo sandiwo muripo watainge takatenderana naye, tainge takatenderana kuti atipe vanasikana vake vaviri zvino nhasi ndabveko kunomuudza kuti zvipfuyo zvako tava kudzosa iwe wobva watipa muripo wedu wemhandara mbiri. Saka semachinda edu tati muzive uye mugadzirire kuti kana akasatipa mhandara mbiri kureva vanavake tiri kupinda mumuzinda wake nehondo yekuparadza chose chinofema totora pfuma yose uye nuzinda wova wedu", anodero Madzvike apo panonzikwa mheterwa nemaoko kubva mumachinda uko kwaiva kubvumirana nemukuru wavo. Hwamanda yakaridzwa yekunyararidza vanhu ndokubva vanyarara. "Ndiro shoko randareva saka garai naro uye rodzai zvombo tigonoparadza Mudzvovakamwe sekureva kwanda..............",. "Madzvike!!!", Rinonzwikwa inzwi kudaidzira kubva nepasiwo redare izvo zvakaita kuti Madzvike atadze kupedzisa kutaura zvaaitaura munhu wese kusanganisira mambo anocheuka kutarisa kusiwo ndokuona pamire Mutangemhanza uyo ainge akabereka zvombo kumusana uye muruoko muine bvumo iro raipenya kunge runambi rwemoto....... KUPERA KWECHITSAUKO 4
❤️ 👍 🙏 😂 😢 24

Comments