JOHN'S NOVELS🏹🏹
May 30, 2025 at 03:52 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 6 Mukombachoto hasha dzainge dzamubatawo asi nekuda kweruremekedzo rwaaiva narwo akabva azvidzora asi dai akanga ari umwe munhu azviita pangadau pakatsvuka ropa sezvo Mukombachoto zvekutanyangwa aisazvida bodo.Pakazoita rombo rakanaka kubva kuna Masiyandima uyo akazokasira kubata Mupwanyanzombe ndokubvawo zenze rake ravata sezvi Masiyandima ainzwanana zvakanyanya naiye Mupwanyanzombe kubva pakuti aiva munun'una wamambo. "Madzovera zvaita sei, zenze ramunosimudza manzwa pane nyaya here?", anodero Masiyandima akabata ruoko rwainge rwakabata bvumo ndokubva atoritora bvumo riya uye kwakugadzika Mupwanyanzombe pachigaro chake. "Shoko rinoti Mukombachoto ari kubva kukovero asangana naana Chirashauta vachirwa nenyoka, deno asiye zvimwe kuda misodzi iri pamatama sezvo ndiye nyakununura vana venyu asi imi motoda kumugadza bvumo masikati machena. Dzikama Mupwanyanzombe, dzoita hondo ngani mumuzinda umwe chete?", akadero Masiyandima chero hazvo aipota achirungira dovi asi zvakapa Mupwanyanzombe nzombe kutenda Mukombachoto pamwechete nekumukumbira ruregerero. Achipedza kukumbira ruregerero anonzwikwa kutaura. "Saka vaiswa kupi ndinoona mwana wangu", akadero Mupwanyanzombe. "Vaiswa kuna Muturikwa asi ati chimbomirai kuuya kuno ndimbovarapa panguva yataindako namambo", akadero Mukombachoto. "Ndoo mabasa asekuru vangu ko mwana wangu akafa ndisati ndamuona zvokwadi husekuru ndinorasira kure", akadero Mupwanyanzombe asi akadavira hapana. "Saka munoreva here kuti svikiro redu ratadza here kuona kuti vana vemadzimambo vari kuda kuzosangana nezvikara? Radii kuuya kuvadzivisa rungwanani?", anodero achiratidza kushatirwa. "Zvimwe kuda rakafamba rwendo sezvo pandainda kunoridana ndasvika iri nzvimbo chete", anodero Mukombachoto panguva iyi pakabva pasvika rimwe jinda rainge ratumwa kuti vana mambo vachidzoka kuzoona vana vavo apo Masiyandima akabva anorisvitsa kuna mambo avo vaanowana vakagara vakabata shaya muimba mavo. Vakabuda vose kwakunanavidzana ndokunosvikirana naana Mupwanyanzombe paimba yaMuturikwa. Vakati vachisvika ndokuona svikiro ravo ririmo richitopedzisa kurapa majaya aya zvino rakati kupinda kwakaita vana mambo ndokubva rasimika kwakumira. _"Zvaitika izvi zvine dudziro yehupenyu hwemumuzinda uno pazuva ramangwana. Vaisanyepa vaiti pose pane huchi hauregeri kurumwa nenyuchi. Makanga mapfumbatiswa magutwa, iwo matura asingaraviki kana zviri zvipfuyo kunge mavhu nemarara kunyangwe hupenyu chaihwo hwemazana emazana emakore zvanga zviri mamuri asi gonye riripo pakuruma nekuwodza. "Ndabvunza kuti zvakonzerwa nei, vamwe vakati mbudzi inodyira payaka sungirirwa , vamwe vakati nairo zundu riri mundive, vamwe vakati chimwe nechimwe chine mwaka. Zvichiri zvakadero Madzvovera wanditsvaka wandishaya, ndanga ndaindepi ?", rakadero svikiro richibva raseka pakarepo murombo wakanga watopfumbira ndokubva ravhomora tsvimbo yaiva muchiuno maro kwakufamba ndokunoibaira paberevere muri mukati imomo. "Muturikwa pamajaya akavata apa ndinoda kuti umwe chete wavo anenge atanga kumuka umuti asimuke azovhomora tsvimbo iyi opfumbatisa umwe wake muruoko rwerudyi uyo anenge asati amuka ndiko kuti agomukawo", rakadero svikiro ndokubva ratanga kufamba kubuda muimba umu. "Sekuru pamashoko enyu ndaita mutete kudai mandipatsanurirawo ndagona kuabata.Uye ndine nhau yaNyamatsimba yandanga ndatumira nhume kwamuri yandinoda kunzwisisa nekupuwa zano rekuita", akadero Mudzvovakamwe . "Pamashoko andareva ndapindura mibvunzo yose yaunoda kundibvunza. Nyanya kubatisisa pokuti chimwe nechimwe chine mwaka wacho", rakadero svikiro. "Sekuru kana ndiri seni ndagumbuka nekuita kwenyu. Manga musina kuoneswa here kuti vana avo vari kusangana nechikara musango?", akadero Mupwanyanzombe. Svikiro rinofamba richidzoka."Zvandanzi ndiite nevadzimu venyu ndizvo zvandinoita uye sekutaura kwangu zvichava nedudziro mberi dai mashinga mayambuka pamupata uyo. Waunodya naye ndiye achakuuraya asi waunouraya ndiye achakuurayisa. Bata mashoko angu Madzovera" , rakadero svikiro ndokubva ratotanga kufamba ndokubuda mumuzinda. Makasara muine runyararo mumba kunyangwe Mupwanyadzombe hasha dzose dzakabva dzapera sezvo zvaitaurwa zvacho nekwazvaienda akaziva hapana. Vana Mandigona vainge varapwa nesvikiro asi hapana ainge ava kupfakanyika uye Muturikwa akasiirwa umwe mushonga wekuzoramba achivarapa nawo. Mukoma ne munin'ina vakarwadziwa nechimiro chainge chiine vana vavo kusanganisira machinda avo. "Nyoka yaita mabasa aya inofanirwa kupiswa. Mukombachoto newe Masiyandima toranai neamwe machinda munopisa nyoka iyi nekuti inodaidza imwe yayo tikatsikana nedzimwe", vakadero mambo ndokubva machinda abuda kwakuinda kudare uko kwavakangonotora machinda mashanu kwakuita vasere vose ndivo nekusiwo diki. Uyu Mukombachoto ndiye aiva mberi sezvo ndiye aiziva kwaainge abva naana Mandigona. Mambo ne munin'ina wavo vakambosara pamwe naMuturikwa asi vakazobudiswa mushure mekunge Muturikwa ava kuda kubata basa rake sezvo pane umwe mushonga waanga anzi azovamwisa. Mambo vakananga vose kuimba yemukadzi wavo yekubikira uko kwavanowana vakadzi vavo vose vari panzvimbo imwe kwakubva Mupwanyanzombe aparura zvose kuvakadzi vavo avo vanotanga kusvimha misodzi. Pakarepo Madzingaidze akabvawo asvikirana nekuchema kwaana mai vake izvo zvinomuvhundusa uyewo Mirirai akabvawo asvika neshamwari yake iyo yainzi Ratidzo. Mirirai achinzwa nezvamukoma wake anomanya kuimba kwaMuturikwa vari vose naMadzingaidze naRatidzo uko kwavasina kurambidzwa kuona havo. Muturikwa akati ava kuda kuindirira mberi nebasa rake kwakuchida kuti vana Mirirai vachibuda asi vana vanyamunhu vakaramba kubuda kana ari saMirirai akatoti chero kuvata ndinovata muno, awo mashoko aaitaura achirevesa sezvo aisada kuona mukoma wake achirwadziwa kana kubudisa misodzi. Muturikwa chokuita akachishaiwa ndokutanga kuita hake basa rake asi ainge otorwadziwawo nezviso zvaana Mirirai avo vainge vachibidisa misodzi sezvo chimiro chaiva naana Mandigona waisatarisa ruviri bodo. Kubuda kwakaita svikiro mumuzinda rinotora nzira yarisina kubva nayo zvino rinoti richangoyambuka rwizi kwakuyerekana rava pasi awo aiva mabasa eshato iyo yainge izere neukasha nekuda kwekuurawa kwainge kwaitwa imwe yayo. Svikiro harina kuda kurwisa sezvo rainge ragara richiziva kuti mazuva aro ekuzorora akwana. Shato haina kutora nguva yainge yapetanisa svikiro iro rakabva ratosiya nyemba. Munguva pfupi rainge ratomedzwa zvino nyoka yainge yazvimbirwa kufamba isisagoni uye imwe yacho yainge yatozara masvosve sezvo kuuya kwainge kwaita imwe yacho yanga yayedza kuimutsa asi zvakakona n'anga murapwa achida. Vana Mukombachoto vachisvika paiva neiya yekufa vanoona iya yekumedza svikiro apo pakabva patanga bata murefu bata mupfupi. Nyoka nekuda kwehukasha hwayaiva nahwo yakada kusvetukira kwaiva nemachinda aya kuti ivaparadze asi nekuda kwemutumbi wesvikiro uyo waiva mudumbi inotadza kusimuka. Nokudaro yakabva yatanga kushandisa muswe apo machinda maviri anosvikirwa nawo akavarairwa kwakumoneredzwa rutatu vakaita kubatanidzwa panhu pamwechete kwakusimudzwa mudenga ndokuroverwa pasi. Haina kuda kuvaregedza kwakuchitanga kuda kuyedza kusunga vamwe asi vainge vabudikira avo vainge voregedzera miseve . Varwi vainge vasunganidzwa vanoita rombo rakaipa sezvo kubaiwa kwaymiitwa nyoka kwaiiwedzeresa hasha izvo zvakapa kuti ide kufamba kuinda kwaibva miseve uku muswe ichiita kuuzeyesa ichiti zvimwe pada ingakwanisa kubata asi hazvina kuita sekudero chayo chayaitoita kuparadza muti yose yaiva pedo izvo zvakabva zvaitawo kuti vaya vokumonerwa nemuswe vasiye nyemba apo paivawo naMasiyandima uyo akasiya ndimba yainge yatangwa naNyamatsimba. Painge pasara machinda mana basi, zvineiwo nyoka yakazobva yarutsa mutumbi wesvikiro izvo zvakaipa kuti ichiregedza vana Masiyandima zvino panguva iyi yainge yoshandisa musoro. Kusvipa kwayakangoita hameno zvakangoitika munguva pfupi pfupi apo payakatetepa kuita katete tete kwakuyerekana yamonera rimwe jinda iro rakangopetaniswa kamwe chete nekutosiya nyemba. Vamwe vachiona izvi vakatanga kutya vachidududza kusanganisira Mukombachoto. Nyoka zvose izvi zvaiva mumeso ayo uyewo machinda haana kuregera kupotsera miseve bodo. Pakabva paita rimwe jinda rakati ritize iro rakanorovera padombo sezvo raimanya rakatarisa shure. Parakada kuti richisimuka rakanga ratova pakati penyoka ndokusiya yemba nekuda kwekurohwa nehana, hongu nyoka yakaitawo zvayakaita asi chainge chava chitunha kare. Machinda ainge asara maviri bedzi zvino Mukombachoto akabva amira kwakukandira nhava yemiseve kure ndiye vhomo bvumo rake pamwe chete nebakatwa kwakutanga kufamba zvishoma zvishoma kuinda kwaiva nenyoka iyo yaiuyawo kwaaiva. Nyoka ichiona izvi yakabva yamira asi kumira kwayakaita haina kuziva kuti yairasa sezvo yakaerekana bvumo rapinda nepamuromo payainge yakavhara iro rakanyura rose kusara chidimbu chidiki diki izvo zvakaipa kuti itange kushanyarika chainge chotamba muswe chete. Mukombachoko akabva aramba achifamba zvino panguva iyi ainge asara nebakatwa chete. Anoti ava kusvika pairi ndokunzwa kurira nechokurudyi kwake uyo waiva muti waunge wavhunwa nemuswe uyo waida kutoparadza iye. Mukombachoto akangonyemwerera ndokusvetuka paaiva sezvo ndipowo paiuya muti uyu uye haana kuda kutambisa nguva akabva amanyira pamuti uya kwakutanga kutema muswe nebakatwa, zviya zvinonzi nyoka haitemeki inoitwa zvekuchekwa apo akava manyepo sezvo Mukombachoto akaitema neapo painge pakamonera muti. Nyoka ichinzwa kurwadziwa yakabva yasimudza musoro wayo kwakuumanyisa yakananga paiva naMukombachoto uyo aiva mushishi kutema muswe. Rimwe jinda raaiva naro rainge rakangomira rakayeva uko kwaiva kutya kuswedera pedo. Mukombachoto haana kuona kuuya kwemusoro wenyoka asi akazongoyerekana wawira parutivi pake uyo unoti pawainge wava kusvika paari izvo zvaiva mumeso aMutangemhanza ndokubva amanya nhanho nhatu ndiye mudenga kwakuregedzera bvumo rake rinova rakanobaya muromo wayo uyo wainge wakashama ndokuvharika sezvo bvumo rakabata nechepadama kwakubudira seri. KUMUZINDA KWAMAMBO NYAMATSIMBA "Madzvike!!!", rinonzwikwa inzwi kudaidzira kubva nepasiwo redare izvo zvakaita kuti Madzvike atadze kupedzisa kutaura zvaaitaura munhu wese kusanganisira mambo anocheuka kutarisa kusiwo ndokuona pamire Mutangemhanza uyo ainge akabereka zvombo kumusana uye muruoko muine bvumo iro raipenya kunge runambi rwemoto. "Madzvike, Madzvike!! Yawada kutanga iyi unoikunda here sezvo ndazvinzwira wako muromo uchishama?" anodero zvakare Mutangemhanza achiita kupupa nehasha. "Machinda ose chiindai henyu shoko ndiro rataurwa nejinda rangu", rinonzwikwa inzwi ramambo Nyamatsimba izvo zvonoita kuti Mutangemhanza akatyamare uye akafunga kuda kumuregedzera bvumo asi akabva azvidzora. Machinda ose akabuda mudare kwakusara mambo nejinda ravo guru pamwechete nemutevedzeri waro uye jengeta mambo. Mutangemhanza haana kuda kugara pasi akaramba akamira asi ainge ava mukati medare uye zvombo haana kudzisa. Meso ake ainge akaringa paiva naNyamatsimba avo vakabva vasanganidzana. "Une chokwadi here Nyamatsimba pane zvandanzwa uye pane zvakasiiwa nejinda rako kumuzinda wamambo wangu?", anodero Mutangemhanza. "Hazvidi kubvisa kana kuwedzera", anodero Nyamatsimba. "Ndinoda kunzwisisa pawakati wavakuda muripo wekutanga ko mombe dzawakareva sandiwe wakareva here uye kudzosa kwauri kureva dzava nemakore mangani unadzo? Sei uchidero kuna sahwira wako? Unozviziva kuti vane mwanasikana umwe chete asi iwe unoti unoda vaviri kwete umwe chete? Dzora mwoyo wako Nyamatsimba nekuti tiri vanhu vamwe hatidi kuzoti tikasangana topfuudzana", anodero Mutangemhanza apo ainge aderedza hasha dzake."Zvose zvauri kutaura handina chandinokudavira sezvo iwe naMudzovakamwe hamusi veropa. Dai auya ega iye Mudzvovakamwe kana Mupwanyanzombe zvimwe pada ndaivapindura. Chandingakwanisa kukupindura ndechokuti hongu mombe ndiri kudzosa dzamakandipa ndinovimba pasarirwa gumi nembiri dzimwe dzacho dzakaparara", akadero Nyamatsimba asi kuti dzimwe dzakaparara aiva manyepo asi kwaingova kuda kudzosera shoma chete dzimwe osarawo nadzo. "Nyamatsimba yedza kusapinda nemwenje mudziva. Yawada kutanga iyi unoipedza here ndiwo wangu mubvunzo?", akadero Mutangemhanza achinge ashatirwa."Sekureva kwandaita kuti iwe handina chandinokupindura ndatopedza asi ndatokunzwirai tsitsi kuti ndine vandinokwanisa kupindura. Zvino chitendeuka unoudza Mudzvovakamwe kuti auye mbune kana Mupwanyanzombe", vakadero mambo ndokubva vatosimuka kubuda mudare Tumbare achitevera sejengeta mambo . Kwakusara Jerenyenje naiye Madzvike. "Madzvike yawatanga wogwinya kukwinya zvichibvira dai wagara wataura musara pavana. Uko kwaMudzvovakamwe kuuya kuzvisundira mumukanwa mamupere asi inguva yenyu chimboitai tosangana pamuchatangira", akadero Mutangemhanza ndiye tendeu kubuda mudare umo Madzvike anosara achiseka hake. Mutangemhanza akabuda mumuzinda achifamba kunge bhuru ririkutsvaka kwainda mhou. Munzira mose aipishana pfungwa nekuita kwaNyamatsimba asi akazvishora nekudzora hasha dzake kwaainge aita sezvo ainge odemba kuti dai ndamupfuudza asi akazoti kumanya sandiko kusvika. Mupwanyanzombe ari mukufamba kudero mushure mekunge ava kudunhu kwavo ndipo paanosangana neshura. Akati aregedzera bvumo rake panyoka kwakumanya kwaiva naMukombachoto zvino kusangana kwainge kwaita vaviri ava nyoka yakazogumisira yasiya nyemba. Mukombachoto aive asina kana vanga rimwe chete zvaro zvino Mutangemhanza akada kuzonzwisisa chainge chatora nzvimbo apo anotsanangurirwa zvose kubvira pakurwa kwaana Chirashauta nenyoka kusvika avaona uye kuuya kuzoipisa kwakuzosangana neiyi. Vaviri ava vakazoita kuvhunduka pavakaona Masiyandima chava chando pamwechete nekuona mutumbi wesvikiro izvo zvakazonyanya kuvavhundisa. "Zvaakuda mambo vauye vaone vomene mutumbi wesvikiro uye voita chivanhu chavo.Iwe Takawira manya kumuzinda unoudza mambo zviri kuno vauye vaone vomene uye usakanganwa kuti svikiro hakuchina kuitira vauye vachiziva", akadero Mutangemhanza ndokubva Takawira asiya vaviri ava kwakumanya kuinda kumuzinda. KUPERA KWECHITSAUKO 6
❤️ 🙏 👍 😮 😢 20

Comments