JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 2, 2025 at 03:53 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/LInebKLwTkxFDEnsKOaAxx
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 9
KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Kubuda kwakaita Madzingaidze muimba maiva nana Chirashauta vakafunga kuti pamwe achadzoka asi hazvina kuita sekudero . Hapàna akafungira kuti chiyi chaita asadzoka asi kuti vakatogocha nyama yavo kwakumusiirawo yake . Vakadya nyama vari vana apo paingoonekwa kuti zvedi vàripamafaro . Kana waiwona Nyaradzai waigona kutofunga kuti anenge weropa rimwe nevatatu ava nyambisirwe kungori kuwirirana. Pazviso Mirirai naNyaradzai dzaiva tsvarakadenga kupinda mhandara dzose dzaiva mumuzinda uyu nyangwe hazvo Mirirai ayizova kumberi nekuda kwesaka raayiva naro uye chiso chake chayiva chakaita kunge hurungudo uyewo chaNyaradzai chainge chakaita kunge chimiro chezai . Kufamba nguva refu kwavayinge vaita vose vasikana ava kwakaita kuti vaite kakufanana pazviso zvavo kune avo vaiwona uye ayisave manyepo . Zvisinei zuva rinoti parainge rotekaira kupinda parakambopinda napo nezuro iyo inova nguva yainzwikwa miridzo neruzha rwaibva kumavirira avo vanova vafudzi vezvipfuyo ndiyo nhambo inobuda Mandigona , Chirashauta , Mirirai pamwe chete naNyaradzai muimba yehurapwa mushure mekunge sekuru vati ravo basa vapedza. Vakananga kuimba huru yamai Mandigona yekubikira uko kwavakawana Mambo varimo kusanganisira Mai vaChirashauta uye vaMandigona kunze kwamainini chete ndivo vaiva vasimo. Hazvina kushamisa mambo sezvo vainge vatumirwa nhume kuti vana vavakuuya ndapedza kurapa ndizvo zvakazoita kuti vagare panhu mamwe chete nemukadzi wavo newaBamunini. Mai vaMandigona vanoibudisa misodzi yemufaro sezvo vainge vava chembere saka vainge votyirawo kubvutirwa rimwe rezai ravo . Mumba makava nemufaro zvaingoda kuzvionera wega , Mambo vakatomboti kanganwei nezvenyaya yaiva mumuzinda.
_________________________________________________
Mupwanyanzombe akazoyeuka kubuda kwainge kwaita Mukombachoto achinorasa mvura asi chinomunetsa ndechokusazodzoka kwaayinge ayita asi imwe pfungwa yake yakamuti pamwe kubuda kwaakaita akasangana nekamhandara sezvo Mukombachoto ayiva dzvetsva vakadzi .
Akashaiwa kuti oyita sei omumirira here kana kuti odzokera kunomutora asi akazoona kuti nekwaayinge ava kuti adzokera kwaNyamatsimba zvainge zvisisaite sezvo ayinge ava mudunhu ravo . Chimwe chinhu zvakare akaona utoriwo mukana wekusvika achiuraya mambo iye Mukombachoto asati asvika . Anobva padombo paayiva kwakutanga kudzikanda nhanho onanga kumuzinda. Panguva iyi rume rainge razvipira kutopfuudza mukoma waro . Madzingaidze kupinda kwaakaita muimba yaamainini vake apo paanosvika vachibika anosvikogara pachigaro chaivamo nyama dzake dzinotanga zvakare kufambwa namasvosve ndizvo ndizvo kunaiye Marwei. "Maswera sei amai", akadero Madzingaidze. "Ndaswera waswerawo sei Madzingaidze", anodero Marwei achibudisa nyemwerero pachiso chake. "Ndaswera hangu ndakuigirai usavi nhasi ndoda kudyira muno ramakabika musi wemarooro enyu rakandinakira dzokororai zvakare", akadero achisukudzira huni zvineiwo Marwei ayinge akagara nechemberi kweimba uyu Madzingaidze akagara nechekusiwo zvinoreva kuti vainge vakatarisana.
Marwei akaona kunge Madzingaidze achinja kubva zvaayinge awona makuseni izvo kwete mwanakomana ayishaiwa kuti oyitumbura nepapi . Marwei akabva asimuka kwakutora usavi huya ndokuisa mberi kwemba kwakudzoka kugara apo paanoresva kugara akavhura shashiko yake uko kwaiva kuda totanga mwana. Vakataura tunyaya twaisava nebasa uyu Madzingaidze ayinge ongoisa meso ake pamakumbo amainini vake awo ayiva panze asi pokutangira ayishaya izvo zvinova zvakazoita kuti Marwei atsvake imwe nzira .
"Madzingaidze nditumburewo pagumbo rangu apa parikungondirwadza kubva makuseni", akadero Marwei achinongodza pasi petsoka izvo zvakapa kuti mwanakomana adzise nhava yake yaiva ichiri kumusana kwakutora museve umwe chete ndokufamba achiinda pavaiva asi pakabva papinda huku mumba dzaidzingirirana izvo zvakaita kuti Marwei asimuke ndokuvhara musiwo kwakudzoka kugara uyuwo ndokuchibata gumbo ramainini vake avo vaingonongedza paisaratidza kuva nemunzwa .
Hameno chiyi chakanyatsoitika vaviri ava Vakayerekana vambundirana tsvodi ndiwo wanga wava mutauro wavo . Pasina nguva vainge vatoita mutambo wevakuru rakacheka nyika. "Mondiregererawo amai nezvandaita musandireverawo kuna baba", akadero Madzingaidze. "Usatya Madzingaidze Sandi kuda kwako ndakakuda kubva kare kuzoroorwa nababa vako zvakazongoitikawo asi munhu wandaida ndiwe kungoti hauna kumbondipfimbawo asi zvataita izvi ngazvive zvedu toga", akadero Marwei asi zvimwe zvaayinge otaura chero iye akashaya kwazvainge zvichibva . Madzingaidze akasvoda kuudza amainini kuti ndinokudaiwo asi nechemumoyo ayifara. Marwei akazovhura musiwo kwakubva Madzingaidze atanga kuvhiya mhuka yake iya apo panova paakazoudza mainini vake nezvekuvada kwake. Vaviri vakanga vatova murudo nenguva pfupi pfupi. Akapedza kuvhiya mwanakomana uku Marwei achibika kasadza vachitaura zvavo nhaurwa dzaipisa nyemwerero kuneuyo nyakuteerera . Sadza richiibva Madzingaidze anoita nyama yekugocha iyo isina kutora nguva kuibva kwakutanga zvavo kudya . Madzingaidze achipedza kudya akabva abuda muimba iyi kwakunanga kugota rake . Mwanakomana mufaro waayinge avanawo kubva panguva iyi wainge wakapfurikidza mwero sezvo ndiko kwaiva kutangawo kwake kupinda murudo.
Mupwanyanzombe anosvika mumuzinda kwakunanga kuimba yemukadzi wake mukuru uko kwaakasvikopihwa chikafu chake ndokudya.
Achipedza kudya anobva ayinda kuimba yaMarwei uko kwaanoti achingobuda panze ndokuona Madzingaidze achipinda mugota make asi Mupwanyanzombe haana kuziva Kuti jaya rake ranga richitobva kuimba yaMarwei.
Mupwanyanzombe akasvika ndokupinda umo maanowana Marwei achirongedza pavainge vadyira ndokubva agara pachigaro chimwe Chete chainge chakagarwa naMadzingaidze.
Mupwanyanzombe paanotsveta meso ake kuneTsvarakadenda Marwei anonzwa kutekenyedzwa munyama dzake ndokungosekerera iyo nyemwerero yakaonekwawo naMarwei uyo akabva ayidzoserawo ukagoti Marwei ayiva nesaka seraMirirai . "Madzoko vaMadzvovera , maswera sei", akadero Marwei ayine nyemwerero pameso ake. "Ndaswera mukadzi wangu waswera seiwo", anodero. "Ini ndaswera zvangu kwanga kurisei kumasango", anodero Marwei achipakurira murume wake sadza ndokumugadzikira pamberi pake . "Kutsvene hako manyaro Chete", anodero achitotanga kudya . "Marwei anotanga kupishana nepfungwa Kuti oyita sei pakati pevaviri vava baba nemwana. Hongu ayinge ambofunga kupfuudza Mupwanyanzombe asi ayinge omuda zvakare . Akasimuka mwanasikana kwakunotora mushonga waayinge achida kuurayisa murume wake ndokuuita kupotsera kunze kwechivanze sezvo wainge wakaita madota madota wakabva watorwa nemhepo zvekuti chero vakaona hapana akaona Kuti arasei uye chawirepi sezvo zvakaperera mumhepo. Akabva adzoka maiva neMurume wake ayinge azvipira kudanana navo vose sezvo ayivada . Mupwanyanzombe akati achipedza kudya kwakudzokera kuimba yemukadzi mukuru wake uko kwaayida kunotora zvombo zvake zvaayinge asiya . Akasvikopinda ndokuwana mukadzi wake arimo asi kungomuona kwaakaita moyo wake wakabva wasviba kwakufinyamisa chiso chake .
Panguva iyi Mupwanyanzombe anoona chiso chamai Chirashaura chakaita kunge chemhuka yesango . Anozvibvunza asati agara pasi Kuti ndini rakaroora mukadzi uyu here asi anoina arimanyepo kana nekuzogara pasi haana .
Akabva angononga zvombo zvake akafinyamisa chiso kwakubuda asina raataura nemukadzi wake. Ukuwo Mai Chirashaura chiitiko ichi chinovavhundusa sezvo ndiko kaiva kokutanga kuzviona kubva kumurume wavo asi vakangofunga Kuti pamwe pane mashoko avasangana nawo nekuti hapana chavakafungira . Vakabva vadakumisa murume wavo kuti vamubvunze Kuti kokufinyamisa chiso wakanditarisa chiyi asi vakabva vati ndichazovabvunza husiku takarara sezvo musi uyu vaiuya kuimba kwavo .
Mupwanyanzombe anobva azoinda kudare uko kwaakasvika Mukoma wake arimo pamwe Chete na Mutangemhanza. "Madzoko vaMadzvovera", anodero Mudzvovakamwe .
"Ndadzoka Mukoma avamanheru", anodero Mupwanyanzombe.
"Ko Mukombachoto asarepi zvawauya wega", vakadero Mambo . "Tati tosvika parwizi apo akati ndakumbonotarisa misungo yangu ndokubva taparadzana", akadero izvo zvisina akapikisa. "Tipire tinzwe hanziyi naNyamatsimba", anodero Mambo. "Shoko rake haasi kuchinja ndiro ndiro ndamboyedza kumuonesa asi aramba akatsika madziro", akadero Mupwanyanzombe. "Zvino pane danho randanga ndafunga Kuti timbononzwa kun'anga iya Gunamakwati yekungotaurwa nevamwe Kuti inobetsera pamwe ingatipawo mazano ekuita nekuti isu muripo wake takamupa , kudayi Svikiro riripo raitibatsira zvino vadzimu vakaitawo nepavo", anodero Mambo ndokubva Mupwanyanzombe anyemwerera nechomumoyo sezvo akatoona uriwo mukana wekutouraya mukoma wake . "Idano rakanaka mukoma ramafunga zvino kunoindwa nani nani ini ndaneta makumbo angu haachadi", akadero . "Ndokwanisa kuinda naMutangemhanza pamwe tinoita mazuva maviri kana nechidimbu sezvo Kure uye afamba apota wosara wakachengeta Muzinda uye tichasimuka jongwe repiri rarira", vakadero Mambo . "Asi ini sekuona kwangu hongu ngatimboita sekureva kwenyu mambo asi chandinoona Nyamatsimba anoda kungopfuudzwa", anodero Mutangemhanza achiratidza kusafara pachiso chake. "Haasi manyepo kana ndiri seni ava kuzondigumbura chirega tigononzwa Kuna Gunamakwati", vanodero Mambo. Havana kuzoramba votaura sezvo zuva rainge ravira mambo vanosimuka kwakuinda kuimba yemukadzi wavo yekubikira uko kwavakasvika Mandigona ,Mirirai naamai vavo varimo uyu Nyaradzai ayinge ambonobikira ambuya vake sezvo ayigara nambuya vavereki vake vose vainge vakaramba kurarama. "Maswera sei Madzvovera ", akadero Mandigona. "Ndaswera zvangu waserawosei nemuviri", vanodero Mambo. "Ndava mutano ini baba zvekuti mangwana ndoda kutombopinda mumasango kumbonoona misungo yangu ndava nemazuva ndisingaiwoni", anodero . "Iniwo ndine rwendo mangwana pamwe ndichaita mazuva maviri ndisipo retatu ndosvikawo pano", anodero mambo.
"Mafungepi baba", anodero Mirirai. "Vanangu munoona kukura kusvika pano pandiri dayi ndisisiri pano asi nekuda kwevadzimu ndiripo zvino ndichambonotsvaka chingaita kuti ndiwedzerwe amwe mazuva okurarama , Mai venyu vanozviziva kuti ndakamborwara ndikazorapwa zvino ndonzwa kunge zvoda kutanga", vakadero Mambo hongu kutaura kwavo pane zvavaiyedza kuda kureva asi moyo waivarambira ndosekera vaitsunya nekure uyewo Mai vakadaira kuti hongu vanoziva asi Mandigona akada kuyedza kubvunzisisa baba vake avo vasina kuda kutaura zvainzwisisika dzamara Mandigona ati kunababa vake ndinoda kuinda nemi kwamuri kuinda kwacho.Mambo vakamboyedza kumurambidza kuti asayenda asi mwanakomana akazviramba sezvo ayinda kunzwa chairwadza baba vake . Nguva yekurara zvayakasvika mambo vakaudza Mutangemhanza kuti agadzirire jongwe repiri richirira tirikubuda mumuzinda. Mandigona akabva aramba kunorara kugota rake ndokuti anoda kurara nababa vake . Chero hazvo mambo vaisada kuinda naye asi nekuda kwenharo dzake vakarara naye . Baba nemwana vakarara muimba yavo yehumambo asi mambo vanoti vachangorara ndokutanga kurota.
Vanotanga kurota vakarara ndokubva Mandigona apinda muimba mavaiva kwakutora tsvimbo yaiva muberevere remba uyo anobuda nayo kwakunoipa Chirashauta . Tsvimbo iyo payakabatwa naChirashauta vanoona Shure kwake kuine Rovambira yainge yakamira nemuswe iyo yainge yakareba kudarika Chirashauta kwakubva yazvifonyora kudzika pasi musoro wayo wakananga panhongonya yaChirashauta. Panguva iyi mambo vanodaidzira asi Mandigona anobva amanya achiinda divi ravaiva uyuwo Chirashauta anoratidza kuti hapana chaayiona . Panguva iyi Mirirai vanomuona akamira nechokure achitsvimha misodzi ndokubva pasvika mhitsa mbiri dzakabva dzamubata muromo kwakumusunga nemakavi pamwe chete nemaoko izvo zvakava mumaziso aMambo pamwe chete neaChirashauta . Mambo vanoratidza kushatirwa kwakuvhomora bvumo ravo kuti vamanye kumwanasikana wavo asi vakaona zvakare kuti vakabva pavaiva vanovhundusa nyoka yaiva pana Chirashauta ikamuruma . Ukuwo Chirashauta anoshatirwa nekubatwa kwainge kwakaitwa Mirirai ndokubva avhomora bvumo rake chiso chatounyaniswa asi paanoti amanye kunomununura Mambo vakabva vapepuka vachiita kuvhunduka dikita rakati nyakata muviri wose. Vanopepuka mambo kwakuona Mandigona akagara pachigaro akabata shaya uku tsvatsva ichibaka. "Musavhunduka baba ndini", anodero Mandigona sezvo akafunga kuti pamwe baba vavhunduka iye izvo bodo.
"Hausati wavata here, ko tinozofamba sei iwe uyine hope", vakadero Mambo ndokubva Mandigona ayinda pedyo nababa vake kwakuvata . Mambo hope dzakanonoka kuzobata zvakare pfungwa dzavo dzichipishana nekuda kwehope dzavainge varota idzo dzavaisaziva kuti dzirikuda kurevei. Asi sezvo dzisina mugoni vakabva vabatwa zvakare nadzo kwakutanga kurota zvakare. Vakatanga kurota vachiona baba vavo nyakubereka vachisvimha misodzi vakavataris . "Muri kuchemei baba ndiri kutofara kuti ndakuwanai sezvo Kare ndichikutsvakai", anodero Mudzvovakamwe asi haana kuzonzwa mhinduro yababa vake mushure mekunge musiwo wagugudzwa ndokupepuka kwakuona ari Mutangemhanza Jinda rakamutsa mambo waro ndokubva vabereka zvombo vari vatatu sezvo jongwe repiri rainge rarira. Mambo vanobuda mumuzinda nekusiwo diki kwakutora divi rekumuzinda kwaMambo Gumbura. Vakafamba vari vatatu kudero uku mambo vaingova vanyerere vachiyedza kupatsanura hope dzavo asi vakatadza kudzinzwisisa asi chavakazofara ndechokuti vayienda kun'anga saka vakati ndichanonzwa mberi kuti dzinorevei. Vakati vafamba apo vachinge vabuda mudunhu ravo vava muchakasara mesango uye nguva iyi hutunga hunotanga kutsvuka. Nyaya dzakatanga kuchitaurwa dzisinei nerwendo rwavo idzo dzaiva dzakasiyana siyana.
Kufamba kwavayiita Mutangemhanza ndiye ayiva kumberi mambo vari pakati uyu Mandigona ari kumashure . Vanoti kunze kwava kuonekera Mutangemhanza anonzwa kushinyira kunge nyuchi ndokubva acheuka kurudyi kwake asi anoirasa anosanganidzana nemuseve uyo unosvikobaya pahuro ndokubudira seri jinda ndiro pasi dii. Mambo vachiona izvi vanobva vamira kwakudududza kudzoka Shure bvumo richinge rabvomorwa rava muruoko nguva iyoyo vanonzwa mhere Shure kwavo uyo ayiva Mandigona ayinge abaiwa zvakare nemuseve nechepamusoro pembabvu . Mambo vanoshaiwa kuti vobata papi vanoti cheu zvakare wanei mudzimu wadambura mbereko. Nhambo iyoyo vanobva vati tsetu vachiinda kugwenzi raiva kurudyi kwavo ndiye tonono seri kwaro vakasimudza musoro semukwasu mukwasu kuti vaone kuti ndiyani muvengi avasvikira . Vanotarisa mativi ose asi havana chavakaona . Panoita chinguvana vakatonona kudero ndokuzoti nguva yavanoti vasimuke kwakuona hwitangei yaibva nechokurudyi kwavo apo pavanobva vafinyamisa chiso vakaritarira wanei ndi Mupwanyanzombe ayinge akatovanongedzera Museve. Zvombo pasi maoko mudenga Mukoma..................
KUPERA KWECHITSAUKO 9
❤️
😢
🙏
👍
😮
14