JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 4, 2025 at 04:16 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 11 KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Kupinda kwakaita Chirashauta muimba maiva naana mai vake anovabvunzurudza kusuwa kwavainge vakaita asi havana kutaura zvainge zvaitika. Hongu pane zvaainge anzwa asi sezvo amai vake vainge vati hapana chaitika akabva siya zvakadero. Chirashauta akazobuda muimba umu kwakudzokera kugota rake uko kwaakatora zvombo zvake ndokutanga kuzvirodza ari seri gota rake. Anotanga kurodza bvumo riya raainge apuwa nababa vake iro rinowedzera utesvero kupfuura hwaivapo. Ari pakati pekurodza kudero Mirirai anobva asvika aina Nyaradzai. "Mafunga kupi mukoma?", akadero. "Kumbonotarisa misungo yangu ndava nemazuva ati kuti ndisati ndanotarisa kubva paya patarohwa nenyoka iye", akadero. "Musandisiyawo kana moinda",anodero Mirirai. "Chirega kuinda kure ndatopedza tiinde", akadero Chirashauta uyo akabva azopedzisa kwakutorana vari vatatu ndokubuda nekusiwo diki. "Madzvovera mafungepi kwamadungamidzana naana vatete vangu avo?", Chirashauta anocheuka kurudyi kwake vachangobuda mumuzinda kwakuona ari Kurai mwanakomana waMutangemhanza uyo waaiva muzera mumwe naye. "Kumbotwasanudza makumbo ndichinotarisa misungo", anodero Chirashauta. "Ko mukoma Mandigona mavaisepi?", anodero. "Ndanzwa kuti vambofamba nababa", anodero. "Ndanga ndatokanganwa ndakanzwawo baba vangu vachiti vane rwendo zvimwe ndirwo rwaitaurwa. Saka nhasi ndombonovhimawo nemi ndimbodyawo nyama yepamusungo wamambo wangu", akadero Kurai ndokubva vatobatana. Vakafamba vachitaura nyaya ndokuyambuka rwizi kwakunanga kuchikomo uko kunova kwaiva nemisungo yavo yepedo. Vanosvika pamusungo wekutanga ndokuwana usina kubata kwakuudzokorodza kuteya zvakanaka . Vanoinda pane wepiri kwakuona wakabata mhembwe mbiri idzo dzairatidza kuti dzava memazuva maviri dzabatwa ndokubva vadzitora kwakusiya vateya zvakare. Vanoinda kune umwe wetatu kwakuwana pasina chakabatwa ndokuteya zvakanaka. Vanoinda kune wekupedzisira ndokuwana pakabatwa gava kwakuritora sezvo zuva rainge roda kupinda munaamai varo havana kuzonotarisa misungo yaiva kure asi akati ndichamukira mangwana kunotarisa. Vakabva vadzoka kumuzinda uko kwavanosvika zuva richipindawo munaamai varo. Vari vana kudero vakagovana umwe neumwe yake uyu Chirashauta akapa Mirirai yake kuti anoisa kumba iye kwakunanga kudare uko kwaaida kunoona kuti vana Mandigona vasvika here asi anowana vasimo mungori nemachinda chete . Achiona izvi akabva ainda kunotarisa kuimba kwamai Mandigona asi anowana vangori vaviri mai nemwana akabva avaswedza kwakubvunza nezva Mandigona asi anoudzwa kuti vakati tinodzoka mushure memazuva maviri kana matatu. Chirashauta akabva azoinda kuimba kwamai vake. Mambokadzi vainge vongonzwa kupera simba kungoneta neta asi havana kuziva zvazvaireva. Nekuda kwekukwegurawo kwavainge vaita vainge votofunga kuti zvimwe pada nguva yangu yekuzorora yakwana. Vainge vamboudza mai Chirashauta asi vakasimbiswa neshoko rekuti izuva ranyanyopisa. Mambokadzi vakazoti nguva iyo vava kudya chikafu chamanheru vakangogura misuva miviri kwakutovata pedo nemoto mwanasikana wavo akabva avabvunza apo mai vakabva vamuudza zvavainzwa asi chokuita mwana painge pasina kunze kwekutoonekwawo kusuruvara pachiso chake kunge iye ava kutorwarawo uko kwaiva kurwadziwa nechimiro chainge chava naamai vake. Mwanasikana haana kuzopedzisawo kudya akabva anogara pedo naamai vake pakarepo Nyaradzai akabva apinda achiti atore umwe wake vachinorara asi Mirirai akati anoda kurara naamai vake izvo zvisina akapikisa ndokubva vose varara muimba yekubikira hope dzisati dzabata mai vanotanga kutaura kuti Ndiri kupindwa nechando izvo zvakaita kuti Mirirai amanye kunodaidza sekuru vake avo vanouya vachimanya husiku ihoho avo vanoona chimiro chaiva nemuzukuru wavo. Sezvo hwainge wava husiku sekuru havana kuda kumutsa vangu vakawanda vakabva vatorana nevazukuru vavo kwakuinda kuimba yavo yekurapa uko kwavakanotanga kunwisa mambokadzi mishonga yakasiyana siyana ndokubva vambotanga kunzwa zvirinane hope kwakubva dzabata. Mirirai naNyaradzai vakabva varara muimba umu vose namambokadzi. Muturikwa anoona kuti mishonga yake yapera kwakuti hweva huchingobuda ndokunoona murwere wake uyo waanoona ava kunzwa zvirinane ndokubva atora zvombo zvake kwakubuda mumuzinda onanga kumbonotsvaka mishonga kwaaisitsvaka mazuva ose. Marwei akatiwo kupedza kubika musoro uya nezviropa kwakuburira varume vake vari vaviri iye kwakudya rake. Achipedza kudya ndiyo nhambo inosvikawo Madzingaidze ndokumupawo rake uyo anoti achiri kudya mbuya vamarwei vakabva vapinda. Vakakwazisana uyu Madzingaidze kwakuti achipedza kudya ndokuwoneka Mbuya nemuzukuru vakabva vazosara voga. "Nhai muzukuru wakazoita sei zvatisina kunzwa rufu?", vakadero mbuya. "Mbuya ndakazoona zvisingaiti nekuti ndinovada vose", akadero Marwei asi mbuya vake havana kupindura vakangosimuka ndokutobuda muimba umu vachinge vagumbuka neshoko remuzukuru wavo. Marwei haana kana kuzvitsvaka kuti kunei akabva atovata hake kuti ambodzisa chikafu chaayinge adya kana chaifungwa hapana. Zuva rakazoti ravira Marwei haana kubika sezvo iye ainge akaguta uye chikafu chemurume chaivapo. Anoti kunze kwati hunderere ndokuinda kugota kwaMadzingaidze zveneiwo vanosvikirana pasiwo hameno kuti aibvepi Madzingaidze. Mwanakomana anovhura musiwo wake ndokubva vapinda vose. "Madzingaidze ino ndiyo nguva yatichange tichisangana zuva rega rega ndinoziva kuti baba vako vanenge vari kudare asi kana vachinovata kuimba kwavahosi ndinovata newe kuimba huru yangu", akadero Marwei. "Iroro idama chairo zuva rega rega handidi kukushaya Marwei ndinokuda", anodero Madzingaidze ndokubva avhara musiwo kwakuusunga nemukati pakarepo vaviri vanotanga kupanana rudo. Vachipedza Marwei anozobuda kwakunanga kuimba yake yekurara ndokuona murume asati adzoka ndokubva ainda kune yekubikira kwakuona musina munhu ndokubva atora chikafu kwakuinda nacho kuimba yekuvata ukuwo mai Chirashauta zuva rakasvika pakuvira vasina kumboona chiso chemurume wavo. Vakabika sadza amai ndokudya vachimirira kuti murume asvike asi vanosvika pakupedza ndokutorana nechikafu kwakunanga nacho kuimba yokuvata uko kwavakasvikogara kusvika hope dzatanga kuvanyangira asi semunhu aida kuti murume wake asvike akasvinura akamboshingirira ndokuona kuti kunenge kurunda guyo sembwa zvineiwo hope dzakazobata pasina ainge asvika. Mupwanyanzombe aiita kukanda nhanho nemachinda aNyamatsimba uye pfungwa yake aida kusvika achitora Mirirai usiku uhu vanodzoka naye votodzoka naye. Achifamba kudero aitofunga kuti pamachinda ake oita ani jinda guru pamwe chete nemutevedzeri wake. Anobva awona mumuzinda make masara mhare nhatu dzinova dzaizivikanwa dzinoti Mukombachoto, Maronga naTumbare varume ava vairwa zvakangofanana sezvo chaiva chikwata chimwe chete naMutangemhanza. Mupwanyanzombe anoona Maronga anova munununa waMutangemhanza achikodzera kuva jinda rake guru Mutevedzeri oita Tumbare uye Mukombachoto amuita jengeta mambo rake. Akafamba machinda ndokuzosvika pamuzinda munhu wese arovera matama pasi pwere dzashanduka rushanu rushanu dzinodiridza paruvato dzatopedza basa. Vakasvikopinda nekusiwo guru kwakunanga munhanga yaMirirai umo kwavakanowana iri dzvimbo chete. "Muno ndimo munhanga make asi haamo, handei timbonotarisa kuimba yamai vacho yekurara", anodero Mupwanyanzombe ndokubva vadungamidzana uko kwavanosvikowana musina munhu zvakare vakabva vananga kuimba yaamai vake yokubikira uko kwavanosvikowana zviri zvimwechetezvo. Mupwanyanzombe anoshamisika kuti vanhu ava vaindepi asi haana kupererwa nekufunga vakabva vanogara munhanga yake vachiti zvimwe pada kune kwaavainda vachadzoka asi hazvina kuita sekudero dzamara jongwe rekutanga rarira. Repiri kwakurira, retatu kwakurira pasina auya ndokubva vambodzokorodza kutarisa zvakare dzimba dzavo dzose asi chavakawana hapana . Mupwanyanzombe akazofunga kuzozviona kwachena ndokubva vose varara munhanga yaMirirai naiye wacho Mupwanyanzombe. Pakarira jongwe retatu Chirashauta akabva amuka kwakutakura zvombo zvake ndokubuda mumuzinda akananga nekumaodzanyemba uko kwaiva neimwe misungo yake asi yaiva kure iyo inova yavainge vasina kuona zorowacho. Rakafamba jaya kunze kunoti hweee achisvikawo pamisungo yake. Ukuwo kumuzinda Mupwanyanzombe anoti hweva huchingobudawo ndokuinda mudare nemachinda ekwa Nyamatsimba kwakuvesa moto vachimirira kuti kunyatsochena . Vachipedza kuvesa moto munobva mapinda machinda maviri awo aiti Tumbare naMaronga sezvo vaviri ava vaiva nehushamwari saka nguva zhinji vaitofamba vose.Mupwanyanzombe achiona machinda aya anonyemwerera sezvo ayinge atovagadza zvigaro kare. Machinda anokwazisa mukuru wavo nevose vaiva mudare apo panomboita runyararo. "Maronga inda unondidanirawo Mukombachoto", akadero Mupwanyanzombe. "Zuro ndaitomutsvakawo zvikanzi haasati auya zvimwe akauya akauya hake usiku regai ndimbonomutarisa", akadero Maronga ndokusimuka onanga kwaainge atumwa asi anosvikoudzwa kuti haana kuuya. "Mambo wangu haasati asvika", akadero Maronga. Mupwanyanzombe anotanga kunetseka kuti jinda iri riripi asi semunhu ayiva pakumanya akabva atanga kutaura. "Maronga newe Tumbare, mukoma wangu akambofamba asi akasiya anditi ndizopa Nyamatsimba muripo wake waigarotaurika muno mumuzinda ndinovimba munouziva", anodero. "Iri munzeve", anodero Maronga. "Asi chondinetsa handisi kumuona Mirirai wacho pamwechete naamai vake", anodero Mupwanyanzombe . "Mirirai wandakaona zuva richipinda muna amai varo zuro aripo haana kwaainda", anodero Tumbare. Mupwanyanzombe akabva atuma machinda aya kunomutsvaka zvineiwo vanosvikirana navo paimba yevo yekubikira vaina amai vavo kubva kwasekuru. Machinda maviri aya akabva adzoka kuudza Mupwanyanzombe kuti vamuona kwakubva Mupwanyanzombe atorana nemachinda ake okubva kwaNyamatsimba kwakuinda kuimba yamambokadzi. Vakasvika ndokupinda kwakugara vose umwe neumwe pachigaro chake. Mambokadzi vanomutsa babsmunini vavo uyewo Mirirai ndizvo ndizvo kwakubva Mupwanyanzombe anzwikwa kugadzirisa pahuro pake. "Amaiguru vandinavo ava machinda amambo Nyamatsimba, kubuda kwakaita mukoma pane zvavakambotaura here maererano nezvekwa mambo Nyamatsimba?", Anodero Mupwanyanzombe. "Kwete havana shoko ravakataura", vamadero mambokadzi. "Hapana chakaipa pane muripo waifanirwa kuinda kwaNyamatsimba unova wekutsiva kurapwa kwakaitwa mukoma wangu zvino vakasiya vanditi uinde, ndiwo ndiwo wavingwa nemachinda aya", akadero. "Hapana chakaipa itai semashoko emukoma wenyu", vakadero mambokadzi. "Mirirai gadzira zvipfeko zvako tiende ndiwe wakaitwa semuripo pakupora kwababa vako saka wava kunoita mukadzi wamambo Nyamatsimba", anodero Mupwanyanzombe izvo zvakaita kuti mambokadzi vafinyamise chiso uye Mirirai ndokubva aunyanisawo chake. "Ndiyo nyaya yacho bamunini? Iyo ndinoziva vakambotaura nezvazvo asi vaiti muripo wakainda kare uye zvekuti mwanasikana wangu ainde ini ndakavaudza kuti handidi naye tikawirirana saka kana vazotuma imimi garai maziva kuti mwanawangu bodo. Chibudai mumba mangu izvozvi", vanodero mambokadzi vachivhomora huni mumoto vachiti vangabuda asi hapana akatirimuka. "Dzikamai maiguru, machinda aya hapana paangadzokera asina muripo wavo", anodero Mupwanyanzombe. "Baba ini handizvizivi kuti ndiri kunoripa kuneumwe muzinda. Baba vangu havana kubvira vambondiudza zvamuri kutaura izvi uye nyangwe dayi vakandiudza ndaivarambira sezvo ini............ ", Haapedzisi kutaura Mirirai mushure mekunge agadzwa ganyamuto padama nababa ndokunowira pamakumbo paamai vake. Machinda aya anobva asunga Mirirai makumbo nemaoko uyo ainge oridza mhere. Mambokadzi vakada kubata mwanasikana wavo ndokuiregedzerwa tsoka mudumbu ndivo kwakadero sechembere yakabva yatanga kukoniwa kusimuka. Mirirai anobudiwa naye muimba yaamai vake achichema apo kazuva kainge kachangobuda. Machinda emumuzinda achiona izvi anomanya kutora zvombo asi pavanoona Mupwanyanzombe aripo vakabva vadzosera zvombo mudzimba dzavo zvineiwo Mupwanyanzombe akabva ridzisa hwamanda yekudana munhu wese avo vanomanyirana kuuya padare. Vanhu vose vayiuya mudare vaishamisika vachiona Mirirai akasungwa achiridza mhere uku baba munini vake vakamubata padivi pake Paine machinda matatu ayisava emumuzinda. Madzingaidze achionawo hadzvanzi yake yakasungwa anomanya achiindapo. "Aita sei baba?", anodero Madzingaidze achiratidza kushatirwa. Mirirai anotanga kuchema achidaidzira mazita emadzikoma ake matatu izvo zvairwadza vose vomumuzinda. "Garapasi Madzingaidze uchanzwa ndichitaura", anodero Mupwanyanzombe pakarepo mai Chirashauta vanosvika wo. "Aita sei mwana nhasi vaMadzove.....", Havapedzisi kutaura mushure mekunge muromo wavo wasanganidzana neseri kweruoko rwemurume wavo. Madzingaidze achiona izvo zvinomushatirisa asi hasha dzose dzinopera paanosanganidzana meso naMarwei uyo anotaura naye reruoko achimuti gara pasi mwanakomana akabva atarisa kwaiva naamai vake ndokufinyamisa chiso chero hazvo pasina akazviona. Anotarisa zvakare hadzvanzi yake ndokufinyamisa chiso zvakare vakaona vakafunga kuti kushatirirwa baba vake asi bodo. "Maronga tora machinda maviri musimudza mukadzi wangu munomuisa kuimba yake iwe Madzingaidze gara pasi izvozvi", anodero achiratidza hukasha. Madzingaidze akabva agara pasi uye Mai Chirashaura kwakunoiswa kuimba yavo. "Tumbare simuka uudze vanhu mashoko akasiwa namambo", anodero Mupwanyanzombe ndokubva Tumbare ataura sezvaayinge audzwa panguva yavainge vapinda mudare rungwanani apo pavakazonzi vatarise Mirirai. Vanhu vachinzwa zvekuinda kwaMirirai semuripo vakarwadziwa asi chokuita painge pasina sezvo ainzi mashoko amambo. Machinda aNyamatsimba akabva anzi achiinda nemuripo wavo. Nyaradzai akarwadziwa nechiitiko ichi uye Mai vaMirirai vainge vakangounguruka pavainge vawira. Mirirai akabuda mumuzinda achichema asi akamunzwa hapana dzamara vagura mutunhu. Chirashauta zvaakasvika pamisungo yake notarisa yose ndokuona zvaafambira mbongoro yakawora asi anosiya ateya zvakare. Mwanakomana haana kuda kuvhima musi uyu sezvo nyama yaivako kumba zvino akabva atendeuka kudzokera kumuzinda asi anonanga nekudziva ravaisimbogezera ayida kumbonoshamba ozotekaira hake kuinda kumuzinda........ Kubudawo kwakaita sekuru Muturikwa vachinotsvaka mishonga yavo vanopinda munzira vakananga kwaGunamakwati kunova kwavaisipihwa imwe mishonga naye . Vanofamba uku vakabereka zvombo zvavo . Vakati vagura mitunhu vachangobuda mudunhu ramambo wavo vodakunanavira kupinda musango vanoti vachingodarika rumwe ruware kwakuinda panotangira kamwe Kakohora ndokukateedza kuti vachinobata nzira nechepamberi. Vakati vachingopinda munzira ndokuona zvakavavhundusa kwakubva vadududza nhanho nhatu ndokumira . Vachingomira vanowedzera zvakare kuvhunduka sezvo vainge vaona gundu yavakafananidza iri parudyi rwavo . Vanoisa meso avo mberi kwakupukuta kumeso wanei zvaiva mumaziso ndizvo ndizvo Vazukuru vake pamwe chete neJinda guru vakanyura mugwamba reropa . ..................... KUPERA KWECHITSAUKO 11
❤️ 🙏 👍 😂 😢 14

Comments